RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 6/1 pp. 12-15
  • Machechi Ose Anonamata Mwari Mumwe Chete Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Machechi Ose Anonamata Mwari Mumwe Chete Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Musiyano Here?
  • Machechi Anobatanidza Vanhu Here Kana Kuti Anoparadzanisa?
  • Zvisarudzirei Wamuchashumira
  • Vanonamata Zvechokwadi Vanoonekwa Nezvibereko Zvavo
  • Chitendero Chechokwadi Chakasiyana Nezvimwe
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Iwe Uchava Chapupu chaMwari Wechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Rudzidziso Rwupi Rwunotenderwa naMwari?
    Mukai!—1997
  • Marudzidziso Enyika Ari Kutungamirira Zvakarurama Here?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 6/1 pp. 12-15

Machechi Ose Anonamata Mwari Mumwe Chete Here?

“Ndine zvandinotenda, uye handisi kuzozvichinja. Hazvinei kuti unopinda chechi ipi, nokuti machechi ose anonamata Mwari mumwe chete.”

WAKAMBONZWA mumwe munhu achitaura mashoko akadaro here? Vanhu vakawanda vanofunga kuti machechi ose anobatsira munhu kuti anamate Mwari uye anoita kuti munhu anzwisise chinangwa choupenyu. Saizvozvowo, vanhu vakawanda vanodavira kuti mumachechi ose mune zvakanaka nezvakaipa uye kuti hapana chechi inofanira kuti ndiyo chete ine chokwadi uye kuti ndiyo chete inonamata Mwari.

Mafungiro akadaro akakurumbira munyika ino ine vanhu vanongoti zvitendero zvose zvakafanana. Chokwadi, vaya vasingabvumirani nepfungwa iyi vanoonekwa sevasina kuvhurika pfungwa, kana kuti vane rusarura. Unofungei? Unofunga kuti machechi ose anonamata Mwari mumwe chete here? Zvine basa here kuti munhu anopinda chechi ipi?

Pane Musiyano Here?

Maererano neimwe enisaikoropidhiya, mazuva ano kune machechi 9 900 munyika yose, mamwe acho ari munyika dzakawanda uye vanhu vanopinda machechi acho vanosvika mamiriyoni. Zvinofungidzirwa kuti 70 muzana yevanhu vose vanopinda zvitendero zvikuru zviri munyika zvinoti—chiBhudha, chiHindu, chiIslam, chiJudha, uye chiKristu. Kana machechi ose achinamata Mwari mumwe chete, zvitendero zvishanu izvi zvinofanira kubvumirana pane zvazvinodzidzisa, matsananguriro azvinoita Mwari, uye matsananguriro azvinoita chinangwa chaMwari. Zvinoitika chaizvo zvinoratidzei?

Imwe nyanzvi yezvechitendero inopinda chechi yeRoma inonzi Hans Küng inoti zvitendero zvikuru zvinobvumirana hazvo pane dzidziso dzokuti vanhu vangagarisana sei zvakanaka. Somuenzaniso, zvakawanda zvacho zvinorambidza kuponda, kureva nhema, kuba, makunakuna, uye zvinodzidzisa kuti vana vanofanira kuremekedza vabereki uye vabereki vanofanira kuda vana vavo. Zvisinei, mune dzimwe nyaya, kunyanya pavanotsanangura nezvaMwari, zvitendero izvi zvinosiyana chaizvo.

Somuenzaniso, vaHindu vanonamata vanamwari vakawanda, nepo zvinonzi vaBhudha havana chokwadi kana kuna Mwari. VaIslam vanodzidzisa kuti kuna Mwari mumwe chete. Ndizvo zvinodzidziswawo nemachechi anozviti ndeechiKristu, asi akawanda acho anotiwo Mwari Utatu. Kunyange mumachechi acho, vanhu vanodavira zvakasiyana-siyana. Mariya, amai vaJesu, anonamatwa neveChechi yeRoma asi kwete nevechechi dzakabva kune yeRoma. VeChechi yeRoma vanorambidza zvinhu zvinoshandiswa pakuronga mhuri asi vechechi idzodzo havazvirambidzi. Uye vechechi dzakabva mune yeRoma pachavo havabvumirani panyaya youngochani.

Zvine musoro here kuti machechi anodavira zvakasiyana-siyana kudaro angave achinamata Mwari mumwe chete? Kana. Asi, izvi zvinotovhiringidza vanhu kuti vazive Mwari uye zvaanotarisira kune vaya vanomunamata.

Machechi Anobatanidza Vanhu Here Kana Kuti Anoparadzanisa?

Kana machechi ose achinamata Mwari mumwe chete, chokwadi taizoona ose achibatsira kuti vanhu vabatane uye vave norugare. Izvi ndizvo chaizvo zvinoitika here? Nhoroondo dzinoratidza kuti panzvimbo pokuti machechi aite kuti vanhu vabatane, ari kutoita kuti vaparadzane uye varwisane. Ngatimboonai mienzaniso mishoma.

Kubvira muzana remakore rechi11 kusvikira mune rechi13, chiKristudhomu, kureva marudzi anozviti vaKristu akarwisana kakawanda nevaIslam. Muzana remakore rechi17 kuEurope, vanhu vechechi yeRoma vakarwisana nevechechi dzakabva mune yeRoma muHondo Yemakore Makumi Matatu. Chimwe chikamu chenyika yeIndia pachakangowana rusununguko kubva kuutongi hweGreat Britain muna 1947, vaHindu nevaMuslim vakatangazve kurwisana. Mumakore achangobva kupfuura, vanopinda chechi yeRoma nevaya vechechi dzakabva mune yeRoma vakarwisana kwemakore kuNothern Ireland. KuMiddle East, vaJudha nevaMuslim havawirirani. Uye muenzaniso mukuru ndewepakaitika Hondo Yenyika II, vanhu vomuzvitendero zvikuru zvose zviri zvishanu vakaendawo kunorwa, kunyange vanhu vechechi imwe chete vaitorwisana nevamwe vavo vaiva kune rimwe divi.

Mhinduro yacho iri pachena. Machechi ari panyika haana kuita kuti pave norugare nokubatana, uye haasi kuita kuti vanhu vanamate Mwari mumwe chete. Asi akatoita kuti vanhu vaparadzane uye akaita kuti vanhu vavhiringidzike nezvokuti Mwari ndiani uye kuti anofanira kunamatwa sei. Saka munhu anoda kunamata Mwari wechokwadi anofanira kunyatsosarudza manamatire aachaita. Izvi zvinoenderana nezvinokurudzirwa neBhaibheri, rimwe remabhuku ekare ezvokunamata anozivikanwa nevanhu.

Zvisarudzirei Wamuchashumira

Bhaibheri rinoratidza pachena kuti zvinoda kunyatsofunga uye kunyatsosarudza kuti tiwane Mwari wechokwadi. Joshua, mushumiri waJehovha Mwari, akaudza rudzi rwevaIsraeri vekare kuti: “Zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vangava vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu aiva mhiri kwoRwizi kana vanamwari vevaAmori vane nyika yamuri kugara. Asi ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.” Makore akati izvozvo zvaitika, muprofita Eriya akakurudzira vanhu kuti vasarudzewo zvakafanana achiti: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini? Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana ari Bhaari [mwari wevaKenani], muteverei.”—Joshua 24:15, 16; 1 Madzimambo 18:21.

Magwaro aya nemamwewo omuBhaibheri anonyatsoratidza kuti vaya vanoda kushumira Mwari wechokwadi vaifanira kuzvisarudzira. Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Kana tichida kunamata uye kushumira Mwari wechokwadi, tinofanirawo kugona kusarudza. Asi chii chingatibatsira kuita chisarudzo chakadaro panyaya yokunamata? Tingaziva sei vanamati vechokwadi?

Vanonamata Zvechokwadi Vanoonekwa Nezvibereko Zvavo

Nezvevanamati vechokwadi nevenhema, Jesu Kristu akaudza vateveri vake kuti: “Vanhu vanombotanha mazambiringa paminzwa kana maonde parukato here? Saizvozvowo muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka, asi muti wose wakaora unobereka chibereko chisingabatsiri; muti wakanaka haugoni kubereka chibereko chisingabatsiri, nomuti wakaora haugoniwo kubereka chibereko chakanaka. . . . Saka muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.” Saka, vanamati vechokwadi vaizozivikanwa nezvibereko zvavo kana kuti nemabasa avo. Zvibereko zvacho chii?—Mateu 7:16-20.

Chokutanga, vanamati vechokwadi vanoita kuti vaya vanotenda vabatane murudo. Jesu akatsanangurira vadzidzi vake kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” Vateveri vechokwadi vaKristu vanofanira kuratidzirana rudo ruchaita kuti vose vanovaona vavazive sevanamati vechokwadi.—Johani 13:34, 35.

Naizvozvo vaKristu vechokwadi havangamborwisani muhondo. Vanhu vari mumachechi vanoita saizvozvo here? MuHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha ndizvo chete boka rechitendero rakaramba kutsigira hondo risingatsuduguki pasinei nokuti zvii zvaizoitika. Dr. Hanns Lilje, aimbova bhishopi weProtestant Church yokuHannover, kuGermany, akanyora nezveZvapupu achiti: “Ndizvo chete zvinogona kunyatsotaura kuti hazvina kumbotsigira Third Reich.” Mukurwisana ikoko, Zvapupu zvaiva munyika dzakawanda zvaisarudza kutambudzwa pane kuti zvitsigire hondo.

Jesu aifunga nezvezvimwe zvibereko zvipi zvaizoratidza vateveri vake vechokwadi? Mune unonyanyozivikanwa soMunyengetero waShe, Jesu akatanga nokutaura kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” Jesu akatanga kutaura nezvokutsveneswa kwezita raMwari rokuti Jehovha. Akataura kuti Umambo hwaMwari hwaizoita kuti kuda kwaJehovha kuitwe pasi. Chitendero chipi chinozivikanwa nokuzivisa zita rokuti Jehovha uye nokuudza vanhu kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete hunopa vanhu tariro yorugare panyika? Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mashoko akanaka oUmambo munyika 236, zvichiparadzira mabhuku mumitauro inopfuura 470.—Mateu 6:9, 10.

Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzerawo muenzaniso waJesu wokusabatanidzwa mune zvematongerwo enyika kana mumakakatanwa enzanga. Jesu akataura nezvevadzidzi vake achiti: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” Uyewo, Zvapupu zvinobvuma Bhaibheri seShoko raMwari uye zvine chokwadi kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.”—Johani 17:14, 17; 2 Timoti 3:16, 17.

Chitendero Chechokwadi Chakasiyana Nezvimwe

Vanamati vechokwadi vanozivikanwa nezvibereko izvi—rudo rwokuzvipira, chido chokutsvenesa zita raJehovha, kuzivisa Umambo hwaMwari, kusiyana nenyika, kutenda muBhaibheri. Zvibereko izvozvo zvinosiyanisa vanamati vechokwadi nezvimwe zvitendero. Mumwe mukadzi uyo akanga anakidzwa nokukurukura kakawanda neZvapupu zvaJehovha akazopedzisira ataura kuti: “Ndinoziva machechi akawanda, uye ose akafanana. Imi ndimi chete vakanyatsosiyana nemamwe.”

Zviri pachena kuti machechi ose haanamati Mwari mumwe chete. Asi pane boka rimwe chete rakasiyana nemamwe ose—Zvapupu zvaJehovha, izvo zvava kupfuura mamiriyoni manomwe munyika yose. Nokutsigira uye nokutevedzera zviri muShoko raMwari Bhaibheri, zvakaita zvisina kumboitwa nesangano ripi neripi zvaro, zvokubatanidza vanhu vemarudzi akasiyana-siyana, mitauro, uye madzinza kuti vanamate Mwari mumwe chete wechokwadi, Jehovha. Vachafara kukubatsira kuti uzive nezvaMwari wechokwadi, kuti uzive kuti anodei kwauri, uye kuti uwane rugare nokuchengeteka zvinobva pakunamata Mwari nenzira yaanofarira. Hachisi chinangwa chakanaka here ichocho?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mupristi wechechi yeOrthodox anokomborera mauto matsva kuUkraine muna 2004

[Kwazvakatorwa]

GENIA SAVILOV/AFP/Getty Images

[Mufananidzo uri papeji 15]

Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vanhu kwose kwose kuti vadzidze nezvaMwari noUmambo hwake

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]

Peji 12: Mukadzi wechiBudha: © Yan Liao/Alamy; Murume mutsvene wechiHindu: © imagebroker/Alamy; peji 13: Murume ari kuverenga Koran: Mohamed Amin/Camerapix; Murume wechiJudha: Todd Bolen/Bible Places.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe