RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 12/1 pp. 9-12
  • Utsanana—Nei Huchikosha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utsanana—Nei Huchikosha?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinokosha Kuti Mhuri Ishande Pamwe Chete
  • Utsanana Hwedu Hunoita Kuti Mwari Watinonamata Akudzwe
  • “Ivai Vatevedzeri vaMwari”
  • Rucheno Runokosha Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Rucheno—Runombonyatsorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Jehovha Anoda Vanhu Vakachena
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mwari Anoda Vanhu Vakachena
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 12/1 pp. 9-12

Utsanana—Nei Huchikosha?

Kwezviuru zvemakore, nhenda nezvirwere zvakatambudza vanhu. Vamwe vanhu vakafunga kuti zvinhu izvi zvaive chiratidzo chokutsamwa kwaMwari uye akaita kuti zvivepo kuti arange vakaipa. Kuongorora nokushivirira uye kunyatsotsvakurudza kwakaitwa mumazana akawanda emakore kwakaratidza kuti honzeri yezvose izvi tupuka twuduku twunogara nesu.

Masayendisiti ezvokurapa akawana kuti makonzo, mbeva, mapete, nhunzi, noumhutu zvinogona kuparadzira zvirwere. Vakawanawo kuti vanhu vanoita kuti zvirwere zvinotapuriranwa zvipararire pamusana pokusava noutsanana. Zvinoita sokuti utsanana ndihwo hunoita kuti munhu ararame kana kuti afe.

Zviri pachena kuti utsanana hunosiyana-siyana zvichienderana netsika nenzvimbo. Munzvimbo dzisina mvura inobuda nomupombi kana dzisina zvimbuzi zvakakwana, zvingaoma chaizvo kuva noutsanana. Kunyange zvakadaro, Mwari akapa vaIsraeri vekare mirayiridzo youtsanana pavaifamba murenje, yaive nzvimbo yainge yakaoma kwazvo yatingafungidzira kuti vanhu vaite utsanana!

Nei Mwari achikoshesa utsanana? Tinofanira kuona sei utsanana nenzira yakakodzera? Matanho api okuzvidzivirira ari nyore aungatora iwe nemhuri yako kuti musanyanya kubatwa nezvirwere?

CHIKORO chapera, uye mukomana muduku anonzi Maxa anogara kuCameroon adzoka kumba. Aine nzara nenyota, anopinda muimba yavo, anombundira imbwa yake yange yakamumirira, anoisa bhegi rake rokuchikoro patafura yomuimba yokudyira, uye anogara pasi achimirira kupiwa zvokudya achiratidza kuti ane nzara.

Amai vake vari mukicheni, vanonzwa Max achipinda vobva vamuunzira ndiro yomupunga uri kupisa une bhinzi kuti adye. Asi vanosunga chiso pavanoona bhegi rake rokuchikoro riri patafura yakachena. Vanotarisa mwanakomana wavo vobva vati neshoko rimwe chete, “Maaaax!” Mwanakomana wavo anonzwisisa zvavari kureva, anokurumidza kubvisa bhegi racho obva amhanya kunogeza maoko ake. Nenguva isipi anodzoka kuti adye zvokudya zvake zvaange akamirira. Achibvuma kuti atadza anoti, “Ndine urombo amai. Ndanga ndakanganwa.”

Amai vane hanya vanogona kuita zvakawanda panyaya youtano noutsanana, kunyange zvazvo vachida kuti vamwe vomumhuri yavo vavabatsirewo. Sokuratidza kunoita nyaya yaMax, zvinokosha kuti vana vadzidziswe kubvira pauduku nokuti utsanana hunotoda kushandirwa uye vana vanoda kugara vachiyeuchidzwa.

Amai vaMax vanoziva kuti zvokudya zvinogona kubata utachiona nenzira dzakasiyana-siyana. Saka havangogezi maoko avo chete vasati vabata zvokudya asiwo vanozvichengeta zvakavharwa kuti zvisamharwa nenhunzi dzinosiya utachiona. Nokuva nechokwadi chokuti zvokudya zvakadzivirirwa uye nokuramba vachichengeta imba yavo yakachena, havazonyanyi kunetswa nemakonzo, mbeva, uye mapete.

Chimwe chikonzero chinokosha nei amai vaMax vachingwarira chaizvo ndechokuti vanoda kufadza Mwari. Vanoti, “Bhaibheri rinoti vanhu vaMwari vanofanira kuva vatsvene nokuti Mwari mutsvene.” (1 Petro 1:16) Uyewo vanoti, “Utsvene hwakafanana noutsanana. Saka ndinoda kuti musha wangu uve noutsanana, uye ndinoda kuti mhuri yangu ive yakachena. Zvechokwadi, zvinokwanisika bedzi nokuti munhu wose womumhuri anobatsira.”

Zvinokosha Kuti Mhuri Ishande Pamwe Chete

Sokutaura kwamai vaMax, kuti mhuri ive noutsanana, zvinoda kuti ishande pamwe chete. Nguva nenguva, dzimwe mhuri dzinogara pasi pamwe chete kuti dzikurukure zvinhu zvadzinoda uye zvadzinofanira kugadziridza, kunze nomukati momusha. Izvi zvinobatsirawo kuti mhuri ibatane uye zvinoyeuchidza munhu wose zvaanofanira kuita pakugarisika zvakanaka kwemhuri yose. Somuenzaniso, Amai vangatsanangurira vana vakura kuti nei vachifanira kugeza maoko avo kana vabva kuchimbuzi, vabata zvinhu zvakadai semari, uye vasati vadya. Ivowo vanozova nechokwadi chokuti vaduku vacho vanozvikoshesa.

Vanhu vose vari mumhuri vanogona kupiwa mabasa akasiyana-siyana. Mhuri ingasarudza kugara ichichenesa imba vhiki yoga yoga uye kuronga kunyatsochenesa imba yose kamwe chete kana kaviri pagore. Uye zvakadini nechivanze chemba? Stewart L. Udall anochengetedza zvakapoteredza, achitaura nezveUnited States akati: “Tiri kurarama munyika iri kuramba ichidzikira pakunaka, iri kuwedzera kuipa, isisina masango, iri kusvibiswa zuva nezuva, ine ruzha, uye iri kukanganiswawo nezvimwe zvinhu.”

Ndiwo maonero aunoita zvakakupoteredza here? Kare uye kunyange nhasi mune mamwe maguta okuCentral Africa, munhu anopa zviziviso muguta anoridza bhero kuitira kuti vanhu vamupe nzeve. Nenzwi guru, anoyeuchidza vanogara muguta kuti vachenese migero yemvura, varase tsvina, vachekerere miti, vadzure masora, uye varase marara.

Kuraswa kwemarara idambudziko riri munyika yose uye rakaomera hurumende dzakawanda. Mamwe mamenisiparati anotadza kurasa marara, ayo anozoguma angova mirwi mumigwagwa. Vanogara munzvimbo yacho vangakumbirwa kuti vazobatsira. Sevagari vakanaka munharaunda yavo, vaKristu ndivo vanotanga kuteerera uye kuita maerererano nemitemo yaKesari vasinganyunyuti. (VaRoma 13:3, 5-7) VaKristu vechokwadi vanoda kutoita zvakawanda kupfuura zvavanenge vakumbirwa kuita panyaya iyi. Vanofarira kugara munzvimbo yakachena uye vanotanga kuchenesa vasingangomiriri kuita zvokuyeuchidzwa nouya anopa chiziviso muguta. Vanoziva kuti utsanana chiratidzo chokuti vakadzidziswa zvakanaka uye vane unhu hwakanaka. Hunotanga nomunhu mumwe nomumwe nemhuri imwe neimwe. Kungochenesa mukati nokunze kwemba kuchaita kuti mhuri ive noutano hwakanaka uyewo zvinonakisa nharaunda.

Utsanana Hwedu Hunoita Kuti Mwari Watinonamata Akudzwe

Kana takashambidzika uye takapfeka zvinoremekedzeka zvinoratidza Mwari watinonamata uye vanhu vanowanzozvicherechedza. Rimwe boka remajaya 15 nemhandara rakapinda muresitorendi pashure pokunge rapedza kupinda gungano reruwa reZvapupu zvaJehovha rakaitirwa muToulouse, kuFrance. Mumwe murume nomudzimai wake vechikuru vaive vakagara patafura pedyo navo vaifunga kuti vachaitirwa ruzha uye kusaremekedzwa. Zvisinei, vakashamiswa chaizvo nokuzvibata nematauriro akanaka aiita vechiduku vacho vainge vakapfeka zvakanaka. Boka racho parakanga rava kuda kuenda, murume wacho nomudzimai wake vakarumbidza unhu hwavo hwakanaka ndokuudza rimwe remajaya acho kuti kashoma kuona vanhu vane unhu hwakadaro.

Vanoshanyira mahofisi ebazi, dzimba dzinodhindirwa mabhuku, uye nedzinogara Zvapupu zvaJehovha zvinoshanda ipapo vanowanzoshamiswa noutsanana hwavanoona ipapo. Vazvipiri vanoshanda nokugara panzvimbo idzi vanotofanira kugeza nguva dzose uye kupfeka mbatya dzakachena. Mapefiyumu haatsivi kugeza. Vazvipiri vacho avo vanoshumira zvenguva yakazara, vanoparidza kuvavakidzani vavo munguva yemanheru kana yokupera kwevhiki, kushambidzika kwavo kunoratidza zvakanaka shoko ravanoparidzira.

“Ivai Vatevedzeri vaMwari”

VaKristu vanokurudzirwa ‘kutevedzera Mwari.’ (VaEfeso 5:1) Muprofita Isaya akanyora zvaakaona zvairatidza ngirozi dzichirondedzera Musiki wacho nemashoko okuti “Mutsvene, mutsvene, mutsvene.” (Isaya 6:3) Mashoko aya anonyatsoratidza kuti Mwari akachena pamwero mukuru. Saka Mwari anoda kuti vashumiri vake vave vatsvene, vakachena. Anovaudza kuti, “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”—1 Petro 1:16.

Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti “[vapfeke] nguwo dzakafanira.” (1 Timoti 2:9, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Saizvozvowo, mubhuku raZvakazarurwa, zvinonzi “nguo yerineni inopenya, yakachena, yakanaka kwazvo,” inomirira mabasa akarurama evanhu vanonzi naMwari vatsvene. (Zvakazarurwa 19:8) Ukuwo, muMagwaro chivi chinowanzofananidzwa nokutindivara kana kuti netsvina.—Zvirevo 15:26; Isaya 1:16; Jakobho 1:27.

Nhasi vanhu vanosvika mamiriyoni vari kurarama munzvimbo dzinonetsa kuti vagare vakachena mumuviri, mutsika, uye mune zvokunamata. Dambudziko iri richagadziriswa naMwari ‘paachaita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ (Zvakazarurwa 21:5) Vimbiso iyoyo paichazadziswa, tsvina nouchapa hwose zvichatsakatika zvachose.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

[Bhokisi riri papeji 10]

Mwari Anoda Utsanana

Pavaifamba murenje, vaIsraeri vairayirwa kuti vangwarire kwazvo pavairasa tsvina. (Dheuteronomio 23:12-14) Rinofanira kunge raive basa rakaoma tichifunga nezvekukura kwemusasa wacho, asi hapana mubvunzo kuti zvakabatsira kudzivirira zvirwere zvakadai sefivha nekorera.

Vanhu vacho vairayirwa kuti vageze kana kuti vaparadze chinhu chose chainge chagumha chitunha. Kunyange zvazvo vangave vasina kunzwisisa chikonzero chacho, vaIsraeri vakabatsirwa kuti vasatapukirwa noutachiona nezvirwere.—Revhitiko 11:32-38.

Vapristi vaifanira kugeza maoko avo netsoka dzavo vasati vatanga mabasa avo patabhenekeri. Kuzadza bheseni remhangura nemvura yaiisirwa chinangwa ichi kungave kwakanga kusiri nyore, asi vaitofanira kugeza.—Eksodho 30:17-21.

[Bhokisi riri papeji 11]

Mazano Anobva Kuna Chiremba

Mvura inokosha muupenyu, asi mvura ine utachiona inogona kukonzera zvirwere norufu. Dr. J. Mbangue Lobe, chiremba mukuru mune rimwe dhipatimendi rezvokurapa pachiteshi chengarava cheDouala, Cameroon, akataura mazano anobatsira paaibvunzurudzwa.

“Bhoira mvura yako yokunwa kana usina chokwadi nayo.” Asi akayambira kuti: “Zvakanaka kushandisa mishonga nemamwe makemikari asi zvine ngozi kana zvikatadza kushandiswa zvakanaka. Nguva dzose, geza maoko ako nesipo nemvura usati wadya uye wapedza kushandisa chimbuzi. Chigodo chesipo hachinyanyi kudhura zvokuti nevarombo vanogona kuchitenga. Gara uchiwacha mbatya dzako, uchishandisa mvura inopisa kana ganda rako riine zvirwere.”

Chiremba wacho anoenderera mberi achiti, “Vanhu vose vari mumhuri vanofanira kuratidza utsanana mumba nokunze kwemba. Zvimbuzi zvinowanzoregeredzwa uye zvinobva zvangova muzinda wemapete nenhunzi.” Achiwedzera mamwe mashoko anokosha ane chokuita nevana, akayambira kuti: “Ngwarirai kuti musagezere muhova dziri kwamunogara. Dzizere noutachiona hunokuvadza. Gezai manheru oga oga musati maenda kunorara, nyatsokweshai mazino manheru oga oga, uye rarai makazvivhara neneti inovharidzira umhutu.” Pfungwa iri kuda kunyanya kusimbiswa apa ndeyekufanofunga, kuita, uye kunzvenga zvinetso zvinokonzerwa nokusava noutsanana.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kuwacha mbatya dzako kunobatsira ganda rako kuti risava nezvirwere

[Mufananidzo uri papeji 10]

VaKristu ndivo vanotanga kuchenesa nzvimbo yavanogara

[Mufananidzo uri papeji 10]

Amai vane hanya vanogona kuita zvakawanda panyaya youtsanana hwemhuri yavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe