RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 7/1 pp. 4-5
  • 1. Kumbira Munyori Waro Kuti Akubatsire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1. Kumbira Munyori Waro Kuti Akubatsire
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Chipo chaJehovha Chomudzimu Mutsvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Chii chinonzi Mudzimu Mutsvene?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Famba Maererano Nomudzimu Urarame Somunhu Akazvitsaurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 7/1 pp. 4-5

Kunzwisisa Kwaungaita Bhaibheri

1. Kumbira Munyori Waro Kuti Akubatsire

Ninfa anogara kuItaly anoti: “Pane nguva dzandaiverenga Bhaibheri ndisati ndarara. Ndaizviita nokuti ndaiziva kuti iShoko raMwari, uye kunyange zvazvo ndakanga ndisinganakidzwi nokuverenga, ndaida kuziva zvakanyorwa naMwari muBhaibheri. Ndaiva nechido chokuriverenga rose. Pakutanga, zvaiva nyore, asi pandakasvika panyaya dzakanga dzakandiomera kunzwisisa, ndakarega kuverenga.”

ZVAKAITIKA kuna Ninfa zvakamboitika kwauri here? Izvi zvakaitika kuvanhu vakawanda. Asi, sezvinotaurwa munyaya inotangira ino, Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari, anoda kuti unzwisise Shoko rake. Zvisinei, ungaitei kuti unyatsorinzwisisa? Chokutanga, unofanira kukumbira Munyori wacho kuti akubatsire.

Vaapostora vaJesu vaionekwa se“vanhuwo zvavo, vasina kudzidza” nokuti vakanga vasina kupinda zvikoro zvavanarabhi kuti vadzidziswe zvechitendero. (Mabasa 4:13) Zvisinei, Jesu akavavimbisa kuti vaikwanisa kunzwisisa Shoko raMwari. Sei? Jesu akatsanangura kuti: “Mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose.” (Johani 14:26) Mwari akashandisa mudzimu wake mutsvene, kana kuti simba rinoita basa, pakusika pasi nezvose zviri pariri. (Genesisi 1:2) Akashandisawo mudzimu iwoyo kufuridzira vanyori vanenge 40 kuti vanyore pfungwa dzake muBhaibheri. (2 Petro 1:20, 21) Mudzimu iwoyo unogona kubatsirawo vaya vari kuda kunzwisisa Bhaibheri.

Ungawana sei mudzimu mutsvene waMwari? Unogona kuukumbira uine kutenda. Kutaura chokwadi unofanira kuukumbira nomwoyo wose. Jesu akati, “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa. Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka . . . Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!” (Ruka 11:9, 13) Jehovha anoda chaizvo kupa mudzimu mutsvene wake kuvanhu vanoukumbira nomwoyo wose. Mudzimu mutsvene unogona kukubatsira kunzwisisa zvinorehwa nemashoko akafuridzirwa akanyorwa muBhaibheri mazana emakore apfuura. Mudzimu mutsvene unogonawo kukupa uchenjeri hunodiwa kuti ushandise mashoko anobatsira ari muBhaibheri muupenyu hwako.—VaHebheru 4:12; Jakobho 1:5, 6.

Saka pose paunogara pasi kuti uverenge Bhaibheri, nyengetera kuna Mwari, uchimukumbira mudzimu mutsvene kuti ukubatsire kunzwisisa Shoko rake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe