Nyaya Youpenyu
Ndakagamuchira ‘Zvakakumbira Mwoyo Wangu’
YAKATAURWA NADOMINIQUE MORGOU
Muna December 1998 ndakazosvika muAfrica! Zvandaivavarira kubvira ndichiri muduku zvakanga zvazoitika. Pandaifunga nezvemapani makuru eAfrica nemhuka dzemo dzinoyevedza, zvaigara zvichindifadza zvikuru. Iye zvino ndakanga ndavamo chaizvoizvo! Panguva iyiwo, zvimwe zvandaivavarira zvakanga zvaitika. Ndakanga ndava muevhangeri wenguva yakazara ndichishumira ndiri mune imwe nyika. Kune vakawanda, izvi zvingave zvaiita sezvakanga zvisingakwanisiki. Handinyatsooni zvakanaka, uye ndinofamba mumigwagwa ine jecha yomumisha yomuAfrica ndichibatsirwa nembwa yakadzidziswa kutungamirira mapofu mumigwagwa yemaguta omuEurope. Regai ndikuudzei kuti ndakakwanisa sei kushumira muAfrica uye kuti Jehovha akandipa sei ‘zvakakumbira mwoyo wangu.’—Pisarema 37:4.
NDAKABEREKWA musi waJune 9, 1966, kumaodzanyemba kweFrance. Ndini ndaiva gotwe pavana vanomwe—vakomana vaviri nevasikana vashanu—tose zvedu takarerwa nevabereki vane rudo. Zvisinei, pane chinhu chisingafadzi chakaitika ndichiri muduku. Kungofanana naambuya vangu, amai vangu, uye mumwe wevakoma vangu, ndine chirwere chokuberekwa nacho chinozoita kuti ndigume ndava bofu zvachose.
Ndichiri muduku, ndaisarurwa nokuda kweganda rangu, ndaifungirwa zvakaipa, uye ndainyengedzwa, zviri izvo zvakaita kuti ndipandukire nzanga. Munguva yakaoma iyi ndipo patakatamira kudunhu reHérault. Ikoko chimwe chinhu chakanaka kwazvo chakaitika.
Mamwe mangwanani eSvondo, zvimwe Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakasvika pasuo redu. Amai vangu vaivaziva uye vakavati vapinde mumba. Mumwe wevakadzi vacho akabvunza Amai kana vakanga vachiri kuyeuka kuti vakanga vambovimbisa kuti rimwe zuva vachada kuzodzidza Bhaibheri. Amai vakayeuka ndokubvunza kuti, “Tichatanga rini?” Vakabvumirana kusangana mangwanani eSvondo oga oga, uye nenzira iyi amai vangu vakatanga kudzidza “chokwadi chemashoko akanaka.”—VaGaratiya 2:14.
Kuwana Nzwisiso
Amai vakaita zvose zvavaikwanisa kuti vanzwisise uye vayeuke zvavaidzidza. Zvavaiva bofu, vaifanira kuyeuka zvose nomusoro. Zvapupu zvacho zvaivashivirira chaizvo. Kana ndiri ini, pose paiuya Zvapupu, ndaivanda mukamuri rangu ndozongobuda kana zvaenda. Zvisinei, mamwe masikati, Eugénie, mumwe weZvapupu zvacho akasangana neni ndokutaura neni. Akandiudza kuti Umambo hwaMwari huchagumisa unyengeri hwose, ruvengo, uye kusarurana kuri munyika. “Mwari chete ndiye anogona kuzvigadzirisa,” akadaro. Ndakanga ndichada kunzwa zvinodarika izvi here? Mangwana acho ndakatanga kudzidza Bhaibheri.
Zvose zvandaidzidza zvaiva zvitsva kwandiri. Iye zvino ndakanga ndava kunzwisisa kuti Mwari ari kubvumira uipi kwechinguva pasi pano nezvikonzero zvakanaka. (Genesisi 3:15; Johani 3:16; VaRoma 9:17) Ndakadzidzawo kuti Jehovha haatisiyi tisina tariro. Akatipa chipikirwa chake chinoshamisa choupenyu husingaperi munyika inenge iri paradhiso. (Pisarema 37:29; 96:11, 12; Isaya 35:1, 2; 45:18) Muparadhiso iyoyo, ndichawanazve chipo chokuona, icho chakanga chichipera zvishoma nezvishoma.—Isaya 35:5.
Kushanda Basa Renguva Yakazara
Musi waDecember 12, 1985, ndakaratidza kuti ndakanga ndazvitsaurira kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura, ndichibatana nomukoma wangu Marie-Claire, uyo akanga atoita danho iri. Munguva pfupi hanzvadzi yangu Jean-Pierre naamai vangu vandinoda vakazobhabhatidzwawo.
Muungano yandaipinda maiva nemapiyona enguva dzose akawanda, kana kuti vaevhangeri venguva yakazara. Ndaikurudzirwa nomufaro wavo uye kuda kwavaiita ushumiri. Kunyange naMarie-Claire, uyo aiva nechirwere chemaziso uye aipfeka chimwe chinhu pagumbo rake chinobatsira majoini emapfupa, akapinda mubasa renguva yakazara. Kunyange nanhasi achiri kuramba achindikurudzira mune zvokunamata. Kuva nemapiyona muungano uye mumhuri kwakandibatsira kuda chaizvo kuitawo basa renguva yakazara. Saka muna November 1990, ndakatanga kushanda sapiyona wenguva dzose muBéziers.—Pisarema 94:17-19.
Kukurira Kuora Mwoyo
Muushumiri, ndakabatsirwa nokutarisirwa nemamwe mapiyona. Kunyange zvakadaro, nguva nenguva ndaiora mwoyo pamusana pezvandakanga ndisingakwanisi kuita uye ndaida kuita zvakawanda. Zvisinei, Jehovha akanditsigira munguva yose iyi yandaiva ndakaora mwoyo. Ndaitsvakurudza muWatch Tower Publications Index, ndichitarisa nyaya dzoupenyu dzemapiyona aitambura nokusaona zvakanaka sezvandaiita. Ndakashamisika kuti dzakanga dzakawanda chaizvo! Nyaya idzi dzinoshandisika uye dzinokurudzira dzakandidzidzisa kuonga zvandaikwanisa kuita uye kubvuma kuti pane zvandakanga ndisingakwanisi kuita.
Kuti ndizviriritire, ndaiita basa rokuchenesa muzvitoro pamwe chete nezvimwe Zvapupu. Rimwe zuva ndakacherechedza kuti vandaishanda navo vakanga vava kudzokorora nzvimbo dzandakanga ndachenesa. Zvaiva pachena kuti ndakanga ndichisiya tsvina yakawanda. Ndakaenda kunoona Valérie, akanga achitungamirira boka redu rokuchenesa, ndokumukumbira kuti andibudire pachena kana ndakanga ndichiomesera vamwe. Akandiudza nomutsa kuti zvakanga zviri kwandiri kusarudza pandinenge ndava kunzwa kuda kusiya basa racho. Muna March 1994, ndakasiya basa rangu rokuchenesa.
Zvakare, ndakakurirwa nokunzwa sendisingabatsiri. Ndakanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha, uye ndinoziva kuti akanzwa minyengetero yangu. Uyezve, kudzidza Bhaibheri nemabhuku echiKristu kwakandibatsira zvikuru. Kunyange zvakadaro, pandakanga ndichiwedzera kusaona zvakanaka, chido changu chokushumira Jehovha chakanga chichiwedzerawo. Ndaifanira kuitei?
Kutanga, Kuva Pamutsara Wokumirira, Uye Kukurumidza Kusarudza
Ndakanyorera kuti ndirovedzwe paMuzinda Unobatsira Mapofu nevane Zvirwere Zvemaziso muNîmes uye ndakazogara ipapo kwemwedzi mitatu. Nguva iyoyo yakaperera zviripo. Ndakasvika pakunzwisisa kukomba kwourema hwangu ndokudzidza kurarama maererano nahwo. Kusangana nevanhu vairwara nezvirwere zvemhando dzose kwakandibatsira kuona kukosha kwetariro yangu yechiKristu. Ini ndaiva nani pakuti ndaiva nechinangwa uye ndaigona kuita zvimwe zvinhu zvinobatsira. Uyezve, ndakadzidzira Braille yeFrench.
Pandakadzokera kumba, mhuri yangu yakacherechedza kuti kurovedzwa kwandakanga ndaitwa kwakanga kwandibatsira zvikuru. Kunyange zvakadaro, chinhu chandakanga ndisingadi chaizvo itsvimbo chena yandaifanira kushandisa. Zvakandiomera chaizvo kuti ndisvike pakubvuma kuti ndaifanira kushandisa “tsvimbo” iyi. Zvaizova nani kudai ndaizobatsirwa nechimwe chinhu—chakadai sembwa inotungamirira mapofu.
Ndakanyora tsamba ndichikumbira imbwa asi ndakaudzwa kuti paiva nevanhu vakawanda vakanga vakamirira kupiwawo imbwa. Uyewo, sangano racho raifanira kutanga ramboongorora. Imbwa inotungamirira mapofu haingopiwi chero munhu. Rimwe zuva mumwe mukadzi anobatsira sangano remapofu akandiudza kuti rimwe boka revatambi vetenisi rakanga richizopa imbwa kubofu kana kumunhu asinganyatsooni zvakanaka anogara munharaunda yedu. Akati akanga afunga nezvangu. Ndaizobvuma here? Ndakaona kuti ndiJehovha aitungamirira zvinhu uye ndakabvuma. Asi ndaifanira kumirira kuti ndiwane imbwa yacho.
Ndakanga Ndichiri Kungofunga nezveAfrica
Pandakanga ndichimirira, ndakafungawo zvimwe. Sezvandambotaura, kubvira ndichiri muduku ndaifarira chaizvo Africa. Pasinei nokuti ndakanga ndiri kuwedzera kusaona, chido chacho chakanga chasimba kudarika kare, zvikurukuru sezvo ndakanga ndaziva kuti vanhu vakawanda muAfrica vanofarira Bhaibheri uye kushumira Jehovha. Pane imwe nguva yakanga yapfuura, ndichingotaurawo sokuseka ndakanga ndaudza Valérie kuti ndaida kuenda kuAfrica zvokungoshanya. Aida kuenda neni here? Akabvuma, uye takanyora tsamba kumapazi anoverengeka eZvapupu zvaJehovha ari muAfrica anotaura French.
Takapindurwa nebazi rokuTogo. Nomufaro, ndakakumbira Valérie kuti andiverengere. Tsamba yacho yaikurudzira, saka Valérie akati: “Chii chingatitadzisa kuenda?” Tanyorera hama dzepabazi tsamba, vakaita kuti tikurukurirane naSandra, mumwe piyona aiva muLomé, riri guta guru. Takaronga kuendako musi waDecember 1, 1998.
Kwakanga kwakasiyana chaizvo nokwandaiva, asi takafara kuendako. Ndege yedu yamhara munhandare muLomé, takaburuka uye takanzwa kupisa kwomuAfrica kuchitifukidza segumbeze. Sandra akauya kuzotitambira. Takanga tisati tamboonana, asi pakarepo takaita seshamwari dzakanga dzava nenguva dzichizivana. Kwasara nguva pfupi kuti tisvike, Sandra nomumwe wake waaipayona naye, Christine, vakanga vagadzwa semapiyona chaiwo muTabligbo, taundi duku riri nechepakati penyika yacho. Iye zvino takanga tava neropafadzo yokuvaperekedza kunzvimbo yavo itsva yavakanga vanzi vashandire. Takagara ikoko kwemwedzi inenge miviri, uye patakabva ikoko, ndaiziva kuti ndaizodzoka.
Ndakafara Kuti Ndakadzoka
MuFrance, ndakakurumidza kugadzirira rwendo rwangu rwechipiri rwokuTogo. Ndichitsigirwa nemhuri yangu, ndakakwanisa kugadzirira kuti ndinogara ikoko kwemwedzi mitanhatu. Saka muna September 1999, ndakanga ndava mundege yokuTogo zvakare. Zvisinei, panguva ino ndaiva ndoga. Fungidzira kuti mhuri yangu yakanzwa sei payakaona ndichienda ndiri ndoga pasinei nourema hwangu! Asi pakanga pasina chikonzero chokuti vanetseke. Ndakavimbisa vabereki vangu kuti shamwari dzangu, idzo dzakanga dzatova semhuri yangu dzaizenge dzakandimirira muLomé.
Ndakafara chaizvo kudzoka kunzvimbo ine vanhu vakawanda kwazvo vanofarira Bhaibheri! Hazvishamisi kuona vanhu vachiverenga Bhaibheri mumugwagwa. MuTabligbo vanhu vanokushevedza kuti vangokurukura newe zveBhaibheri. Uye yaiva ropafadzo chaiyo kugara nehanzvadzi mbiri dzaiva mapiyona chaiwo mudzimba duku dzisingadhuri! Ndakasvika pakuziva dzimwe tsika, kuona zvinhu nenzira yakasiyana. Kutanga ndakaona kuti hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzokuAfrica dzinoisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga muupenyu hwadzo. Somuenzaniso, kufamba makiromita akawanda kuti dziende kuImba yoUmambo hakudzitadzisi kupinda misangano. Ndakadzidzawo zvidzidzo zvakawanda kubva paushamwari hwadzo uye kugamuchira kwadzo vaeni.
Rimwe zuva pandakanga ndichibva mubasa romumunda, ndakaudza Sandra kuti ndakanga ndava kutya kudzokera kuFrance. Kusaona kwangu kwakanga kwatowedzera. Ndaifunga nezvemigwagwa yakawandisa vanhu uye ine ruzha yomuBéziers, masitepisi omuzvivako zvokugara, nezvimwe zvinhu zvakawanda chaizvo zvinoita kuti munhu asinganyatsooni aomerwe noupenyu. Kusiyana neizvi, migwagwa yomuTabligbo, kunyange zvazvo isina tara, yakanga yakanyarara—isina vanhu vakawandisa uye isina motokari zhinji. Ndaizogara sei muFrance sezvo iye zvino ndakanga ndajaira guta reTabligbo?
Mazuva maviri pashure pacho amai vangu vakandiridzira runhare kuti vandiudze kuti chikoro chembwa dzinotungamirira mapofu chakanga chandimirira. Imbwa yaiva ichiri duku yemhando dziya dzinokura chaizvo yainzi Océane yakanga yagadzirira kuva “meso” angu. Zvakare, zvandaida ndakazvipiwa uye handina kuzozvidya mwoyo. Pashure pemwedzi mitanhatu ndichishandira muTabligbo, ndakanga ndava munzira kudzokera kuFrance kunosangana naOcéane.
Pashure pemwedzi yakawanda yokudzidziswa, ndakanzi nditarisire Océane. Pakutanga, zvakanga zvisiri nyore. Taifanira kudzidza kunzwisisana. Kunyange zvakadaro, zvishoma nezvishoma ndakasvika pakuziva kuti ndaida Océane zvikuru. Kutaura zvazviri chaizvo, iye zvino hazvichaiti kuti ndirarame ndisina Océane. Vanhu vomuBéziers vaiita sei pavaiona ndichisvika pasuo ravo nembwa? Vaindiremekedza zvikuru uye vaindiitira mutsa. Océane akava “gamba” munzvimbo yandaigara. Sezvo vanhu vakawanda vasinganzwi zvakanaka kana vaine munhu akaremara, kuva nembwa kwakandibatsira kutaura nezvourema hwangu ndakasununguka. Vanhu vainzwa vasununguka vonditeerera. Zvechokwadi, Océane aiita kuti ndikwanise chaizvo kutanga kukurukura nevanhu.
MuAfrica naOcéane
Ndakanga ndisina kukanganwa Africa, uye panguva ino ndakatanga kugadzirira rwendo rwangu rwechitatu. Panguva ino ndakaenda naOcéane. Ndakaperekedzwawo nemhuri yechiduku Anthony naAurore, neshamwari yangu Caroline—vose vaiva mapiyona seni. Musi waSeptember 10, 2000, takasvika muLomé.
Pakutanga vakawanda vaitya Océane. Vanhu vashoma muLomé vakanga vamboona imbwa yakakura zvakadaro, sezvo imbwa dzakawanda muTogo dziri duku. Pavaiona bhandi raiva muhuro make, vamwe vaifunga kuti yaiva imbwa inoruma inoda kudzorwa. Kana ari Océane, aiva nepfungwa dzokudzivirira, akagadzirira kundidzivirira pane chero chinhu chaanofunga kuti chingada kundikuvadza. Kunyange zvakadaro, Océane akakurumidza kujaira nzvimbo yake itsva. Kana asungwa bhandi, anenge ari pabasa—akadzikama, ane mutoro wokuva padivi pangu. Kana bhandi rake rasunungurwa, anotamba, dzimwe nguva anoita misikanzwa. Tinotamba chaizvo tose.
Takakumbirwa tose kuti tigare naSandra naChristine muTabligbo. Kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzomunharaunda yacho kuti dzijaire Océane, taidzikoka kuti dzitishanyire todzitsanangurira basa rembwa iyi, kuti nei ndaifanira kuva nayo, uye zvadzaifanira kuita kana dziri pairi. Vakuru vakabvuma kuti ndiende naOcéane kuImba yoUmambo. Sezvo urongwa uhwu hwakanga husina kumboitwa muTogo, pakapiwa chiziviso chaitsanangura chikonzero chacho kuungano. Kana muri muushumiri ndaienda naOcéane kana ndichidzokerazve kana kuti ndichienda kune vandaidzidza navo Bhaibheri—kune vanhu vaiva nyore kuti vanzwisise chikonzero chokuvapo kwake.
Zvinoramba zvichindifadza kuparidzira mundima iyi. Ndinogara ndichionga kuva nehanya kwevanhu vacho vanyoro, kwavairatidza nezviito zvomutsa, zvakadai sokufarira kundipa chigaro. Muna October 2001, amai vangu vakandiperekedza murwendo rwangu rwechina kuTogo. Pashure pevhiki nhatu vakadzokera kuFrance, vava nechivimbo uye vachifara.
Ndinoonga Jehovha zvikuru kuti ndakakwanisa kushumira muTogo. Ndinovimba kuti Jehovha acharamba achindipa ‘zvakakumbira mwoyo wangu’ sezvandinoramba ndichishandisa zvose zvandinazvo mubasa rake.a
[Mashoko Omuzasi]
a Hanzvadzi Morgou vakadzokera kuFrance uye vakakwanisa kuita rwendo rwavo rwechishanu kuTogo kubvira musi waOctober 6, 2003 kusvika musi waFebruary 6, 2004. Zvinosuruvarisa kuti nemhaka youtano husisina kutsarukana, rwendo urwu rwungangova rwokupedzisira kuTogo munyika ino. Asi, chido chavo chakasimba ndechokuramba vachishumira Jehovha.
[Mifananidzo iri papeji 10]
Ndaigara ndichifarira Africa ine mapani akakura uye ine mhuka dzinoyevedza
[Mufananidzo uri papeji 10]
Océane aindiperekedza kune vanhu vandaishanyirazve
[Mufananidzo uri papeji 11]
Vakuru vakabvuma kuti ndiende naOcéane kumisangano