Dzidziso Yakapararira
“Ndairota zvinotyisa ndichitsva muhero! Ndairota ndichikandwa munzvimbo ine moto uye ndaizopepuka ndichizhamba. Kunyange zvakadaro, ndaiedza nepandaikwanisa kuti ndisaite chivi.”—Arline.
UNOTENDA kuti hero inzvimbo yakagadzirirwa kutambudza vatadzi here? Ndizvo zvinotenda vanhu vakawanda. Somuenzaniso, muna 2005 imwe nyanzvi yezvitendero iri paYunivhesiti yeSt. Andrews kuScotland yakawana kuti mufundisi mumwe chete pavatatu voga voga, pavafundisi vose vokuScotland aitenda kuti vaya vakaparadzana naMwari vaizotambura “vachishungurudzika mupfungwa nokusingaperi muhero.” Mumwe chete pavashanu aitenda kuti vaya vanoenda kuhero vanenge vachizotambudzwa miviri yavo.
Munyika dzakawanda, vanhu vazhinji vanotenda kuti kune hero. Somuenzaniso, mu- United States, ongororo yakaitwa muna 2007 inonzi Gallup poll yakawana kuti 70 muzana yevaya vakabvunzwa vaitenda kuti kune hero. Kunyange munyika dzisinganyanyi kuita zvezvitendero, vanhu vanotenda kuti kune hero varikowo. KuCanada, ongororo iyi payakaitwa muna 2004 yakaratidza kuti vanhu 42 muzana vaitenda kuti kune hero. Uye kuGreat Britain, 32 muzana vaiva nechokwadi chokuti hero iriko.
Zvinodzidziswa neVafundisi
Vafundisi vakawanda vakarega kudzidzisa kuti hero inzvimbo chaiyo ine moto inotambudzwa vanhu. Asi vanotsigira tsanangudzo yakafanana neiya iri mubhuku rinonzi Catechism of the Catholic Church, (Ketekezima Yechechi yeRoma) rakabudiswa muna 1994. Bhuku racho rinoti, “Chirango chikuru muhero ndechokuparadzaniswa zvachose naMwari.”
Kunyange zvakadaro, vakawanda vachiri kutenda kuti hero inzvimbo iyo vanhu vanotambudzwa mupfungwa uye mumuviri. Vaya vanotsigira dzidziso iyi vanoti inobva muBhaibheri. Purezidhendi weSouthern Baptist Theological Seminary anonzi R. Albert Mohler, anoti: “Ichi chingori chokwadi chiri muMagwaro.”
Nei Zvichikosha Kufunga Nezvezvaunotenda?
Kana hero iri nzvimbo yokutambudzira vanhu, chokwadi unofanira kutya. Zvisinei, kana dzidzi- so iyi iri yechokwadi, vatungamiriri vezvitendero vanodzidzisa dzidziso yehero vanovhiringidza vanhu uye vanoita kuti vaya vanoitenda vangogara vachishushikana mupfungwa. Uyewo vanozvidza Mwari.
Shoko raMwari, Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyi? Nyaya dzinotevera dzichashandisa Bhaibheri reChechi yeRoma nemamwewo kupindura mibvunzo mitatu iyi: (1) Chii chinonyatsoitika kumunhu kana afa? (2) Jesu akadzidzisei nezvehero? (3) Kudzidza chokwadi nezvehero kungakubatsira sei?