RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp22 nha. 1 pp. 8-9
  • 2 | Usatsiva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 | Usatsiva
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodzidziswa neBhaibheri:
  • Zvazvinoreva:
  • Zvaungaita:
  • Bhaibheri Rinotii Panyaya Yekutsiva?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kana Wagumburwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ndaigara Ndakagumbuka Uye Ndaida Zvekurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Ko Matsive Akaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
wp22 nha. 1 pp. 8-9
Varume vaviri vakatsamwa vakagara mumuti, mumwe nemumwe achicheka bazi raakagarira.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

2 | Usatsiva

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Musadzorera chakaipa nechakaipa. . . . Kana zvichiita, itai zvese zvamunogona kuti muve nerugare nevanhu vese. Musatsiva, . . . nekuti zvakanyorwa kuti: ‘“Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza,” anodaro Jehovha.’”—VAROMA 12:17-19.

Zvazvinoreva:

Kana munhu akatadzirwa anogumbuka uye zvinonzwisisika, asi Mwari haadi kuti titsive. Anoda kuti tive nemwoyo murefu, nekuti anovimbisa kuti ava pedyo kugadzirisa kusabatwa zvakanaka kwatinoitwa.—Pisarema 37:7, 10.

Zvaungaita:

Vanhu pavanotsiva, zvinoita kuti ruvengo rutowedzera. Saka kana munhu akakugumbura kana kuti akakuitira zvakaipa, usadzorera. Edza kuzvidzora uye usaita hasha. Pane dzimwe nguva zvakanaka kungosiya zvakadaro. (Zvirevo 19:11) Pamwe pacho zvingadawo kuti nyaya yacho igadziriswe. Semuenzaniso, kana kuri kuti wabirwa kana kuti pane zvimwewo zvaitika unogona kunotaura nyaya yacho kumapurisa.

Ukatsiva ndiwe unenge uchizvikuvadza

Ko kana zvichiita sekuti hapana nzira yekugadzirisa nayo dambudziko racho zvakanaka? Kana kuti wakaedza zvese zvaunogona kuti ugadzirise nyaya yacho nerugare asi zvakaramba? Usatsiva, nekuti ukadaro ruvengo rwacho haruperi. Vimba nezvinotaurwa naMwari pakugadzirisa matambudziko. “Vimba naye, uye iye achagadzirisa zvinhu.”—Pisarema 37:3-5.

Zvakaitika Kune Vamwe​—ADRIÁN

Akakunda Pfungwa Dzekuda Kutsiva

Adrián.

Adrián paaiva nemakore ekuma13, aifarira zvekurwa uye kutsiva vanhu vanenge vamukanganisira. Akati: “Taigara tichiridzirana pfuti uye kakawanda kacho ndaipotsa ndafa, muviri wese waisara rangova ropa rega rega.”

Adrián akatanga kudzidza Bhaibheri ava nemakore 16. Anoti: “Pandairamba ndichidzidza Bhaibheri, ndakaona kuti ndaifanira kuchinja unhu hwangu.” Aifanira kusiyana neruvengo uye kurega kurwisana nevamwe. Akanyanya kubatsirwa nezvaakaverenga pana VaRoma 12:17-19 panotaura nezvekusatsiva. Anoti: “Ndakaziva kuti Jehovha achagadzirisa zvinhu panguva yake uye nenzira yakakodzera. Nekufamba kwenguva ndakazokwanisa kusiya tsika yangu yekurwa.”

Rimwe zuva ari manheru, Adrián akarwiswa nechimwe chikwata chevanhu vaaimbovengana navo. Mukuru wechikwata ichocho akati: “Ngatirwe!” Adrián anoti: “Ndainyatsonzwa kuda kurova munhu.” Asi pane kuti arwe naye, akaita kamunyengetero kapfupi kuna Jehovha achibva abva ipapo.

Adrián anoenderera mberi achiti: “Mangwana acho ndakasangana nemukuru uya, uye akanga ari ega. Ndakaita hasha, asi ndakabva ndanyengetera zvakare kuna Jehovha ndichikumbira kuti ndizvidzore. Ndakashamisika paakauya kwandiri achiti: ‘Ndiregererewo nezvakaitika nezuro, ndinoda kuitawo sezvauri kuita. Ndinodawo kudzidza Bhaibheri.’ Ndakafara kuti ndakakwanisa kuzvidzora! Izvi zvakabva zvaita kuti atangewo kudzidza Bhaibheri.”

Kuti unzwe zvakawanda nezvenyaya yaAdrián, verenga Nharireyomurindi Nhamba 5 2016, peji 14-15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe