Kuzvipira Kuzvisaririra Kunofadza Mwari Here?
ROPA ra“San Gennaro,” rinonzi rinonyunguduka kazhinji kazhinji katatu pagore, ndichimwe chezvisaririra zvakawanda zvorudzidziso. Ndizvo zvakaitawo Jira reTurin, umo muviri waJesu Kristu wakanzi wakaputirwa. Pakati pezvisaririra zvakabatanidzwa naJesu pane mubhedha wake womwana unofungidzirwa (uri muchechi huru iri muRome), bhuku rake rokuperetera, uye zvipikiri zvinopfuura chiuru zvinonzi zvakashandiswa pakuuraiwa kwake! Zvisaririra zvorudzidziso zvinobatanidzawo chiverengero chakati chemisoro yaJohane Mubhapatidzi uye, munzvimbo dzakasiana-siana dziri muEurope, mitumbi mina inonzi i“Santa Lucia.”
Pakati pamaguta akakurumbira zvikuru nokuda kwezvisaririra pane Trier, Germany, umo imwe ye“chunika tsvene” dzakawanda—nguvo yomukati isina mupendero yakapfekwa naJesu Kristu—yakachengetwa. MuGuta reVatican rimene mune zvisaririra zvinopfuura chiuru zviri munochengeterwa zvinyorwa chaimo. Zviuru chaizvoizvo zvezvisaririra zvorudzidziso zvinochengetwa muchechi ya“Musande Ursula” iri muCologne, Germany. Ndaza yacho ingagona kuramba ichipfuurira. Chokwadi, muItaly moga, mune dzinonzi nzvimbo tsvene 2 468 dzine zvisaririra zvorudzidziso!
Ruremekedzo nokuda kwezvisaririra runodavirwa kuva rwakavamba muzana ramakore rechina reNguva yedu yaVose, sezvinoita kukudzwa kwa“vasande.” Nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso, zvemari, uye kunyange zvezvamatongerwe enyika, chiverengero chezvisaririra chakakura zvishoma nezvishoma mumazana amakore, kuchiva nezviuru zviripo nhasi. Dare Rechipiri reVatican rakasimbisazve kuti “mukuwirirana negamuchidzanwa rayo, Chechi inokudza vasande uye inokudza zvisaririra zvavo zvechokwadi nemifananidzo yavo.” (Constitution “Sacrosanctum Concilium” sulla sacra Liturgia, muI Documenti del Concilio Vaticano II, 1980, Edizioni Paoline) “Zvisaririra zvakatanhamara, pamwe chete neizvo zvinokudzwa nechiverengero chikuru chavanhu,” zvinodudzwa muCodex Iuris Canonici (Bumbiro roMutemo weChechi) rakabudiswa naJohn Paul II muna 1983. (Canon 1190) MaAngirikeni nemitezo yamachechi eOrthodox vanokudzawo zvisaririra.
Nezvinonzi zvipikiri zvakawanda kwazvo zvokuroverwa kwaKristu nemisoro yaJohane Mubhapatidzi zviripo, kuri pachena kuti zvisaririra zvorudzidziso zvinowanzonyengera. Somuenzaniso, kuziva misi yezviwanwa zvekare kupfurikidza nokuora kwakabvumikisa Jira reTurin kuva nyengedzo. Nenzira inofadza, mukati megakava guru pamusoro paro muna 1988, mucherechedzi anosanozivikanwa weVatican Marco Tosatti akabvunza, kuti: “Kudai kukamuranisa kwesayenzi kwakashandiswa paJira racho kwakashandiswa kuzvimwe zvinhu zvokuzvipira kwakakurumbira, mhedziso yacho yaizova ipi?”
Sezvinooneka, hakuna munhu akachenjera angada kukudza chisaririra chenhema. Asi ichocho ndicho bedzi chinhu chokurangarira here?
Bhaibheri Rinotii?
Bhaibheri haritauri kuti vanhu vaMwari vaidiwa, vaIsraeri vakare, vaikudza zvisaririra zvorudzidziso pavakanga vari muusungwa hweEgipita. Chokwadi, tateguru Jakobho akafira muEgipita uye marangwanda ake akapinzwa munyika yeKanani kuti avigwe ‘mubako rakanga riri mumunda weMakpera.’ Mwanakomana wake Josefa akafirawo muEgipita, uye mafupa ake pakupedzisira akaendeswa kuKanani kuti avigwe. (Genesi 49:29-33; 50:1-14, 22-26; Eksodho 13:19) Zvisinei, Magwaro haapi ratidziro yokuti vaIsraeri vakambokudza marangwanda aJakobho naJosefa sezvisaririra zvorudzidziso.
Rangarirawo, chakaitika muchinoitika chomuporofita Mosesi. Munhungamiro yaMwari, iye akatungamirira vaIsraeri kwamakore 40. Ipapo, pazera ramakore 120, iye akakwira muGomo reNebho, akaona Nyika Yakapikirwa, uye akafa. Mikaeri ngirozi huru yakaita gakava naDhiabhorosi pamusoro pomuviri waMosesi, uye Satani akakoneswa mukuedza kupi nokupi kunobvira kuushandisa kuti aise mumusungo vaIsraeri mukunamata chisaririra. (Judhasi 9) Kunyange zvazvo vakachema rufu rwaMosesi nenzira inonzwisisika, havana kutongokudza marangwanda ake. Kutaura idi, Mwari akaita kuti chinhu chakadaro chisabvira kupfurikidza nokuviga Mosesi muguva risina kucherekedzwa panzvimbo isingazivikanwi kuvanhu.—Dheuteronomio 34:1-8.
Vatsigiri vakati vokukudzwa kwezvisaririra vanodudza 2 Madzimambo 13:21, iyo inoti: “Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhi, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha [muporofita]; zvino munhu uyo wakati achigunzva mafupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.” Iri rakanga riri nenji raibatanidza mafupa asina upenyu omumwe wavaporofita vaMwari. Asi Erisha akanga afa uye “asingatongozivi chinhu” panguva yenenji racho. (Muparidzi 9:5, 10, NW) Nokudaro, urwu rumuko runofanira kuva rwakaparirwa nesimba rinoita manenji raJehovha Mwari, uyo akariita kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa. Kunokoshawo kuti Magwaro haatauri kuti mafupa aErisha akambokudzwa.
Vamwe vari muchiKristudhomu vanotsigira kuzvipira kuzvisaririra nemhaka yezvinotaurwa pana Mabasa 19:11, 12, apo tinorava, kuti: “NaMwari wakaita masimba anoshamisa namaoko aPauro [muapostora], nokudaro micheka nenguvo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.” Tapota cherekedza kuti akanga ari Mwari akaita mabasa anopfuura enguva dzose iwayo kupfurikidza naPauro. Muapostora amene haana kuita mabasa akadaro akazvimirira, uye haana kutongogamuchira rukudzo runobva kumunhu upi noupi.—Mabasa 14:8-18.
Kunopesana Nedzidziso dzeBhaibheri
Zvomenemene, kuzvipira kuzvisaririra zvorudzidziso kunopesana nechiverengero chakati chedzidziso dzeBhaibheri. Somuenzaniso, chinhu chinokosha mukuzvipira kwakadaro chitendero mukusafa kwomweya womunhu. Mamirioni emitezo yechechi yakazvipira anodavira kuti mweya yaavo vose vanogadzwa ndokukudzwa sa“vasande” mipenyu mudenga. Ava vanhu vapachokwadi vanonyengetera ku“vasande” vakadaro, vachitsvaka dziviriro yavo nokukumbira kuti vateterere kuna Mwari nokuda kwavakumbiri. Kutaura idi, mukuwirirana nerimwe bhuku ravafundisi, vaKaturike vanoti “simba rokureverera kwaMusande kuna Mwari” nderezvisaririra.
Mukuwirirana neBhaibheri, zvisinei, mweya womunhu hausati uri usingafi. Vanhu havana mweya mukati mavo iyo iri isingafi neinokwanisa kuvapo yakaparadzana nomuviri pashure porufu. Panzvimbo pezvo, Magwaro anoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Panzvimbo pokudzidzisa kuti vanhu vane mweya isingafi, Bhaibheri rinoti: “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4) Ikoku kunoshanda kuvanhu vose—kubatanidza avo vakagadzwa gare gare sa“vasande”—nokuti tose zvedu takagara nhaka chivi norufu kubva kumunhu wokutanga, Adhama.—VaRoma 5:12.
Kuzvipira ku“vasande” kunofanira kudziviswa nemhaka yokuti ivo havana kutongopiwa chiremera chokureverera kuna Mwari nokuda kwomunhu upi noupi. Jehovha Mwari akazivisa kuti Mwanakomana wake bedzi, Jesu Kristu, anogona kuita ikoku. Muapostora Pauro akataura kuti Jesu “haana kutifira bedzi—iye akamuka muvakafa, uye ikoko kurudyi rwaMwari anomira ndokutitetererera.”—VaRoma 8:34, The Jerusalem Bible; enzanisa naJohane 14:6, 14.
Chimwe chikonzero chokudzivisa kuzvipira ku“vasande” nezvisaririra zvorudzidziso zvakabatanidzwa navo chiri muizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pokunamata zvidhori. Mumwe weMirairo Gumi yakapiwa kuvaIsraeri wakati: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo kana kuzvishumira, nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.” (Eksodho 20:4, 5) Mazana amakore gare gare, muapostora Pauro akaudza maKristu biyake, kuti: “Vadikanwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.” (1 VaKorinte 10:14) Nenzira yakafanana, muapostora Johane akanyora, kuti: “Vana vaduku, zvichenjerei pazvifananidzo.”—1 Johane 5:21.
Kukudza “vasande” vakagadzwa nezvisaririra zvorudzidziso, naizvozvo, hakuwani tsigiro muBhaibheri. Zvisinei, vamwe vanhu vanoshuva kuvapo kwechimwe chinhu chinorangarirwa kuva chitsvene chinogona kuonwa nokubatwa uye chinonzi chine simba rinoponesa. Zvamazvirokwazvo, vazhinji vanorangarira zvisaririra zvorudzidziso kuva chikochekanidzo chinooneka mungetani pakati pedenga napasi. Tapota rangarira pfundo iri kwechinguvana.
Hakusati kuri kupfurikidza nokuona nokubata zvisaririra zvorudzidziso kuti munhu anoita mutsinhirano namashoko aJesu pamusoro pokunamata uko Mwari anoshuva. Jesu akati: “Nguva inouya, uye ndizvino, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi, nokuti, zvamazvirokwazvo, Baba vari kutsvaka vakadaro kuti vamunamate. Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Jehovha Mwari “Mudzimu,” usingaoneki nameso avanhu. Kumunamata “nomudzimu” kunoreva kuti basa redu rinoyera kuna Mwari rinosundwa nomwoyo wakazara norudo nokutenda. (Mateo 22:37-40; VaGaratia 2:16) Hatigoni kunamata Mwari ‘nezvokwadi’ kupfurikidza nokukudza zvisaririra asi kupfurikidza bedzi nokuramba nhema dzorudzidziso, kudzidza kuda kwake sokunoziviswa muBhaibheri, uye kukuita.
Hakushamisi, naizvozvo, kuti nyanzvi James Bentley inobvuma kuti ‘vaHebheru vakare havana kushandisa kukudzwa kwezvisaririra.’ Iye anotaurawo kuti mukati mamazana mana amakore pakati porufu rwaStefano nokufukunurwa kwomuviri wake kwakaitwa naLucian, chimiro chamaKristu kuzvisaririra chakachinja chose chose. Pakasvika zana ramakore rechishanu N.V., zvisinei, chiKristudhomu chakawa pakutenda chakanga chatorega kunamatira kudzidziso dzakajeka dzeBhaibheri pamusoro pokunamata zvidhori, mugariro wavakafa, uye basa raJesu Kristu souyo ano“titetererera.”—VaRoma 8:34, NW; Muparidzi 9:5; Johane 11:11-14.
Kana tichida kuti kunamata kwedu kufadze Mwari, tinofanira kuva nechokwadi chokuti hakuna kubatanidzwa nechimiro chipi nechipi chokunamata zvidhori. Kuti kuve kunogamuchirika, kunamata kwedu kunofanira kuenda kuMusiki, Jehovha Mwari, kwete kuchisaririra chipi nechipi kana kuti chisikwa. (VaRoma 1:24, 25; Zvakazarurwa 19:10) Tinofanirawo kuwana zivo yakarurama yeBhaibheri ndokuvaka kutenda kwakasimba. (VaRoma 10:17; VaHebheru 11:6) Uye kana tikafamba munzira yokunamata kwechokwadi, tichaita mutsinhirano noufakazi hukuru hwapaMagwaro hwokuti kuzvipira kuzvisaririra hakusati kuchifadza Mwari.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Mafupa aErisha haana kukudzwa kunyange zvazvo akabatanidzwa murumuko