RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 pp. 27-30
  • Kuzorodzwa Paupenyu Husina Chinangwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzorodzwa Paupenyu Husina Chinangwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Husina Chinangwa
  • Jehovha Anondinunura
  • Munhu Wandinoda Anonunurwa
  • Kurwisa Manzwiro Akaipa
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 pp. 27-30

Kuzorodzwa Paupenyu Husina Chinangwa

Yakataurwa naEusebio Morcillo

Muna September 1993, ndakashanyira rimwe jeri rinochengetedzwa zvikuru. Paibhabhatidzwa mumwe musungwa, hanzvadzi yangu Mariví. Vamwe vasungwa nevaitarisira jeri vakatarira noruremekedzo sezvandakatungamirira kubhabhatidzwa kwacho. Ndisati ndatsanangura zvakaita kuti tivepo, regai ndirondedzere zvaiva zvakaita upenyu hwedu.

NDAKABEREKERWA kuSpain musi waMay 5, 1954, ndiri dangwe pavana vasere. Mariví aiva wechitatu. Mbuya vedu vakatirera tichipinda chechi yeRoma, uye ndinofara pandinoyeuka kuti ndichiri muduku ndakanga ndakazvipira kuna Mwari pandaiva navo. Asi vabereki vangu vakanga vasingafariri zvokunamata. Baba vaigara vachirova Amai nesu vana. Taingogara tichitya, uye zvaindirwadza zvikuru kuona Amai vachitambura.

Kuchikoro kwaiva nezvimwewo zvaishungurudza. Mumwe wevadzidzisi vedu aiva mupristi airovera misoro yedu kumadziro kana tapindura zvisiri izvo. Mumwe mupristi aishungurudza vana mune zvepabonde paaidzokorora navo basa ravo raiitirwa kumba. Uyezve, dzidziso dzechechi yeRoma dzakadai seyomoto wehero dzaindivhiringidza nokundityisa. Munguva pfupi ndakanga ndisingachafariri zvokunamata.

Upenyu Husina Chinangwa

Sezvo ndakanga ndisingachanamati, ndakatanga kupedza nguva yakawanda nevanhu vaiita zvounzenza, vaiita zvechisimba kumadhindindi. Kazhinji kwairwiwa, mapanga, macheni, magirazi, nezvituru zvichishandiswa sezvombo. Kunyange zvazvo ini pachangu ndakanga ndisingarwi, pane imwe nguva ndakarohwa ndikafenda.

Ndakapedzisira ndaneta nazvo ndokutsvaka madhindindi aiva asinganyanyi kurwiwa. Kunyange panzvimbo dzakadai, zvinodhaka zvaishandiswa. Asi pane kuti zvindigutse nokuita kuti pfungwa dzangu dzigadzikane, zvinodhaka izvi zvaiita kuti ndione nokunzwa zvinhu zvisipo uye ndizvidye mwoyo.

Kunyange zvazvo ndakanga ndisiri kugutsikana, ndakanyengera munun’una wangu José Luis, neimwe shamwari yangu yepedyo Miguel, kuti vararamewo upenyu uhwu. Pamwe chete nedzimwe pwere dzokuSpain panguva iyoyo, takaiswa parumananzombe munyika ine uori. Ndaiita chero chinhu chipi zvacho kuti ndiwane mari yokutenga zvinodhaka. Ndakanga ndisisina kana unhu.

Jehovha Anondinunura

Panguva iyi, kakawanda ndaitaura neshamwari dzangu nezvokuti Mwari ariko uye nezvechinangwa choupenyu. Ndakatanga kutsvaka Mwari nokutaura nomumwe munhu manzwiro andaiita. Ndakanga ndacherechedza kuti mumwe wandaishanda naye ainzi Francisco akanga akasiyana nevamwe. Airatidza kuti aifara, aiva akatendeseka, aiva nomutsa, saka ndakasarudza kumuudza zvaiva kutsi kwomwoyo wangu. Francisco aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akandipa Nharireyomurindi yaiva nenyaya yezvinodhaka.

Ndaverenga nyaya yacho, ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire ndichiti: “Ishe, ndinoziva kuti muriko, uye ndinoda kukuzivai nokuita zvamunoda. Ndapota ndibatsirei!” Francisco nezvimwe Zvapupu vakandikurudzira vachishandisa Bhaibheri uye vakandipa mabhuku eBhaibheri kuti ndiverenge. Ndakabva ndaziva kuti vakanga vari kundipa rubatsiro rwandakanga ndakumbira kuna Mwari. Nenguva isipi ndakatanga kutaura neshamwari dzangu uye naJosé Luis nezvezvinhu zvandaidzidza.

Rimwe zuva pataibva kukonzati yerock nedzimwe shamwari dzangu, ndakazviparadzanisa neboka racho. Ndiri nechokure ndakati dhu-u kufunga, uye ndakabva ndaona kuti mufambiro wedu waisemesa sei nemhaka yezvinodhaka. Panguva iyoyo, ndakasarudza kurega mararamiro iwayo kuti ndive mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Ndakakumbira Francisco Bhaibheri, uye akandipa pamwe chete nebhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi.a Pandakaverenga nezvevimbiso yaMwari yokubvisa misodzi yose uye yokubvisa kunyange rufu, ndakava nechokwadi chokuti ndakanga ndawana chokwadi chinogona kusunungura vanhu. (Johani 8:32; Zvakazarurwa 21:4) Pave paya, ndakapinda musangano paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Kushamwaridzana kwaivapo kwakandifadza chaizvo.

Nechido chokuudza vamwe zvandakanga ndaona kuImba yoUmambo, ndakaunganidza José Luis neshamwari dzangu ndokuvaudza zvose zvakanga zvaitika. Kwapera mazuva akati, tose takapinda musangano. Mumwe musikana akanga akagara mberi kwedu akakanda ziso kwatiri. Zviri pachena kuti akashamiswa kuona boka iri revanhu vaiva nebvudzi refu, uye haana kuzombocheukazve. Anofanira kunge akashamiswa patakadzoka kuImba yoUmambo vhiki yaitevera yacho, nokuti takanga tapfeka masutu nematayi.

Izvi zvichangoitika, ini naMiguel takapindawo gungano redunhu reZvapupu zvaJehovha. Takanga tisati tamboona zvakadaro, ushamwari hwechokwadi hwevanhu vemazera ose. Uye chaitoshamisa ndechokuti gungano racho rakaitirwa munzvimbo yatakanga tabva kupindira konzati yerock. Asi panguva ino, zvaiitika ipapo nemimhanzi yacho zvakatikurudzira.

Boka redu rose rakatanga kudzidza Bhaibheri. Kwapera mwedzi inenge misere, musi waJuly 26, 1974, ini naMiguel takabhabhatidzwa. Tose taiva nemakore 20. Vamwe vomuboka redu vana vakazobhabhatidzwa kwapera mwedzi mishomanana. Kurovedzwa kwandakanga ndaitwa neBhaibheri kwakandikurudzira kuti nditange kubatsira amai vangu vaiva nomwoyo murefu mabasa epamba uye kuti ndivaudze zvandakanga ndava kutenda. Takawirirana chaizvo. Ndakazvipira kupedza nguva yangu yakawanda ndichibatsira vanunu’una vangu nehanzvadzi dzangu.

Nokufamba kwenguva, amai vangu nevamwe vose vakadzidza chokwadi vakabhabhatidzwa kuva Zvapupu zvaJehovha, kunze kwomunun’ina wangu mumwe chete. Muna 1977, ndakaroora Soledad. Ndiye musikana uya akashamisika paakationa musi watakatanga kushanyira Imba yoUmambo. Mumwedzi mishomanana, tose takava mapiyona, semashevedzero anoita Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoparidza nguva yakazara.

Munhu Wandinoda Anonunurwa

Hanzvadzi yangu Mariví akanga ashungurudzwa mune zvepabonde paaiva muduku, uye izvozvo zvakamuvhiringidza zvikuru. Paaiva pwere, akatanga kuita unzenza hwaisanganisira zvinodhaka, kuba, uye upfambi. Paaiva nemakore 23, akasungwa ndokuendeswa kujeri, kwaakaramba achiita misikanzwa yake.

Panguva iyoyo, ndakanga ndava mutariri wedunhu, mushumiri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Muna 1989, ini naSoledad takanzi tinoshandira kwaiva naMariví ari musungwa. Vaitarisira jeri vakanga vachangobva kumutorera mwanakomana wake; saka akanga aora mwoyo, asingachadi kurarama. Rimwe zuva ndakamushanyira ndikamuti ndaida kudzidza naye Bhaibheri, uye akabvuma. Tadzidza kwemwedzi mumwe chete, akarega kushandisa zvinodhaka nefodya. Zvakandifadza chaizvo kuona kuti Jehovha akanga amupa simba rokuchinja upenyu hwake seizvi.—VaHebheru 4:12.

Tichangotanga kudzidza, Mariví akatanga kuudzawo vamwe vasungwa pamwe chete nevaitarisira jeri chokwadi cheBhaibheri. Kunyange zvazvo aigara achichinjwa majeri, akaramba achiparidza. Mune rimwe jeri, akatoparidza muchitokisi nechitokisi. Nokufamba kwemakore, Mariví akatanga kudzidza Bhaibheri nevasungwa vakawanda vaiva mumajeri akasiyana-siyana.

Rimwe zuva Mariví akandiudza kuti aida kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa. Asi akanga asingabvumidzwi kubva pajeri racho, uyewo hapana munhu aibvumidzwa kupindamo kuti anomubhabhatidza. Akatsungirira kwemakore mana uori hwaiitwa mujeri iroro. Chii chakamubatsira kuti arambe aine kutenda? Panguva yaiitwa misangano neungano yokwaaigara, aiitawo purogiramu iyoyo ari muchitokisi chake chokujeri. Aigarawo achidzidza ari oga uye achinyengetera.

Nokufamba kwenguva, Mariví akatamira kune rimwe jeri raichengetedzwa zvikuru raiva nedziva rokushambira. Akaona sokuti nzvimbo itsva iyi yaizoita kuti akwanise kubhabhatidzwa. Uye ndizvo zvakaitika, Mariví akapedzisira abvumidzwa. Ndokusaka ndakazomubhabhatidza. Ndaiva naye panguva iyi inokosha zvikuru youpenyu hwake.

Nemhaka yemararamiro aaimboita, Mariví akabatwa neAIDS. Asi kuzvibata zvakanaka kwaaiita kwakaita kuti akurumidze kubudiswa mujeri muna March 1994. Akagara kumba naAmai achishingaira somuKristu kusvikira paakazofa kwapera makore maviri.

Kurwisa Manzwiro Akaipa

Iniwo ndichiri kumbotambura nemararamiro andaimboita. Kushungurudzwa kwandakaitwa nababa vangu pamwe nemararamiro andakaita pandaiva pwere zvakakanganisa unhu hwangu. Kubva zvandakachinja upenyu hwangu, kazhinji ndinombotambura nokunzwa ndiine mhaka uye kunzwa sokuti handikoshi. Dzimwe nguva ndinomboora mwoyo zvikuru. Asi Shoko raMwari rave richindibatsira zvikuru kuti ndisanzwa seizvi. Kwemakore akawanda apfuura, kugara ndichifungisisa magwaro akaita saIsaya 1:18 uye Pisarema 103:8-13 kwave kuchindibatsira kuti ndisaramba ndichinzwa ndiine mhaka.

Kunyengetera ndechimwe chombo chandinoshandisa kuti ndisanzwa sokuti handikoshi. Kakawanda ndinonyengetera kuna Jehovha misodzi yakayangarara mumaziso angu. Kunyange zvakadaro, mashoko ari pana 1 Johani 3:19, 20 anondisimbisa, anoti: “Neizvi tichaziva kuti tinobva muchokwadi, uye tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi pamberi pake pamusoro pezvinhu zvose izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva mazviri, nokuti Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.”

Sezvo ndichitaura naMwari nomwoyo wose, mwoyo “wakaputsika nowakapwanyika,” ndinoona kuti handisi munhu akaipa sezvandaimbofunga. Bhaibheri rinovimbisa vose vanotsvaka Jehovha kuti haazvidzi vaya vanodemba nomwoyo wose zvavaiita kare uye vakatanga kuita kuda kwake.—Pisarema 51:17.

Pose pandinombonzwa sokuti handina chokwadi, ndinoedza kugara ndichifunga zvinhu zvakanaka, zvine chokuita nokunamata zvinotaurwa pana VaFiripi 4:8. Ndava kuziva nomusoro Pisarema 23 uye Mharidzo yepaGomo. Pandinombofunga zvinhu zvisina kunaka, ndinodzokorora ndima idzi dzomuMagwaro. Kubvisa pfungwa idzi dzisina kunaka kunonyanya kundibatsira pandinomboshayiwa hope usiku.

Chimwe chave chichindibatsira, kurumbidzwa kwandinoitwa nomudzimai wangu nevamwe vaKristu vakasimba pakunamata. Kunyange zvazvo pakutanga zvaiva zvakandiomera kubvuma mashoko avo aikurudzira, Bhaibheri rakandibatsira kunzwisisa kuti rudo “runotenda zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Uye zvishoma nezvishoma ndakadzidza kubvuma zvandisingakwanisi kuita ndichizvininipisa.

Asiwo zvakanaka ndezvokuti kuedza kwandave ndichiita kurwisa manzwiro asina kunaka kwakandibatsira kuva mutariri anofambira anonzwira urombo. Ini nomudzimai wangu tava nemakore anenge 30 tiri vashumiri vemashoko akanaka venguva yakazara. Kufara kwandinoita nokushumira vamwe kunondibatsira kuti ndisaramba ndichifunga zvakaipa uye kuti ndikanganwe upenyu hwangu hwekare hwakaipa.

Iye zvino pandinofunga zvakaitika uye pandinofunga nezvezvikomborero zvose zvandakapiwa naJehovha, ndinonzwa ndichida kutaura zvakataurwa nomunyori wepisarema, zvokuti: “Rumbidza Jehovha, . . . iye anokanganwira kukanganisa kwako kwose, anoporesa matenda ako ose, anonunura upenyu hwako mugomba, anokupfekedza korona yomutsa worudo nengoni.”—Pisarema 103:1-4.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

Kazhinji ndinombotambura nokunzwa ndiine mhaka uye kunzwa sokuti handikoshi. Asi Shoko raMwari rave richindibatsira zvikuru kuti ndisanzwa seizvi

[Mifananidzo iri papeji 27]

Munun’una wangu José Luis neshamwari yangu Miguel vakatevedzera zvandakaita zvakaipa nezvakanaka

[Mufananidzo uri papeji 28, 29]

Mhuri yokwaMorcillo muna 1973

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mariví paaiva mujeri

[Mufananidzo uri papeji 30]

Ndiine mudzimai wangu Soledad

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe