‘Zvikomborero Ndezveakarurama’
“NDAKANGA ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya,” akadaro munyori wepisarema Dhavhidhi paakanga achembera. (Pisarema 37:25) Jehovha Mwari anoda vakarurama uye anovatarisira norudo. MuShoko rake, Bhaibheri, anokurudzira vanamati vechokwadi kuti vatsvake kururama.—Zefania 2:3.
Kuva akarurama zvinoreva kuita maererano nezvinodiwa naMwari pane zvakanaka nezvakaipa. Pachinotikurudzira kuita maererano nezvinodiwa naMwari, chitsauko chegumi chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinoratidza zvikomborero zvomudzimu zvakawanda zvinowanikwa nevaya vanodaro. Pakati paizvozvi pane zvokudya zvakawanda zvinogutsa mumudzimu, basa rine mubayiro uye rinogutsa, uye ukama hwakanaka naMwari nevanhu. Naizvozvo, ngatimbofunga nezvaZvirevo 10:1-14.
Chikonzero Chakaisvonaka
Mashoko okutanga echitsauko chacho haasiyi mubvunzo kuti ndiani akanyora chikamu chinotevera chebhuku raZvirevo. Anoti: “Zvirevo zvaSoromoni.” Achiratidza chikonzero chakanaka chokutevera nzira yakarurama, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anoti: “Mwanakomana, wakachenjera, unofadza baba; asi mwanakomana benzi unoshuwisa mai vake.”—Zvirevo 10:1.
Vabereki vanosuruvara zvikuru apo mumwe wevana vavo anorega kunamata Mwari mupenyu uye wechokwadi! Mambo akachenjera anosarudza kutaura nezvokusuruvara kwaamai, zvimwe achida kuratidza kuti ndivo vanosuruvara zvikuru. Izvi ndozvakaitika chaizvo kuna Doris.a Anorondedzera kuti: “Ini nomurume wangu Frank takarwadziwa mwoyo apo mwanakomana wedu ane makore 21 akasiya chokwadi. Ini ndairwadziwa mwoyo zvikuru kupfuura Frank. Kunyange zvazvo makore 12 adarika, ronda racho harisati rapora.”
Vana vanogona kuvhiringa kufara kwababa vavo kana kurwadzisa mwoyo waamai vavo. Ngatiratidze uchenjeri tifadze vabereki vedu. Uye ngatiedzei zvose zvatinogona kuti tifadze mwoyo waBaba vedu vokudenga, Jehovha.
‘Mweya Weakarurama Unogutswa’
“Pfuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu,” anodaro mambo, “asi kururama kunorwira parufu.” (Zvirevo 10:2) Mashoko aya anokosha chaizvo kuvaKristu vechokwadi vari kurarama kumapeto-peto kwenguva yokupedzisira. (Dhanieri 12:4) Kuparadzwa kwenyika isingadi Mwari kwava pedyo. Hapana nzira inoitwa nomunhu yokuzvichengetedza—ingava yezvinhu, mari, kana yehondo—ichagona kudzivirira apo “kutambudzika kukuru” kuri kuuya kuchavapo. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14) “Vakarurama [chete] vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo.” (Zvirevo 2:21) Naizvozvo, ngatirambe tichi“tanga kutsvaka umambo nokururama kwa[Mwari].”—Mateu 6:33.
Vashumiri vaJehovha havafaniri kumirira kusvikira nyika itsva yakapikirwa yavapo kuti vatange kuwana zvikomborero zvaMwari. “Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.” (Zvirevo 10:3) Jehovha akagovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Chokwadi akarurama ane zvikonzero zvoku“imba nokufara kwomwoyo.” (Isaya 65:14) Zivo inofadza mweya wake. Kutsvaka pfuma yomudzimu ndiko kwaanofarira. Wakaipa haazivi mafaro akadaro.
‘Kushingaira Kunopfumisa’
Akarurama anokomborerwa neimwe nzira zvekare. “Unobata noruoko rusina hanya, uchava murombo; asi ruoko rwousina usimbe runopfumisa. Unounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; asi unovata hope mukukohwa, mwanakomana unonyadzisa.”—Zvirevo 10:4, 5.
Anonyatsoshanda zvakanaka mashoko amambo kuvashandi munguva yokukohwa. Mwaka wokukohwa hausi nguva yokutsimwaira. Inguva yokushingaira nokushanda kwenguva refu. Chokwadi, inguva yokuita zvinhu nokukurumidza.
Achifunga nezvokukohwa, kwete zviyo, asi vanhu, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa [Jehovha Mwari] kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mateu 9:35-38) Mugore ra2000, vanopfuura mamiriyoni 14 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu—vanopfuura nhamba yeZvapupu zvaJehovha zvakapetwa kaviri. Saka zvino, ndiani angaramba kuti ‘minda yachenera kukohwa’? (Johani 4:35) Vanamati vechokwadi vanokumbira Tenzi kuti vapiwe vashandi vakawanda vachizvishandisa zvakasimba mubasa rokuita vadzidzi maererano neminyengetero yavo. (Mateu 28:19, 20) Uye zvechokwadi Jehovha akakomborera zvikuru zvavari kuita! Mugore rebasa ra2000, vatsva vanopfuura 280 000 vakabhabhatidzwa. Ivavawo vanoedza kuva vadzidzisi veShoko raMwari. Ngatifare uye tigutsikane mumwaka uno wokukohwa nokuita zvizere basa rokuita vadzidzi.
‘Zvikomborero Zviri Pamusoro Wake’
“Mikomborero iri pamusoro wowakarurama,” Soromoni anopfuurira, “asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.”—Zvirevo 10:6.
Ane mwoyo wakachena uye wakarurama anopa uchapupu hwakakwana hwokururama kwake. Anotaura zvine mutsa uye zvinovaka, zviito zvake zvakanaka uye haanyimi. Vamwe vanomugamuchira zvakanaka. Munhu akadaro anoyemurwa navo—kukomborerwa navo—mukuti vanotaura zvakanaka nezvake.
Ukuwo, munhu akaipa ane ruvengo kana kuti pfini uye chinangwa chake ndechokukuvadza vamwe chete. Kutaura kwake kungava kunonakidza uye kunga‘fukidza kuita chisimba’ kwakavanzwa mumwoyo make, asi pakupedzisira anozoshandisa kurwisa chaiko kana kushandisa mashoko. (Mateu 12:34, 35) Kana kuti zvinogona kuitika ndezvokuti, ‘kuita chisimba kuchafukidza muromo wowakaipa.’ (Zvirevo 10:6) Izvi zvinoratidza kuti munhu akaipa kakawanda anogamuchira kubva kune vamwe zvinhu zvaanoratidza, zvakaita sokuvengwa. Izvi, zvinoita sezvinofukidza, kana kuti kuvhara, muromo wake ndokumuita kuti anyarare. Zvino pakadaro munhu akadai angatarisira kuwana zvikomborero zvipi kubva kune vamwe?
“Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa,” anonyora kudaro mambo waIsraeri, “asi zita rowakaipa richaora.” (Zvirevo 10:7) Akarurama anoyeukwa zvakanaka nevamwe, zvinokosha zvikuru naJehovha Mwari. Nokutendeka kwake kusvikira afa, Jesu “akagara nhaka yezita rakanaka kwazvo” kupfuura rengirozi. (VaHebheru 1:3, 4) Varume nevakadzi vakatendeka vakararama chiKristu chisati chavapo vanoyeukwa nhasi nevaKristu vechokwadi semienzaniso inofanira kutevedzerwa. (VaHebheru 12:1, 2) Zvechokwadi, izvi zvakasiyana nezita rowakaipa, rinova chinhu chinosemesa uye chinonyangadza! Hungu, “zita rakanaka rinofanira kusanangurwa kupfuura pfuma zhinji; uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.” (Zvirevo 22:1) Ngatiite zita rakanaka naJehovha uye nevamwe vedu.
‘Murume Akatendeseka Achafamba Mukuchengeteka’
Achisiyanisa munhu akachenjera nebenzi, Soromoni anoti: “Une mwoyo wakachenjera, uchagamuchira mirayiro; asi une miromo youpenzi uchawisirwa pasi. (Zvirevo 10:8) Munhu akachenjera anonyatsoziva kuti “nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Anoziva kudiwa kwokutsvaka nhungamiro kuna Jehovha uye anobvuma nyore nyore mitemo yaMwari. Ukuwo, ane miromo youpenzi anotadza kunzwisisa ichi chokwadi chinokosha. Kutaurisa kwake kwoupenzi kunomuunzira kuparadzwa.
Munhu akarurama anovawo norudzi rwokuchengeteka kusingawaniki kune akaipa. “Unofamba zvakarurama, unofamba zvakasimba; asi unominamisa nzira dzake, uchazikanwa. Unochonya neziso rake, unouyisa madambudzo; asi une miromo youpenzi, uchawisirwa pasi.”—Zvirevo 10:9, 10.
Munhu akatendeseka anoita zvinhu zvepachokwadi. Anoremekedzwa nokuvimbwa nevamwe. Munhu akatendeseka mushandi anokosheswa uye kakawanda anopiwa basa guru. Mukurumbira wake wokutendeseka unogona kumuita kuti arambe ari pabasa kunyange kana mabasa ave mashoma. Uyezve, kutendeseka kwake kunoita kuti pamba pave pakanaka uye pane rugare. (Pisarema 34:13, 14) Anonzwa akachengeteka muukama hwake nenhengo dzemhuri yake. Chokwadi, kuchengeteka kunobva pakutendeseka.
Zvakasiyana nomunhu anorega kutendeseka kuti awane mhindu youdyire. Munyengedzi angaedza kuvanza kusava wechokwadi kwake nemashoko anonyengera kana kuti nokujangarika. (Zvirevo 6:12-14) Kuchonya kweziso rake nemhaka yepfini kana kuda kunyengera kunogona kuita kuti vanhu vaanonyengera vatambure zvikuru mupfungwa. Asi pakupedzisira, kunyengera kwomunhu akadaro kunosvika pakuzivikanwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvivi zvevamwe vanhu zvinooneka pachena, zvichitungamirira zvakananga kukutongwa, asi kana vari vamwe vanhu zvivi zvavo zvinoonekwa pachena gare gare. Saizvozvowo mabasa akanaka kwazvo anooneka pachena uye aye asina kudaro haangachengetwi akavanzika.” (1 Timoti 5:24, 25) Pasinei nokuti ndiani ari kubatanidzwa—angava mubereki, shamwari, wawakaroorana naye, kana waunoziva—kusatendeseka kunopedzisira kwabuda pachena. Angavimbawo nomunhu ane mukurumbira wokusatendeseka ndiani?
‘Muromo Wake Itsime Roupenyu’
“Muromo wowakarurama itsime roupenyu,” anodaro Soromoni, “asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.” (Zvirevo 10:11) Mashoko anobva mumuromo anogona kuporesa kana kukuvadza. Anogona kunyevenutsa uye kuita kuti munhu afaranuke, kana kuti anogona kumuodza mwoyo.
Achiona chiri seri kwemashoko anotaurwa, mambo waIsraeri anoti: “Mbengo dzinomutsa kukakavara, asi rudo runofukidza kudarika kwose.” (Zvirevo 10:12) Ruvengo runokonzera kukakavara munzanga yevanhu, ruchiparira kurwisana. Vanoda Jehovha vanofanira kubvisa ruvengo muupenyu hwavo. Sei? Nokuisa rudo panzvimbo parwo. “Rudo runofukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) Rudo “runotsungirira zvinhu zvose,” kureva kuti “runofukidza zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Rudo rwaMwari harutarisiri kukwana kubva kuvanhu vasina kukwana. Pane kuzivisa kukanganisa kwevamwe, rudo rwakadaro runotibatsira kungorega kukanganisa kwavo kwakadaro kusiya kwepaya chete panenge paitwa chakaipa chakakomba. Rudo runokurirawo kubatwa zvisina kufanira muushumiri hwomumunda, pabasa pedu, kana kuchikoro.
Mambo akachenjera anopfuurira achiti: “Pamiromo younenjere panowanikwa uchenjeri; asi shamhu yakafanira musana wounoshayiwa njere.” (Zvirevo 10:13) Uchenjeri hwomunhu akachenjera hunotungamirira nhano dzake. Mashoko anovaka pamiromo yake anobatsira vamwe kufamba munzira yokururama. Iye kana vaya vanomuteerera havatungamirirwi munzira yakarurama vachiita zvokumanikidzwa—neshamhu yokuranga.
‘Zvichengetere Zivo’
Chii chinobatsira mashoko edu kuti ave ‘kutaura kwouchenjeri’ panzvimbo pokungotaura tunyaya tusina nebasa rose? (Zvirevo 18:4) Soromoni anopindura kuti: “Vakachenjera vanozvichengetera zivo; asi muromo webenzi uri pedyo nokuparadzwa.”—Zvirevo 10:14.
Chinodiwa chokutanga ndechokuti pfungwa dzedu dzinofanira kuzadzwa nezivo yaMwari inovaka. Panobva zivo iyoyo pamwe chete. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Tinofanira kuzvichengetera zivo ndokuchera muShoko raMwari tichiita setiri kutsvaka pfuma yakavanzwa. Kutsvaka kunofadza nokunopa mubayiro zvechokwadi!
Kuti uchenjeri huwanike pamiromo yedu, kuziva Magwaro kunofanirawo kusvika mumwoyo wedu. Jesu akaudza vaimuteerera kuti: “Munhu akanaka anoburitsa zvakanaka papfuma yakanaka yemwoyo wake, asi munhu akaipa anoburitsa zvakaipa papfuma yake yakaipa; nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo.” (Ruka 6:45) Naizvozvo, tinofanira kugara tichifungisisa pane zvatiri kudzidza. Chokwadi, kudzidza nokufungisisa zvinoda kutoshingirira, asika zvechokwadi kudzidza ikoko kunopfumisa mumudzimu! Hapana chikonzero chokuti upi nouipi atevere nzira inoparadza yomunhu anongotaura mashoko asina maturo.
Hungu, munhu akachenjera anoita zvinhu zvakarurama mumeso aMwari uye anoita kuti vamwe vaite zvakanaka. Anova nezvokudya zvokumudzimu zvakawanda uye ane zvakawanda zvokuita mubasa raShe. (1 VaKorinde 15:58) Zvaari murume akatendeseka, anofamba mukuchengeteka uye anotenderwa naMwari. Chokwadi, munhu akarurama ane zvikomborero zvakawanda. Ngatitsvake kururama nokuita kuti upenyu hwedu huenderane nezvinodiwa naMwari pane zvakanaka nezvakaipa.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rakachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kutendeseka kunoita kuti pave noupenyu hwemhuri hunofadza
[Mufananidzo uri papeji 26]
‘Vakachenjera vanozvichengetera zivo’