RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 9/15 p. 3
  • Nei Mwari Achibvumira Zvakaipa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Achibvumira Zvakaipa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Jeremiya 11:11—“Ndichauyisa Zvakaipa Pamusoro Pavo”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Zvakanaka Zvinorwisana Nezvakaipa—Hondo Yekare Kare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvakanaka Zvichazombokurira Zvakaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 9/15 p. 3

Nei Mwari Achibvumira Zvakaipa?

KWOSE kwaunotarira unoona kuti zvakaipa nokutambura zvakapararira. Vanhuwo zvavo nemasoja vanourayiwa muhondo. Kuparwa kwemhosva nechisimba hazvizivani. Zvichida munguva pfupi ichangopfuura wakasarurwa kana kuti wakabatwa zvakaipa. Uchifunga zvawakaona nezvawakasangana nazvo, ungadaro wakabvunza kuti, ‘Nei Mwari achibvumira zvakaipa?’

Mubvunzo uyu wakabvunzwa nevanhu vakawanda. Anenge makore 3 600 akapfuura, mumwe mushumiri waMwari akavimbika ainzi Jobho akabvunza kuti: “Nei vakaipa vachiramba vachirarama?” (Jobho 21:7) Achinetseka nezvakaipa zvaiitwa nevanhu vomunyika yake, muprofita Jeremiya akararama makore anenge 2 600 akapfuura akabvunza kuti: “Nei nzira yevakaipa iriyo yabudirira, zvokuti vose vari kunyengera ndivo vasinganetseki?” (Jeremiya 12:1) Jobho naJeremiya vaiziva kuti Mwari akarurama. Asi vaitadza kuziva kuti nei zvakaipa zvakanga zvakawanda kudaro. Zvichida newewo unotenderedzwa musoro nazvo.

Vamwe vanhu vanoti Mwari ndiye ane mhosva yezvakaipa nokutambura. Vamwe vanobvunza kuti: ‘Kana Mwari ari wemasimbaose, akarurama, uye aine rudo, nei asingagumisi zvakaipa nokutambura? Nei akaregerera zvakaipa kuti zvirambe zviripo kusvika nhasi?’ Nyaya iri kutevera ichapindura mibvunzo iyi nemimwe inokosha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

AP Photo/Adam Butler

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe