RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 10/1 pp. 6-8
  • Zvinhu Zvakafanotaurwa Kuti Zvaizoitika Muzuva Redu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvakafanotaurwa Kuti Zvaizoitika Muzuva Redu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Rukundo Nenhamo
    Mukai!—1998
  • Kudzivirira Kutsva Mukurwisana—neTibhii
    Mukai!—1999
  • Tiibhii Inodzorera!
    Mukai!—1996
  • Kufa Kunokwikwidzana Nehondo
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 10/1 pp. 6-8

Zvinhu Zvakafanotaurwa Kuti Zvaizoitika Muzuva Redu

BHAIBHERI rakafanotaura kuti Umambo hwaMwari huchaunza rugare rusingazomboperi nomufaro pasi pano. (Dhanieri 2:44) Mumunyengetero unonzi waBaba Vedu, kana kuti Munyengetero waShe, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Muuprofita hwake hunozivikanwa zvikuru hwaakataura kuvadzidzi vake ari paGomo reMiorivhi, Jesu akafanotaura zvinhu zvaizotanga zvaitika Umambo hwacho husati hwachinja zvinhu panyika. Pamwe chete zvinhu izvi zvinoumba chiratidzo chaizonyatsoonekwa nevanhu vose vane mwoyo wakatendeka. Zvinhu zvingani pane zvinotevera zvinoumba chiratidzo ichocho zvawakaona iwe pachako?

Hondo Dzinoitika Munyika Yose. Jesu akafanotaura kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Hondo yokutanga yenyika yose isati yaitika muna 1914, kwakanga kusina hondo dzairwiwa mupasi rose. Hondo Yenyika I haina kungoparadza chikamu chakakura chepasi chete asiwo yakaita kuti zvombo zvakaipisisa kupfuura zvaizombofungwa nevanhu zvigadzirwe. Somuenzaniso, ndege itsva yakagadzirwa yakashandiswa kudonhedza mabhomba pavanhu vasiri varwi. Kugadzirwa kwezvombo zvakawanda kwakaita kuti nhamba yevanhu vakaurayiwa muhondo iwedzere kupfuura yaifungidzirwa, sezvo pamamiriyoni 65 emasoja inenge hafu yacho yakafira muhondo kana kuti yakakuvadzwa. Asi muzana rino remakore rechi20, nhamba yevanhu vakafira muhondo yakawedzera. Mumwe anoongorora zvakaitika kare akati “hatimbofi takaziva nhamba yemasoja kana vanhu vakanga vasiri varwi vakafa” muHondo Yenyika II. Uyewo hondo dzichiri kuitika kunyange nhasi.

Nzara Iri Kuitika Munyika Yose. Jesu akafanotaura kuti, “Kuchava nokushomeka kwezvokudya.” (Mateu 24:7) Muna 2005, magazini inonzi Science yakati: “Munyika yose mune vanhu vanokwana mamiriyoni 854 (14 muzana yevagari vepasi) vasingawani zvokudya zvinovaka muviri muupenyu hwavo hwose kana kuti vanomboshayiwa zvokudya kwemazuva.” Muna 2007, rimwe sangano reUnited Nations rakati nyika 33 hadzina zvokudya zvakakwana zvokuti dzipe vanhu vadzo. Izvi zvingaitika sei icho chibage chava kurimwa kwazvo? Pane kuti minda nechibage zvishandiswe kuti vanhu vawane zvokudya, zviri kushandiswa kugadziriswa mafuta emotokari. Rimwe pepanhau rokuSouth Africa rinonzi The Witness rakati, “Chibage chinoshandiswa kugadzira mafuta anozadza tengi remhando yemota yomujaho inodhonza nemavhiri mana chinogona kudyiwa nomunhu mumwe chete pagore rose.” Munyikawo dzakabudirira kukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvokudya kuri kuita kuti vakawanda vasarudze kuti votenga zvokudya zvemanheru here kana kuti kubhadhara zvimwe zvinokosha, zvakadai semishonga yokurapa kana kuti zvokudziyisa mumba.

Kudengenyeka Kwenyika Kwakakura. Jesu akati: “Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru.” (Ruka 21:11) Kana uchifunga kuti vanhu vakawanda vari kukanganiswa nokudengenyeka kwenyika kupfuura kare, izvozvo zvakarurama. Muna 2007, mumwe anoongorora zvokudengenyeka kwenyika wokuIndia anonzi R. K. Chadha, akati, “Tiri kuramba tichiona kudengenyeka kwenyika kuchiwedzera pasi pose. Hapana anoziva kuti nei.” Uyewo, kuwanda kuri kuramba kuchiita vanhu vanogara munzvimbo dzinodengenyeka ndiko kwaita kuti njodzi idzi dziwedzere. Kudengenyeka kwenyika kwakaitika kuIndian Ocean muna 2004 uye netsunami yakazoitikawo gore iroro, zvakaita kuti U.S. Geological Survey iti raiva gore “rakafa vanhu vakawanda nenjodzi yokudengenyeka kwenyika mumakore anenge 500 paidengenyeka nyika” uye “njodzi yechipiri inouraya kwazvo yati yamboitika.”

Zvirwere Zvakaoma Kurapa. Jesu akafanotaura kuti, “Kuchava . . . nematenda.” (Ruka 21:11) Munyika yose, zvirwere zvava nenguva zviripo nezvitsva zviri kubata vanhu vakawanda, uye zvakaoma kuzviwanira mushonga. Somuenzaniso, vanhu vari munyika dzose vaitofanira kuramba vachidzorera shure zvinangwa zvavo zvokutsakatisa chirwere chemarariya sezvo chirwere chacho chiri kungoramba chichiwedzera. Uyewo, mamiriyoni evanhu akafa nezvirwere zvava nenguva zviripo, kusanganisira tibhii (TB), iye zvino yava kunetsawo sezviri kuita AIDS nezvimwe zvirwere zvitsva. World Health Organization inoti: “Vanhu chikamu chimwe chete pazvitatu munyika yose vane TB.” Sangano racho rinotiwo HIV ndiyo iri kukonzera zvirwere zveTB munyika dzakawanda. Sekondi imwe neimwe, mumwe munhu anototi abatwe neTB, uye TB iri kuramba kwazvo kurapika. Imwe magazini inonzi New Scientist inoti muna 2007, mumwe murwere kuEurope akaoneka kuti aiva neTB “yakanga isingagoni kurapwa nemishonga yose yatinayo.”

Kuparara Kwetsika Nekwenzanga. Jesu akati: “Rudo rwevazhinji ruchatonhora nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateu 24:12) Kuwedzera pane zvakafanotaurwa naJesu, muapostora Pauro akataurawo nezvokuparara kwenzanga uye kwetsika. Akarondedzera nezve“mazuva okupedzisira” akaoma aizovapo nguva pfupi Umambo hwaMwari husati hwagumisa nyika ino. “Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (2 Timoti 3:1-5) Hausi kuzviona here kuti vanhu vava kuratidza tsika dzakadai dzakaipa kupfuura zvavaimboita?

Jesu naPauro havana kutaura zvinhu zvose zvine chokuita nenzanga, nhoroondo dzezvinhu zvakaitika kare, uye zvematongerwo enyika zviri kukonzera mamiriro ezvinhu aya munyika. Kunyange zvakadaro, uprofita hwavo hwakafanotaura zvakarurama zviitiko nemafungiro atiri kuona nhasi. Zvakadini neremangwana? Uprofita hwaIsaya hwakafanotaura zvakarurama nezvokuuya kwaMesiya uyewo hunorondedzera zvinhu zvakanaka zvichaitwa noUmambo hwaMwari panyika. Ngatikurukurei nezvazvo munyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 6]

“Rudzi ruchamukira rudzi”

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Kuchava . . . nematenda”

[Kwazvakatorwa]

© WHO/P. Virot

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe