RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 7/1 pp. 23-27
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 7/1 pp. 23-27

Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

Nei mukadzi akanga asisatendi mune zvemachechi ava kushandisa nguva yake yakawanda achibatsira vamwe kudzidza nezvaMwari? Chii chakaita kuti murume aifarira mitambo yechisimba afarire kuva norugare? Murume aishandisa zvinodhaka zvisiri pamutemo, ainwa doro, uye aiita zvokurwisana nevamwe akakwanisa sei kuchinja upenyu hwake? Verenga zvavanotaura.

NHOROONDO YOUPENYU

ZITA: PENELOPE TOPLICESCU

MAKORE: 40

NYIKA: AUSTRALIA

ZVAKAMBOITIKA: AKAODZWA MWOYO NECHITENDERO

UPENYU HWANGU KARE: Ndakaberekerwa muguta reSydney, kuAustralia, asi pandakanga ndangova nemakore maviri, mhuri yedu yakatamira kuNew Guinea. Takagara kuRabaul kwemakore anoda kusvika maviri uye takagara kuBougainville kwemakore masere. Panguva iyoyo, kwakanga kusina TV kuNew Guinea, saka pakukura kwedu, ini nehanzvadzi yangu taisatambira mumba, taishambira, taienda pasi pemvura tichishandisa chokufema nacho, uye taimbonopedza mazuva tichigara mumatende.

Pandakanga ndava kuda kusvitsa makore gumi, ndakatanga kufarira zvokunamata. Amai vangu vaipinda Chechi yeRoma, saka vakati ndidzidziswe Bhaibheri nomumwe munani aigara munzvimbo mataigara. Ndakafarira Chechi yeRoma uye ndakabhabhatidzwa ndava nemakore gumi.

Zvisinei, pashure pokunge tadzokera kuAustralia uye ndava nemakore okuma13, ndakatanga kusava nechokwadi nezvandakanga ndadzidziswa nezvechechi. Panguva yandakanga ndiri kuchikoro chesekondari, ndakadzidza nhoroondo dzekare, uye ini nababa vangu taipedza nguva yakawanda tichikurukura nezvokutanga kwakaita zvechitendero uye zvimwe zvataifunga kuti ingano dzomuBhaibheri. Ndakazopedzisira ndasiya Chechi yeRoma.

Vabereki vangu vakaparadzana pandaiva nemakore 16. Izvi zvaive zvakaomera amai vangu uye ndakazopedzisira ndava kugara nababa nomukadzi wavaidanana naye. Hanzvadzi yangu yakasara ichigara naamai, uye vakatamira kune rimwe divi reAustralia. Panguva iyi ndakanzwa kusurukirwa. Pakaita makore maviri ndisati ndanyatsova noukama hwakanaka naamai vangu. Ndakatanga kunwa doro, kushandisa zvinodhaka, nokuenda kumafaro. Ndakasiya chikoro, ndokuwana basa, uye ndakatambisa makore angu okutanga kwema20 ndichirarama upenyu hwounzenza.

Pandakanga ndava nemakore 25 ndakatanga kufungazve nezveBhaibheri. Ndakawana rimwe basa uye ndakasangana naLiene, musikana akanaka aiva nounhu hwakanaka hwaairatidza kune mukuru wepabasa pake kunyange zvazvo iye akanga asingamuremekedzi. Pandakamubvunza kuti nei aisambomudzorerawo, akanditsanangurira kuti akanga achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye akanga achiedza kushandisa mazano omuBhaibheri muupenyu hwake. Liene akati aida kudzidza neni Bhaibheri. Sezvo ndisina kunyatsonzwisisa zvaakanga ataura, ndakafunga kuti aireva kuti ndaigona kudzidza zvose zvaaiziva nezveBhaibheri muawa imwe chete. Usiku ihwohwo, Liene akapedza maawa matatu achipindura mibvunzo yangu yeBhaibheri. Ndakafadzwa nokuti pamhinduro dzose dzaaindipa aindiratidza magwaro omuBhaibheri anodzitsigira.

Ndinoyeuka ndichidhiraivha kudzokera kumba usiku ihwohwo pashure pokukurukura naLiene uye ndichitsamwira Mwari kuti akanga asina kuita kuti ndidzidze chokwadi kare. Ndaiziva kuti Zvapupu zvine tsika dzakachena uye ndakafunga kuti zvakanga zvisisaiti kuti ndichinje tsika dzangu. Ndakafungawo kuti ndaisakwanisa kuparidzira paimba neimba sezvaiitwa neZvapupu. Ndakapfuurira kudzidza Bhaibheri neZvapupu, asi chinangwa changu chaiva chokutsvaka chakaipa pane zvavaidzidzisa ndobva ndawana chikonzero chokurega kudzidza. Rimwe zuva ndakazoziva kuti ndakanga ndisiri kuzowana chakaipa pane zvaidzidziswa neZvapupu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Hana yangu yakaramba ichindinetsa pandairamba ndichidzidza nezvemitemo yomuBhaibheri yetsika. Kuti hana yangu igadzikane, ndakarega kushandisa zvinodhaka. Asi ndakabva ndatamira kune imwe nyika uye ndakatanga kuita zvemafaro nokudhakwa zvakare. Zvaiita sokuti pose pandaiedza kunatsiridza upenyu hwangu kuti ndirarame nemitemo yomuBhaibheri, ndaibva ndadzokera kutsika dzangu dzekare. Ndichinzwa kunyara, ndainyengetera kuna Jehovha, asi ndaingoramba ndisingafari.

Ndakabatsirwa pandakadzidza pane zvakaitwa naMambo Dhavhidhi naBhatisheba nezvakazoitwa naJehovha achivaitira mutsa. Dhavhidhi aiva noushingi zvokuti akabvuma kutadza kwaakanga aita paakanga apiwa zano, asingaedzi kururamisa zvaakanga aita. Akabvuma nokuzvininipisa kurangwa kwaakaitwa. (2 Samueri 12:1-13) Nguva dzose pandaikundikana kuita zvakanaka ndaifunga nezvenyaya iyoyo uye zvaindiitira nyore kuti ndikumbire Jehovha ruregerero. Ndakazofunga nezvokunyengetera ndisati ndakurirwa nomuedzo pane kuzonyengetera pashure, uye izvozvo zvakandibatsira zvikuru.

KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Ndaiwanzokurumidza kushatirwa. Zvisinei, rugwaro rwaVaEfeso 4:29-31 rwakandibatsira kuona kuti ndaifanira kurega “pfini dzose nokutsamwa nehasha.” Sezvandaidzidza kudzora hasha dzangu, ndakadzidzawo kudzora rurimi rwangu. Zano raJesu rokuti, “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu” rakandibatsira kugona kuzvisarudzira.—Mateu 5:37.

Amai vangu, avo pakutanga vaisafarira kushamwaridzana kwandaiita neZvapupu, vakazondiudza kuti vaidada neni. Vakatoti, “Ndinoziva kuti unhu hwawava nahwo hahuna kubva pamarererwo awakaitwa asi hunobva pane zvawakadzidza nezvaJehovha.” Zvakandifadza chaizvo kunzwa vachitaura kudaro.

Iye zvino ndava kuziva kuti upenyu hwangu hune chinangwa. Kwemakore mapfumbamwe akapfuura, ini nomurume wangu tave tichishandisa nguva yakawanda tichidzidzisa vanhu Bhaibheri. Hungu, ndinoenda pasuo nesuo ndichiparidzira, uye ndava kunzwa kuti iri ndiro basa rinonyatsogutsa pamabasa ose andakamboita.

NHOROONDO YOUPENYU

ZITA: DENIS BUSIGIN

MAKORE: 30

NYIKA: RUSSIA

ZVAAIMBOITA: AIFARIRA KARATI ZVIKURU

UPENYU HWANGU KARE: Ndakaberekerwa muguta rinonzi Perm’ uye ndakakurira kuFurmanov, guta rine vagari vanenge 40 000 muruwa rweIvanovo kuRussia. Furmanov iguta rakanaka zvikuru rine miti yakanaka yakawanda inoita ruvara rweyero uye rutsvuku panguva yemasutso. Pamakore okuma1980 nokuma1990, kuparwa kwemhosva kwakawedzera muguta racho. Mhuri yedu yairarama nemari shoma. Ndaigara nevabereki vangu nomunun’una wangu mufurati raiva neimba yokurara imwe chete, saka taisanyatsokwana.

Ndava nemakore manonwe, ndakatanga kudzidzira karati. Ndaifarira mutambo wacho, ndaigara ndichifunga nezvekarati muupenyu hwangu. Ndaipedzera nguva yangu ndiri kuimba yokurovedza muviri, saka shamwari dzangu vaiva vanhu vanofarira zvemitambo. Pandakanga ndava nemakore 15, ndakanga ndava nered belt rekarati, uye pashure pegore, ndakawana brown belt. Ndaiva muboka rekarati raikwikwidza mumakwikwi eshasha muRussia nomuEurasia. Remangwana rangu raiita serakajeka, asi pandakava nemakore 17 upenyu hwangu hwakachinja.

Ini neshamwari dzangu takapara mhosva uye takasungwa. Ndakatongerwa makore maviri mujeri. Upenyu hwomujeri hwakanga hwakaoma. Zvisinei, ndakaona Bhaibheri kokutanga pandakanga ndiri mujeri. Ndakaverenga Genesisi, Mapisarema, uye Testamende Itsva. Ndakatobata Munyengetero waShe nomusoro uye ndaiutaura manheru oga oga ndisati ndarara ndichifunga kuti ndaizobatsirwa nokuita kudaro.

Ndakabudiswa mujeri muna 2000, asi ndakanga ndisingazivi zvandaida kuita noupenyu hwangu uye ndainzwa kuti upenyu hwangu hwakanga husina chinangwa. Ndakatanga kushandisa zvinodhaka. Panguva iyoyo amai vangu vakafa. Ndivo munhu aiva pamwoyo pangu, uye zvakanga zvakandiomera kutsungirira kufirwa kwandakanga ndaitwa. Zvisinei, ndakakwanisa kuregera kushandisa zvinodhaka uye ndakatangazve kuita zvokurovedza muviri. Ndakatamirawo kuguta reIvanovo. Ikoko ndakawana basa muchitoro. Mukuru wevatengesi vomuchitoro chacho aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akanditsanangurira chimwe chokwadi chinokosha chomuBhaibheri uye akaronga kuti chimwe Chapupu chigare chichidzidza neni Bhaibheri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pakudzidza kwandaiita Bhaibheri, ndakabayiwa mwoyo pandakadzidza nezvechinangwa chaMwari chokuita kuti pasi rive paradhiso, uye ndaida kuita zvinodiwa kuti ndizoraramawo muparadhiso. Ndakazivawo kuti Jehovha Mwari ane mitemo yaanoda kuti vanhu vararame vachitevedzera. Ndakanga ndapedza nguva yakawanda youpenyu hwangu ndichingozvifunga. Asi ndakadzidza kuti Jehovha anoda kuti ndifungewo vamwe vanhu uye kuti ndivewo nounhu hwandakanga ndisina panguva iyoyo—unhu hunosanganisira kuva nomutsa uye kuda rugare.

Pandakanyatsofungisisa zvandakanga ndaitirwa naJehovha—zvakaita sokupa Mwanakomana wake sechibayiro nokuda kwezvivi zvangu—kutenda kwandinoita rudo rwaMwari kwakaita kuti ndide kuchinja upenyu hwangu. Somuenzaniso, ndakadzidza pana Pisarema 11:5 kuti Mwari anovenga chisimba. Saka ndakarega kuona mapurogiramu epaTV airatidza chisimba nokuvengana. Uye ndakarega mitambo yechisimba kunyange zvakanga zvakandiomera. Zano riri pana 1 VaKorinde 15:33 rakandibatsira kuona kuti unhu hwangu nemafungiro angu zvinonyanya kubva pavanhu vandinoshamwaridzana navo. Kupinda mujeri kwandakamboita kunoratidza kuti zano iroro nderechokwadi. Saka ndakasarudza kurega kushamwaridzana nevaya vaifarira mitambo yechisimba.

KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Kushamwaridzana neZvapupu zvaJehovha nokudzidza Bhaibheri kwakandibatsira kuva munhu akavimbika. Somuenzaniso, kubva pana VaHebheru 13:5 ndakadzidza kuti ndinofanira kugutsikana uye ndinofanira kurwisana nepfungwa dzokuda mari. Kushandisa zano iri kwakandibatsira kurega kureva nhema nokuba.

Ndakagara ndiri munhu anokoshesa ushamwari. Kare, ndakaona ushamwari huchiparadzwa pamusana pemakaro kana kutya. Zvapupu zvaJehovha vanhu vanotadzawo, asi ndakadzidza kuti vanoremekedza mitemo yaMwari uye vanoedza kushandisa mirayiro yake pakushanda kwavo nevamwe. Iye zvino ndava neshamwari dzechokwadi dziri Zvapupu.

Ndinongofungidzira zvingadai zvakaita upenyu hwangu kudai ndakanga ndisina kudzidza mitemo yomuBhaibheri. Zvimwe ndingadai ndakadzokerazve kujeri kana kuti ndingadai ndiri kurwadzisa nokutambudza vamwe vanhu. Zvisinei, iye zvino ndine mudzimai wandinoda nevanakomana vaviri, uye semhuri, tinofara kubatsira vamwe kudzidza chokwadi pamusoro paMwari.

NHOROONDO YOUPENYU

ZITA: JOSÉ CARLOS PEREIRA DA SILVA

MAKORE: 31

NYIKA: BRAZIL

ZVAAIMBOITA: AIFARIRA ZVOKURWA

UPENYU HWANGU KARE: Ndakakura ndichigara mumatangwena okuAmericana kuSão Paulo. Takanga tisina mvura yokunwa yakachena uye nzvimbo yacho yakanga isina utsanana hwakanaka. Nzvimbo yacho yaizivikanwa nechisimba chaiitwa uye kuparwa kwemhosva.

Ndakakura ndiri munhu aida zvechisimba noutsinye. Ndaigara ndichirwa nevanhu mumigwagwa, saka vanhu vomunzvimbo yandaigara vainditya. Mapfekero andaiita uye zviito zvangu zvairatidza kuti ndaigona kukuvadza vamwe. Ndairaradza chaizvo, kakawanda kacho ndainwa zvokusaziva zvandiri. Kungofanana nevakoma vangu, ndaishandisa zvinodhaka. Kutaura zvazviri, mumwe mukoma wangu akatofa nokushandisa zvinodhaka zvakawandisa.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandakasangana neZvapupu zvaJehovha, zvakandiratidza kubva muBhaibheri kuti Mwari achaita kuti pasi rose rive paradhiso. (Ruka 23:42, 43; Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndakadzidzawo kuti vakafa havana chavanoziva, saka Mwari haarangi vanhu vakaipa muhero yemoto. (Muparidzi 9:5, 6) Izvi zvakandizorodza chaizvo. Zvandakadzidza nezvaMwari zvakaita kuti ndide chaizvo kuchinja upenyu hwangu. Asi zvakanga zvisiri nyore kuti ndichinje, kurega kushandisa zvinodhaka, kunwa doro, kurwa, uye kurega tsika yangu yokushandisa mutauro wakaipa.

Zvisinei, ndakakurudzirwa chaizvo nemashoko omuapostora Pauro akanyorwa pana 1 VaKorinde 6:9-11. Rugwaro irworwo runoratidza kuti vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaimbovawo netsika dzakaipa dzandakanga ndiinadzo. Asi ndima yacho inotizve: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena, asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nomudzimu waMwari wedu.” Mashoko iwayo akandipa tariro yokuti ndizive kuti neniwo ndaigona kuchinja upenyu hwangu kuti ndifadze Mwari.

Pandakatanga kuunganawo neZvapupu zvaJehovha, ndakanyatsova nechokwadi chokuti zvinorarama sevaKristu vechokwadi. Vaiziva unhu hwangu hwekare hwechisimba noutsinye, asi vaishamwaridzana neni norudo.

KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Kudai ndisina kudzidza Bhaibheri nokuchinja upenyu hwangu, pari zvino ndingadai ndakafa. Asi, ndakafarawo kubatsira mumwe wevakoma vangu kudzidza Bhaibheri uye kurega kushandisa zvinodhaka. Uye ndakakurudzirawo dzimwe hama dzangu kuti dzitange kudzidza Bhaibheri. Ndinotenda chaizvo kuti ndakakwanisa kutsaurira upenyu hwangu kuti ndishumire Mwari ane hanya chaizvo nesu!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]

“Ndakazofunga nezvokunyengetera ndisati ndakurirwa nomuedzo pane kuzonyengetera pashure, uye izvozvo zvakandibatsira zvikuru”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe