Vaverengi Vanobvunza Kuti
Jesu Nababa Vake Vamwe Chete Pakudii?
Jesu akati, “Ini naBaba tiri vamwe.” (Johani 10:30) Vamwe vanoshandisa mashoko aya kuti vatsigire dzidziso yokuti Jesu naBaba vake ndivo vamwe vaviri vacho vanodudzwa padzidziso yaMwari woUtatu. Ndizvo zvaireva Jesu here paakataura mashoko aya?
Ngatimboongorora mashoko akapoteredza ndima iyi. Mundima 25, Jesu akataura kuti aiita mabasa ake muzita raBaba vake. Kubvira pandima 27 kusvika ku29, akataura nezvemakwai okufananidzira, aakapiwa naBaba vake. Mashoko ose aakataura mundima idzi angadai asina zvaaireva kuvateereri vake kudai iye naBaba vake vaiva munhu mumwe chete. Asi zvairehwa naJesu ndezvokuti, ‘Ini naBaba takabatana chaizvo zvokuti hapana anogona kunditorera makwai, sezvazvakangoitawo kuti hapana anogona kuatora kuna Baba vangu.’ Izvi zvakangofanana nokuti mwanakomana anenge achiudza muvengi wababa vake kuti, ‘Kana ukarwisa baba vangu, unenge wandirwisawo.’ Hapana angabva ati mwanakomana uyu nababa vake munhu mumwe chete. Asi vanhu vose vanogona kuona kubatana kwakasimba kwavakaita.
Jesu naBaba vake, Jehovha Mwari, ‘vamwe chete’ mupfungwa yokuti vanonyatsobvumirana pazvinangwa, uye zvinhu zvavanokoshesa. Kusiyana naSatani Dhiyabhorosi uye vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, Jesu haana kumboda kuzvimirira kubva pana Mwari. Jesu akatsanangura kuti, “Mwanakomana haagoni kuita chinhu chimwe chete chaanozvitangira oga, asi chaanoona Baba vachiita chete. Nokuti chero zvinhu zvinoitwa naIyeye, Mwanakomana anoitawo zvinhu izvi saizvozvo.”—Johani 5:19; 14:10; 17:8.
Zvisinei, kubatana kwakasimba kwavakaita uku hakuiti kuti Mwari noMwanakomana vabve vava vanhu vatisingakwanisi kusiyanisa. Ivo vanhu vaviri vakasiyana. Mumwe nomumwe ane unhu hwakasiyana nehwemumwe. Jesu ane manzwiro ake, mafungiro, zvakaitikawo kwaari oga, uye akasununguka kusarudza zvaanoda. Kunyange zvakadaro, akasarudza kuita zvinoda Baba vake. Maererano naRuka 22:42, Jesu akati: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” Mashoko aya angadai asina zvaanoreva kudai kuda kwake kwakanga kusina kusiyana nokuda kwaBaba vake. Kudai Jesu naBaba vake vaiva munhu mumwe chete, nei Jesu ainyengetera kuna Mwari uye akabvuma nokuzvininipisa kuti paiva nezvinhu zvaakanga asingazivi asi zvaingozivikanwa naBaba vake chete?—Mateu 24:36.
Vanhu vari muzvitendero zvakawanda vanonamata vanamwari vanowanzonzi vanorwisana nevanhu vemhuri dzavo. Somuenzaniso, mungano yevaGiriki, Cronus akakunda baba vake, Uranus, ndokubva azodya vana vake. Izvi zvakanyatsosiyana zvachose nokubatana kunobva parudo rwechokwadi kwakaita Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu! Chokwadi kubatana uku kunoita kuti nesuwo tivade zvikuru! Kutaura zvazviri, takakomborerwa chaizvo kubatana neVanhu vakuru ava vanopfuura vose varipo. Nezvevateveri vake, Jesu akanyengetera kuti: ‘Ndinokumbira kuti vose vave vamwe, semi Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu.’—Johani 17:20, 21.
Saka Jesu paakati, “Ini naBaba tiri vamwe,” akanga asiri kutaura nezvedzidziso yokuti kuna vanamwari Vatatu, asi akanga achitaura nezvokubatana kunoshamisa—kunogona kuvapo pakati pevanhu vaviri.