RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/07 p. 1
  • Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nharireyomurindi Itsva Yokudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Iyi Ndiyo Magazini Yokudzidza!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kusuma Magazini yeChirungu Chisina Kuoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 7/07 p. 1

Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!

1 Kutanga kwegore rino, ungano dzakagamuchira chiziviso chinofadza chokuti: Kutanga muna January 2008, tichava neNharireyomurindi yevoruzhinji uye imwe yedu vaKristu! Zvichida wave uchishamisika kuti: ‘Magazini acho maviri achange akasiyana sei? Kuva nemagazini maviri akasiyana kunobatsirei? Pane zvitsva zvipi nezvipi here zvatinofanira kutarisira?’

2 Kusiyana Kwacho: Magazini yokutanga yomwedzi woga woga ichanzi Yevoruzhinji. Nyaya dzose dzomumagazini iyi dzichaitirwa voruzhinji. Magazini yomusi wa15 ichanzi Yokudzidza uye haizogoverwi muushumiri. Ichava nenyaya dzose dzinodzidzwa dzomwedzi mumwe chete nedzimwewo nyaya dzakakodzera vaKristu vakazvitsaurira. Nharireyomurindi Yevoruzhinji haizongofadzi Zvapupu chete asi ichanyanya kufadza vaya vasiri Zvapupu vanoremekedza Bhaibheri. Ukuwo Awake! icharamba ichibudisa nyaya dzinofarirwa nevanhu vakasiyana-siyana, kusanganisira vatsoropodzi nevaya vasiri vaKristu.

3 Zvazvinobatsira: Mune Yokudzidza, zvinenge zvisisina basa kutsanangura mashoko akadai sa“piyona” kuti vasiri Zvapupu vanzwisise. Magazini iyi inogonawo kunge iine mashoko anokosha akanyorerwa zvikurukuru Zvapupu zvaJehovha uye vanodzidza Bhaibheri vari kufambira mberi mune zvokunamata. Zvakadini neYevoruzhinji? Sezvo nyaya nemanyorerwo acho zvichaitirwa voruzhinji, munhu asiri Chapupu achafarira kuverenga magazini yacho yose. Chokwadi Chapupu chaJehovha chimwe nechimwe chichabatsirwa nokuverenga magazini imwe neimwe. Nemhaka yokuti tichange tichigovera Nharireyomurindi imwe chete neAwake! imwe chete muushumiri pamwedzi mumwe chete, tichange tiine mwedzi wose wokuita mharidzo dzinobudirira.

4 Zvinhu Zvitsva: Pane zvinhu zvitsva zvakarongerwa Nharireyomurindi Yevoruzhinji. Chimwe chinhu chitsva ndechokuti ichava nenyaya ichakurukura dzidziso dzinokosha dzepaMagwaro nenzira iri nyore kunzwisisa. Imwe icharatidza kuti Bhaibheri rinobatsira sei mhuri. Ichavawo nenzira dzokudzidza Bhaibheri dzakaitirwa vaduku. Magazini imwe neimwe ichava nenyaya inosimbisa pfungwa huru dzezvikamu zveBhaibheri zvinotidzidzisa pamusoro pounhu hwaJehovha.

5 Tinonyengetera kuti Jehovha achakomborera urongwa hutsva uhwu hweNharireyomurindi. Chido chedu ndechokuti magazini iyoyo, pamwe neAwake!, zvisvike kuvanhu vakawanda vakakodzerwa nemashoko akanaka.—Mat. 10:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe