RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 12/1 pp. 30-31
  • Vainzi “Vanakomana Vokutinhira”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vainzi “Vanakomana Vokutinhira”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Unoda Kuva Wokutanga Nguva Dzose Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Zvaunodzidza Pamunin’ina waJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Vakanyora nezvaJesu
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 12/1 pp. 30-31

Dzidzisai Vana Venyu

Vainzi “Vanakomana Vokutinhira”

PANENGE pachinaya mvura zhinji ine mhepo yakasimba, unganzwa kunze kuchitinhira. Zvinombokutyisa here?—a Jesu anodana vateveri vake vaviri kuti “Vanakomana Vokutinhira.” Ngationei kuti nei achidaro.

Vateveri vaJesu ava vaviri ndiJakobho naJohani. Vanakomana vaZebhedhi nomudzimai wake, Sarome. Sarome angangodaro ari munin’ina waMariya, amai vaJesu. Saka Jesu, Jakobho naJohani vangangodaro vaiva noukama uye vakakura vachishamwaridzana.

Zebhedhi, Jakobho naJohani vanoita basa rokuredza hove. Jakobho naJohani ndevamwe vanotanga kusarudzwa naJesu kuti vave vateveri vake. Paanovakoka, vanobva vangosiya bhizimisi ravo rokuredza hove vomutevera. Pave paya, Jesu anosarudza vanhu 12 pavateveri vake kuti vave vaapostora vake. Jakobho naJohani ndevamwe vacho.

Mwedzi mishomanana Jesu asati aurayiwa, iye nevaapostora vake vari kupfuura nomunharaunda yeSamariya ine makomo. Kwava kusviba, uye vose vaneta zvikuru. Asi vaSamariya vanoti havadi kuti Jesu nevaapostora vake varare muguta ravo. Unoziva here kuti nei?—Ngationei.

Jesu nevaapostora vake ndeverudzi rwechiJudha, uye vaJudha vakawanda havafariri vaSamariya. Asi Jesu haambodaro. Anovaratidza mutsa uye izvi ndizvo zvinofanira kuitwawo naJakobho naJohani. Asi vadzidzi vaviri ava vanotsamwira vaSamariya vainge vasina kuvagamuchira, uye vanobvunza Jesu kuti: ‘Munoda here kuti tiudze moto uburuke kubva kudenga uvauraye?’ Unofunga kuti Jesu anotii?—Anovaudza kuti hazvina kunaka kuti vataure zvakaipa kudaro! Jakobho naJohani vanofanira kudzidza zvakawanda nezvengoni.

Rimwe dambudziko guru rina Jakobho naJohani nderokuti vanoda zvinzvimbo uye ruremekedzo rwakanyanyisa. Kwasara nguva pfupi kuti Jesu afe, vanotuma amai vavo kwaari kuti vanoti: “Ndinokumbirawo kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” Vamwe vaapostora gumi pavanonzwa zvaitwa naJakobho naJohani, vanotsamwa. Dai uriwe waizotsamwawo here?—

Zvimwe waizodaro. Nesuwo hatifari kana vamwe vachinyanya kuda zvinzvimbo noruremekedzo rwakanyanyisa. Nokufamba kwenguva, Jakobho naJohani vanoona kuti vakanganisa uye havana kuratidza mutsa, vobva vachinja. Vanova vaapostora vane rudo uye vane mutsa zvikuru. Izvi zvinotidzidzisei?—

Zvatinofanira kudzidza kuna Jesu ndezvokuti isuwo tinofanira kuratidza vamwe mutsa. Jesu aibata vanhu zvakanaka, kusanganisira varume, vakadzi nevana. Uchaedza nepaunogona napo kuyeuka muenzaniso wake woutevedzera here?—

Verenga muBhaibheri rako

  • Mako 3:17

  • Mateu 27:55, 56; Mako 15:40, 41

  • Mateu 4:18-22

  • Johani 4:4-15, 21-26; Ruka 9:51-55

  • Mateu 20:20-24; Mako 10:35-37, 41

a Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe