Kana Wagumburwa
VANHU vakawanda vanofunga kuti kana ukatsiva unogutsikana. Vanodaro nokuti munhu wose anotsamwa kana agumburwa kana kuti aitirwa zvimwe zvinhu zvinokuvadza. Sezvo tichiberekwa tichiziva zvakanaka nezvakaipa izvi zvinoita kuti tide kururamisirwa. Asi mubvunzo ndewokuti sei?
Ichokwadi kuti tinogumburwa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai sokurohwa mbama, kusairirwa, kana kutukwa, kubirwa, zvichingodaro. Unonzwa sei kana mumwe munhu akakuitira chimwe chinhu chinokugumbura? Vanhu vakawanda mazuva ano vanowanzoti, ‘Ndinotomutsiva chete zvaakandiita!’
KuUnited States, vana vakawanda vokuzvikoro zvesekondari vakapomera vadzidzisi vavo vakanga vavaranga mhosva dzenhema kumatare. Brenda Mitchell purezidhendi weTeacher’s Union yokuNew Orleans anoti, “Zvinoitika ndezvokuti kana angopomerwa chete, zita romudzidzisi wacho rinobva ratoipa.” Kunyange zvikazoonekwa kuti akapomerwa zvenhema, zita rake richatora nguva rakaipa.
Kumabasa, vashandi vakawanda vanenge vasingagutsikani nezvavanowana vanotsiva vaya vavanoshandira nokukanganisa uye kudzima mashoko anokosha anenge ari pamakombiyuta ekambani dzavo. Vamwe vanobira kambani zvimwe zvinhu zvayo zvakavanzika vozvitengesa kana kuzvipa vamwe vanhu. Kuwedzera pakuba mafaira omukombiyuta, “vashandi vachiri kubira kambani kunyange zvinhu chaizvo nechinangwa chokutsiva,” inodaro The New York Times. Kuti arwisane nedambudziko iri rokutsiviwa, makambani akawanda anoita kuti munhu anenge abudiswa basa aende padhesiki raanoshandira aina gadhi, omumirira paanenge achirongedza zvinhu zvake, uye obva amubudisa pazvivako zvacho.
Nyaya yokutsiva inotonyanya kuitika pakati pevaya vatine ukama hwepedyo navo—shamwari, uye vomumhuri. Kurwadziwa kwatinonzwa patinoudzwa kana kuitirwa chimwe chinhu nomunhu asina kufunga kunowanzoita kuti tide kutsiva. Kana shamwari yako ikataura newe nehasha, unodzorerawo nehasha here? Kana mumwe munhu womumhuri akakugumbura, unoronga zvokumutsiva here? Zviri nyore chaizvo kuti tidaro kana munhu anenge atigumbura ari uya watiine ukama hwepedyo naye!
Zvakaipira Kutsiva
Kakawanda kacho, vaya vanoda kutsiva vanozviitira kuti vaderedze marwadzo anenge akonzerwa nezvavanenge vaitirwa. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti vanakomana vaJakobho tateguru wekare wechiHebheru pavakaziva kuti Shekemu wokuKenani akanga abata chibharo hanzvadzi yavo Dhina, “vakarwadziwa mumwoyo, vakatsamwa kwazvo.” (Genesisi 34:1-7) Kuti vatsive zvakaipa zvakanga zvaitirwa hanzvadzi yavo, vanakomana vaviri vaJakobho vakaronga kutsiva Shekemu nevanhu vomumhuri yake. Vachishandisa unyengeri, Simiyoni naRevhi vakapinda muguta reKenani ndokuuraya varume vose, kusanganisira Shekemu.—Genesisi 34:13-27.
Kuteurwa kwose uku kweropa kwakagadzirisa nyaya yacho here? Jakobho paakaziva zvakanga zvaitwa nevanakomana vake, akavatsiura achiti: “Mandiunzira dambudziko nokundiita chinhu chinonyangadza kuvagari vomunyika ino, . . . zvino vachandiunganira, vakandirwisa uye ndichatsakatiswa, ini neimba yangu.” (Genesisi 34:30) Chokwadi, pane kugadzirisa nyaya yacho, kutsiva kwavakaita kwatoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa; iye zvino Jakobho akanga ava kufanira kuchenjerera kurwiswa nevavakidzani vakanga vagumbuka. Kuti izvozvo zvisaitike, Mwari akarayira Jakobho kuti atamise mhuri yake panzvimbo yacho voenda kuBheteri.—Genesisi 34:30.
Zvakaitika pakabatwa Dhina chibharo zvinosimbisa chidzidzo chinokosha. Kutsiva kunowanzoita kuti pavezve nokumwe kutsiva, uye zvinongoramba zvichidaro. Saka chirevo chokuGermany ndechechokwadi chinoti: Kutsiva hakugari kwenguva refu kusina kutsiviwawo.
Marwadzo Anovapo Kana Vanhu Vakaramba Vachitsivana
Zvinotikuvadza kana tikaramba tichipedzera simba redu pakufunga zvokuranga mumwe munhu akatitadzira. Bhuku rinonzi Forgiveness—How to Make Peace With Your Past and Get On With Your Life rinoti: “Hasha dzinokukuvadza. Dzinokudyira nguva uye kukupedza simba paunenge uchingozvidya mwoyo pamusana pezvakaitika, uchingotuka nechemumwoyo vanhu vakakugumbura, uye uchitsvaka nzira dzokuvatsiva.” Bhaibheri rinonyatsozvirondedzera richiti, “godo rinoodza mapfupa.”—Zvirevo 14:30.
Zvechokwadi, munhu angafara sei kana achichengeta mafi anokuvadza mumwoyo make? Mumwe mutsinhiri akati: “Kana uchifunga kuti ‘ukatsiva unonzwa kugutsikana,’ tarisa zviso zvevanhu vava nemakore akawanda vachitsiva.”
Chimbofunga zvave zvichiitika munyika dzakawanda dziri pasi pano mune madzinza nezvitendero zvisingawirirani zvikuru. Kazhinji kacho kuuraya kunongokonzera kumwezve kuuraya, izvo zvinongoita kuti vanhu vangoramba vachivengana uye vachiurayana. Somuenzaniso, rimwe bhomba parakauraya vaduku 18 mukurwisa kwemagandanga, mumwe mukadzi akarwadziwa nazvo akashevedzera achiti, “Tinofanira kuvatsiva kane chiuru!” Izvi zvinowedzera utsinye, uye zvinoita kuti vanhu vakawanda zvikuru varwisane.
“Ziso Neziso”
Vamwe vanhu vanotsigira pfungwa yavo yokutsiva neBhaibheri. Vanoti, “Bhaibheri haritauri here kuti ‘ziso neziso, zino nezino’?” (Revhitiko 24:20) Nechepamusoro, mutemo wokuti “ziso neziso” ungaita sounotsigira kutsiva. Zvisinei, zvazviri chaizvo ndezvokuti wakabatsira kuderedza zviito zvokutsiva. Sei?
Kana muIsraeri aikuvadza mumwe wake omutushura ziso, Mutemo waibvumira kuti ziso rakewo ritushurwe. Zvisinei, zvakanga zvisiri kumunhu anenge akuvadzwa kutsiva akamukuvadza wacho kana mumwe wemumhuri yake. Mutemo wairayira kuti aendese nyaya yacho kune vane masimba vaivapo—kuvatongi vakagadzwa—kuti vagadzirise nyaya yacho zvakanaka. Kuziva kuti munhu ainge apara mhosva nemaune kana kurwisa mumwe munhu aigona kurangwawo zvakafanana kwakabatsira chaizvo kuti pasava nokutsivana. Asi pane zvakawanda zvinopfuura izvozvo.
Asati apa mutemo wataurwa pamusoro apa wokutsiva, Jehovha Mwari akanga audza rudzi rwevaIsraeri nokuna Mosesi kuti: “Usavenga hama yako mumwoyo mako. . . . Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi.” (Revhitiko 19:17, 18) Chokwadi, pfungwa yokuti “ziso neziso, zino nezino” inofanira kuonekwa pachitaurwa mashoko ose oMutemo wesungano, wakataurwa muchidimbu naJesu semirayiro miviri inoti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose” uye “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:37-40) Kana zvakadaro, vaKristu vechokwadi vanofanira kuita sei kana vabatwa zvisina kururama?
Tevera Nzira Yorugare
Bhaibheri rinorondedzera Jehovha richiti ndi“Mwari worugare” uye rinokurudzira vanamati vake kuti ‘vatsvake rugare varutevere.’ (VaHebheru 13:20; 1 Petro 3:11) Asi zvinoshanda chaizvoizvo here kuva norugare?
Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akapfirwa mate, akarohwa, uye akatambudzwa nevavengi vake, akatengeswa neshamwari yake yepedyo, uye akatotizwa nevateveri vake chaivo. (Mateu 26:48-50; 27:27-31) Akaita sei? Muapostora Petro akanyora kuti, “Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama.”—1 Petro 2:23.
Petro akatsanangura kuti, “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Chokwadi, vaKristu vanokurudzirwa kutevedzera Jesu, kusanganisira zvaakaita paasina kururamisirwa. Nezvazvo, muMharidzo yepaGomo Jesu pachake akati: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.”—Mateu 5:44, 45.
Vaya vane rudo runenge rwaKristu vanoita sei kana vakatadzirwa kana kuti vakafungidzira kuti vakanganisirwa? Zvirevo 19:11 inoti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.” Vanoshandisawo zano iri rinoti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:21) Mashoko aya akanyatsosiyana nepfungwa yokutsiva izere munyika nhasi! Rudo rwechokwadi rwechiKristu runogona kutibatsira kuti tikunde mafungiro okuda kutsiva uye ‘toregererana kudarika’ nokuti rudo “haruchengeti mafi.”—1 VaKorinde 13:5.
Izvi zvinoreva here kuti kana tikaitirwa zvakaipa kana kutyisidzirwa neimwe nzira, tinofanira kungozvitambira nounyoro? Kwete! Pauro paakati ‘Rambai muchikunda zvakaipa nezvakanaka,’ akanga asingarevi kuti muKristu anofanira kungoramba achifunga nezvokuurayirwa zvaanotenda. Asi aireva kuti patinorwiswa, tine kodzero yokuzvidzivirira. Kana ukakuvadzwa kana kukanganisirwa chinhu chako, ungasarudza kuudza mapurisa. Kana nyaya yacho ichibatanidza mumwe munhu wokubasa kana kuchikoro, ikoko kune vane masimba vatinogona kukumbira rubatsiro.—VaRoma 13:3, 4.
Kunyange zvakadaro, zvakanaka kuramba tichiziva kuti zvakaoma chaizvo kuti munyika ino muve nokururamisira kwechokwadi. Kutaura zvazviri, vakawanda vakapedza upenyu hwavo vachitsvaka kururamisirwa, ndokuzongoguma vava noruvengo uye vagumburwa zvavaitarisira pazvisina kuitika.
Satani anofara chaizvo kana akaona vanhu vasingabatani pamusana poruvengo uye kutsivana. (1 Johani 3:7, 8) Zvakanaka zvikuru kuti tirambe tichifunga mashoko aya ari muBhaibheri anoti: “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (VaRoma 12:19) Kana tikasiyira nyaya yacho kuna Jehovha, tinozvisunungura pamarwadzo, hasha, uye chisimba.—Zvirevo 3:3-6.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose” uye “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita”
[Mufananidzo uri papeji 23]
Rudo “haruchengeti mafi.”—1 VaKorinde 13:5