RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 12/1 p. 8
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • “Muvezi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kushanda?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Johane Anobhabhatidza Jesu
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kusvika Pakuziva “Pfungwa dzaKristu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 12/1 p. 8

Waizviziva Here?

Jesu angadai aigadzirei paaiita basa rokuveza?

Josefa, baba vaJesu vokurera vaiva muvezi. Jesu akadzidzawo basa iroro. Paakatanga ushumiri hwake ava nemakore “anenge makumi matatu,” akanga asingaonekwi so“mwanakomana womuvezi” chete asi aionekwawo somuvezi ane unyanzvi.—Ruka 3:23; Mateu 13:55; Mako 6:3.

Kumusha kwaJesu kwaidiwa zvikuru zvinhu zvokurimisa zvakadai semagejo uye majoko, izvo zvainyanya kugadzirwa nemiti. Pazvinhu zvainyanya kugadzirwa nevavezi paiva nemidziyo yomumba—matafura, zvigaro, zvituru, makabhati okuchengetera zvinhu—uyewo zvinhu zvakadai semagonhi, mahwindo, zvihuri uye nhungo. Kutaura zvazviri, rimwe basa romuvezi raiva rokugadzira zvinhu zvokuvakisa.

Mune mumwe muenzaniso, Johani Mubhabhatidzi akataura nezvedemo, pamwe ndiro raishandiswa naJesu pakutema miti kunyange nevamwe vavezi. Zvadaro, vaigona kugadzira mapango avo pavainge vatemera miti kana kuti vaiatakura voenda nawo kwavaivezera. Zviri pache- na kuti apa ndipo paida simba rakawanda. (Mateu 3:10) Isaya akataura mamwe maturusi aishandiswa nevavezi paairarama achiti: “Muvezi wedanda, atambanudza tambo yokuyeresa; anoritara nechoko tsvuku; anoriveza nembezo; uye anoramba achiritara nechokuenzanisa.” (Isaya 44:13) Zvakawanikwa pakuchera matongo zvinoratidza kuti hakisoo, sando dzaigadzirwa nematombo, uye zvipikiri zvebhuronzi zvaishandiswa munguva dzomuBhaibheri. (Eksodho 21:6; Isaya 10:15; Jeremiya 10:4) Zvine musoro kutaura kuti Jesu angangova akashandisa zvinhu zvakadaro.

Vashandi “vokubhengi” vakataurwa naJesu mune mumwe muenzaniso wake vaiva vanaani, uye vaishanda sei?

Jesu akataura nezvatenzi akatuka muranda aiva simbe, achiti: “Waifanira kudai wakaisa mari yangu yesirivha kune vokubhengi, uye pakusvika kwangu ndingadai ndiri kugamuchira mari yangu yabereka.”—Mateu 25:27.

Mabhengi makuru ariko mazuva ano akanga asiko munguva yairarama Jesu pasi pano. Zvisinei, Jesu asati auya panyika, vanhu vaikweretesa mari vakanga vatotanga tsika yokuzodzorera vanhu mari dzavo dzava nomubereko uye vachikweretesa vozobhadharwawo nomubereko. Maerererano neduramanzwi reBhaibheri rinonzi The Anchor Bible Dictionary, zvaiva zvakakurumbira muGiriki muzana remakore rechina B.C.E. kuti munhu akwerete ozobhadhara nomubereko. Uye panguva yorunyararo yakaitwa nevaRoma, mari yomubereko yaibhadharwa pagore muUshe hweRoma yaigona kuva 4 muzana kana kuti 6 muzana.

Mutemo waMosesi wairambidza kukweretesa nechimbadzo kuvaIsraeri vaitambura. (Eksodho 22:25) Mutemo uyu unoita sokuti wainyanya kushanda paikwereteswa varombo. Zvisinei, sezvinoratidzwa mumuenzaniso waJesu, zvaiva zvakajairika kuti uwane mubereko kana waendesa mari yako kuvakweretesi vemari, kana kuti kuvashandi “vokubhengi.” Saka, sezvaaigara achingoita, Jesu akashandisa zvinhu zvaizivikanwa nevateereri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe