Bhaibheri Rinogona Kunzwisiswa Here?
“Mhuri yedu yaiverenga Bhaibheri musi weSvondo woga woga. Zvainge zvisinganyanyi kundinakidza. Ndaidavira kuti Bhaibheri iShoko raMwari, asi zvakawanda zvandaiverenga zvainge zvakaoma chaizvo kunzwisisa.”—Steven, wokuBritain.
“Pandaiva nemakore 17, ndakaedza kuverenga Bhaibheri. Ndainge ndisingarinzwisisi saka ndakarega kuriverenga.”—Valvanera, wokuSpain.
“Ndakaverenga Bhaibheri kamwe chete nokuti ndakafunga kuti sezvo ndaipinda Chechi yeRoma ndaifanira kuriverenga. Zvakanditorera makore matatu kuti ndipedze kuriverenga! Asi handina kumborinzwisisa.”—Jo-Anne, wokuAustralia.
BHAIBHERI richiri bhuku rakakurumbira munyika. Richiri kutengwa kupfuura mamwe mabhuku, vanhu vakawanda vanaro, rinowanika mumitauro yakawanda, uye rinogona kuwanika pamaCD, pamaDVD, nemakaseti. Kunyange zvakadaro, vakawanda vane Bhaibheri havarinzwisisi pavanoriverenga. Iwewo haurinzwisisi here?
Munyori weBhaibheri Anoda Kuti Tirinzwisise Here?
Bhaibheri rinoti, “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Kutaura zvazviri, Jehovha Mwari ndiye Munyori weBhaibheri. Anoda kuti tinzwisise Shoko rake here? Kana kuti akaita nemaune here kuti Bhaibheri risanzwisisike kuvanhu vakawanda rongonzwisiswa nevashoma chete vakadai sevafundisi nenyanzvi dzeBhaibheri?
Chimboona ndima idzi dziri muBhaibheri dzinoti:
“Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kunyanya kukuomera, uyewo hausi kure.”—Dheuteronomio 30:11.
“Kuziviswa kwemashoko enyu kunopa chiedza, kuchiita kuti vasina zivo vanzwisise.”—Pisarema 119:130.
“Paawa iyoyo chaiyo [Jesu] akafara kwazvo nomudzimu mutsvene, akati: ‘Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nenyika, nokuti makanyatsovanzira vakachenjera nevakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.’”—Ruka 10:21.
Chokwadi, munhu akanyora Bhaibheri anoda kuti unzwisise Shoko rake! Zvisinei, kunyange zvazvo Mwari achida kuti vakawanda vanzwisise Shoko rake, vakawanda vachiri kuona zvakaoma kurinzwisisa. Chii chingavabatsira kuti varinzwisise? Nyaya dzinotevera dzinopa mazano matatu anogona kukubatsira kuti unzwisise Bhaibheri.