Mudzimu Mutsvene—Simba Raunoda Muupenyu Hwako
“REGAI kundirasira kure nechiso chenyu; haiwa, musanditorera mudzimu wenyu mutsvene.” (Pisarema 51:11) Uyu waiva munyengetero womwoyo wose waMambo Dhavhidhi paakanga akanganisa zvikuru uye asisafarirwi naMwari.
Dhavhidhi ainge aona kakawanda kushanda kunoita mudzimu mutsvene muupenyu hwake. Paaikura, wakamubatsira kukurira Goriyati, murwi aityisa. (1 Samueri 17:45-50) Wakamupawo simba rokunyora mamwe mapisarema akanaka chaizvo ati ambonyorwa. Dhavhidhi akatsanangura kuti, “Mudzimu waJehovha ndiwo wakataura uchindishandisa, shoko rake raiva parurimi rwangu.”—2 Samueri 23:2.
Jesu Kristu pachake akasimbisa kushanda kwomudzimu mutsvene muupenyu hwaDhavhidhi. Pane chimwe chiitiko, Jesu akaudza vateereri vake kuti: “Nomudzimu mutsvene Dhavhidhi akati, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’” (Mako 12:36; Pisarema 110:1) Jesu aiziva kuti Dhavhidhi paakanyora mapisarema ake, aitungamirirwa nomudzimu mutsvene. Mudzimu mutsvene mumwe chete iwoyo uchiri kutibatsira here?
“Rambai Muchikumbira, Uye Muchapiwa”
Haungazombofi wakanyora hako pisarema. Asi ungasangana nezvipingamupinyi zvinotyisa saGoriyati aiva hofori. Somuenzaniso, chimbofunga nezvaIsabel.a Murume wake akamusiya ndokutora mukadzi wechiduku. Akamusiya aine chikwereti chakakura zvikuru, uye haana kana kumutsigira nemari yokuti atarisire vanasikana vavo vaviri. Anotaura kuti, “Ndakanzwa ndanyadziswa uye ndisingaremekedzeki. Kunyange zvazvo akandisiya, ndakanzwa kuti mudzimu mutsvene wakandisimbisa.”
Isabel aitarisira kuti mudzimu mutsvene waizongoerekana wauya here? Kwete, aiteterera kuna Mwari zuva roga roga kuti amutumire mudzimu wake. Aiziva kuti aida simba raMwari kuti atarisane neramangwana rake noushingi, kuti atarisire vana vake zvakanaka, uye kuti atangezve kuzvikoshesa. Akashandisa mashoko aJesu okuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.”—Mateu 7:7.
Roberto akanzwawo kuti aida mudzimu waMwari asi nezvikonzero zvakasiyana. Akanga akapindwa muropa nefodya uye mbanje, yaingogara iri pamuromo. Kwemakore maviri akaedza kuisiya, asi kakawanda zvaimbomukunda. Roberto anotsanangura kuti, “Unotambura nokuzvidya mwoyo kana ukasiya kushandisa zvinodhaka. Unoramba uchinzwa havi zuva nezuva.”
Roberto anoenderera mberi achiti, “Asi ndainge ndatsunga kuchinja upenyu hwangu kuitira kuti ndishumire Mwari nenzira yaanoda. Ndaiedza kuzadza pfungwa dzangu nezvinhu zvakanaka zvinobva muBhaibheri. Ndainyengetera nemwoyo wose zuva nezuva, ndichikumbira Mwari kuti andipe simba rokuti ndichenese upenyu hwangu. Ndaiziva kuti handaikwanisa kukunda ndiri ndoga. Uye ndakaona kuti Jehovha aipindura sei minyengetero yangu, kunyanya pandaizvidya mwoyo ndambosvuta. Ndinodavira kuti mudzimu mutsvene waMwari waindipa simba idzva; pasina mudzimu wake ndingadai ndisina kumbokurira kupindwa muropa kwandaiva ndaitwa.”—VaFiripi 4:6-8.
Kubhururuka “Kumusoro Nemapapiro Sezvinoita Makondo”
Sezvakaita Isabel naRoberto, mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha akaona kushanda kunoita simba romudzimu mutsvene muupenyu hwavo. Simba raJehovha rinoita basa, kureva simba rakashandiswa pakusika nyika, unogona kuriwana kana uchida. Mwari anoda chaizvo kukupawo mudzimu wake kana ukaukumbira nomwoyo wose. Asi kuti uwane mudzimu iwoyo, Mwari anotarisira kuti udzidze chokwadi pamusoro pake uye uedze nomwoyo wose kuita zvaanoda.—Isaya 55:6; VaHebheru 11:6.
Uchibatsirwa nesimba romudzimu mutsvene, ungawana simba rokukwanisa kushumira Mwari uye kunangana nematambudziko api neapi aungasangana nawo muupenyu hwako. Izvi ndizvo zvatinovimbiswa neBhaibheri, kuti: “[Jehovha] anopa munhu akaneta simba; uye anowedzera simba kune uya asina simba guru. . . . . Vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba. Vachabhururukira kumusoro nemapapiro sezvinoita makondo. Vachamhanya vasingaperi simba; vachafamba vasinganeti.”—Isaya 40:28-31.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
‘Ndainyengetera nemwoyo wose zuva nezuva, ndichikumbira Mwari kuti andipe simba. Ndaiziva kuti handaikwanisa kukunda ndiri ndoga. Uye ndakaona kuti akapindura sei minyengetero yangu’
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]
KUSHANDA KWOMUDZIMU MUTSVENE
Mwari akashandisa mudzimu mutsvene kusika nyika nezvimwe zvinhu zvose. Munyori wePisarema akazivisa kuti, “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri. Nyika izere nezvinhu zvamakaita. Kana mukatuma simba renyu rinoita basa, izvo zvinosikwa.”—Pisarema 104:24, 30; Genesisi 1:2; Jobho 33:4.
Mudzimu mutsvene wakaita kuti vanhu vaMwari vanyore Bhaibheri. Muapostora Pauro akanyora kuti, “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.” (2 Timoti 3:16) Mudzimu waJehovha wakatungamirira pfungwa dzevanyori veBhaibheri, kuti vanyore “shoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.
Mudzimu mutsvene wakapa simba vashumiri vaMwari kuti vataure zvakarurama zvaizoitika munguva yemberi. Muapostora Petro akatsanangura kuti: “Hakuna uprofita hwoRugwaro hunobva chero mukududzirwa kwezvinhu chero kupi zvako kwakazvimirira. Nokuti uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”—2 Petro 1:20, 21; Joeri 2:28.
Mudzimu mutsvene wakabatsira Jesu nevamwe vanhu vaiva nokutenda kuti vaparidze mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye kuita zvishamiso. Jesu akati: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone.”—Ruka 4:18; Mateu 12:28.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]
NZIRA DZATINGABATSIRWA NOMUDZIMU MUTSVENE
Mudzimu mutsvene unogona kukusimbisa kuti urwise miedzo uye kukunda miitiro inokuvadza. Muapostora Pauro akati: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.
Mudzimu mutsvene unogona kukubatsira kuva neunhu hunofadza Mwari. “Chibereko chomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.
Mudzimu mutsvene unogona kukupa simba rokutsungirira miedzo. “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.