Uno“mirira” Here?
“Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha!”—2 PETRO 3:11, 12.
1, 2. Tingaenzanisira sei ‘kumirira’ zuva raJehovha?
FUNGIDZIRA nezvemhuri iri kutarisira vaenzi vari kuuya kuzodya navo. Nguva yavanotarisirwa kusvika iri kuramba ichiswedera. Mudzimai wacho ari kupedzisa kugadzira zvokudya. Murume wake nevana vari kubatsira kuti vave nechokwadi chokuti zvinhu zvose zvarongeka. Munhu wose ari kufara. Hungu, mhuri yose iri kumirira nechido chikuru kuona kusvika kwavaenzi uye iri kutarisira kwazvo zvokudya zvinonaka nokushamwaridzana kwakanaka.
2 SevaKristu, tiri kumirira chimwe chinhu chinotokosha zvikuru. Tiri kumirirei? Chokwadi, tose tiri kumirira “zuva raJehovha”! Kusvikira rasvika tinofanira kuita somuprofita Mika, uyo akati: “Ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.” (Mika 7:7) Izvozvo zvinoratidza kusaita basa here? Aiwa. Kune basa rakawanda rinoda kuitwa.
3. Maererano na2 Petro 3:11, 12, vaKristu vanofanira kuva nemafungiro akadii?
3 Muapostora Petro anotibatsira kuva nemafungiro akanaka patinenge takamirira. Anoti: “Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha!” (2 Petro 3:11, 12) Ona kuti aya mashoko okuvhunduka. Petro akanga asiri kubvunza mubvunzo. Mutsamba dzake mbiri dzakafuridzirwa naMwari, akarondedzera kuti vaKristu vanofanira kuva vanhu vorudzii. Akavarayirawo kuti varambe vachiita “mabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari.” Kunyange zvazvo kwakanga kwapera makore anenge 30 kubva apo Jesu Kristu akanga apa chiratidzo “chekuguma kwegadziriro yezvinhu,” vaKristu vakanga vasingafaniri kurara. (Mateu 24:3) Vaifanira ku‘mirira uye vachiramba vachinyatsorangarira’ kuvapo kwezuva raJehovha.
4. Chii chinorehwa noku“nyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha”?
4 Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “muchiramba muchinyatsorangarira” sezvariri rinoreva “kuita kuti chimwe chinhu chikurumidze.” Chokwadi, hatigoni chaizvo ‘kuita kuti’ zuva raJehovha ‘rikurumidze.’ Pamusoro pazvo, hapana “anoziva pamusoro pezuva iroro neawa” apo Jesu Kristu achauya kuzotonga vavengi vaBaba vake. (Mateu 24:36; 25:13) Rimwe bhuku rinotsanangura kuti mudzi weshoko rechiito rakashandiswa rokuti “kuita kuti chimwe chinhu chikurumidze” pano rinoreva “‘kuita kuti zvikurumidze’ uye nokudaro rakada kufanana no‘kushingaira, kushanda, kuva nehanya nechimwe chinhu.’” Naizvozvo Petro akanga ari kukurudzira hama dzake kuti dzide kwazvo kuvapo kwezuva raJehovha. Vaigona kuita izvi nokuramba vachirirangarira. (2 Petro 3:12) Ne“zuva guru raJehovha rinotyisa” rava pedyo zvikuru zvino, tinofanira kuva nemafungiro akadaro.—Joere 2:31.
Mirira Ne“mabasa Matsvene Emufambiro”
5. Tingaratidza sei kuti tiri kuda kwazvo kuona “zuva raJehovha”?
5 Kana tichida kwazvo kuzopona pazuva raJehovha, tichaita kuti izvozvo zvive pachena ne“mabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari.” Mashoko okuti “mabasa matsvene emufambiro” angatiyeuchidza nezvekurudziro yaPetro yokuti: “Sevana vanoteerera, musazvienzanisa nokuchiva kwamaimbova nakwo kare pakusaziva kwe- nyu, asi, maererano noMutsvene akakudanai, imi ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose, nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.’”—1 Petro 1:14-16.
6. Kuti tive vatsvene, tinofanira kuitei?
6 Kuti tive vatsvene, tinofanira kuramba takachena mumuviri, ndangariro, tsika uye mumudzimu. Tiri kugadzirira “zuva raJehovha” nokuzvichengeta munhu mumwe nomumwe tiri mutsvene somutakuri wezita raJehovha here? Hazvisi nyore nhasi kuchengeta kuchena kwakadaro nemhaka yokuti mitemo yetsika dzenyika iri kuramba ichiderera. (1 VaKorinde 7:31; 2 Timoti 3:13) Tiri kuona musiyano uri pakati pomwero wetsika dzedu nedzenyika uchiramba uchikura here? Kana zvisina kudaro tinofanira kunzwa kunetseka. Zvingava here kuti tsika dzedu, kunyange zvazvo dzakakwirira kupfuura dzenyika, dziri kuyeredzwa? Kana zvakadaro, tinofanira kuita chimwe chinhu kuti tiruramise zvinhu tigofadza Mwari.
7, 8. (a)Tingakundikana sei kuona kukosha kwokuita “mabasa matsvene emufambiro”? (b) Kururamisa kworudzii kungadiwa?
7 Nokuuya kwezvinhu zvinonyadzisa paIndaneti uye kuwanikwa kwazvinoita pachivande, vamwe avo pane imwe nguva vakanga vasina mukana wokuona zvinhu zvounzenza zvakadaro zvino vava kuwana “mikana younzenza ichidirana,” anodaro mumwe chiremba. Kudai taizotsvaka nzvimbo dzepaIndaneti dzisina kuchena dzakadaro, taizove tisiri kuteerera murayiro weBhaibheri wokuti “musanyangata chinhu chine tsvina.” (Isaya 52:11) Taizove tichi‘ramba tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha’ here? Kana kuti mundangariro tingava tiri kusundira mberi zuva iroro here, tichifunga kuti kunyange kana tiri kusvibisa pfungwa dzedu nezvinhu zvine tsvina, tichine nguva yokuzvichenesa? Kana takasangana nechinetso panhau idzi, nokukurumidza kwazvo tinofanira kuteterera kuna Jehovha kuti ‘apfuudze meso edu pakuona zvi- sina maturo uye atiponese nenzira yake’!—Pisarema 119:37.
8 Zvapupu zvaJehovha zvizhinji, vakuru nevaduku, vari kuomerera kumitemo yaMwari yetsika yakakwirira vachinzvenga zvinokwezvera kuunzenza zvenyika. Vachiziva nezvokupererwa kwataita nenguva uye nyevero yaPetro yokuti “zuva raJehovha richauya sembavha,” vanoramba vachiita “mabasa matsvene emufambiro.” (2 Petro 3:10) Zviito zvavo zvinoratidza kuti vari ku‘mirira uye vachinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’a
Mirira Ne“mabasa Ekuzvipira Kuna Mwari”
9. Kuzvipira kuna Mwari kunofanira kutikurudzira kuitei?
9 “Mabasa ekuzvipira kuna Mwari” anokoshawo kana tichizoramba tichirangarira zuva raJehovha. “Kuzvipira kuna Mwari” kunosanganisira kutya Mwari kunotikurudzira kuita zvinofadza mumeso ake. Kuvimbika kuna Jehovha ndiro simba rinokurudzira zviito zvakadaro zvokuzvipira kuna Mwari. Kuda kwake kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Mwari “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Saka naizvozvo, kuzvipira kwedu kuna Mwari hakufaniri kutikurudzira here kusimbisa kuedza kwedu kubatsira vanhu kudzidza nezvaJehovha nokumutevedzera?—VaEfeso 5:1.
10. Nei tichifanira kuchenjerera “simba rinonyengera repfuma”?
10 Upenyu hwedu huchazara nemabasa okuzvipira kuna Mwari kana tikatanga kutsvaka Umambo hwaMwari. (Mateu 6:33) Izvi zvinosanganisira kuona kwedu zvinhu zvokunyama nenzira ine mwero wakanaka. Jesu akanyevera kuti: “Rambai makasvinura muchenjerere kuchochora kworudzi rwose, nokuti kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Kunyange zvazvo zvingava zvakaoma kuti tizvifungidzire tichipofumadzwa nokuda mari, tinoita zvakanaka kucherechedza kuti “kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma” zvinogona ku“vhunga shoko” raMwari. (Mateu 13:22) Zvingasava nyore kuwana chokurarama nacho. Naizvozvo, mune dzimwe nyika vakawanda vanoti kuti vararame upenyu huri nani, vanofanira kutamira kunyika yakati pfumei, zvimwe vachisiya mhuri dzavo kwemakore mashoma panguva. Kunyange vamwe vevanhu vaMwari vakafunga nenzira iyi. Nokuenda kune imwe nyika, vangakwanisa kupa mhuri yavo zvinhu zvemazuva ano zvinorerutsa upenyu. Zvisinei, chii chingaitika kumanamatiro evadiwa vavo kumusha? Kana pasina kuratidzwa kwoutungamiriri hwakanaka mumusha, vachanamata nenzira inodiwa kuti vapone pazuva raJehovha here?
11. Mumwe mushandi akabva kune imwe nyika akaratidza sei kuti zviito zvinoratidza kuzvipira kuna Mwari zvinokosha kudarika pfuma?
11 Mumwe mushandi akatama kubva kuPhilippines akadzidza chokwadi cheBhaibheri kubva kuZvapupu zvaJehovha muJapan. Paakadzidza pamusoro pemitoro yokuva musoro, akaona kuti aifanira kubatsira mhuri yake kuva vanamati vaJehovha. (1 VaKorinde 11:3) Mudzimai wake kumusha akashora zvakasimba kutenda kutsva kwaakanga awana uye aida kuti arambe achitumira mari pane kuti adzoke kumusha kuzodzidzisa mhuri zvaaitenda zviri muBhaibheri. Zvisinei, achikurudzirwa nokukosha kwenguva yatiri uye kuva nehanya nevadiwa vake, akaenda kumusha. Kushivirira kwake mukubata nemhuri yake norudo kwakakomborerwa. Nokufamba kwenguva, mhuri yake yakabatana mukunamata kwechokwadi, uye mudzimai wake akapinda muushumiri hwenguva yakazara.
12. Muupenyu, nei tichifanira kutungamidza zvinodiwa naMwari?
12 Mamiriro edu ezvinhu angafananidzwa neevanhu vari muimba iri kutsva. Kungava kuchenjera here kumhanyamhanya kubudisa zvinhu muchivako chiri kunganduma chava kuda kukoromoka? Pane kudaro hazvingavi zvinokosha zvikuru kuponesa upenyu—hwedu nehwemhuri yedu nevamwe vari mumba macho here? Gadziriro ino yezvinhu yakaipa iri kunanga nokukurumidza kukuparadzwa kwayo, uye upenyu huri mungozi. Tichiona izvi, zvechokwadi tinofanira kutungamidza zvinodiwa naMwari toisa pfungwa dzedu nokushingaira pabasa rinoponesa upenyu rokuparidza Umambo.—1 Timoti 4:16.
Tinofanira Kuva Va“sina Ruvara”
13. Panosvika zuva raJehovha tinofanira kuwanikwa takadini?
13 Achisimbisa kukosha kwokumirira, Petro anoti: “Vanodiwa, sezvamakamirira zvinhu izvi, itai nepamunogona napo kuti muwanike na[Mwari] pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa muri murugare.” (2 Petro 3:14) Achiwedzera pakurudziro yake yokuita mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, Petro anosimbisa kukosha kwokuzowanikwa naJehovha pakupedzisira tiri vanhu vakacheneswa neropa raJesu rinokosha. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Izvi zvinoda kuti munhu atende chibayiro chaJesu ova mushumiri waJehovha akazvitsaurira akabhabhatidzwa.
14. Kuva va‘sina ruvara’ kunorevei?
14 Petro anotikurudzira kuti tiite zvose zvatinogona kuti tiwanikwe ‘tisina ruvara.’ Tiri kuchengeta nguo dzedu dzomufambiro wechiKristu nounhu zvisina ruvara here, zvisina kusvibiswa nenyika? Patinoona ruvara pambatya dzedu, tinoedza kurubvisa nokukurumidza. Kana iri hembe yedu yatinofarira zvikuru, tinonyatsongwarira pakuigeza. Tinonzwa nenzira imwe chete here kana hembe dzedu dzechiKristu dzikaita ruvara, nenzira yokufananidzira, nemhaka yechimwe chikanganiso paunhu hwedu kana kuti mufambiro?
15. (a) Nei vaIsraeri vaifanira kuisa masa pamipendero yenguo dzavo? (b) Nei vashumiri vaJehovha vanhasi vakasiyana nevamwe vanhuwo zvavo?
15 VaIsraeri vaifanira kuita “masa pamipendero yenguo dzavo” uye ‘kuisa tambo yebhuruu pamusoro pomupendero une masa.’ Nei? Kuitira kuti vagoyeuka mirayiro yaJehovha, voiteerera, uye ‘vave vatsvene’ kuna Mwari wavo. (Numeri 15:38-40) Sevashumiri vaJehovha vomuzuva ranhasi, takasiyana nenyika nokuti tinoteerera mitemo yaMwari. Somuenzaniso, tinochengeta rucheno rwetsika, tinoremekedza utsvene hweropa, uye hatinamati zvidhori zvemarudzi ose. (Mabasa 15:28, 29) Vazhinji vanotiremekedza nokuda kwokutsunga kwedu kuti tizvichengete tisina kusvibiswa.—Jakobho 1:27.
Tinofanira Kuva Va“sina Gwapa”
16. Chii chinodiwa kuti tirambe ti“sina gwapa”?
16 Petro anotaurawo kuti tinofanira kuwanikwa ti“sina gwapa.” Izvozvo zvinobvira sei? Ruvara kazhinji runogona kubviswa kana kuti kugezwa rwobva asi kwete gwapa. Gwapa rinoratidza kuti chimwe chinhu chiri mukati hachina kururama, chakanganisika. Muapostora Pauro akakurudzira hama dzake dzechiKristu muFiripi kuti: “Rambai muchiita zvinhu zvose musingagunun’uni nokuitirana nharo, kuti muve vasina chavanopomerwa nevasina mhaka, vana vaMwari vasina gwapa pakati pechizvarwa chakakombama, chakamonyana, chamuri kupenya pakati pacho sezvivheneko munyika.” (VaFiripi 2:14, 15) Kana tikatevera kurudziro iyoyo, hatizogunun’uni nokuita nharo uye tichashumira Mwari nevavariro yakachena. Tichakurudzirwa nokuda Jehovha nevavakidzani vedu sezvatinoparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 22:35-40; 24:14) Uyezve, ticharamba tichizivisa mashoko akanaka kunyange zvazvo vanhuwo zvavo vangasanzwisisa kuti nei tichishandisa nguva yedu kuedza kubatsira vamwe kudzidza nezvaMwari neShoko rake, Bhaibheri.
17. Chii chatinofanira kunge tichivavarira patinosvasvavirira ropafadzo muungano yechiKristu?
17 Tichida kuti tiwanikwe ti“sina gwapa,” tinoita zvakanaka kuongorora vavariro dzedu pane zvatinoita zvose. Takasiya nzira yenyika yokuita nayo zvinhu nokuda kwezvikonzero zvoudyire, zvakadai sokushandira pfuma kana simba. Kana tiri kuvavarira kuwana ropafadzo muungano yechiKristu, dai vavariro dzedu dzikaramba chakachena uye nguva dzose ngatikuchidzirwe nokuda Jehovha uye vamwe. Zvinozorodza kuona varume vomudzimu vachi“svasvavirira nzvimbo youtariri” nomufaro nechido chokuzvininipisa chokushumira Jehovha nehama dzavo. (1 Timoti 3:1; 2 VaKorinde 1:24) Zvechokwadi, avo vanokwanisa kushumira sevakuru ‘vanofudza boka raMwari nokuzvidira; kwete nemhaka yokuda pfuma yokusatendeseka, asi nemwoyo wose; vasingaremedzi avo vari nhaka yaMwari, asi vachiva mienzaniso kuboka.’—1 Petro 5:1-4.
Tinofanira Kuva “Murugare”
18. Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsozivikanwa nounhu hwakadini?
18 Pakupedzisira, Petro anotiudza kuti tiwanikwe tiri “murugare.” Kuitira kuti tirarame maererano nezvinodiwa izvi, tinofanira kuva murugare naJehovha nomuvakidzani wedu. Petro anosimbisa kukosha kwoku‘danana zvikuru’ uye kuchengeta rugare nehama dzedu dzechiKristu. (1 Petro 2:17; 3:10, 11; 4:8; 2 Petro 1:5-7) Kuti tichengete rugare rwedu, tinofanira kudanana. (Johani 13:34, 35; VaEfeso 4:1, 2) Rudo rwedu norugare zvinonyatsova pachena panoitwa kokorodzano dzedu dzemarudzi akawanda. Pane imwe kokorodzano kuCosta Rica muna 1999, mumwe mutengesi womumugwagwa aiva panhandare yendege akagumbuka nokuti Zvapupu zvemo zvaigamuchira nhume dzaisvika zvaivharidzira paaitengesera nokusaziva. Zvisinei, pazuva rechipiri, akacherechedza rudo norugare zvairatidzwa mukugamuchira kune chido kwakapiwa nhume dzacho, kunyange zvazvo Zvapupu zvemo zvakanga zvisingavazivi. Pazuva rokupedzisira mutengesi uya akabatanidzwawo mukugamuchira ndokukumbira chidzidzo cheBhaibheri.
19. Nei zvichikosha kutsvaka kuva norugare nevatinonamata navo?
19 Kuva kwedu vemwoyo wose mukutsvaka rugare nehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu kunogona kuratidza kuti tiri kumirira zuva raJehovha nenyika yake itsva yakapikirwa nemwoyo wose zvakadini. (Pisarema 37:11; 2 Petro 3:13) Ngatitii tinozviwana zvakaoma kuchengeta rugare neimwe hama yedu. Tinogona kuzviona tichigara naye murugare muParadhiso here? Kana imwe hama ine chigumbu nesu, tinofanira kukurumidza ‘kuita rugare rwedu naye.’ (Mateu 5:23, 24) Kuita kudaro kunokosha kana tichizova murugare naJehovha.—Pisarema 35:27; 1 Johani 4:20.
20. ‘Kumirira’ kunofanira kuratidzwa munzira dzipi?
20 Isu pachedu tiri ‘kumirira uye tichiramba tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha’ here? Chishuvo chedu chomwoyo wose chokuona kuguma kwouipi chinoratidzwa nokuramba kwedu tiri vatsvene munyika ino ine unzenza. Uyezve, kushuva kwedu nemwoyo wose kuuya kwezuva raJehovha uye upenyu mukutonga kwoUmambo kunopupurirwa nemabasa edu okuzvipira kuna Mwari. Uye kutarisira kwedu kurarama munyika itsva ine rugare kunoratidzwa nokutsvaka kwedu rugare nehama dzedu dzatinonamata nadzo zvino. Munzira idzodzo tinoratidza kuti tiri ‘kumirira’ uye ti“chinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.”
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 2000, peji 16 uye Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1997 reChirungu, peji 51.
Unoyeuka Here?
• Zvinorevei kuramba ‘tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha’?
• ‘Kumirira’ kunoratidzwa sei mumufambiro wedu?
• Nei “mabasa okuzvipira kuna Mwari” achikosha?
• Chii chatinofanira kuita kuti tiwanikwe naJehovha ‘tisina ruvara uye gwapa uye tiri murugare’?
[Mufananidzo uri papeji 11]
‘Kumirira’ kunoratidzwa mumabasa matsvene emufambiro
[Mifinanidzo iri papeji 12]
Basa rokuparidza Umambo rinoponesa upenyu
[Mufananidzo uri papeji 14]
Sezvatinomirira zuva raJehovha, ngatitsvake rugare nevamwe