Zivo Yanyanya Kutiwandira Here?
Mamwe mamishinari akaroorana akanga akagara pamhenderekedzo yegungwa kuMadokero kweAfrica achitarira zvawo mwedzi waipenyerera. Murume wacho akati: “Vanhu vanoziva zvakawanda sei nezvomwedzi, uye kuchine zvakawanda sei zvavanofanira kuziva?”
Mudzimai wake akapindura kuti: “Imbofungidzira kuti dai taikwanisa kuona pasi richifamba zvishoma nezvishoma seizvi—tava kuziva zvakawanda sei, uye kune zvakawanda sei zvatichiri kufanira kuziva? Pafunge! Harisi pasi chete riri kutenderera zuva asi nyika dzose dziri muchadenga dziri kuritendererawo. Izvi zvinoreva kuti zvimwe hatichazombofi takavazve panzvimbo ino chaiyo. Kutaura zvazviri, chinoita kuti tizive patiri iye zvino inyika dzomuchadenga dzatinoziva. Tinoziva zvakawanda pamusoro pezvimwe zvinhu, asi tinogona kuti hatitombozivi patiri chaipo!”
PFUNGWA idzodzo dzinobata-bata chimwe chokwadi chinokosha. Zvinoita sokuti kune zvakawanda zvatinofanira kudzidza. Chokwadi, mumwe nomumwe wedu anodzidza zvinhu zvitsva mazuva ose. Zvisinei nokuti tinodzidza zvakawandasei, zvinoita sokuti hatikwanisi kuziva zvose zvatinoda kuziva nokukurumidza sezvataizoda.
Chokwadi, kuwedzera pakukwanisa kwatinoita kudzidza mashoko matsva, tava kukwanisa zvikuru kuchengeta zivo. Mashoko ose akachengetwa nevanhu azowanda chaizvo pamusana pokufambira mberi kwounyanzvi hwokugadzira zvinhu. Mahard disk emakombiyuta ava kukwanisa kuchengeta mashoko akawanda kwazvo zvokuti dzimwe nhamba itsva dzakatotangwa kuedza kurondedzera uwandu hwacho. CD-ROM rinogona kuchengeta mashoko akawanda kwazvo; uwandu hwarinogona kuchengeta mamegabytes 680 kana kudarika. DVD rinogona kuchengeta mashoko akawanda zvakapetwa kanenge kanomwe, uye maDVD anogona kuchengeta mashoko akawanda kudarika apa ava kuzowanika.
Zvinoitwa nevanhu mazuva ano kuti vafambise mashoko zvakatiomera kuti tinyatsozvinzwisisa. Michina yokudhinda inomhanya zvikuru, ichidhinda mapepanhau, magazini, uye mabhuku. Kune munhu anoshandisa Indaneti, mashoko asingaperi angawanikwa nokungotekenya kombiyuta. Mune izvi nezvimwewo zvakawanda, kufambiswa kwemashoko kuri kuwedzera nokukurumidza zvikuru kudarika zvinganzwisiswa nomunhu upi noupi. Dzimwe nguva mashoko aya akawanda chaizvo ave achifananidzwa negungwa, akawanda zvokuti tinofanira kuita setiri kudzidzira kutuhwina maari, asi tisingaedzi kuanwa ose. Kuwandisa kwezivo kunoita kuti tisarudze.
Chimwe chinoita kuti tisarudze ndechokuti mashoko akawanda aripo haanyanyi kubatsira nguva dzose. Zvechokwadi, mamwe acho haana kutombonaka, haafaniri kuzivikanwa. Yeuka kuti zivo zvinoreva mashoko—angava akanaka kana akaipa, anovaka kana kuti asingavaki. Chinotonyanya kuvhiringidza panyaya iyi ndechokuti zvimwe zvinhu zvinonzi ndezvechokwadi nevakawanda hazvina kururama. Kangani pazvinoitika kuti mashoko anotaurwa kunyange nevanhu vanoremekedzwa anozoonekwa kuti anenge asina kururama, kana kuti ari okunyepa! Somuenzaniso, funga nezvomunyori womuguta reEfeso yekare, uyo aionekwa nevanhu somukuru mukuru ane ruzivo rwakawanda. Akati: “Ndiani chaizvoizvo munhu asingazivi kuti guta revaEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAtemisi mukuru nomufananidzo wakadonha uchibva kudenga?” (Mabasa 19:35, 36) Kunyange zvazvo izvi zvaiita sokuti zvaizivikanwa nevanhu vose—kunyange kusatopikiswa—chaisava chokwadi kuti chifananidzo chacho chakanga chadonha kubva kudenga. Ndosaka Bhaibheri Dzvene richinyevera vaKristu kuchenjerera iyo “inonzi ‘zivo’ zvenhema.”—1 Timoti 6:20.
Chikonzero chakasimba chinoita kuti tisarudze zvatinoda kuziva ndechokuti mazuva ano upenyu hwedu hupfupi. Pasinei nokuti ungava une makore mangani, hapana mubvunzo kuti pane zvinhu zvakawanda zvaungada kuongorora, asi unoona kuti haugoni kurarama kwenguva yakareba zvakakwana kuti uite kudaro.
Dambudziko iri richazombopera here? Pane ruzivo ruchazovapo ruchaita kuti vanhu vakwanise kurarama upenyu hurefu zvikuru, kana kuti nokusingaperi here? Zivo yakadaro ingadaro yatovapo here? Kana zvakadaro, vanhu vose vachaiwana here? Pachasvika zuva apo zivo yose ichange yava yechokwadi chete here? Mamishinari akaroorana ataurwa pamusoro apa akawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyoyo, uye iwe unogonawo kudziwana. Tapota verenga nyaya inotevera, ichakupa tarisiro yokuramba uchiwana zivo nokusingaperi.