RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 9/15 pp. 3-4
  • “Munofanira Kunyengetera Kudai”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Munofanira Kunyengetera Kudai”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Tinofanira Kunyengetera Sei?—Tinofanira Kutevedzera Munyengetero waShe Chete Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Munyengetero waShe—Zvaunoreva Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Simudzai Maoko Akavimbika Muchinyengetera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Gara Pedyo naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 9/15 pp. 3-4

“Munofanira Kunyengetera Kudai”

UNOZIVA mashoko oMunyengetero waShe here? Iwoyo munyengetero wokuenzanisira wakadzidziswa naJesu Kristu. MuMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati: “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai.” (Mateu 6:9) Sezvo wakatangwa naJesu, unowanzonzi Munyengetero waShe, unozivikanwawo somunyengetero wokuti Baba Vedu.—Latin, Paternoster.

Mamiriyoni evanhu pasi pose akadzidza Munyengetero waShe nomusoro uye anoudzokorora kakawanda, pamwe zuva nezuva. Mumakore achangopfuura, vakawanda vakadzokorora munyengetero uyu muzvikoro uye mune zvimwe zviitiko zvevoruzhinji. Nei Munyengetero waShe uchikosheswa zvikuru?

Mumwe mufundisi womuzana remakore rechitatu ainzi Cyprian akanyora kuti: “Pane zvokunamata pane munyengetero ungapfuura watakapiwa naKristu here . . . ? Ndokupi kumwe kunyengetera kwechokwadi kwatingaita kuna Baba kungapfuura kuya kwatakaitirwa noMwanakomana uyo ari Chokwadi?”—Johani 14:6.

Mukatekisimo yayo, Chechi yeRoma Katurike inoratidza Munyengetero waShe “somunyengetero unokosha wechiKristu.” World Book Encyclopedia inobvuma kukosha kwomunyengetero uyu muzvitendero zvose zvechiKristudhomu, uye inourondedzera semamwe “emashoko anokosha pakutenda kwechiKristu.”

Zvisinei, zvinofanira kubvumwa kuti, vakawanda vanodzokorora Munyengetero waShe nomusoro havanyatsounzwisisi. Rimwe pepanhau rokuCanada rinonzi Ottawa Citizen rinoti: “Kana uine karuzivo kechiKristu pamwe unogona kukurumidza kupedza Munyengetero waShe usina kumbotura befu, asi ungatadza kuutaura zvishoma nezvishoma uye uchiunzwisisa.”

Zvinombokosha here kuti tinzwisise minyengetero yedu yatinopa kuna Mwari? Nei Jesu akatipa Munyengetero waShe? Unorevei kwauri? Iye zvino ngatikurukurei mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe