RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 8/1 pp. 16-17
  • Nezvemabatiro Atinofanira Kuita Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nezvemabatiro Atinofanira Kuita Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei tichifanira kuva nomutsa?
  • Nei tichifanira kukanganwira vamwe?
  • Mhuri dzingagona sei kufara?
  • Nei tichifanira kushandisa mirayiro iyi?
  • Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Unokanganwira Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nezveupenyu Hwemhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 8/1 pp. 16-17

Zvatinodzidza Kuna Jesu

Nezvemabatiro Atinofanira Kuita Vamwe

Nei tichifanira kuva nomutsa?

Unoratidza mutsa here kunyange vanhu vakasakuratidza mutsa? Kana tichida kutevedzera Jesu, tinofanira kuratidza mutsa kunyange kune vaya vanotivenga. Jesu akati: “Kana muchida vaya vanokudai, zvinokupai kukudzwa kwei? Nokuti kunyange vatadzi vanoda vaya vanovada. . . . Asi, rambai muchida vavengi venyu . . . , uye muchava vanakomana voWokumusorosoro, nokuti iye ane mutsa kune vasingaongi nevakaipa.”—Ruka 6:32-36; 10:25-37.

Nei tichifanira kukanganwira vamwe?

Patinokanganisa, tinoda kuti Mwari atikanganwire. Jesu akadzidzisa kuti zvakakodzera kuti tinyengetere kuna Mwari kuti atikanganwire. (Mateu 6:12) Zvisinei, Jesu akataurawo kuti Mwari achatikanganwira chete kana tichida kukanganwira vamwe. Akati: “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.”—Mateu 6:14, 15.

Mhuri dzingagona sei kufara?

Kunyange zvazvo Jesu asina kumbobvira aroora, tinogona kudzidza zvakawanda kuti tingaita sei kuti mhuri dzifare. Nezvaaitaura uye nezvaaiita, Jesu akatisiyira muenzaniso wokuti titevedzere. Chimbofunga nezvepfungwa nhatu dzinotevera:

1. Murume anofanira kuda mudzimai wake sezvaanoita muviri wake. Jesu akasiyira varume muenzaniso. Akati kuvadzidzi vake: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane.” Kusvika papi? Akati: “Sokuda kwandakakuitai.” (Johani 13:34) Richitaura nezvemurayiro uyu kuvarume, Bhaibheri rinoti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo . . . Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.”—VaEfeso 5:25, 28, 29.

2. Vakaroorana vanofanira kuva vakavimbika kune mumwe nomumwe. Kuti gumbo mumba gumbo kunze chivi kuna Mwari uye mhuri dzinoparara. Jesu akati: “Hamuna kuverenga here . . . ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari. . . . Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”—Mateu 19:4-9.

3. Vana vanofanira kuzviisa pasi pevabereki vavo. Kunyange zvazvo Jesu akanga akakwana uye vabereki vake vakanga vasina kukwana, aivateerera somwana. Bhaibheri rinotaura nezvake paaiva nemakore 12 kuti: “Akaburuka navo [vabereki vake], vakasvika kuNazareta, akaramba achizviisa pasi pavo.”—Ruka 2:51; VaEfeso 6:1-3.

Nei tichifanira kushandisa mirayiro iyi?

Achitaura nezvezvaakadzidzisa vadzidzi vake, Jesu akati: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.” (Johani 13:17) Kuti tive vaKristu vechokwadi, tinofanira kushandisa mazano atakapiwa naJesu nezvemabatiro atinofanira kuita vamwe. Akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 14 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabuditswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Muenzaniso waJesu wemwanakomana anopambadza unotidzidzisa kuti zvinokosha kuva nomutsa uye kukanganwira.—Ruka 15:11-32

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vakaroorana vanofanira kuva vakavimbika kune mumwe nomumwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe