RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 10/1 pp. 18-21
  • Ungava Sei Baba Vakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungava Sei Baba Vakanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsvaka Kubatsirwa naMwari
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kuva Nehanya Nevana
    Mukai!—2005
  • Bhaibheri Ringakubatsira Here Kudzidzisa Vana Vako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Nzira Yokuva Baba Vakanaka
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 10/1 pp. 18-21

Ungava Sei Baba Vakanaka?

“Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

BABA vangaita sei kuti vana vavo varege kunzwa sokuti vari kunetswa? Zvinokosha kuti vazive kukosha kwebasa ravo sababa. Imwe magazini inotaura nezveutano hwepfungwa inoti: “Kuva baba ibasa rakaoma uye rinokosha rinogona kubatsira kana kukanganisa njere dzemwana uye mafungiro ake.”

Basa rababa nderei? Mumhuri dzakawanda baba ndivo vanonzi vanofanira kuranga vana. Kana mwana akaita misikanzwa, vanaamai vakawanda vanoti, ‘Uchazviona kana baba vako vadzoka!’ Kutaura zvazviri, vana vanokura zvakanaka kana vabereki vachivaranga zvine mwero uye vasingavatunhidzi. Zvisinei, kuva baba akanaka kunosanganisira zvakawanda.

Zvinosuruvarisa kuti haasi madzibaba ose akarerwa navanababa vakanaka. Vamwe varume vakarererwa mumhuri dzakanga dzisina baba. Asi vamwe varume vakarerwa navanababa vaivaomesera uye vanachandagwinyira, vangarerawo vana vavo saizvozvo. Baba vakadaro vangaita sei kuti vasarerawo vana vavo saizvozvo uye kuti vanatsiridze unyanzvi hwavo hwokurera vana?

Kune kwavanogona kuwana mazano anoshandisika uye akavimbika kuti vave baba akanaka. Bhaibheri rine mazano akanaka kwazvo anotaura nezvoupenyu hwemhuri. Mazano aro haasi pfungwawo zvadzo dzevanhu; uye haatikuvadzi. Mazano eBhaibheri anoratidza kuti Munyori waro, Jehovha Mwari, uyo akaita kuti mhuri dzivepo, ane uchenjeri. (VaEfeso 3:14, 15) Kana uri baba, zvingava zvakanaka kuti uone zvinotaura Bhaibheri nezvokurera vana.a

Kuva baba akanaka hakungokoshi pakuti vana vakure zvakanaka chete mumuviri nomupfungwa asiwo kunokosha pakuti vawedzere ukama hwavo naMwari. Kana mwana achidanana uye achiwirirana chaizvo nababa vake zvingamuitira nyore kuti ave noukama hwepedyo naMwari. Bhaibheri rinotoratidza kuti Jehovha, Musiki wedu, ndiBaba vedu. (Isaya 64:8) Iye zvino ngatimbokurukura zvinhu zvitanhatu zvinodiwa nevana kubva kuna baba vavo. Pane chimwe nechimwe chazvo, tichaongorora kuti kushandisa mazano eBhaibheri kungabatsira sei baba kuti vagutse zvinodiwa nevana vavo.

1 Vana Vanoda Kudiwa naBaba Vavo

Jehovha ndiye muenzaniso wakakwana saBaba. Richirondedzera kuti Mwari anonzwa sei nezvaJesu, Mwanakomana wake wedangwe, Bhaibheri rinoti: “Baba vanoda Mwanakomana.” (Johani 3:35; VaKorose 1:15) Katatu, Jehovha akaratidza kuti anoda Mwanakomana wake uye kuti anomufarira. Pakabhabhatidzwa Jesu, Jehovha akataura ari kudenga achiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.” (Ruka 3:22) Jesu ainyatsogutsikana kuti aidiwa naBaba vake. Baba vanogona kudzidzei kuna Mwari?

Usazeza kuudza vana vako kuti unovada. Kelvin, baba vane vana vashanu, anoti: “Ndakaedza nguva dzose kuratidza rudo kuvana vangu kwete chete nokuvaudza kuti ndinovada asiwo nokuratidza kuvafarira somunhu mumwe nomumwe. Ndaibatsirawo pakuvachinja manapukeni nokuvagezesa.” Uyezve, vana vako vanofanira kuziva kuti unovafarira. Saka usanyanya kuvatsoropodza, uchingogara uchivagadzirisa pose pose. Pane kudaro, gara uchivarumbidza. Donizete, ane vanasikana vaviri vachiri kuyaruka, anoti: “Baba vanofanira kutoita zvokutsvaka mikana yokuti varumbidze vana vavo.” Vana vako vakaziva kuti unovafarira zvinogona kuvabatsira kuti vazviremekedze. Izviwo zvinogona kuita kuti vaswedere pedyo naMwari.

2 Vana Vanoda Muenzaniso Wakanaka

Pana Johani 5:19 panoti Jesu anogona kuita “chaanoona Baba vachiita chete.” Ona kuti ndima iyi iri kuti Jesu aiona oita ‘zvaiitwa’ naBaba vake. Ndizvo zvinowanzoitawo vana. Somuenzaniso, kana baba vachikudza nokuremekedza mudzimai wavo, mwanakomana wavo anozobata vanhukadzi norukudzo uye noruremekedzo paanozokura. Muenzaniso wababa haungobatsiri mafungiro evakomana chete asiwo unobatsira vasikana pamaonero avanoita varume.

Vana vako vanowana zvakaoma here kukumbira ruregerero? Muenzaniso wakanaka unokosha zvakare panyaya iyi. Kelvin anoyeuka vanakomana vake vaviri pavakapwanya kamera inodhura. Akatsamwa kwazvo zvokuti akarova tafura ichibva yapwanyika nepakati. Pashure pacho Kelvin akanzwa aine mhosva zvokuti akakumbira ruregerero kwavari vose, kusanganisira mudzimai wake nokuti akanga agumbuka. Anofunga kuti kukumbira kwaakaita ruregerero kwakabatsira vana vake; hazvivaomeriwo kukumbira ruregerero.

3 Vana Vanoda Kurererwa Mumhuri Inofara

Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Hazvishamisi kuti Mwanakomana wake Jesu aifara chaizvo kuva naBaba vake. Pana Zvirevo 8:30 panoratidza ukama huna Jesu naBaba vake, pachiti: “Ndaiva padivi pake [Baba] ndiri mhizha, . . . ndichifara pamberi pake nguva dzose.” Chokwadi Baba noMwanakomana wavo vaiva noukama hwakanaka!

Vana venyu vanoda kurererwa mumhuri inofara. Kumbowana nguva yokutamba nevana venyu kunogona kubatsira kuti mufaro wacho uvepo. Kutamba pamwe chete kunobatsira kusimbisa ukama hwomubereki nemwana. Felix anobvumirana nazvo. Ane mwana mukomana uye anoti: “Kuronga kuva nenguva yokumbotamba nomwanakomana wangu kwave kuchikosha chaizvo paukama hwedu. Tinotamba mitambo pamwe chete, tinoshamwaridzana nevamwe, uye tinoshanyira nzvimbo dzinonakidza. Izvi zvakasimbisa kubatana kwemhuri yedu.”

4 Vana Vanoda Kudzidziswa Zvinhu Zvokunamata

Jesu akadzidziswa naBaba vake. Saka Jesu aigona kutaura kuti: “Ndiri kutaura munyika zvinhu chaizvo zvandakanzwa kwaari [Baba].” (Johani 8:26) Mukuona kwaMwari, baba ndivo vane basa rokudzidzisa vana vavo mutsika uye mukunamata. Rimwe basa renyu sababa nderokuroverera mitemo yakarurama mumwoyo yevana venyu. Kudzidzisa kwakadaro kunofanira kutangira pauduku. (2 Timoti 3:14, 15) Felix akatanga kuverengera mwanakomana wake nyaya dzomuBhaibheri paakanga achiri muduku. Felix aishandisa nyaya dzakanaka dzinonakidza, kusanganisira dziya dziri mubhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau DzeBhaibheri.b Mwanakomana wake zvaaikura, Felix aisarudza mabhuku anotsanangura Bhaibheri aienderana nezera remwanakomana wake.

Donizete anoti: “Zvakaoma chaizvo kuita kuti pamunenge muchidzidza Bhaibheri munakidzwe. Zvinokosha kuti vabereki varatidze kuti vanokoshesa zvinhu zvokunamata sezvo vana vachikurumidza kuona kana vabereki vavo vasingaiti zvavanovati vaite.” Carlos, uyo ane vanakomana vatatu anoti: “Tinoita musangano wemhuri vhiki yoga yoga kuti tikurukure zvinhu zvine chokuita nemhuri yedu.” Munhu mumwe nomumwe mumhuri ane mukana wokusarudza zvaangada kuti zvikurukurwe.” Kelvin aigara achitsvaka mikana yokutaura nevana vake nezvaMwari chero kwavaiva uye chero pane zvavaiita. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aMosesi anoti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”—Dheuteronomio 6:6, 7.

5 Vana Vanoda Kurangwa

Vana vanoda kurangwa kuitira kuti vabudirire uye vagone kutakura mutoro kana vakura. Vamwe vabereki vanofunga kuti kuranga vana kunoreva kuvarova zvakaipisisa, kusanganisira kuvatyisidzira kana kuita kuti vasaremekedzeke. Zvisinei, Bhaibheri hariratidzi kuti vana vanoda kurangwa noutsinye. Asi rinoratidza kuti vabereki vanofanira kuranga murudo, sezvinoita Jehovha. (VaHebheru 12:4-11) Bhaibheri rinoti: “Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEfeso 6:4.

Zvingava zvakakodzera kuranga vana nguva nenguva. Zvisinei, mwana anofanira kunzwisisa kuti nei ari kurangwa. Mwana haafaniri kunzwa searambwa nevabereki vake kana vamuranga. Bhaibheri haribvumiri kurova mwana zvakaipisisa zvokutomukuvadza. (Zvirevo 16:32) Kelvin anoti, “Pandaida kuranga vana vangu pazvinhu zvakakomba, nguva dzose ndaiedza kuvajekesera kuti rudo ndirwo rwaiita kuti ndivarange.”

6 Vana Vanoda Kudzivirirwa

Vana vanoda kudzivirirwa pashamwari dzisingavaki uye dzinogona kuvakanganisa. Zvinosuruvarisa kuti munyika ino mune “vanhu vakaipa,” vakatsunga kukanganisa vana vasina chavanoziva. (2 Timoti 3:1-5, 13) Ungadzivirira vana vako sei? Bhaibheri rinopa zano iri rokuchenjera rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.” (Zvirevo 22:3) Kuti udzivirire vana pamatambudziko, unofanira kungwarira ngozi. Tarisira mamiriro ezvinhu angakonzera zvinetso, uye tora matanho okudzivirira vana vako. Somuenzaniso, kana ukabvumira vana vako kuti vashandise Indaneti, iva nechokwadi chokuti vanoziva kuishandisa nenzira isingavakanganisi. Zvingava zvakanaka kuti muchengete kombiyuta iri pachena paunokwanisa kuona kushandiswa kwayo.

Baba vanofanira kudzidzisa vana vavo uye kuita kuti vagadzirire njodzi dzavangasangana nadzo munyika ino inogona kuvakanganisa. Vana vako vanoziva here zvokuita kana mumwe munhu akaedza kuvabata zvisiri izvo iwe usipo?c Vana vako vanofanira kuziva mashandisirwo akanaka neasina kunaka enhengo dzavo dzakavandika. Kelvin anoti: “Handina kuda kuti vadzidziswe nevamwe, kunyange vadzidzisi vavo. Ndakaona kuti raiva basa rangu kudzidzisa vana vangu nezvepabonde uye kuti vazive kuti pane vanhu vakaipa vanoshungurudza vana.” Vana vake vose vakakura zvakanaka uye iye zvino vari kufara mudzimba dzavo.

Tsvaka Kubatsirwa naMwari

Chipo chikuru pane zvose icho baba vangapa vana vavo ndechokuvabatsira kuti vave noukama hwakasimba naMwari. Zvinoitwa nababa zvinokosha zvikuru. Donizete anoti: “Baba vanofanira kuratidza kuti vanokoshesa chaizvo ukama hwavo naMwari. Izvi zvinofanira kunyatsooneka pavanosangana nezvinetso kana matambudziko. Panguva yakadai, baba vanofanira kuratidza kuvimba kwavanoita zvikuru naJehovha. Kunyengetera semhuri, uye kudzokorora mashoko okuonga anoratidza kuti Mwari akanaka, zvichadzidzisa vana kuona kukosha kwokuti Mwari ave Shamwari yavo.”

Saka chii chinoita kuti uve baba vakanaka? Tsvaka mazano kubva kune munhu anonyatsoziva kurera vana—Jehovha Mwari. Kana uchidzidzisa vana vako maererano nezvinotaurwa neShoko raMwari, ungawana zvakarondedzerwa pana Zvirevo 22:6 zvichiitika, zvinoti: “Kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.”

[Mashoko Omuzasi]

a Kunyange zvazvo mazano omuMagwaro ari kutaurwa munyaya ino achinyanya kutaura nezvebasa rababa, mashoko akawanda acho anogona kushandiswawo navanaamai.

b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvokudzivirira kwaungaita vana vako kuti vasashungurudzwe pabonde, ona Mukai! yaJanuary-March 2008, mapeji 3–11, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Baba vanofanira kuva nomuenzaniso wakanaka kuvana vavo

[Mufananidzo uri papeji 20]

Baba vanofanira kugutsa vana vavo pane zvokunamata

[Mufananidzo uri papeji 21]

Vana vanoda kurangwa norudo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe