RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 pp. 14-17
  • Dzidziso Yokushanduka-shanduka Inoenderana neBhaibheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidziso Yokushanduka-shanduka Inoenderana neBhaibheri Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pakwaiva Nomunhu Mumwe Chete
  • Zvakaita Kuti Munhu Asava Akakwana
  • Zvinoita Here Kudavira Kushanduka-shanduka Pamwe Chete nechiKristu?
  • Chinoita Kuti Vanhu Vafarire Kushanduka-shanduka
  • Kutenda muMusiki Kune Pakwakavakirwa
  • Vechiduku Vanobvunza Kuti—Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?—Chikamu 2
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mwari Akaita Kuti Zvinhu Zvishanduke-shanduke Here Kuti Pave Nemarudzi Akasiyana-siyana Ezvinhu Zvipenyu?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushanduka-shanduka
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mhindumupindu Inotongwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 pp. 14-17

Dzidziso Yokushanduka-shanduka Inoenderana neBhaibheri Here?

ZVINGAITA here kuti titi Mwari akaita kuti mhuka dzishanduke-shanduke kusvika dzava vanhu? Mwari akaita kuti bhakitiriya ishanduke kuva hove ndokuzoramba ichishanduka kuva mhuka, zvokuti pakupedzisira tsoko dzakazova vanhu here? Vamwe vasayendisiti nevatungamiriri vezvitendero vanoti vanodavira dzidziso yokuti vanhu vakaita zvokushanduka-shanduka uyewo zvinodzidziswa neBhaibheri. Vanoti bhuku reBhaibheri rinonzi Genesisi inhoroondo yokufananidzira. Pamwe iwe wakamboshamisikawo kuti, ‘Dzidziso yokuti vanhu vakashanduka-shanduka kubva kumhuka inoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri here?’

Kuziva kwatakabva kunokosha kuti tinzwisise kuti tiri vanaani, tiri kuenda kupi, uye tinofanira kurarama sei. Kana tikaziva kwatakabva ndipo patichazonzwisisa kuti nei Mwari achirega zvakaipa zvichiitika uye chinangwa chake nokuda kweramangwana redu. Hatigoni kuva noukama hwakanaka naMwari kana tisina chokwadi chokuti ndiye Musiki wedu. Naizvozvo ngationgororei zvinotaurwa neBhaibheri nezvekwatakabva, zvatiri iye zvino uye ramangwana redu. Tikadaro tichaona kana dzidziso yokushanduka-shanduka ichienderana neBhaibheri.

Pakwaiva Nomunhu Mumwe Chete

Vanotsigira dzidziso yokushanduka-shanduka vanoti mhuka dzakawanda dzakachinja zvishoma nezvishoma kusvikira dzava vanhu, vachiramba kuti paingova nomunhu mumwe chete. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura zvakasiyana chaizvo neizvi. Rinoti takabva kumunhu mumwe chete, Adhamu. Nhoroondo yomuBhaibheri inoti Adhamu aiva munhu chaiye. Rinotipa mazita omudzimai wake neevamwe vana vake. Rinodonongodza zvaakaita, zvaakataura, nguva yaakararama, uye nguva yaakazofa. Jesu haana kungoona nhoroondo iyoyo senyaya yevanhu vasina kudzidza. Paaitaura nevatungamiriri vechitendero vakadzidza chaizvo, akati: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi?” (Mateu 19:3-5) Zvadaro Jesu akataura mashoko akanyorwa pana Genesisi 2:24 anotaura nezvaAdhamu naEvha.

Ruka, munyori weBhaibheri uye wenhau ainyatsotsvakurudza akati Adhamu aiva munhu chaiye sezvakanga zvakangoita Jesu. Ruka akataura dzinza raJesu kusvika asvika kumunhu wokutanga. (Ruka 3:23-38) Uyewo, muapostora Pauro paakataura nevanhu vaisanganisira vazivi vakanga vakadzidza kuzvikoro zvechiGiriki zvaiva zvakakurumbira, akavaudza kuti: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi . . . akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare pamusoro penyika yose.” (Mabasa 17:24-26) Zviri pachena kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti takabva ku“munhu mumwe chete.” Zvinotaurwa neBhaibheri nezvekwatakabva zvinoenderana nedzidziso yokushanduka-shanduka here?

Zvakaita Kuti Munhu Asava Akakwana

Maererano neBhaibheri, Jehovha akasika munhu wokutanga akakwana. Hazvigoni kuti Mwari aite chinhu chisina kukwana. Nhoroondo yokusika inoti: “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake . . . Pashure Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:27, 31) Munhu akakwana anenge akaita sei?

Munhu akakwana anenge aine rusununguko rwokusarudza uye anokwanisa kunyatsotevedzera unhu hwaMwari. Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama, asi ivo vakatsvaka mazano mazhinji.” (Muparidzi 7:29) Adhamu akasarudza kupandukira Mwari. Paakapanduka, akarasikirwa nokukwana iye nevana vake. Kusakwana kwevanhu kunoita kuti tinzwisise kuti nei tichiwanzoita zvinotiodza mwoyo, kunyange zvazvo tingada kuita zvakanaka. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvandinoda, handizviiti; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.”—VaRoma 7:15.

Maererano neBhaibheri, munhu akakwana aizorarama nokusingaperi aine utano hwakakwana. Kubva pane zvakataurwa naMwari kuna Adhamu, zviri pachena kuti kudai munhu wokutanga akanga ateerera Mwari, angadai asina kumbofa. (Genesisi 2:16, 17; 3:22, 23) Jehovha angadai asina kutaura kuti kusika kwaakanga aita munhu kwakanga ‘kwakanaka kwazvo’ kudai munhu wacho aizorwara kana kuti kupanduka. Kusakwana kunoita kuti tinzwisise kuti nei muviri womunhu uchiremara uye uchibata zvirwere, iwo wakasikwa zvinoshamisa kudaro. Naizvozvo dzidziso yokushanduka-shanduka haiwirirani neBhaibheri. Inoti munhu aripo iye zvino imhuka iri kuvandudzwa. Bhaibheri rinoti munhu anotadza aripo iye zvino akaberekwa nomunhu akakwana.

Pfungwa yokuti Mwari akaita kuti mhuka dzishanduke-shanduke kuitira kuti pave nevanhu haiwiriraniwo nezvinotaurwa neBhaibheri nezvounhu hwaMwari. Kudai Mwari akatungamirira kushanduka-shanduka, zvaizoreva kuti akatungamirira vanhu kuti vave mumamiriro ezvinhu akaipa uye anoshungurudza aripo nhasi. Zvisinei, Bhaibheri rinoti nezvaMwari: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka. Ivo vakaita zvakaipa; havasi vana vake, urema ndohwavo.” (Dheuteronomio 32:4, 5) Naizvozvo, kutambura kuri kuita vanhu nhasi hakubvi pakuti Mwari ndiye akaita kuti pave nokushanduka-shanduka. Kunobva pakuti munhu mumwe chete akarasikirwa nokukwana kwake nokwevana vake paakapandukira Mwari. Iye zvino zvatataura nezvaAdhamu, tinogona kutaurawo nezvaJesu. Kushanduka-shanduka kunoenderana nezvinotaura Bhaibheri nezvaJesu here?

Zvinoita Here Kudavira Kushanduka-shanduka Pamwe Chete nechiKristu?

“Kristu akafira zvivi zvedu.” Sezvaungadaro uchitoziva, iyi ndiyo imwe dzidziso yechiKristu inokosha. (1 VaKorinde 15:3; 1 Petro 3:18) Kuti tione kuti nei kushanduka-shanduka kusingawirirani nemashoko iwayo, tinofanira kutanga tanzwisisa kuti nei Bhaibheri richiti tiri vatadzi uye zvatinoitwa nechivi.

Tose tiri vatadzi mupfungwa yokuti hatigoni kunyatsotevedzera unhu hwaMwari, hwakadai sorudo nokururamisira. Naizvozvo, Bhaibheri rinoti: “Vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Bhaibheri rinodzidzisa kuti chivi ndicho chinokonzera rufu. “Kuruma kunobereka rufu chivi,” inodaro 1 VaKorinde 15:56. Kugara nhaka kwatakaita chivi ndiko kunokonzerawo kurwara. Jesu akati kurwara kune chokuita nokutadza kwatinoita. Akati kune akanga akaoma rutivi rwomuviri, “Zvivi zvako zvakanganwirwa,” munhu wacho achibva apora.—Mateu 9:2-7.

Kufa kwakaita Jesu kunotibatsira sei? Bhaibheri rinosiyanisa Adhamu naJesu Kristu richiti: “Vose zvavari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.” (1 VaKorinde 15:22) Jesu paakapa upenyu hwake sechibayiro, akabhadhara chivi chatakanga tagara nhaka kuna Adhamu. Saka, vose vanotenda muna Jesu uye vanomuteerera vachawana zvakaraswa naAdhamu—tariro youpenyu husingaperi.—Johani 3:16; VaRoma 6:23.

Saka, unoona here kuti kushanduka-shanduka hakuwirirani nechiKristu? Kana tisina chokwadi kuti ‘vose vari kufa muna Adhamu,’ tingava sei netariro yokuti “vose vachaitwa vapenyu muna Kristu”?

Chinoita Kuti Vanhu Vafarire Kushanduka-shanduka

Bhaibheri rinotaura kuti zvakafamba sei kuti dzidziso dzakaita sedzokushanduka-shanduka dzikurumbire. Rinoti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.” (2 Timoti 4:3, 4) Kunyange zvazvo kushanduka-shanduka kuchiwanzotaurwa nemashoko esayenzi, kutaura zvazviri idzidziso yechitendero. Inodzidzisa maonero aunofanira kuita upenyu uye mafungiro aunofanira kuita nezvaMwari. Zvinodavirwa nezvokushanduka-shanduka zvinonyengera uye zvinofarirwa nevanhu vane maonero oudyire, okusada kutungamirirwa naMwari. Vakawanda vanodavira zvokushanduka-shanduka vanoti vanodavirawo kuti kuna Mwari. Zvisinei, vakasununguka kufunga kuti Mwari haana kusika zvinhu zvose, haapindiri muzvinhu zvevanhu, uye haazotongi vanhu. Idzidziso inofadza nzeve dzevanhu.

Kazhinji vanodzidzisa zvokushanduka-shanduka havadzidzisi nokuti ichokwadi, asi nokuti ndizvo “zvavanoda”—zvichida vachida kugamuchirwa nevesayenzi vanodzidzisawo zvokushanduka-shanduka. Muzvinadzidzo wezvinhu zvipenyu Michael Behe uyo akapedza nguva yakawanda youpenyu hwake achidzidza kuoma kwakaita mashandiro anoita masero mumuviri, anotsanangura kuti vaya vanodzidzisa nezvokushanduka-shanduka kwemasero havakwanisi kutsigira zvavanotaura. Kushanduka-shanduka kwaigona kuitika here mutunhu tuduku-duku utwu? Akanyora kuti: “Kushanduka-shanduka kwemamorekuru hakuenderani nesayenzi. Hapana chinorondedzera kushanduka-shanduka kwemamorekuru kwezvinhu chero zvipi hazvo, zvakaitika kana kuti zvingadaro zvakaitika, angava mabhuku ezvesayenzi, magazini akakurumbira, kana kuti magazini anotaura nyaya imwe chete. . . . Kutaura kwaDarwin kwokuti mamorekuru akashanduka-shanduka kunongova kutsvinya.”

Kana vanotsigira kushanduka-shanduka vasingakwanisi kuzvitsanangura, nei vachitaura zvakasimba kudaro nezvepfungwa dzavo? Behe anotsanangura kuti: “Vanhu vakawanda, kusanganisira vasayendisiti vakawanda vanokosha uye vanoremekedzwa zvikuru, havatombodi kunzwa kuti pane rimwe simba ringava rakaita zvokusika zvinhu.”

Dzidziso yokushanduka-shanduka inofarirwa nevafundisi vakawanda vanoda kuratidza kuti vakachenjera. Vakafanana nevaya vanorondedzerwa mutsamba yakanyorerwa vaKristu vokuRoma nomuapostora Pauro. Pauro akanyora kuti: “Zvingazivikanwa pamusoro paMwari zvinoratidzwa pachena pakati pavo . . . Zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa, zvokuti havana chokuzvipembedza nacho; nokuti, kunyange zvazvo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari uyewo havana kumuonga, asi vakafunga zvisina musoro uye mwoyo yavo isina kungwara yakava nerima. Kunyange zvazvo vaitaura kuti vakanga vakachenjera, vakava mapenzi.” (VaRoma 1:19-22) Ungaita sei kuti usanyengedzwa nevadzidzisi venhema?

Kutenda muMusiki Kune Pakwakavakirwa

Bhaibheri rinosimbisa kuti uchapupu hunokosha parinotsanangura nezvokutenda. Rinoti: “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.” (VaHebheru 11:1) Kutenda kwechokwadi muna Mwari kunofanira kuratidzwa nouchapupu hwokuti Musiki ariko zvechokwadi. Bhaibheri rinoratidza kwaungawana uchapupu hwacho.

Munyori weBhaibheri akafuridzirwa Dhavhidhi akati: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.” (Pisarema 139:14) Kuwana nguva yokufungisisa kusikwa kunoshamisa kwakaitwa muviri wedu nezvimwe zvinhu zvipenyu kunoita kuti tishamiswe nouchenjeri hwoMusiki wedu. Zvinhu zvose zvinoshandira pamwe kuti tirambe tiri vapenyu zvakagadzirwa. Uyewo, zvose zvakasikwa zvinoratidza kuti zvakarongwa. Dhavhidhi akanyora kuti: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake.”—Pisarema 19:1.

Bhaibheri rine uchapupu hwakawanda pamusoro poMusiki. Kumboongorora kuwirirana kwemabhuku aro 66, kukwirira kwakaita tsika dziri mariri, uye kuzadzika kunoita uprofita hwaro kuchaita kuti uve nouchapupu hwakawanda hwokuti Musiki ndiye akarinyora. Kunzwisisa zvarinodzidzisa kuchaitawo kuti uve nechivimbo chokuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko roMusiki. Somuenzaniso, paunonzwisisa dzidziso dzeBhaibheri dzakadai sokuti nei tichitambura, Umambo hwaMwari, ramangwana revanhu, uye nzira yokuwana mufaro, uchaona kuti chokwadi Mwari ane uchenjeri. Ungasvika pakunzwa semanzwiro akaita Pauro paakanyora kuti: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!”—VaRoma 11:33.

Paunenge uchiongorora uchapupu hwacho uye kutenda kwako kuchikura, uchava nechivimbo chokuti paunoverenga Bhaibheri uri kunzwa zviri kutaurwa noMusiki pachake. Anoti: “Ndini ndakaita nyika uye ndakasika munhu ari pairi. Ini—maoko angu akatatamura matenga, uye ndakarayira uto rawo rose.” (Isaya 45:12) Zvechokwadi hauzombozvidembi kuti wakaedza kuti uve nechokwadi chokuti Jehovha ndiye Musiki wezvinhu zvose.

[Mashoko okukwezva vateereri ari papeji 14]

Muapostora Pauro akaudza vaGiriki vakanga vakadzidza kuti: “Mwari . . . akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete”

[Mashoko okukwezva vateereri ari papeji 15]

Dzidziso yokushanduka-shanduka inoti munhu imhuka iri kuvandudzwa. Bhaibheri rinoti munhu anotadza aripo iye zvino akabva kumunhu akakwana

[Mashoko okukwezva vateereri ari papeji 16]

“Kushanduka-shanduka kwemamorekuru hakuenderani nesayenzi”

[Mashoko okukwezva vateereri ari papeji 17]

Kusikwa kunoshamisa kwakaitwa zvinhu zvipenyu kunoita kuti tishamiswe nouchenjeri hwoMusiki wedu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe