RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 4/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 19—Mapisarema
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Nziyo Dzakafuridzirwa Dzinonyaradza Uye Dzinodzidzisa
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Dzatinowana Mubhuku Rokutanga reMapisarema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rechipiri reMapisarema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 4/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei zvitsauko nendima zvebhuku reMapisarema zvisingapindirani mushanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana?

Bhaibheri rokutanga rakazara kuva nechitsauko nendima zvakakamurwa ishanduro yechiFrench yakabudiswa naRobert Estienne muna 1553. Zvisinei, zviri pachena kuti bhuku reMapisarema raiva rakatokamurwa kare nguva iyoyo isati yasvika, sezvo raiva mubatanidzwa wemapisarema mamwe nemamwe, kana kuti nziyo, dzakanyorwa nevanhu vanoverengeka.

Zviri pachena kuti Jehovha akatanga kuudza Dhavhidhi kuti anyore mapisarema akawanda okushandisa mukunamata kwepachena. (1 Makoronike 15:16-24) Zvinofungidzirwa kuti Ezra, mupristi uye “munyori wakangwara,” akazova nebasa rokunyora bhuku rose reMapisarema kusvikira zvarakaita iye zvino. (Ezra 7:6) Saka bhuku reMapisarema raiumbwa nepisarema rimwe nerimwe parakanyorwa.

Muhurukuro yakapiwa nomuapostora Pauro musinagogi muAndiyoki (Pisidhiya) parwendo rwake rwokutanga rwoumishinari, akatora mashoko mubhuku reMapisarema ndokuti: “Sokunyorwa kwazvakaitwa mupisarema rechipiri kuti, ‘Ndiwe mwanakomana wangu, ndave Baba vako nhasi.’” (Mabasa 13:33) MumaBhaibheri mazuva ano, mashoko iwayo achiri kuwanikwa mupisarema rechipiri, ndima 7. Zvisinei, pane kusiyana kwezvitsauko nendima zvemapisarema akawanda mushanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri. Zvakadaro nokuti dzimwe shanduro dzinobva murugwaro rwechiHebheru rwevaMasorete, nepo dzimwe dzichibva mushanduro yeSeptuagint yechiGiriki, iri shanduro yorugwaro rwechiHebheru rwakapedzwa muzana remakore rechipiri B.C.E. Somuenzaniso, Vulgate yechiLatin, umo makabva maBhaibheri echiKaturike akawanda, inoshandisa nzira yokuverenga mapisarema inowanikwa mushanduro yeSeptuagint, nepo Shanduro yeNyika Itsva nedzimwe dzichitevera iya yorugwaro rwechiHebheru.

Misiyano ipi chaiyo iripo? Rugwaro rwechiHebheru rune mapisarema 150. Zvisinei, shanduro yeSeptuagint, inobatanidza Mapisarema 9 ne10 kuva rimwe uye Mapisarema 114 ne115 kuva rimwe. Uyezve, inokamura Mapisarema 116 ne147 rimwe nerimwe kuva mapisarema maviri. Kunyange ose achiramba akafanana, kubva paPisarema 10 kusvika kuPisarema 146 mushanduro yeSeptuagint zvitsauko zvacho zvishoma nechimwe chete pane zviya zvomurugwaro rwechiHebheru. Saka, Pisarema rechi23 rinonyatsozivikanwa rinooneka sePisarema 22 muDouay Version, iyo inotevedzera manyorerwo ezvitsauko eVulgate yechiLatin, iyo inotevedzerawo shanduro yeSeptuagint.

Pakupedzisira, nhamba dzendima dzemamwe mapisarema dzingasiyanawo mushanduro imwe neimwe. Nei? Nokuti dzimwe shanduro dzinotevedzera “vaJudha vanoverenga mashoko anosuma sendima yokutanga,” inodaro Cyclopedia yaMcClintock naStrong, asi dzimwe hadzidaro. Chokwadi, kana musoro kana kuti mashoko esumo akareba, anowanzoverengwa sendima mbiri, uye somugumisiro nhamba yendima dziri mupisarema inowedzerawo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe