RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 7/1 pp. 15-17
  • Kumboshanyira Nzvimbo Yokudhindira Inoshamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kumboshanyira Nzvimbo Yokudhindira Inoshamisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidzwa Kworudo, Kutenda, uye Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kubudisa Mabhuku Ebhaibheri Okushandisa Muushumiri
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kutsikirira Mabhuku eBhaibheri Takarambidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Tsamba Yebazi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 7/1 pp. 15-17

Kumboshanyira Nzvimbo Yokudhindira Inoshamisa

Magazini yauri kuverenga ingangove isiri yokutanga yawakaona. Pamwe Zvapupu zvaJehovha zvakambokushanyira ndokukupa Nharireyomurindi neMukai! kuti zvikubatsire kunzwisisa Bhaibheri zviri nani. Kana kuti zvimwe wakamboona Zvapupu zvichipa vanhu mabhuku akadaro anotsanangura Bhaibheri mumigwagwa kana pamisika. Chokwadi, makopi anopfuura mamiriyoni 35 emagazini ino anoparadzirwa mwedzi woga woga, zvichiita kuti ive iyo inonyanya kuparadzirwa pasi rose kupfuura mamwe ose echitendero.

Zvisinei, wakambozvibvunza here kuti magazini ose iwaya anodhindwa kupi? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngatimboonai nezveimwe yenzvimbo dzokudhindira mabhuku dzeZvapupu zvaJehovha dziri munyika dzakasiyana-siyana, iri kuWallkill, muNew York, kuU.S.A. Vaverengi vakawanda vemagazini edu vari munyika yose havakwanisi kushanyira nzvimbo inodhindirwa mabhuku neZvapupu zvaJehovha iri kuUnited States, saka mashoko okutsanangura nemifananidzo zvichakubatsira kuziva zvakawanda nezvenzvimbo yacho.

Chokwadi, panofanira kunge paine zvinhu zvakanyorwa kuti kudhinda kwacho kutange. Dhipatimendi Remifananidzo rinogamuchira pamakombiyuta mashoko anenge achida kudhindwa kubva kuDhipatimendi Rokunyora riri kuBrooklyn, muNew York. Mashoko acho anoiswa pamarata anoshandiswa pakudhinda. Mapepa akawanda anoendeswa kuWallkill mwedzi woga woga, uye kunoshandiswa matani anenge 80 kusvika 100 emapepa zuva nezuva. Mamwe mapepa acho anorema makirogiramu anopfuura 1 300 anoiswa mumichina mishanu yokudhinda inenge yakaiswa marata anoshandiswa pakudhinda. Mapepa acho anodhindwa, anochekwa, uye opetwa kuita zvikamu zvemapeji 32. Aya ndiwo magadzirirwo akaitwa magazini yauri kuverenga. Ko zvakadini nemabhuku? Mumuchina wokubatanidza mabhuku, zvikamu zvacho zvinobatanidzwa kuti zvive mabhuku. Mumwe wemichina miviri yokubatanidza mabhuku unogadzira mabhuku 50- 000 ane butiro rakasimba kana kuti mabhuku 75- 000 ane butiro rakapfava pazuva rimwe chete. Mumwe wacho unogadzira mabhuku 100 000 ane butiro rakapfava pazuva rimwe chete.

Muna 2008, mabhuku anopfuura 28 000 000 akadhindwa panzvimbo iyi uye izvi zvaisanganisira maBhaibheri anopfuura 2 600 000. Mugore rimwe chete iroro, magazini 243 317 564 akadhindwa. Nzvimbo iyi inochengeterwa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inenge 380. Kana mabhuku apera kugadzirwa, chii chinozoitika?

Ungano 12 754 dzeZvapupu zvaJehovha dziri muUnited States uye ungano 1 369 dziri muCaribbean neHawaii dzinodhindirwa mabhuku adzo panzvimbo iyi. Dhipatimendi Rokutumira Mabhuku rinorongedza mabhuku anenge achidiwa mumabhokisi uye rinoronga kuti aendeswe kwaanofanira kuenda. Mabhuku anorema makirogiramu mamiriyoni 14 anoendeswa kuungano dziri muUnited States gore roga roga.

Chinhu chinonyanya kukosha panzvimbo iyi haisi michina asi vanhu. Vanhu vanopfuura 300 vanoshanda mumadhipatimendi okudhinda anosanganisira, Remifananidzo, Rokuronga Basa Rinenge Richida Kudhindwa, Imba Yokudhindira, Rokubatanidza Mabhuku, uye Rokutumira Mabhuku. Vashandi vacho vose zvavo vakazvipira uye havabhadharwi uye vane makore anotangira pa19 kusvika 92.

Vanofarira vanhu chaizvo—kureva vaya vachagamuchira mabhuku acho nechido uye vachadzidziswa, vachakurudzirwa, uye vachatungamirirwa nemirayiro yomuBhaibheri inokurukurwa mumabhuku acho. Tinovimba kuti uri mumwe wevaverengi vakadaro uye kuti mabhuku anodhindwa panzvimbo iyi achakubatsira kuramba uchiwana ruzivo pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu izvo zvichaita kuti uzowana upenyu husingaperi.—Johani 17:3.

[Mifananidzo iri papeji 16]

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 17]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe