RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 9/15 p. 3
  • Kufarirwa kweva“Sande” Mazuva Ano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarirwa kweva“Sande” Mazuva Ano
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Vasande
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kuzvipira Kuzvisaririra Kunofadza Mwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Tinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 9/15 p. 3

Kufarirwa kweva“Sande” Mazuva Ano

“Unoyeuka here nguva yataiita setisingadi kutombonzwa nezvemagamba? Izvozvo zvakaita sezvisina kushanda pavanhu vokuAmerica vanosvika mamiriyoni 4,2 vakaona mariro aMai Teresa musi waSept. 13. Kubva zvavafa musi waSept. 5, vanhu vari kuramba vachikumbira kuti Vatican ivaite musande. Voruzhinji vane chokwadi chokuti izvi zvichaitwa.”—Sun-sentinel, United States, October 3, 1997.

MABASA okuyamura nokubatsira vanhu akaitwa nomumishinari weKaturike aMai Teresa anoonekwa nevakawanda seanoratidza chinonzi musande wechokwadi. Magamba arimowo muzvimwe zvitendero. Zvisinei, zvichida hapana anonyatsozivikanwa pachena sezvinoitwa aya anotenderwa neChechi yeRoma Katurike.

Pope John Paul II akazivisa pachena vanhu vanodarika 450 kuva vasande paaiva papa, kuzivisa kunopfuura kwakaitwa nevamwe vanapapa vose vomuzana rechi20 kana kukabatanidzwa.a Nei pane kuzvipira zvachose ku“vasande,” vakawanda vavo vasingatombozivikanwi noruzhinji rwevaKaturike?

Mufundisi weYunivhesiti yeNotre Dame anonzi Lawrence Cunningham anotsanangura kuti: “Vanhu vanofarira pfungwa yokuti munyika mune utsvene. Vasande vanoratidza kuti pane mukana wokuva noupenyu hwougamba, kunyange nhasi.” Uyezve, zvinonzi “vasande” vanogona kunyatsosvika kuna Mwari, zvichiita kuti vave varevereri vanobudirira vevapenyu. Panowanwa marangwanda kana zvinhu zvomu“sande,” izvozvi zvinonamatwa paine rudaviro rwokuti pane simba rinobva pazviri.

Kabhuku kedzidziso dzechechi keDare reTrent, kakabudiswa muzana remakore rechi16 kuti kasimbise dzidziso yeKaturike, kakati: “Tinogutsikana kugumisa kuti, kukudza vasande ‘vanorara munaShe,’ kukumbira kureverera kwavo, uye kunamata zvinhu zvavo zvitsvene nemadota, uko kusingatomboderedzi, asi kunotowedzera mbiri yaMwari, pakuti tariro yomuKristu inova mhenyu uye inosimbiswa, uye iye pachake anokurudzirwa kutevedzera zvinhu zvakanaka zvevasande.” (The Catechism of the Council of Trent, 1905) Ichokwadi kuti vaKristu vechokwadi vanoda kurarama upenyu hwakanaka, kutaura naMwari nenzira yakakodzera, uye kuwana rubatsiro rwake. (Jakobho 4:7, 8) Naizvozvo, maererano neShoko raMwari, ndivanaani vanokodzera kuva vasande vechokwadi? Uye vanoita basa rei?

[Mashoko Omuzasi]

a Kuziviswa pachena kuva musande kunoita kuti munhu weRoma Katurike anenge afa aonekwe seakakodzera uye akafanira kunamatwa nevanhu vose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe