RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/15 p. 3
  • Nharireyomurindi Itsva Yokudzidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nharireyomurindi Itsva Yokudzidza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Iyi Ndiyo Magazini Yokudzidza!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kusuma Magazini yeChirungu Chisina Kuoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nharireyomurindi Yokudzidza yeChirungu Chisina Kuoma
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/15 p. 3

Nharireyomurindi Itsva Yokudzidza

MAGAZINI yauri kuverenga iye zvino ndiyo yokutanga yeNharireyomurindi yokudzidza. Tinoda kutsanangura zvimwe zvinowanika mumagazini ino itsva.

Magazini yokudzidza ndeyeZvapupu zvaJehovha nevaya vari kufambira mberi pakudzidza Bhaibheri. Ichabuda kamwe chete pamwedzi uye ichange iine nyaya dzokudzidza ina kana kuti shanu. Purogiramu yokudzidza nyaya idzi inenge iri pabutiro remagazini. Nharireyomurindi yokudzidza yakasiyana neyevoruzhinji pakuti inenge isina mifananidzo yakasiyana-siyana pabutiro sezvo isiri kuzoshandiswa mubasa romumunda.

Papeji 2 yemagazini yacho, uchawana mashoko anobatsira zvikuru anenge achitaura muchidimbu chinangwa chenyaya yokudzidza imwe neimwe kana kuti nyaya dzokudzidza dzakatevedzana, pachizova nemisoro yedzimwe nyaya dzisiri dzokudzidza. Vaya vanoitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi vachaona mashoko iwayo achibatsira zvikuru pavanenge vachigadzirira musangano weungano kuitira kuti unyatsobatsira.

Uchaona kuti nyaya dzokudzidza dzava pfupi kupfuura zvadzakanga dzakaita. Izvi zvichaita kuti nguva yakawanda ishandiswe kukurukura magwaro anokosha panenge pachiitwa chidzidzo chacho. Tinokukurudzira nomwoyo wose kuti vhiki imwe neimwe uverenge magwaro ose ane mashoko asina kunyorwa. Mamwe magwaro akanzi “verenga” saka anofanira kuverengwa uye kukurukurwa paChidzidzo cheNharireyomurindi. Mamwe angaverengwawo kana nguva iripo. Mune dzimwe nyaya, ungawana magwaro akanyorwa kuti “enzanisa na-.” Sezvo magwaro akadaro asingabudisi zvakananga pfungwa huru dzinenge dzichikurukurwa, kazhinji haazoverengwi pamisangano. Kunyange zvakadaro, magwaro iwayo ane mamwe mashoko anofadza okuwedzera, kana kuti angatsigira zvisina kunanga mashoko anenge achikurukurwa. Tinokukurudzira kuti uaverenge paunenge uchigadzirira chidzidzo chacho. Pamwe ungazokwanisa kuashandisa paunopindura.

Mushumo wegore hauchabudiswi muNharireyomurindi. Kutanga muna 2008, uchabudiswa muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo nomuYearbook. Zvisinei, sezvataurwa pamusoro apa, magazini yokudzidza ichange iine dzimwewo nyaya. Kunyange zvazvo dzakawanda dzacho dzisingazodzidzwi pamisangano, tinokukurudzira kuti unyatsodziverenga. Idzowo dzine zvokudya zvinobva ku“muranda akatendeka, akangwara.”—Mat. 24:45-47.

Chokupedzisira ndechokuti Nharireyomurindi yokudzidza neiya yevoruzhinji haasi magazini maviri akasiyana. Ose anonzi Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Papeji 2 ose ane mashoko akafanana anotsanangura chinangwa cheNharireyomurindi. Ose anozobatanidzwa mubhaundi vhoriyamu panopera gore. Uye nyaya dziri maari ose dzichawanikwa muchikamu chinoti “Unoyeuka Here?” chichange chiri mumagazini yokudzidza.

Kubvira muna 1879, Nharireyomurindi yave ichizivisa Umambo hwaMwari nokutendeka munguva dzehondo, dzezvinetso zvoupfumi, uye dzokutambudzwa. Tinonyengetera kuti nechikomborero chaJehovha, icharamba ichidaro. Uye tinoti dai Jehovha akukomborera iwe muverengi, sezvaunoshandisa zvakanaka Nharireyomurindi itsva iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe