RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 8/15 p. 8
  • Mugungwa reGarireya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mugungwa reGarireya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anogona Kutidzivirira
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Chikepe Chinovhunika Pachiwi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anonyaradza Dutu Mugungwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anofamba Pamusoro Pemvura
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 8/15 p. 8

Mugungwa reGarireya

NHOROONDO yakanyorwa pana Mako 4:35-41 inoti Jesu nevadzidzi vake vakakwira igwa kuti vayambuke Gungwa reGarireya. Tinoverenga kuti: “Zvino dutu rine simba kwazvo rakamuka, uye mafungu akaramba achipinda mugwa, zvokuti igwa rakanga rave kuda kuzara nemvura. Asi [Jesu] akanga ari mushure, akarara pamutsago.”

Pano ndipo chete panowanika shoko rechiGiriki rokuti “mutsago” muBhaibheri. Saka nyanzvi hadzizivi zvinonyatsoreva shoko rakashandiswa pano. MaBhaibheri akawanda anoshandura shoko racho achiti “mutsago” kana kuti “piro.” Asi, mutsago wacho wakanga wakaita sei? Mumutauro wokutanga Mako akataura nezvomutsago wacho achiratidza kuti chinhu chaigara muigwa. Igwa rakawanikwa pedyo neGungwa reGarireya muna 1986 rakaratidza zvingareva shoko iri rechiGiriki rakashandiswa naMako.

Kutsvakurudza kwakaitwa kunoratidza kuti igwa rakanga rakareba mamita masere raikwasvwa nezvikwasviso nemaseiri. Raishandiswa pakuredza uye raiva nenzvimbo yokuisira mambure ainge akakura. Zvidimbu zveigwa racho ndezvemakore ari pakati pa100 B.C.E. na70 C.E. uye zvingaratidza zvakanga zvakaita mhando yeigwa rakashandiswa naJesu nevadzidzi vake. Shelley Wachsmann, akabatanidzwawo mukufukunurwa kweigwa iri, akanyora bhuku rinonzi The Sea of Galilee Boat—An Extraordinary 2000 Year Old Discovery. Anoti “mutsago” wakanga wakatsamirwa naJesu waiva saga rejecha raishandiswa kutsigisa igwa. Nyanzvi yokuredza nemambure yokuJaffa yakati: “Pandaiva muduku, magwa andaishandira muMediterranean aigara aine saga rimwe chete rejecha kana maviri. . . . Masaga acho aigara muigwa kuti aritsigise. Asi paainge asingashandiswi, aiiswa pasi munzvimbo inochengeterwa zvinhu. Saka kana mumwe munhu aneta, airara pasi munzvimbo inochengeterwa zvinhu, oshandisa saga rejecha somutsago, orara.”

Nyanzvi dzakawanda dzinodavira kuti rondedzero yaMako yaireva kuti Jesu akarara pasaga raiva nejecha raitsigisa igwa raiva pasi munzvimbo inochengeterwa zvinhu, nzvimbo yakachengeteka zvikuru kana kuine dutu. Zvisinei nokuti mutsago wacho wakanga uri wemhando ipi, chinonyanya kukosha zvinhu zvakazoitika pashure. Achitsigirwa nesimba raMwari, Jesu akanyaradza gungwa rakanga rovhiringidzwa nedutu. Kunyange vadzidzi vake vakabvunza kuti: “Iyeyu anombova ani, nokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe