“Usambofa Wakakanganwa Kuparidzira Pasuo Nesuo”
Yakataurwa naJacob Neufeld
“Pasinei nezvinoitika muupenyu, usambofa wakakanganwa kuparidzira pasuo nesuo.” Mashoko iwayo achiri munzeve dzangu, ndakafamba makiromita anenge mashanu ndakananga kumusha waiva pedyo. Pandakasvika mumusha uyu, ndakashaya ushingi hwokuenda paimba yokutanga. Ndanetseka kwazvo, ndakaenda musango ndokunyengetera zvikuru kuna Mwari kuti andipe ushingi hwokuparidzira. Ndadaro, ndakazokwanisa kuparidzira paimba iya yokutanga.
CHII chakanga chamboita kuti ndigume ndava mumusha uyu waiva mugwenga rokuParaguay kwandaiedza kuparidza ndiri ndoga kudai? Regai ndikuudzei kuti zvakatanga sei. Ndakaberekwa muna November 1923 mune mumwe musha wokuUkraine unonzi Kronstalʹ, muruwa rwevanhu vechiMennonite rwaitongwa neGermany. Pakupera kwema1700, vanhu vechiMennonite vakanga vatama vachibva kuGermany vachienda kuUkraine uye vakapiwa dzimwe kodzero, dzaisanganisira kunamata vakasununguka (asi kwete kutendeutsa), kodzero yokuzvitonga, uye kusaita basa rechiuto.
Bato revaKomonisiti parakatanga kutonga, kodzero dzose idzi dzakabviswa. Ma1920 ava kunopera, mapurazi akakura evaMennonite akatorwa nehurumende ikaisa vamwe vanhu kuti vaite bhizimisi. Vanhu vakanga vasingapiwi zvokudya kusvikira vaita zvaidiwa nehurumende uye vairamba vaibva varangwa zvine utsinye. Muma1930, varume vakawanda vainyanya kutorwa usiku nemapurisa epachivande eKGB (Soviet State Security Committee), kusvikira misha yakawanda yasara iine varume vashoma. Izvi ndizvo zvakaita kuti baba vangu vatorwe muna 1938 ndiine makore 14 uye handina kuzombovaona kana kunzwa nezvavo zvekare. Papera makore maviri, mukoma wangu akatorwawo.
Pakazosvika 1941, mauto aHitler akanga apinda muUkraine. Izvi zvaireva kuti takanga tisingachatongwi nehurumende yevaKomonisiti. Zvisinei, mhuri sere dzevaJudha dzaigara munharaunda yedu dzakangoerekana dzatsakatika. Zvose izvi zvakandisiya ndiine mibvunzo yakawanda. Nei zvinhu zvose izvi zvaiitika?
Kuvimbika Kunondiponesa
Muna 1943 mauto eGermany akadzokera, akaenda nemhuri dzakawanda dzechiGerman, kusanganisira vakanga vasara vomumhuri yangu, kuti vanotsigira hondo. Panguva iyi, ndakanga ndava kushanda ndiri mumauto eGerman SS (Schutzstaffel, mauto epamusoro aHitler) muRomania. Chimwe chinhu chiduku chakaitika panguva iyi chakandibatsira zvikuru muupenyu hwangu.
Mukuru-mukuru wemauto wekwandaishandira aida kuona kuti ndakavimbika here. Akandiudza kuti ndiendese yunifomu yake kuti inowachwa. Ndakawana mari yaakanga aisa mune imwe homwe. Pandakamudzorera mari yacho akati akanga asina kusiya mari muyunifomu. Ndakaramba ndichimuudza kuti yakanga yabva muhomwe yake. Papera nguva shoma, ndakaitwa mutevedzeri wake uye ndakanzi nditarisire mapepa aikosha uye kupa basa mamwe masoja, nokuchengeta mari yataishandisa.
Humwe usiku, mauto eRussia akatapa varwi vose vaiva muchikwata chedu kunze kwangu nokuti ndakanga ndasara ndichipedzisa basa randaifanira kuitira mukuru-mukuru wedu. Semaziviro andinoita, ndini chete ndisina kutorwa, uye izvi zvakanga zvabva pakuti ndakanga ndaratidza kuvimbika uye ndakanga ndapiwa basa rinokosha. Kudai zvisiri izvo ndingadai ndakatorwawo.
Saka muna 1944, ndakangoerekana ndabvumirwa kumbomira kushanda kusvikira ndaziviswa. Ndakadzokera kumba kunoona amai vangu. Pandaiva ndakamirira kuudzwa basa randaifanira kuzoita, ndakatanga kudzidzira basa rokuvaka, uye zvandakanga ndadzidza zvakazondibatsira. Muna April 1945, mauto eAmerica akapinda muguta redu pedyo neMagdeburg. Papera mwedzi, hondo yakapera zviri pamutemo. Takanga tichiri vapenyu. Remangwana redu raiita serakanga rajeka.
Rimwe zuva muna June, takanzwa chiziviso chichishevedzerwa chaiti: “Mauto okuAmerica akaenda nezuro manheru, asi eRussia ari kusvika nhasi na11:00 mangwanani.” Takanga tisingachatarisiri remangwana rakajeka sezvo takanga tava kuziva kuti takanga tavazve munzvimbo yaitongwa nevaKomonisiti. Pasina nguva, ini nomwana wababamunini vangu takatanga kuronga zvokutiza. Patakazosvika pakati pechirimo, takanga tapinda munzvimbo yaitongwa nemauto eAmerica. Zvadaro muna November, tamboti netsekei uye tiri pangozi zvikuru, takadzokera kwaitongwa nemauto eRussia ndokuyambutsa mhuri dzedu pachivande.
“Nyatsoteerera Uenzanise”
Takagara munzvimbo yaimbova West Germany. Nokufamba kwenguva ndakatanga kufarira Bhaibheri. Pamisi yeSvondo ndaienda musango kunoverenga Bhaibheri, asi zvandaiverenga zvaiita sezvisingashandi kwandiri uye zviitiko zvacho zvaiva zvekare kare. Ndaiendawo kuzvidzidzo zvekatikazi kuti ndizobhabhatidzwa ndova muMennonite. Ndakashamisika zvikuru pandakaona mubhuku rekatikazi makanyorwa kuti, “Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, uye Mweya Mutsvene ndiMwari,” paine mubvunzo waitevera waiti, “Kuna vanaMwari vatatu here?” Mhinduro yakanga yakanyorwa pasi yaiti: “Kwete, vatatu ava munhu mumwe chete.” Ndakabvunza mufundisi kuti sei zvakadaro. Akandipindura kuti, “Munin’ina, haufaniri kufungisisa nezvenyaya idzi, vamwe vakapenga nazvo.” Paakangondidaro, ndakabva ndasarudza kusabhabhatidzwa.
Mazuva mashomanana gare gare, ndakanzwa mumwe munhu wandakanga ndisingazivi achitaura nomuzukuru wangu. Ndakanzwa ndichidawo kutaura naye uye ndakabvunza mibvunzo mishomanana. Ndakanga ndisingazvizivi panguva iyoyo, asi munhu uyu ainzi Erich Golatsik, akanga apona pakafa vamwe mumusasa wevasungwa wokuWewelsburg. Akandibvunza kana ndaida kunzwisisa zvaiva muBhaibheri. Pandakabvuma, akandivimbisa kuti aizondidzidzisa zvose tichishandisa Bhaibheri rangu.
Andishanyira kwemazuva mashomanana chete, Erich akandikoka kugungano reruwa reZvapupu zvaJehovha, randinofunga kuti ndiro raiva rokutanga kuitwa pashure pehondo. Ndakanakidzwa chaizvo zvokuti ndakanyora magwaro ose akaverengwa nemashoko ose akataurwa nevakurukuri vacho. Nenguva isipi, ndakasvika pakuziva kuti kudzidza Bhaibheri kunoita kuti munhu ave nezvaanosungirwa kuita saka ndakasarudza kumbomira kudzidza. Ndakawanawo zvakaoma kunzwisisa kuti kunongova nechitendero chimwe chete bedzi. Erich paakaona kuti ndakanga ndatsunga kudzokera kuchechi yangu, akandibayira zanhi achiti: “Nyatsoteerera uenzanise.”
Ndakangoshanyira vafundisi vangu kaviri chete kuti ndizive kuti vakanga vasingazivi zvavaitaura uye kuti vakanga vasina chokwadi zvachose. Ndakanyorera tsamba vafundisi vanoverengeka ndichivabvunza mibvunzo yeBhaibheri. Mumwe wavo akandipindura achiti: “Hauna kodzero yokuongorora Magwaro nokuti hauna kuberekwazve.”
Musikana wandaidanana naye akandiomesera. Aiva muchechi yevaMennonite vaiti vakaberekwazve. Abvuma zvaitaurwa nemhuri yake yaivenga Zvapupu zvaJehovha, akandiudza kuti kana ndikarega kusiya chitendero changu chitsva ichi aizondiramba. Panguva iyi, ndakanga ndanyatsojekerwa nechokwadi zvokuti ndaifanira kungosarudza chinhu chimwe chete, takabva tarambana.
Pasina nguva Erich akandishanyirazve. Akandiudza kuti vhiki yaitevera vanhu vaizobhabhatidzwa achibva andibvunza kana ndaida kubhabhatidzwa. Ndakanga ndagumisa kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvaidzidzisa chokwadi, uye ndaida kushumira Jehovha Mwari. Saka ndakabvuma uye ndakabhabhatidzwa mutabhu yokugezera muna May 1948.
Nguva pfupi ndabhabhatidzwa, mhuri yedu yakasarudza kutamira kuParaguay, kuSouth America, uye Amai vakateterera kuti ndiende navo. Ndakanga ndisingadi nokuti ndaida kurovedzwa uye kuwedzera zivo yangu yeBhaibheri. Pandakashanyira hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muWiesbaden, ndakasangana naAugust Peters. Akandiyeuchidza nezvebasa rokutarisira mhuri yangu. Akandipawo zano iri: “Pasinei nezvinoitika, usambofa wakakanganwa kuparidzira pasuo nesuo. Kana ukakanganwa, unenge wangofanana nevanhu vanopinda machechi echiKristudhomu.” Nanhasi, ndichiri kuziva kukosha kwezano rake uye kuti ndinofanira kuparidza “paimba nemba,” kana kuti pasuo nesuo.—Mabasa 20:20, 21.
“Muprofita Wenhema” muParaguay
Nguva pfupi ndasangana naHama August Peters, ini nemhuri yangu takakwira ngarava ndokuenda kuSouth America. Takaguma tava kugara muGran Chaco dunhu reParaguay, iyi zvakare yaiva nzvimbo yevaMennonite. Mavhiki maviri tasvika, ndakafamba rwendo irworwo rwakanga rwakaoma kuti ndiparidze mumisha yevavakidzani vedu ndiri ndoga. Shoko rakakurumidza kupararira rokuti pavanhu vakanga vachangosvika, pakanga pauyawo “muprofita wenhema.”
Apa ndipo pandakashandisa ruzivo rwangu rwokuvaka. Mhuri yoga yoga yevakanga vatama yaida imba, uye dzaivakwa nezvidhina zvisina kupiswa nedenga rouswa. Kwemwedzi mitanhatu yakatevera, ndakanga ndakawandirwa chaizvo nebasa rokuvaka uye ndakava nemikana yakawanda yokuparidza zvisina kurongwa. Vanhu vaindifarira pandaivavakira dzimba, asi pandaingopedza vaibva vangorega kuva nebasa neni.
Panguva iyi, ngarava dzaiuya nevapoteri vakawanda vechiMennonite kubva kuGermany. Pavapoteri ava paivawo nemhandara yainzi Katerina Schellenberg, akanga ambokurukura neZvapupu kwenguva pfupi uye akurumidza kuona kuti vaidzidzisa chokwadi. Kunyange zvazvo akanga asati abhabhatidzwa, akanga azviti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha paaiva mungarava. Izvi zvakaita kuti asatenderwa kuenda kunzvimbo yaitongwa neGermany. Asiyiwa oga muAsunción, guta guru reParaguay, akawana basa romumba, akadzidzira Spanish, akatsvaka Zvapupu, ndokubhabhatidzwa. Muna October 1950, mhandara iyi yaiva yakashinga yakava mudzimai wangu. Ave achinditsigira chaizvo uye achindibatsira zvikuru mune zvose zvatakasangana nazvo mumakore aya.
Munguva pfupi, ndakanga ndakwanisa kuchengeta mari yaikwana kutenga ngoro nemabhiza maviri, uye ndakazvishandisa mubasa rokuparidzira nguva dzose ndichiyeuka zano raHama Peters. Panguva iyoyo, hanzvadzi yangu yakanga yavawo Chapupu yakauya kuzobatanawo nesu. Tose taiwanzomuka na4:00 mangwanani, tofamba kwemaawa mana, toparidza kwemaawa maviri kana matatu tobva tadzokera kumba.
Ndakanga ndaverenga mumabhuku edu kuti mumisangano yedu maiva nehurukuro dzavose, saka ndakaronga kukurukura imwe chete. Ndakanga ndisina kumbobvira ndapinda musangano neungano yaitaura chiGerman, saka ndaingoita zvokufungidzira maitirwo azvo ndokutaura nezvoUmambo hwaMwari. Vanhu vasere vakapinda musangano wacho, uye izvi hazvina kufarirwa nevafundisi veChechi yevaMennonite. Vakaronga mushandirapamwe wokuunganidza mabhuku ose eBhaibheri atakanga tagovera vanhu ndokuvaudza kuti vasambofa vakatikwazisa.
Zvadaro, ndakaendeswa kumuzinda mukuru waitarisira nzvimbo iyi ndokubvunzwa kwemaawa anoverengeka nomukuru mukuru wepo uye nevafundisi vaviri vakanga vashanya vachibva kuCanada. Pakupedzisira, mumwe wavo akati: “Muchinda, unogona hako kudavira chero zvaunodavira, asi unofanira kutivimbisa kuti hausi kuzombozviudza vanhu.” Handaizombovavimbisa izvozvo. Saka vakandiudza kuti ndibve munzvimbo iyi nokuti vakanga vasingadi “muprofita wenhema” pakati pe“hama dzakatendeka.” Pandakaramba kubva vakati vaizobhadharira mhuri yangu yose mari yokufambisa. Handina kutsuduguka uye ndakaramba kubva munzvimbo iyi.
Muchirimo ichocho muna 1953 ndakaenda kugungano reruwa kuAsunción. Ikoko ndakataura naNathan Knorr, aibva kumuzinda weZvapupu zvaJehovha uri kuBrooklyn, muNew York. Akati nditamire kuguta guru kuitira kuti ndishande neboka duku remamishinari akanga anzi ashandire imomo sezvo pakanga pasina zvainyatsobuda pakuparidza kwataiita munzvimbo iyi yevaMennonite.
Kuisa Umambo Pakutanga
Panguva iyoyo muParaguay maingova neZvapupu zvinenge 35 chete. Ndakataura nomudzimai wangu, uye kunyange zvazvo asina kufarira pfungwa yokuti titamire kuguta guru, aida kuti tiende kunoita basa iri. Muna 1954, ini naKaterina takavaka imba yezvidhina—tingori vaviri panguva yatainge tisina zvimwe zvinhu zvokuita. Hatina kumborega kuenda kumisangano yechiKristu, uye taigara tichitaura nevanhu nezveBhaibheri pakupera kwevhiki.
Rimwe basa randakawana raiva rokufamba nomutariri wedunhu kana kuti mushumiri anofambira, kuti nditurukire hurukuro dzake paaishanyira dzimwe ungano dzaiva munharaunda yaitaura chiGerman muParaguay. Sezvo ndaiziva chiSpanish zvishoma, hurukuro yokutanga yeSpanish yandakaturikira mumutauro wechiGerman, ndiyo yaive yakaoma zvikuru kupfuura mabasa ose andakakumbirwa kuita.
Nokuti mudzimai wangu akanga asina utano hwakanaka, takatamira kuCanada muna 1957. Zvadaro, muna 1963, takatamira kuUnited States. Pasinei nokwataive, nguva dzose taiedza kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwedu. (Mateu 6:33) Ndinotenda Jehovha Mwari zvikuru kuti akandibvumira kudzidza chokwadi kubva muShoko rake Bhaibheri, pandaiva ndichiri jaya. Kudzidza kwandakaita Bhaibheri kwakandibatsira munzira dzakawanda muupenyu hwangu!
Ndinonzwa kuti ndave ndichikudzwawo kuti ndakakwanisa kubatsira vamwe kudzidza chokwadi chiri muBhaibheri chinofadza chakandinyaradza zvikuru. Chinonyanya kundifadza ndechokuti ndiri kuona vana vangu vose nevazukuru vangu vachibatsirwa nedzidzo yeBhaibheri kubvira vachiri vaduku. Vose vari kuteerera zano raHama Peters, vakambondiudza kare kuti: “Pasinei nezvinoitika muupenyu, usambofa wakakanganwa kuparidzira pasuo nesuo.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Chinonyanya kundifadza ndechokuti ndiri kuona vana vangu vose nevazukuru vangu vachibatsirwa nedzidzo yeBhaibheri kubvira vachiri vaduku
[Mifananidzo iri papeji 20, 21]
Ini naKaterina nguva pfupi tisati tachata muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 21]
Tiine dangwe redu pamba pedu muParaguay, 1952
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndiine mhuri yangu yose nhasi
[Kwazvakatorwa]
Photo by Keith Trammel © 2000
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]
Photo by Keith Trammel © 2000