Kunzwisisa Kwaungaita Bhaibheri
3. Bvumba Kubatsirwa Nevamwe
Mumwe mushanyi anonzi Edward John Eyre paakaita rwendo rwakaoma rwaive rwakareba rwekuNullarbor Plain, vaAborigine vaigara munzvimbo iyi vakadzidzisa Eyre kuti anowana sei mvura kubva mumakomo ejecha uye kubva pamuti unonzi mueucalyptus. Kubvuma kubatsirwa nevaya vainzwisisa nzvimbo yacho kwakaponesa Eyre.
SEZVINONGORATIDZWA nomuenzaniso uyu, kuti ubudirire pakuita chimwe chinhu chakaoma zvinoda kuti ubatsirwe nomumwe munhu ane ruzivo. Ndizvo zvazvakaitawo paunotanga kuverenga Bhaibheri.
Jesu akanga asingatarisiri kuti vateveri vake vanzwisise Bhaibheri vasingabatsirwi nevamwe. Pane imwe nguva, aka“vhura pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.” (Ruka 24:45) Jesu aiziva kuti vanoverenga Bhaibheri vanoda kubatsirwa kunzwisisa zvinodzidziswa neMagwaro.
Kubatsirwa Naani?
Jesu akarayira vateveri vake vechokwadi kuti vabatsire vamwe. Jesu asati adzokera kudenga akarayira kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Basa rinokosha rechiKristu rinosanganisira kudzidzisa, kudzidzisa kuti mitemo yemuBhaibheri ingashandiswa sei muupenyu. VaKristu vechokwadi vanobatsira vamwe kunzwisisa Bhaibheri.
Pasina nguva yakawanda Jesu apa vateveri vake murayiro uyu, pane chimwe chinhu chakaitika. Bhaibheri rinotaura nezvemumwe mukuru mukuru wekuItiopiya aiverenga chikamu cheuprofita hwaIsaya. Akaverenga chikamu chouprofita chaasina kunzwisisa. Maererano nenyaya yacho, chikamu chaasina kunzwisisa chinoti: “Segwai akaendeswa kunourayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, naizvozvo iye haashami muromo wake. Paainyadziswa kutongwa kwakabviswa kwaari. Ndiani achataura mashoko echizvarwa chake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.”—Mabasa 8:32, 33; Isaya 53:7, 8.
Mukuru mukuru wacho akabvunza Firipi muKristu aiva noruzivo uye ainyatsonzwisisa Magwaro kuti: “Muprofita ari kutaura izvi pamusoro paani? Pamusoro pake here kana kuti pamusoro pomumwe munhu?” (Mabasa 8:34) MuItiopiya akatendeka uyu akanga aenda kuJerusarema kunonamata, uye zvimwe akanga anyengeterera kutungamirirwa. Zviri pachena kuti aiverenga aine chido uye achizvininipisa. Kunyange zvakadaro, mukuru mukuru haana kunzwisisa chikamu chacho. Akakumbira nokuzvininipisa kuna Firipi kuti amubatsire. Kutsanangura kwakaita Firipi kwakafadza murume uyu zvokuti akanzwa achida kuva muKristu.—Mabasa 8:35-39.
Zvapupu zvaJehovha zviri kupfuudzira mberi basa raiitwa naFiripi nevamwe vaKristu vepakutanga. Munyika dzinopfuura 235, Zvapupu zvinozvipira kubatsira vamwe kunzwisisa zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. Zvinoita izvi zvichidzidza misoro yenyaya dzomuMagwaro. Nzira inobudirira iyi yokudzidzisa Bhaibheri inosanganisira kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro peimwe nyaya.a—Ona Bhokisi rinoti “Mhinduro Dzinogutsa dzeMibvunzo yemuBhaibheri.”
“Mibvunzo Yangu Yose Yakapindurwa”
Steven, Valvanera, naJo-Anne, vane mashoko ari munyaya yokutanga, vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Steven anoti, “Zvaindishamisa kuona kuti kana ukaenzanisa nyaya dzomuMagwaro dzinoverengeka mhinduro dzinobva dzangowanikwa ipapo muBhaibheri. Ndisati ndatanga kudzidza Bhaibheri, hapana akanga andiratidza kuti zvinoitwa sei. Zvakandinyevenutsa kuziva kuti Bhaibheri rinotopa mhinduro dzinogutsa nezvaMwari uye nezveBhaibheri.”
Valvanera anobvumirana nazvo. Anoti, “Zvose zvavaindidzidzisa zvaiva nomusoro. Zvinhu zvacho zvaiva zvechokwadi, kwete nokuti ‘Chechi’ yati ndezvechokwadi, asi nokuti zvinhu zvose zvinotsanangurwa zvine musoro zvichinzwisisika.” Jo-Anne anorondedzera kuti: “Kupindurwa mubvunzo yangu yose kwandakaitwa kunoita kuti ndide kurumbidza Munyori waro, nokuti akafanoziva kuti vanhu vaizova nemibvunzo inovhiringidza ndokunyora muBhaibheri mhinduro dzinogutsa.”
Pane mumwe weZvapupu zvaJehovha waunoziva here? Unogona here kumukumbira kuti akuratidze kuti vanodzidza sei Bhaibheri nevamwe? Kana usina mumwe weZvapupu zvaJehovha waunoziva, tapota nyorera pakero dziri papeji 4 yemagazini ino. Kana ukabatsirwa nemudzimu mutsvene waMwari, uine chido chokunzwisisa, uye uchibatsirwa nomumwe munhu anogona kudzidzisa Bhaibheri, Shoko raMwari harizovi bhuku rakakuomera kunzwisisa. Unogona kunzwisisa Bhaibheri!
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku rabatsira vakawanda kudzidza misoro yenyaya dzemuMagwaro rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]
Mhinduro Dzinogutsa dzeMibvunzo yemuBhaibheri
• Mimwe misoro inokurukurwa neZvapupu zvaJehovha papurogiramu yazvo yokudzidzisa Bhaibheri ndeiyi:
• Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei?
• Vakafa vari kupi?
• Tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” here?
• Nei Mwari achibvumira kutambura?
• Ndingaita sei kuti upenyu hwemhuri yangu hufadze?
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kuti unzwisise Bhaibheri . . . nyengeterera mudzimu Mwari, verenga uine chido chokunzwisisa, bvuma kuti vamwe vakubatsire