RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 5/1 p. 18
  • Jehovha Paakatsanangura Zvaari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Paakatsanangura Zvaari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Unhu Hwakanaka Huna Jehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mwari Wechokwadi Ndiani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 5/1 p. 18

Swedera Pedyo naMwari

Jehovha Paakatsanangura Zvaari

Eksodho 34:6, 7

UNGATSANANGURA sei Mwari—unhu hwake uye maitiro ake? Chimbofungidzira uchibvunza Mwari nezvounhu hwake wobva wateerera paanenge achizvitsanangura. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Mosesi. Zvinofadza kuti akafuridzirwa kunyora zvakaitika zvacho.

Pagomo reSinai, Mosesi akateterera kuna Jehovha achiti: “Ndapota, ndiratidzei kubwinya kwenyu.” (Eksodho 33:18) Mangwana acho, muprofita wacho akakomborerwa kuona chikamu chokubwinya kwaMwari.a Mosesi haana kudonongodza zvaakaona pazvinhu zvinoshamisa zvaakaratidzwa. Asi, akanyora pamusoro pezvimwe zvinhu zvinokosha—zvakataurwa naMwari. Ngationgororei zvakataurwa naJehovha zviri pana Eksodho 34:6, 7.

Chokutanga chinotaurwa naJehovha pamusoro pounhu hwake ndechokuti iye ndi“Mwari ane ngoni nenyasha.” (Ndima 6) Maererano neimwe nyanzvi, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “ngoni” rinoreva kuti Mwari ane “tsitsi, sedzinoratidzwa nababa kuvana vavo.” Shoko rinoshandurwa kuti “nyasha” rinoenderana neshoko rechiito “rinotsanangura munhu anobatsira mumwe munhu anenge achida rubatsiro zvichibva pamwoyo.” Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti tizive kuti anotarisira vanomunamata sezvinoita vabereki kuvana vavo—norudo uye vaine hanya nezvavanoda.—Pisarema 103:8, 13.

Zvadaro Jehovha anoti “anononoka kutsamwa.” (Ndima 6) Haakurumidzi kutsamwira vashumiri vake vepanyika. Asi anovaitira mwoyo murefu, achishivirira kukanganisa kwavo achivapa nguva yokuti vachinje mararamiro avo okutadza.—2 Petro 3:9.

Mwari anoenderera mberi achiti, “azere nomutsa worudo, nechokwadi.” (Ndima 6) Mutsa worudo, kana kuti rudo rwakavimbika, unhu hunokosha hunoita kuti Jehovha ave noukama hwakasimba hunogara nokusingaperi nevanhu vake. (Dheuteronomio 7:9) Chokwadi chose chinobva kuna Jehovha. Haanyengedzi kana kunyengedzwa. Sezvo ari “Mwari wechokwadi,” tinogona kuva nokutenda kwakakwana muzvose zvaanotaura, kusanganisira zvaakavimbisa zvomunguva yemberi.—Pisarema 31:5.

Chimwe chokwadi chinokosha icho Jehovha anoda kuti tizive nezvake ndechokuti anokanganwira “kukanganisa, kudarika uye chivi.” (Ndima 7) “Akagadzirira kukanganwira” vatadzi vanopfidza. (Pisarema 86:5) Asi haaregeredzi zvakaipa. Anotsanangura kuti ‘haazomboregi kuranga.’ (Ndima 7) Mwari mutsvene uye anoruramisira haaregi vatadzi vasingapfidzi vasina kurangwa. Rimwe zuva vachawana mubayiro wavo wezvakaipa zvavanoita.

Kutsanangura kwakaita Jehovha unhu hwake kunonyatsoratidza kuti anoda kuti timuzive uye kuti tizive unhu hwake uye nzira dzake. Unonzwa uchida kudzidza zvakawanda nezvounhu hwake hwakanaka here?

[Mashoko Omuzasi]

a Mosesi haana kunyatsoona Jehovha, nokuti hapana munhu anogona kuona Mwari ndokurarama. (Eksodho 33:20) Zviri pachena kuti Jehovha akaratidza Mosesi kubwinya kwake, ndokutaura naye achimiririrwa nengirozi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe