RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/03 p. 1
  • Tsamba Yebazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Yebazi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidzwa Kworudo, Kutenda, uye Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Zvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004
  • Kumboshanyira Nzvimbo Yokudhindira Inoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Rokutanga Makore Zana Apfuura
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 9/03 p. 1

Tsamba Yebazi

Vanodiwa Vaparidzi voUmambo,

“Mwari akaramba achiita kuti zvikure.” (1 VaK. 3:6) Zvave zvichifadza zvikuru kuona kuwedzera mumunda weZimbabwe. Mugore rebasa ra2003, vanhu vatsva vanopfuura 5 000 vakatanga kudzidziswa Bhaibheri. Izvi zvinofadza zvikuru.

Jehovha ari kukomborera basa mumunda womutauro wemasaini munyika muno. Mapoka omutauro wemasaini zvino ari kushanda muBulawayo, Harare, neMutare. Panewo boka romutauro wemasaini paJuru Growth Point. Munguva pfupi yapfuura, mamwe mapiyona chaiwo maviri akaroorana akatumirwa kuGweru kunozarura munda womutauro wemasaini ikoko. Tinofara kuona ndima iyi yakanga isina kumbobatwa ichizarurwa.

Tine chokwadi chokuti muchafarawo kuziva kuti pashure pemakore akawanda tisina kumbogamuchira mamishinari akadzidziswa kuGiriyedhi munyika muno, mhuri ina dzemamishinari dzakasvika muZimbabwe kubvira gore rapera. Mhuri mbiri dzinopinda neungano mbiri dzomuHarare uye imwe mhuri iri kuungano yokuBulawayo. Mhuri yechina iri mubasa rokufambira. Tinotarisira uye tinonyengeterera kuti mamwe mamishinari acharamba achiunzwa kuno munguva yemberi uye tinotarisira kuzarura misha mitsva yemamishinari mune mamwe maguta omuZimbabwe.

Sezvatinotanga gore rebasa ra2004, tinobatana nemi mukunyengetera kuti Jehovha acha‘ramba achiita kuti zvikure.’

Hama dzenyu,

Hofisi yeBazi reZimbabwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe