Swedera Pedyo naMwari
Baba Vasina Wavakafanana Naye
“BABA.” Mashoko mashoma anonyandura mwoyo yevanhu kupfuura shoko iri. Baba vanoda vana vavo zvechokwadi vanovabatsira kuti vakure zvakanaka. Ndokusaka Bhaibheri richiti Jehovha Mwari ndi“Baba.” (Mateu 6:9) Jehovha ndiBaba vakaita sei? Kuti tipindure izvi, ngatimboongororai zvakataurwa naJehovha kuna Jesu paaibhabhatidzwa, nokuti matauriro anoita baba kuvana vavo ane zvakawanda zvaanoratidza nezvokuti ivo mubereki akaita sei.
Munenge muna October 29 C.E., Jesu akaenda kuRwizi rwaJodhani kunobhabhatidzwa. Bhaibheri rinorondedzera zvakaitika richiti: “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika, Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari. Tarira! Kwaivawo neinzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.’”a (Mateu 3:16, 17) Mashoko orudo iwayo akabuda mumuromo maJehovha anotiudza zvakawanda kuti iye ndiBaba vakaita sei. Chimbotarisa zvinhu zvitatu izvo Jehovha akataura kuMwanakomana wake.
Kutanga, paakataura kuti “uyu ndiye Mwanakomana wangu,” Jehovha aireva kuti, ‘Ndinodada kuti ndiri Baba vako.’ Baba vanonzwisisa vanogutsa zvishuwo zvevana vavo zvokuda kudiwa uye kuteererwa. Vana vanoda kuvimbiswa kuti vanokosheswa somunhu mumwe nomumwe mumhuri. Imbofungidzira kuti Jesu akanzwa sei nokudiwa saizvozvo naBaba vake kunyange akanga ava munhu mukuru!
Chechipiri, Jehovha paakataura nezvoMwanakomana wake achiti “anodiwa,” akanga ari kutaura pachena madiro aanoita Jesu. Nemamwe mashoko, Baba vakanga vari kuti, ‘Ndinokuda.’ Baba vakanaka vanoudza vana vavo kuti vanovada nomwoyo wavo wose. Mashoko iwayo paanenge achitaurwa nenzira inoratidza rudo rwomwoyo wose, anobatsira vana kukura zvakanaka. Zvinofanira kunge zvakabaya mwoyo waJesu kunzwa Baba vake vachitaura kuti vanomuda!
Chechitatu, paakati “wandafarira,” Jehovha airatidza kufarira kwaanoita Mwanakomana wake. Zvaiita sokuti Jehovha aiti, ‘Mwanangu, ndafadzwa nezvawaita.’ Baba vane rudo vanotsvaka mikana yokuti vana vavo vazive kuti ivo sababa vanofadzwa nezvinhu zvakanaka zvavanotaura kana kuita. Kufarirwa kunoitwa vana nevabereki kunoita kuti vatsige uye vashinge. Chokwadi zvinofanira kunge zvakakurudzira Jesu kunzwa kuti anofarirwa naBaba vake!
Chokwadi, Jehovha ndiBaba vasina wavakafanana naye. Mwoyo wako unodokwairira baba vakadaro here? Kana zvakadaro, ngazvikunyaradze kuziva kuti unogona kuva noukama naJehovha. Kana ukadzidza nezvake woedza nomwoyo wose kuita zvaanoda uine kutenda, achakuitirawo zvakafanana. Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Pane chingaita kuti unzwe wakachengeteka here kupfuura ukama hwatsika nditsikewo naJehovha Mwari, Baba vakanaka zvikuru vaungashuva kuva navo?
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano nenhoroondo yakafanana iri muEvhangeri yaRuka, Jehovha akataura zvakananga kwaari achiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.”—Ruka 3:22.