“Munofanira Kuva Vanhu Vorudzii!”
“Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari!”—2 PET. 3:11.
1. Sei tingati tsamba yaPetro yechipiri yaikurudzira vaKristu yakanyorwa panguva yakakodzera?
MUAPOSTORA Petro paakanyora tsamba yake yechipiri, ungano yechiKristu yakanga yatotsungirira kutambudzwa kwakakura, asi izvozvo zvakanga zvisina kuderedza kushingaira kwavo uye hazvina kuitadzisa kukura. Saka Satani akashandisa imwe nzira, yaakanga amboshandisa kakawanda ikaburirira. Sezvakabudiswa pachena naPetro, Satani aiedza kusvibisa vanhu vaMwari nevadzidzisi venhema vaiva “nemaziso akazara noupombwe” uye “mwoyo yakarovedzwa kuchochora.” (2 Pet. 2:1-3, 14; Jud. 4) Ndokusaka tsamba yaPetro yechipiri yaiva nemashoko aaitaura nemwoyo wose achivakurudzira kuramba vakatendeka.
2. Chitsauko 3 cha2 Petro chinonyanya kutaura nezvei, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?
2 Petro akanyora kuti: “Ndinofunga kuti chero bedzi ndiri mutebhenekeri ino, zvakanaka kuti ndikumutsei nokukuyeuchidzai, zvandinoziva kuti kubviswa kwetebhenekeri yangu kuchakurumidza kuitika . . . Naizvozvo ndichaitawo zvose zvandinogona nguva dzose kuti, pashure pokunge ndaenda, mukwanise kuyeuka zvinhu izvi.” (2 Pet. 1:13-15) Petro aiziva kuti rufu rwake rwakanga rwava pedyo, asi aiva nechido chokuti ungano irambe ichiyeuka zvaaitaura. Uye zvechokwadi zvakazova muBhaibheri zvokuti tinogona kuzviverenga tose nhasi. Chitsauko 3 chetsamba yechipiri yaPetro ndicho chatinonyanya kuda kuongorora, nokuti chinotaura nezve“mazuva okupedzisira” enyika iripo iye zvino uye nezvekuparadzwa kwematenga nenyika. (2 Pet. 3:3, 7, 10) Izano ripi ratinowana kuna Petro? Kushandisa zano rake kungatibatsira sei kuti tikodzere kuwana nyasha dzaJehovha?
3, 4. (a) Mashoko api ane simba akataurwa naPetro, uye akanyevera nezvei? (b) Ipfungwa dzipi nhatu dzatichakurukura?
3 Pashure pokutaura nezvokunyunguduswa kwenyika yaSatani, Petro akazoti: “Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari!” (2 Pet. 3:11, 12) Zviri pachena kuti apa akanga asiri kubvunza asi kuti ari kutaura mashoko akasimba okuti vanhu vafunge. Petro aiziva kuti vaya chete vanoita kuda kwaJehovha uye vanoratidza kuti vanotevedzera Mwari ndivo vaizoponeswa pa“zuva rokutsiva” riri kuuya. (Isa. 61:2) Saka muapostora wacho akawedzera kuti: “Naizvozvo, imi vadiwa, zvamunofanoziva izvi, chenjererai kuti murege kutsauswa navo [vadzidzisi venhema] nokukanganisa kwevanhu vanozvidza mutemo, mowa pakusimba kwenyu.”—2 Pet. 3:17.
4 Sezvo aive pakati pevaya vakange ‘vachifanoziva,’ Petro aiziva kuti mumazuva okupedzisira, vaKristu vaizofanira kunyatsongwarira kuti varambe vakaperera. Muapostora Johani akazotsanangura chikonzero chacho zvakajeka pava paya. Akafanoona Satani achidzingwa kudenga ‘akatsamwira kwazvo’ vaya “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvak. 12:9, 12, 17) Vashumiri vaMwari vakazodzwa vakavimbika nevamwe vavo ve“mamwe makwai” vachakunda. (Joh. 10:16) Ko iwe pachako? Ucharamba wakaperera here? Tichabatsirwa kuti tidaro kana (1) tikakudziridza unhu hwakafanana nehwaMwari, (2) tikaramba tisina ruvara uye tisina gwapa, uye (3) tikaona miedzo zvakanaka. Ngatimbokurukurai pfungwa idzi.
Kudziridza Unhu Hwakafanana nehwaMwari
5, 6. Tinofanira kuvavarira kuva neunhu hwakaita sei, uye sei zvichida ‘kushingaira nomwoyo wose’?
5 Kwekutanga kwetsamba yake Petro akati: “Nokushingaira kwenyu nomwoyo wose, wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, pakunaka kwenyu zivo, pazivo yenyu kuzvidzora, pakuzvidzora kwenyu kutsungirira, pakutsungirira kwenyu kuzvipira kuna Mwari, pakuzvipira kwenyu kuna Mwari kudanana kwazvo sehama, pakudanana kwazvo kwenyu sehama rudo. Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri uye zvichifashukira, zvichakudzivisai kuva vanhu vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko pamusoro pezivo yakarurama yaShe wedu Jesu Kristu.”—2 Pet. 1:5-8.
6 Chokwadi, kuti tiite mabasa anoita kuti tive neunhu hwakafanana nehwaMwari zvinoda ‘kushingaira nomwoyo wose.’ Somuenzaniso, ibasa chairo kupinda misangano yechiKristu, kuverenga Bhaibheri mazuva ose, uye kugara tichidzidza tiri toga. Uye zvingatoda kushanda nesimba nekugona kuronga kuti tigare tichidzidza zvinobatsira uye zvinonakidza pamanheru oKunamata Kwemhuri. Asi kana tikangoiita tsika yedu zvinova nyore, kunyanya tikaona kubatsira kwazvinoita.
7, 8. (a) Vamwe vakati chii nezvemanheru oKunamata Kwemhuri? (b) Uri kubatsirwa sei nokunamata kwenyu kwemhuri?
7 Imwe hanzvadzi ichitaura nezveurongwa hwokunamata kwemhuri yakanyora kuti: “Kunoita kuti tidzidze zvinhu zvakawanda.” Mumwe akati: “Kutaura chokwadi pakwakanzi hakuchisina chidzidzo chebhuku handina kufara nazvo. Waiva musangano wangu wepamwoyo. Asi zvatava nemanheru oKunamata Kwemhuri, ndava kuona kuti Jehovha anoziva zvatinoda panguva chaiyo.” Imwe hama ine mhuri inoti: “Kunamata kwemhuri kunotibatsira zvikuru. Hapana chinhu chakanaka sokuva nemusangano watinokurukura zvinoenderana neni nemudzimai wangu! Tiri kunyatsoona kuti tiri kuwedzera kuratidza chibereko chomudzimu mutsvene uye tiri kuwana mufaro muushumiri kupfuura zvataimboita.” Imwewo hama ine mhuri inoti: “Vana vava kugona kutsvakurudza voga uye vari kudzidza zvakawanda zvokuti zviri kuvanakidza. Urongwa uhwu hunoita kuti tive nechivimbo chokuti Jehovha anoziva nhuna dzedu uye anopindura minyengetero yedu.” Zvataurwa izvi ndizvo zvaunofungawo nezveurongwa uhwu hwakanaka hwokunamata here?
8 Musarega zvinhu zvisina basa zvichikutadzisai kuva nokunamata kwemhuri. Vamwe vakaroorana vakati, “Kwemavhiki mana apera musi weChina woga woga, mumhuri medu pane chimwe chinhu chaiitika chaipotsa chatitadzisa kudzidza semhuri asi hatina kurega zvichiitika.” Ichokwadi kuti pane pamwe pamungachinja nguva kana zuva rokudzidza. Asi ivai nechokwadi chokuti vhiki haiperi musina kuva nemanheru oKunamata Kwemhuri!
9. Jehovha akatsigira sei Jeremiya, uye tingadzidzei pamuenzaniso wake?
9 Muprofita Jeremiya muenzaniso wakanaka kwatiri. Kutsigirwa kwaaiitwa naJehovha kuti arambe aine ukama naye aikuda uye aikukoshesa. Kutsigirwa ikoko kwakamuita kuti akwanise kutsungirira achiparidzira vanhu vakanga vakaoma musoro. Akati: “Shoko raJehovha rakava . . . somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu.” (Jer. 20:8, 9) Kwakamubatsirawo kutsungirira nguva dzakaoma dzakazoguma nokuparadzwa kweJerusarema. Nhasi uno tine Shoko raMwari rakanyorwa rakakwana. Kana tikaridzidza nemwoyo wose toita kuti pfungwa dzaMwari dzive dzedu, tichafanana naJeremiya tichakwanisa kutsungirira muushumiri, kuramba takatendeka mumiedzo, uye kuramba tiine tsika dzakanaka uye tichinamata zvakachena.—Jak. 5:10.
Ramba ‘Usina Ruvara Uye Usina Gwapa’
10, 11. Sei tichifanira kuita zvose zvatinogona kuti tirambe ‘tisina ruvara uye tisina gwapa,’ uye izvozvo zvinoda kuti tiite sei?
10 SevaKristu tinoziva kuti tiri kurarama munguva yomugumo. Saka hazvitishamisi kuti vanhu vari kuita kupenga nezvinhu zvinosemwa naJehovha, zvakadai semakaro, unzenza, uye kuda zvokurwa. Nzira inoshandiswa naSatani tinogona kuitaura muchidimbu seizvi: ‘Kana vanhu vaMwari vakaramba kutyisidzirwa, imwe nzira yokuvashandisira ingava yokukanganisa pfungwa dzavo.’ (Zvak. 2:13, 14) Saka tinofanira kubatisisa zano raPetro rorudo: “Itai zvose zvamunogona kuti muwanikwe naye pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa, muine rugare.”—2 Pet. 3:14.
11 Mashoko okuti “itai zvose zvamunogona” akafanana neambotaurwa naPetro okuti ‘shingairai nomwoyo wose.’ Zviri pachena kuti Jehovha, anova ndiye akafuridzira Petro kuti ataure pfungwa idzodzo, anoziva kuti tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe ‘tisina ruvara uye tisina gwapa,’ tisina kusvibiswa nenyika yaSatani. Kushanda nesimba kunosanganisira kuchengetedza mwoyo wedu kuti usapindwa nepfungwa dzakaipa. (Verenga Zvirevo 4:23; Jakobho 1:14, 15.) Kunosanganisirawo kumira takasimba kana paine vamwe vanoshamiswa nemararamiro edu echiKristu ‘vanoramba vachitituka.’—1 Pet. 4:4.
12. Mashoko ari pana Ruka 11:13 anotikurudzira sei?
12 Kuita zvakarurama ibasa chairo nokuti tiri vanhu vane chivi. (VaR. 7:21-25) Kuti tibudirire tinofanira kutokumbira Jehovha mudzimu wake mutsvene, uyo waasinganyimi vaya vanomukumbira nemwoyo wose. (Ruka 11:13) Mudzimu iwoyo unozoita kuti tive nounhu hunoita kuti tifarirwe naMwari, uye hunotibatsira kutsungirira miedzo, iyo ingangowedzera sezvo zuva raJehovha rinoswedera.
Miedzo Ngaikusimbise
13. Chii chichatibatsira kutsungirira patinotarisana nemiedzo muupenyu?
13 Chero bedzi tichiri munyika ino yekare, mimwe miedzo hainzvengeki. Asi panzvimbo pokuti tiore mwoyo, tadii kuona miedzo semikana yokuratidza Mwari kuti tinomuda uye yokunatsiridza kutenda kwedu maari nomuShoko rake? Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo, zvamunoziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti pave nokutsungirira.” (Jak. 1:2-4) Yeukawo kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.”—2 Pet. 2:9.
14. Muenzaniso waJosefa unokukurudzira sei?
14 Funga nezvomuenzaniso wemwanakomana waJakobho, Josefa, uyo akatengeswa nevakoma vake akanova muranda. (Gen. 37:23-28; 42:21) Kutenda kwaJosefa kwakaparara noutsinye hwaakanga aitirwa here? Akatsamwira Mwari here nokuti akanga abvumira kuti aitirwe zvakaipa? Shoko raMwari rinoratidza zviri pachena kuti haana kudaro! Zvakare miedzo yaJosefa haina kugumira ipapo. Akazopomerwa kuti akanga aedza kubata munhu chibharo akakandwa mujeri. Asi akaramba akasimba pakuzvipira kwake kuna Mwari. (Gen. 39:9-21) Akatoita kuti miedzo imusimbise, uye izvi zvakaita kuti apiwe mubayiro wakakura.
15. Tingadzidzei pamuenzaniso waNaomi?
15 Ichokwadi kuti miedzo inosuwisa uye inoodza mwoyo. Pamwe ndiwo manzwiro aimboita Josefa. Ndizvo zvakangoitawo vamwe vashumiri vaJehovha. Funga nezvaNaomi, akafirwa nomurume nevanakomana vaviri. Akati: “Musandishevedza kuti Naomi. Ndishevedzei kuti Mara [zvinoreva “kushungurudzwa”], nokuti Wemasimbaose akandishungurudza kwazvo.” (Rute 1:20, 21) Matauriro akaita Naomi anonzwisisika, semunhu akanga arwadziwa. Zvisinei, kufanana naJosefa, haana kumbovhiringa ukama hwake naMwari kana kusiya kuperera kwake kwaari. Jehovha akazopawo mukadzi uyu mubayiro. (Rute 4:13-17, 22) Chinotonyanya kufadza ndechokuti muparadhiso yepasi pano iri kuuya, achabvisa zvose zvakaipa zvakakonzerwa naSatani nenyika yake yakaipa. “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”—Isa. 65:17.
16. Tinofanira kuona sei nyaya yomunyengetero, uye nei zvakadaro?
16 Pasinei nokuti tinosangana nemiedzo yakaita sei, kuziva kuti Jehovha agara achitida kunotibatsira kuti titsungirire. (Verenga VaRoma 8:35-39.) Kunyange zvazvo Satani asingazoregi kuedza kutiodza mwoyo, achakundikana kana tikaramba tiine ‘pfungwa dzakanaka’ uye ‘takasvinurira kunyengetera.’ (1 Petro 4:7) Jesu akati: “Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:36) Cherechedza kuti Jesu akashandisa shoko rokuti “muchiteterera,” iro rinoreva munyengetero unobva pasi pasi pemwoyo. Kutiudza kuti titeterere kunoratidza kuti Jesu aisimbisa pfungwa yokuti kumira pamberi pake naBaba vake haisi nyaya yokutamba nayo. Vaya vanenge vaine ukama hwakanaka naJehovha ndivo vachamira vaine tariro yokupona pazuva rake.
Ramba Uchishingaira Mubasa raJehovha
17. Kana ndima yauri kuparidzira yakaoma, ungabatsirwa sei nemuenzaniso wevaprofita vekare?
17 Kuita mabasa ane chokuita nokunamata kunotizorodza. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aPetro okuti: “Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari!” (2 Pet. 3:11) Chinonyanya kukosha pamabasa iwayo ose kuzivisa mashoko akanaka. (Mat. 24:14) Ichokwadi kuti mudzimwe ndima basa rokuparidza ringasava nyore, zvichida nemhaka yokuti vanhu havana basa nezvatinotaura kana kuti vanotipikisa, kana kuti vakangobatikana nenhamo dzavo. Vashumiri vaJehovha vekare vaiparidzirawo vanhu vakadaro. Asi havana kukanda mapfumo pasi nokuti vaingoramba vachidzokera neshoko ravo ravainge vatumwa naro naMwari. (Verenga 2 Makoronike 36:15, 16; Jer. 7:24-26) Chii chakavabatsira kutsungirira? Vaiona basa ravo semaonerwo araiitwa naJehovha, kwete nenyika. Uye vaikutora sokukudzwa kukuru kudanwa nezita raMwari.—Jer. 15:16.
18. Basa redu rokuparidza richabatsira sei pakukudzwa kuchaitwa zita raMwari?
18 Isuwo takakomborerwa nokuti tinozivisa zita raJehovha nechinangwa chake. Chimbofunga izvi: Kuparidza kwatiri kuita ndiko kuchaita kuti vavengi vaMwari vasakwanisa kuzoti takanga tisingazivi pavachatarisana naye pazuva rake guru. Zvechokwadi, kufanana naFarao, vachaziva kuti ari kuvarwisa ndiJehovha. (Eks. 8:1, 20; 14:25) Ukuwo Jehovha achakudza vashumiri vake vakatendeka nokuratidza pachena kuti ndivo vaimumiririra.—Verenga Ezekieri 2:5; 33:33.
19. Tingaratidza sei kuti tinoda kushandisa mukana wokushivirira kwaJehovha zvakanaka?
19 Tsamba yake yechipiri yava kunopera, Petro akanyorera vamwe vaKristu kuti: “Onaiwo kushivirira kwaShe wedu soruponeso.” (2 Pet. 3:15) Ngatishandisei mukana wokushivirira kwaJehovha zvakanaka. Sei? Nokukudziridza unhu hunomufadza, nokuramba ‘tisina ruvara uye tisina gwapa,’ nokuva nemaonero akanaka emiedzo, uye nokuramba takabatikana mubasa roUmambo. Kana tichidaro tinova netariro yokuzowana zvikomborero zvisingaperi zvinouya ne“matenga matsva nenyika itsva.”—2 Pet. 3:13.
Unoyeuka Here?
• Tingakudziridza sei unhu hwakafanana nehwaMwari?
• Tingaita sei kuti tirambe ‘tisina ruvara uye tisina gwapa’?
• Tingadzidzei pana Josefa naNaomi?
• Sei tichiti kuita basa rokuparidza kukomborerwa chaiko?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Chii chichakubatsirai imi varume kuti muve nounhu hwakafanana nehwaMwari pamwe chete nemhuri yenyu?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Tingadzidzei pane zvakaitwa naJosefa paakanga ari mumiedzo?