RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 12/1 p. 3
  • Amagedhoni—Mugumo Une Njodzi Zvikuru Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Amagedhoni—Mugumo Une Njodzi Zvikuru Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Amagedhoni—Vamwe Vanoti Inombova Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Armagedhoni—Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 12/1 p. 3

Amagedhoni—Mugumo Une Njodzi Zvikuru Here?

AMAGEDHONI! Shoko iri rinoita kuti ufunge nezvokuparara kwezvinhu zvakawanda here kana kuti kutsva kwezvinhu zvose zvakasikwa? Mashoko mashomanana omuBhaibheri ave achitaurwa nezvawo zuva nezuva munzvimbo dzakawanda dzenyika sezvinoitwa shoko rokuti “Amagedhoni.” Shoko racho rave richishandiswa nevakawanda kurondedzera tarisiro dzevanhu dzisina kujeka. Varaidzo yaita kuti vanhu vafungidzire kuti “Amagedhoni” iri kuuya inotyisa. Vanhu vanofunga kuti shoko iri chinhu chakavanzika uye vanofunga zvisiri izvo nezvaro. Kunyange zvazvo paine pfungwa dzakawanda nezvezvinoreva Amagedhoni, zhinji dzacho hadzienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri, munobva shoko racho.

Bhaibheri zvarinobatanidza Amagedhoni no“kuguma kwenyika,” haungabvumi here kuti zvinokosha kunyatsonzwisisa kuti shoko racho rinonyatsorevei? (Mateu 24:3, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Uye hazvingavi nomusoro here kuenda kutsime rechokwadi, Shoko raMwari, kuti uwane mhinduro dzokuti Amagedhoni chii uye kuti icharevei kwauri nemhuri yako?

Kuongorora kwakadaro kucharatidza kuti, pane kuti iunze mugumo une njodzi zvikuru, Amagedhoni ichaunza mavambo anofadza kune vanhu vanoda kugara uye kubudirira munyika itsva yakarurama. Uchafara kunzwisisa zvakajeka chokwadi ichi cheMagwaro chinokosha sezvaunofunga kukurukurwa kwezvinonyatsoreva Amagedhoni munyaya inotevera.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 3]

UNOFUNGA KUTI AMAGEDHONI CHII?

• Kuparadza kukuru kwenyukireya

• Njodzi inokonzerwa nezvakapoteredza

• Kubonderana kunoita zvinhu zviri kudenga nezviri panyika

• Kuparadza kunoita Mwari uipi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe