RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/1 pp. 28-31
  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwedzi Mitanhatu Inokangaidza
  • Zuva Rinofadza Zvikurusa Roupenyu Hwangu
  • Mufaro Muushumiri
  • Ndiri Ndoga
  • Ndinoonga Tsigiro yaMwari
  • Jehovha Akandipa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuwana Mufaro Pasinei Nourema Hwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ndakatorwa Kumarara, Ndikakwidziridzwa
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/1 pp. 28-31

Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha

YAKATAURWA NASHARON GASKINS

PARADHISO pasi pano! Ndakazviona ndimene ndichifamba-famba muuswa, ndichitandanisa mafufura, ndichitamba nevana veshumba. Kwakanzwika kwakanaka kwazvo! Asi kwakanga kune panikiro. Kazhinji sei tariro yangu yakanga yaguma nokuora mwoyo!

Kwenguva refu yandinogona kuyeuka, wheelchair yave iri shamwari yangu yenguva dzose. Kuvambira pakuberekwa zvichienda mberi, cerebral palsy yakandibira mifaro youhwana. Vamwe vana vaifara vakapfeka bhutsu dzine mavhiri pasi namabhasikoro, asi ndaigara ndoga, ndisingakwanisi kunyange kufamba. Naizvozvo apo Amai vakandiendesa kumurapi nokutenda mumwe pashure pomumwe, taikarira nenji zvapachokwadi pasina kurapwa kwaitwa. Nguva pashure penguva, kunyanguvezvo, vaingondiendesa zvavo. Kunoodza mwoyo nokuda kwangu asi kwaivatambudza sei!

Vachishuva tariro yechokwadi, amai vangu vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha pakuvamba muna 1964. Panguva iyeyo ndaiva naanenge makore matanhatu nehafu ezera.

Kwaishamisa kudzidza kuti kwaimbova neparadhiso yakaisvonaka papasi rino. Nenzira inosuruvarisa, murume wokutanga, Adhama, akanga airasa, asi ndakashuva kuva pedyo naMwari uko iye akanga ambofarikanya. Kungadai kwakava kwakadini kufarikanya ukama naMwari? Kana kuti kurarama apo Mwanakomana wake amene akafamba pasi? Fungidziro dzangu dzakandiendesawo kuParadhiso yomunguva yemberi. Kunyange pazera iroro rapakuvamba, kwakanga kwakajeka kwandiri kuti takanga tawana zvokwadi.

Amai vakavamba kuendesa mhuri kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Misangano yazvo yakanga yakasiana kwazvo neizvo takanga taona muchechi! Vanhu nemhoteredzo zvakandiorora zvikuru.

Kutisvitsa kuHoro yoUmambo kwaiva muedzo nokuda kwaamai vangu. Kunze kwangu, kwaiva navana vaduku vatatu, uye takanga tisina motokari. Taikwira tekisi apo vaigona kubhadhara. Ndichiri kuyeuka kuti vakaparapatika sei rimwe Svondo. Kwakanga kusina tekisi yaioneka. Ipapo, kamwe kamwe uye nenzira isingakarirwi, mumwe murume akasvika nemotokari yake ndokutikwidza. Takanonoka nokuda kwomusangano wacho, asi takasvikako. Takaonga sei kuna Jehovha!

Nguva refu isati yapera hama dzedu dzomudzimu dzinodiwa nehanzvadzi vaiva nemotokari nenzira yorudo vakanga vachiita madzoro okutitakura. Kurudziro yaamai yokusatongopotsa misangano kutoti tairwara chaizvoizvo yakaroverera pandangariro yangu duku ukoshi hwoku‘ungana kwedu timene pamwe chete.’ (VaHebheru 10:24, 25) Vachisundwa neizvo vakanga vadzidza, amai vangu vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye vakabhapatidzwa muna 1965.

Pakasvika nguva iyeyo ndakanga ndakura zvakakwana kunzwisisa misangano zvizere zvikuru. MuCypress Hills Ungano muBrooklyn, New York, makanga mune vaEurope, vatema, vaHispanic, uye vamwe vainamata pamwe chete. Kwakaratidzika kuva kwakarurama kwazvo kuti vanhu vanotya Mwari vanofanira kugara muuhama hwechokwadi hwakadaro.—Pisarema 133:1.

Amai vangu vakandidzidzisa nzira yokugadzirira nayo misangano. Ichi chakanga chisiri chinetso mundangariro, asi chakanga chiri mumuviri. Cerebral palsy inoita kuti mabasa akapfava ave zvinhu zvikuru. Kwakanga, uye kuchiri, kusingandibviriri kunyora mutsetse wakatwasuka kuti nditare mhinduro mumabhuku edu eBhaibheri. Nerovedzo, zvisinei, kuisa kwangu mitsetse pasi kwakavandudzika.

Ndangariro yangu yakanga ichizara nezvinhu zvokutaura. Asi zvichibuda mumuromo mangu, mashoko akabvorongwa. Kuzorora kwaikosha kuitira kuti tsinga dzangu dzigorega kusunga. Ndaifanirawo kupa ngwariro pakududza shoko rimwe nerimwe zvakajeka sezvinobvira. Kangaidziko yaiitika mukati mangu kana tsinhiro isina kubuda sezvayaifanira kana kuti apo ndaiziva kuti vanhu havana kunzwisisa mashoko angu. Apo vakasvika pakundiziva, kunyanguvezvo, hama nehanzvadzi vomuungano vaikwanisa zviri nani kunzwisisa kutaura kwangu. Zvisinei, ndichine mazuva akanaka namazuva akashata neichi chinetso.

Mwedzi Mitanhatu Inokangaidza

Pamakore masere ezera, ndakava nechinoitika chemwedzi mitanhatu icho chakanditapura kusvikira kuzuva rino. Pasinei zvapo nokurapa kwose kwakatombopiwa kwomuviri, kwokushanda, uye kwokutaura, vanachiremba vakanditumira kuchipatara chokuvandudza muWest Haverstraw, New York. Amai vangu neni takaora mwoyo. Makore akati pamberi pezvi, apo vanachiremba vakandiongorora zvisina kururama saane ndangariro yakaganhurirwa, ivo vakavaudza kuti havasati vaizotongondiendesa. Naizvozvo kunyange paradzano yechinguvana yakanga yakavaomera. Zvisinei, vakaona kuti kurarama kwangu upenyu hunobudirira ndisinavo nababa vangu kwakareva kuzviitira zvinhu ndoga mumuviri sezvinobvira.

Nzvimbo yacho yakanga yakaisvonaka, asi ndakanzwa ndasiiwa. Nguva dzokuchema nokufufutirwa nehasha dzakajekesa mirangariro yangu pamusoro penzvimbo yacho. Vabereki vangu vaisagona kazhinji kazhinji kuita rwendo nebhazi rwamaawa matatu rwokundishanyira, zvikurukuru sezvo Amai vakanga vane pamuviri pomwana wavo wechishanu. Apo ivo vaifanira kubva, kwaindikangaidza zvikuru kwazvo zvokuti chiremba akati shanyo dzacho dzinofanira kuva shomanene. Ndakabvumirwa kuenda kumusha kaviri bedzi.

Varapi vakandidzidzisa kufamba neyamuro yetambo namadondoro anorema. Iwo akaratidzika kuva anorema zvikuru. Zvisinei, kurema kwacho kwakabetsera kuchengeta dzikamo ndokundidzivisa kuwa. Iyi yakanga iri nhano yokutanga kukufamba ndoga pasina tambo.

Kucheka zvokudya, kukonopera mabhatani—basa ripi neripi rinoda kushandiswa kweminwe—rakanga rave rakaoma kana kusati kuri kusingandibviriri. Asi kusvikira patambanuko yakati ndakadzidza nzira yokuzvidyisa nokuzvipfekedza ndimene. Ikoku gare gare kwakabetsera mubasa rangu kuna Mwari.

Apo rovedzo yangu yakapera, ndakadzokera kumusha zvakare. Amai vakaita kuti ndishande ndichishandisa unyanzvi hwangu hutsva. Kuita saizvozvo yakanga iri hondo yemirangariro, nokuti kunyange zvazvo ndaida kuzviitira zvinhu ndimene, kuzviita kwakanga kuchivhiringidza, kuchipedza nguva, uye kuchinetesa. Chokwadi, kuzvipfekedza ndimene nokuda kwemisangano kwakava basa ramaawa maviri!

Apo takatamira pamhiri chaipo pomugwagwa tichibva kuHoro yoUmambo, ndakafamba ndoga zvomenemene. Rwakanga rwusati rwuri rukundo ruduku!

Zuva Rinofadza Zvikurusa Roupenyu Hwangu

Amai vangu vakava nechokwadi chokuti mhuri yaiva nezvokudya zvomudzimu zvakadzikama. Ivo vaifunda neni ndokundikarira kurava chinyorwa chiri chose chamagazini edu, Nharireyomurindi naMukai! Kwaiva nemisangano yokugadzirira ndokupinda. Kunyange zvazvo ndangariro yangu nomwoyo zvaipinza nokudisa iyi zivo, mifungo yakakomba yokutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha nokuratidzira iyoyi kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura yaiva kure. Amai vakandibetsera kuona kuti pasinei zvapo nourema hwangu, Mwari aindirangarira kuva ndine mutoro wangu ndimene mumudzimu. Handaigona kukarira kupinda munyika itsva norunako rwavo, kupinda mairi ndakatsamira pavari.

Ndaida Mwari, asi mugariro wakandiparadzanisa saakasiana navamwe—kuziva kunorwadza nokuda kwowechiduku. Kwakanga kwakaoma kugamuchira ganhuriro dzangu. Hasha dzaiwanzondikurira, uye idzodzi dzaifanira kudzorwa pamberi porubhapatidzo. (VaGaratia 5:19, 20) Uye zvakadiniko kana ndikasagona kurarama mukuwirirana netsauriro yangu kuna Jehovha?

Pachikumbiro chaamai vangu, mukuru weungano akataura neni. Iye akadudza mubvunzo womuporofita Eria kuvaIsraeri: “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko?” (1 Madzimambo 18:21) Nenzira yakajeka, Jehovha haana kufadzwa nokusasarudza kwangu.

Ndakamuka mumudzimu ndokunyengetera zvapachokwadi nokuda kwebetsero yaJehovha uye nokuda kwokutsunga kutsaurira upenyu hwangu kwaari. Imwe hanzvadzi muungano yakafunda neni. Iyo yaiva duku kwandiri uye yakanga yarasikirwa naamai vayo ichiri duku. Kunyanguvezvo, iyo yakanga yaita tsauriro kuna Mwari ichiri duku zvikuru.

Pazera ramakore 17, ndakasarudza. Ndakada kubatira Jehovha kusvikira kuunani hwamano angu. August 9, 1974—apo ndakabhapatidzwa—rakanga riri zuva rinofadza zvikurusa roupenyu hwangu.

Mufaro Muushumiri

Kutora rutivi muushumiri kwakapa mhinganidzo dzakafanana negomo. Denho hurusa yaiva yokuzviita ndimene anonzwisiswa. Ndaitaura zvakajeka sezvinobvira. Ipapo, panguva ipi neipi pakwaiva kuri madikanwa, mubiyangu muushumiri hwomumunda aidzokorora tsinhiro dzangu kuna saimba. Vamwe vakaramba, vachindirangarira sanyajambwa wokushandiswa zvisina kufanira neZvapupu. Asi kuparidzira maruramiro angu uye chishuvo changu chomwoyo wose.

Kufamba pasuo nesuo kunyange bhuroko rimwe kunogona kuva kunonetesa chose. Dzimba dzakawanda mundima yedu yokupupurira dzine manera, kuchiita kuti ndisadzisvike. Munguva yechando, migwagwa yakazara neaizi inoita kuti basa rapaimba neimba rive rinodokusandibvirira. (Mabasa 20:20) Zvisinei, hama dzomudzimu dzakabetsera zvikuru kwazvo, uye Jehovha zvino akandikomborera newheelchair ine injini, iyo inoita kuti ushumiri huve huri nyore zvikuru.

Pashure penguva yakati ndakavamba kupupurira netsamba. Kunyora tsamba noruoko hakusati kwaizoita nemhaka yokuti kunyora kwangu hakuverengeki kuvanhu vazhinjisa. Naizvozvo tapureta yamagetsi yakava chokunyoresa changu. Ndinononoka zvikuru kutaipa nemhaka yokusashanda kwakanaka kwamaoko. Inenge hafu yenguva yacho, ndinorova bhii rimwe ndokurova rimwe. Kungatora awa imwe kana kuti kupfuura kutaipa peji rimwe chete.

Pasinei zvapo nokushaya simba, nguva nenguva ndinobatira sapiona webetsero, ndichipa maawa 60 kana kuti anopfuura kuushumiri mumwedzi. Ikoku kunoda rudungwe rwakanaka, nhamburiko yomuraudzo, uye tsigiro yavatendi biyangu. Mudzimu wavo wokupayona unondikurudzira. Amai vakagadzawo muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokubatira sapiona wenguva dzose kana kuti webetsero vachitarisana nenhamo, utano hwakaipa, uye denho yokurera vana vanomwe mumhuri yakakamuraniswa mune zvorudzidziso.

Ndiri Ndoga

Pazera ramakore 24, ndakasarudza ndoga kutama. Kutamira kwangu kuchikamu cheBensonhurst cheBrooklyn kwakabvumikisa kuva chikomborero. Marlboro Ungano yakanga yakafanana nemhuri yakasanobatana. Kwaisimbisa kutenda sei kuva navo! Kunyange nemotokari mbiri bedzi kana kuti nhatu dzinowanika muungano, hama dzomudzimu dzaindiendesa kumisangano yose. Bva handina kugarako nguva refu.

Ndichinzwa somukundikani chaiye, ndakadzokera kumhuri yangu ndokupinda munhambo yamakore matatu yokuora mwoyo zvikuru. Kufufutirwa nehasha kwakaitikazve. Ipapo kwakauya mifungo yokuzviuraya nokuedza kunoverengeka kwokukuita. Rufu rwaiva kariro yenguva dzose neinotyisidzira. Asi ndakavimba naMwari ndokupikira kuratidza kuonga nokuda kwechipo chake choupenyu. Nyaradzo nezano zvakabva kuvakuru. Ikoku, pamwe chete nomunyengetero, fundo yomunhu oga, shiviriro yemhuri yangu, uye betsero younyanzvi, zvakaruramisa kufunga kwangu.

Kupfurikidza neNharireyomurindi, Jehovha akagovera nounyoro nzwisiso mukuora mwoyo kwakakomba. Hungu, iye anotarisira vanhu vake uye anonzwisisa mirangariro yedu. (1 Petro 5:6, 7) Pashure penguva yakati kuora mwoyo kukuru kwakaderera. Makore gumi gare gare, Jehovha achiri kundibetsera kubata nekangaidziko nokuora mwoyo. Padzimwe nguva mirangariro yokusava namaturo inodokundinetsa. Kunyanguvezvo, munyengetero, fundo yeBhaibheri, uye mhuri yangu yomudzimu iyamuro dzepukunyuko.

Pashure pokutsvaka kusina maturo imwe furati, nenzira yokuzengurira ndakanga ndasarudza kugara nemhuri yangu kwoupenyu hwangu hwose hwasara. Ipapo Jehovha akapindura minyengetero yangu. Nzvimbo yakawanika muchikamu cheBedford-Stuyvesant cheBrooklyn. Pakasvika kupera kwezhezha ra 1984, ndakatamiramo, uye ndave ndirimo chifo chenguva iyoyo.

Mitezo yeLafayette Ungano ine rudo zvikuru nomutsa inondiendesa kumisangano. Ichiri itsva mundangariro mangu iFundo yeBhuku yeUngano yokutanga yandakapinda. Yakaitirwa pauriri hwechina—uye pasina chikwidzo! Nebetsero yaJehovha bedzi ndakakwira nokudzika manera iwayo. Pashure penguva yakati nzvimbo inosvikika zvikuru yakagoverwa. Uye zvino Jehovha akandikomborera neropafadzo yokuva neFundo yeBhuku yeUngano mumusha mangu.

Mudzimu wakaisvonaka woupiona wakazadza ungano iyoyi. Apo ndakauya, kwaiva naanenge mapiona 30, uye mamwe akandipa tarisiro nengwariro zvawo. Mugariro wokushingaira wakandisunda kuva piona webetsero kakawanda zvikuru.

Muna April 1989 Lafayette nePratt Ungano dzakavaka Horo yoUmambo itsva pazasi chaipo pomugwagwa kubva pafurati rangu. Pakanga pari panguva chaipowo, nokuti nemhaka yokumwe kuderera mumuviri, kufamba kwazovazve chinetso. Nesikuta yangu ine mota uye nehama nehanzvadzi dzinonditsigira, zvisinei, nzendo dzokuenda nokubva kumisangano dzinofadza. Ndinoonga zvikuru sei rubatsiro rworudo rwakadaro!

Ndinoonga Tsigiro yaMwari

Kunyange zvazvo makumbo angu asina kutsiga, mwoyo wangu wakatsiga. Dzidzo yakanaka yakaita kuti upenyu huve hwakapfava zvikuru, bva Mwari akanditsigira. Padzimwe nguva ndakanga ndisingazivi uko zvokudya zvinotevera zvakanga zvichizobva, asi Jehovha akanditsigira uye ave ari Mugoveri akatendeka. Anodiwa neni, zvamazvirokwazvo, mashoko aDhavhidhi, anoti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.”—Pisarema 37:23-25.

Nguva dzinoverengeka Jehovha akandigonesa kuchengeta chimiro chapaMagwaro kupfurikidza nokundibetsera kuramba kubvuma ropa mukati mokuvhiyiwa. (Mabasa 15:28, 29) Misi ichangobva kupfuura iyi, baba vangu vakafa. Kurasikirwa nomumwe munhu ari pedyo kwazvo zvirokwazvo yakanga iri nhamo yakaoma. Simba bedzi rakabva kuna Jehovha rakandibudisa muna iyoyi nemimwe miedzo.

Utano hwangu hungapfuurira kukundikana, asi chivimbo changu muna Mwari noukama hwangu naye mitoo yangu youpenyu. Ndinofara sei kuva pakati pavanhu vaJehovha nokuva netsigiro yake isingagumi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe