Waizviziva Here?
Chii chaicho chakaitika kuareka yesungano?
KuvaIsraeri, areka yesungano ndiyo yairatidza kuti Mwari aripo. (Eksodho 25:22) Yaiva bhokisi dzvene remapuranga aiva akafukidzwa nendarama makaisa Mosesi mahwendefa maviri eMutemo. VaIsraeri pavaigara murenje, Areka yaichengeterwa muNzvimbo Tsvenetsvene yaiva mutende rokusongana. (Eksodho 26:33) Areka yakazoiswawo muNzvimbo Tsvenetsvene yaiva mutemberi yakavakwa naSoromoni.—1 Madzimambo 6:19.
Areka inongozotaurwa nezvayo kokupedzisira pana 2 Makoronike 35:3, Mambo Josiya paakaidzorera kutemberi muna 642 B.C.E. Areka yacho ingadaro yakabviswa naJosiya akatsiva Manase akanga atsauka pakutenda, akanga aisa chidhori mutemberi. Kana kuti zvichida zvakanga zvaitirwa kuti ichengetedzeke panguva iya yaigadzirisa Josiya temberi. (2 Makoronike 33:1, 2, 7; 34:1, 8-11) Kubvira ipapo Areka haina kuzombotaurwa nezvayo zvakare, nokuti haitaurwi nezvayo pakati pezvimwe zvinhu zvakatorwa mutemberi vaBhabhironi pavakakunda Jerusarema muna 607 B.C.E.—2 Madzimambo 25:13-17.
Magwaro haatauri kuti Areka yakadzorerwa muNzvimbo Tsvenetsvene mutemberi yakazovakwazve naZerubhabheri; uye hapana chinoratidza kuti pane imwezve yakagadzirwa kuitsiva.—Ezra 1:7-11.
Varume vakasiyana-siyana vari muMagwaro echiKristu echiGiriki vanonzi Jakobho vaiva vanaani?
Vaiva vakawanda, uye zviri nyore kuti tivhiringidzike.a Mumwe wavo aiva baba vomuapostora Judhasi (kwete Isikariyoti), uye hapanazve chimwe chatinoziva nezvake.—Ruka 6:16; Mabasa 1:13.
Zvadaro, pane mumwe Jakobho mwanakomana waZebhedhi. Jakobho uyu aiva mukoma waJohani, vose vaiva vaapostora vaJesu. (Mateu 10:2) Zvinoita sokuti amai vake vaiva Sarome, munun’una waamai vaJesu. (Enzanisa Mateu 27:55, 56 naMako 15:40, 41 uye Johani 19:25.) Kana zviri izvo, Jakobho uyu aiva munun’una waJesu mwana wokutanga waamainini vake. Aiva muredzi wehove, uyo pamwe chete nomunun’una wake vaishanda vose naPetro naAndireya pabasa iri.—Mako 1:16-19; Ruka 5:7-10.
Panozotaurwawo nezvomumwe Jakobho mwanakomana waArifiyosi, uyo aivawo mumwe wevaapostora vaJesu. (Mako 3:16-18) Pana Mako 15:40 anonzi “Jakobho Muduku.” Angangove ainzi “Muduku” nokuti aiva nomuviri muduku kana kuti aiva muduku kuna Jakobho, mwanakomana waZebhedhi.
Jakobho wokupedzisira aiva mwanakomana waJosefa naMariya, mukoma waJudha uye munun’una waJesu. (Mako 6:3; VaGaratiya 1:19) Jesu paaiita ushumiri hwake, Jakobho uyu akanga asiri mumwe wevadzidzi vake. (Mateu 12:46-50; Johani 7:5) Zvisinei, Pendekosti ya33 C.E., isati yaitika, Jakobho uyu akanyengetera naamai vake, nevanun’una vake, uye nevaapostora muimba yepamusoro muJerusarema. (Mabasa 1:13, 14) Jakobho uyu akazova mumwe munhu aizivikanwa chaizvo muungano yaiva muJerusarema uye akanyora bhuku reBhaibheri rine zita rake.—Mabasa 12:17; Jakobho 1:1.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “Abrahamu, Isaka uye Jakobho” anooneka kakawanda muBhaibheri, uye Mateu 1:16 inoti Jakobho ndiye “akabereka Josefa murume waMariya.”