Zvatinodzidziswa naJesu
Nezveupenyu Hwemhuri
Zvokuroorana zvinofanira kuonwa sei kuitira kuti mhuri dzifare?
Vakaroorana vane ukama hutsvene. Jesu paakabvunzwa kana kurambana kwaibvumirwa, akati: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari. . . . Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Mateu 19:4-6, 9) Vakaroorana pavanotendeka kune mumwe nomumwe uye kushandisa zano raJesu, vanhu vose vanenge vari mumhuri yacho vanonzwa vakachengeteka uye vanofara.
Nei kuda Mwari kuchiita kuti mhuri dzifare?
Jesu akati: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.” Murayiro mukuru wechipiri ndoupi? Jesu akati: “Ida muvakidzani wako [kusanganisira vaya vanogara pedyo pedyo newe—iyo mhuri yako] sezvaunozviita.” (Mateu 22:37-39) Saka chinoita kuti mhuri ifare kuva noukama hwakanaka naMwari nokuti kumuda kunoita kuti tidanane.
Varume nemadzimai vangafadzana sei?
Varume vanoita kuti madzimai avo afare pavanotevera muenzaniso waJesu. Airega zvimwe zvinhu kuti ade mudzimai wake wokufananidzira, iyo ungano. (VaEfeso 5:25) Jesu akati: “Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira.” (Mateu 20:28, The Holy Bible—New International Version) Jesu aisambodzvinyirira kana kuti kuitira hasha vaya vaaitarisira, asi aivazorodza. (Mateu 11:28) Saka, varume vanofanira kushandisa chiremera chavo nomutsa izvo zvichabatsira vose vari mumhuri.
Madzimai anogona kubatsirwawo nomuenzaniso waJesu. Bhaibheri rinoti: “Musoro waKristu ndiMwari.” Rinotaurawo kuti “musoro womukadzi murume.” (1 VaKorinde 11:3) Jesu haana kuzviona seaikosha chaizvo zvokuti aisafanira kuzviisa pasi paMwari. Airemekedza Baba vake zvikuru. Jesu akati “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:29) Mudzimai anozviisa pasi pomurume wake pamusana pokuda Mwari uye kumuremekedza anobatsira pane zvakawanda kuita kuti mhuri ifare.
Vabereki vangadzidzei kubva pamaonero aiita Jesu vana?
Jesu akapedza nguva aine vana uye aifarira zvavaifunga uye manzwiro avo. Bhaibheri rinoti: “Jesu akashevedza vacheche, achiti: ‘Regai vana vaduku vauye kwandiri.’” (Ruka 18:15, 16) Pane imwe nguva, vanhu vakashora vamwe vakomana vakataura kuti vaitenda muna Jesu. Asi Jesu akarumbidza vaduku vacho, achiti kune vaivashora: “Hamuna kumboverenga here izvi, zvokuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?”—Mateu 21:15, 16.
Vana vangadzidzei kubva kuna Jesu?
Jesu akaratidza vana muenzaniso wakanaka chaizvo wokufarira zvine chokuita nokunamata. Paaiva nemakore 12, akawanikwa “ari mutemberi, akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.” Zvikaguma nei? “Vose vaya vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:42, 46, 47) Asi ruzivo rwaJesu haruna kuita kuti azvikudze. Rwakatoita kuti aremekedze vabereki vake. Bhaibheri rinoti: “Akaramba achizviisa pasi pavo.”—Ruka 2:51.
Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 14 chebhuku rinonzi, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.