RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 10/1 pp. 29-31
  • VaKristu Vanofanira Kubatanidzwa Muhondo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKristu Vanofanira Kubatanidzwa Muhondo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso waJesu Kristu
  • Vatsigiri voUmambo hwaMwari
  • ‘Ivai Nerudo Pakati Penyu’
  • Mwari Aiona Sei Hondo Jesu Paaiva Panyika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mwari Anotsigira Hondo Dzemazuva Ano Here?
    Mukai!—2012
  • “Ivo Havazati Vari Rutivi Rwenyika”
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Zvinoita Here Kuti Munhu Ade Vavengi Vake?
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 10/1 pp. 29-31

VaKristu Vanofanira Kubatanidzwa Muhondo Here?

“Mutemo upi unoti hondo imhosva kana kuti chivi? Chokwadi zvinoshamisa.”—Oliver O’Donovan, Purofesa Wetsika dzechiKristu

MUMWE mufananidzo wakapiwa zita rokuti Chibayiro, wakadhirowewa pamusana peHondo Yenyika I uye uri mumiziyemu yokuCanada inoratidza zvehondo [Canadian War Museum], unoratidza masoja akaurayiwa, vanhu vakapona muhondo vakaneta nemhuri dzavo vachidzokera kumusha. Pamusoro pawo pakaiswa mufananidzo waJesu Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa. Vamwe vanoona izvi vanoshamisika kuti Jesu, “Muchinda woRugare,” akadhirowewawo pamifananidzo yehondo youtsinye. (Isaya 9:6) Vamwewo, vachitenda kuzvipira kwakaitwa nevanhu vomunyika dzavo, vanofunga kuti Mwari neMwanakomana wake vanotarisira kuti vaKristu varwe hondo dzinodzivirira nokuchengetedza rusununguko rwenyika dzavo.

Kwemazana emakore vatungamiriri vechitendero vakaparidza vachitsigira hondo. Mugore ra417 C.E., mumwe mufundisi wechechi anonzi Augustine akanyora kuti: “Hamufaniri kufunga kuti munhu wose anoshanda somusoja, anoshandisa zvombo nechinangwa chokurwa hondo, haagamuchirwi naMwari. . . . Vamwe vari kurwisa vavengi vasingaoneki vachiita zvokunyengetera kuitira imi, ukuwo imi muri kurwisa vavengi vanooneka vane utsinye kuitira vamwe nokurwa.” Muzana remakore rechi13, Thomas Aquinas akati, “hondo dzinobvumirwa nomutemo nokuti dzinodzivirira varombo nenyika yose pamuvengi.”

Unofungei? Hondo painoitwa nechikonzero chinoita sechakanaka, chokudzivirira rusununguko rwenyika kana chokusunungura vakadzvinyirirwa—inenge iine chikomborero chaMwari here? VaKristu vangaenda kupi kuti vanzwisise kuda kwaMwari panyaya iyi?

Muenzaniso waJesu Kristu

Zvinoita here kuziva pfungwa dzaMwari panyaya iyi yakaoma kunzwisisa yehondo dziri kuitwa mazuva ano? Muapostora Pauro akabvuma dambudziko redu, akabvunza kuti: “‘Ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kuti amurayiridze?’ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.” (1 VaKorinde 2:16) Kuti atibatsire, Jehovha Mwari akatuma Jesu panyika kuti ave Muenzaniso wedu. Zvakataurwa nezvakaitwa naJesu zvakaratidza mafungiro aMwari nenzira dzake. Saka, Jesu akatii nezvehondo? Akatsigira hondo here?

Zvaiita sokuti hapana chinhu chaikosha kupfuura kudzivirira nokuchengetedza upenyu hwaJesu Kristu. Ndiwo manzwiro akaita mumwe wevaapostora. Jesu paakatengeswa ndokusungwa neboka guru raiva nezvombo pakati pahwo usiku, shamwari yake Petro “akatambanudza ruoko rwake, akavhomora bakatwa rake, akatema muranda womupristi mukuru, akabvisa nzeve yake.” Zvakanga zvakarurama here kuti adzivirire Jesu nebakatwa? Jesu akati kuna Petro: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.”—Mateu 26:47-52.

Zvakaitwa naJesu hazvifaniri hazvo kushamisa. Makore maviri akanga apfuura akanga amboti: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida muvakidzani wako uvenge muvengi wako.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mateu 5:43-45) Zvine musoro here kuti muKristu ade uye anyengeterere vavengi vake uku achivarwisa muhondo?

Zvakaitika kare zvinoratidza kuti vaKristu vaivengwa nevanhu vakawanda. Somuenzaniso, vaRoma vakatonga Jesu Kristu ndokumuuraya. Nenguva isipi zvadaro, munhu aingoti muKristu aitongerwa rufu. Jesu aitarisira kuti vaKristu vaizoedzwa kushandisa zvombo uye kumukira utongi hwokudzvinyirira hwevaRoma, sezvakanga zvaitwa nevamwe vaJudha. Saka, akaudza vateveri vake kuti: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Johani 17:16) VaKristu vanosarudza kusatsigira zvematongerwo enyika. Kusaruramisirwa kana kutyisidzirwa kwavangaitwa kana kungaitirwa nyika yavo hakuiti kuti vaite zvechiuto.

Vatsigiri voUmambo hwaMwari

VaKristu vechokwadi vanotsigira zvinodiwa naJesu uye kwete zvematongerwo enyika. Chimbofunga zvakaitika kuIkoniyamu, guta rekare raiva kuAsia Minor. “Zvino vemamwe marudzi nevaJudha nevatongi vavo, pavakaedza nechisimba kuti vavaitire zvakaipa nokuvatema nematombo, ivo, pavakaziviswa nezvazvo, vakatizira kumaguta eRikaoniya, Ristra neDhebhe nenyika yakanga yakapoteredza; uye ikoko vakaramba vachizivisa mashoko akanaka.” (Mabasa 14:5-7) Ona kuti pavakaitirwa chisimba, vaKristu havana kutora zvombo kuti vazvidzivirire, uye havana kudzorera. Asi, vakaramba vachiparidza “mashoko akanaka.” Mashoko api akanaka avaifanira kuparidza?

VaKristu vakaparidza mashoko akangoparidzwa naJesu. Akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 4:43) Jesu nevateveri vake vaitsigira Umambo hwaMwari. Kristu haana kumbobvira ashandisa mauto kuti adzivirire Umambo ihwohwo. Akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.”—Johani 18:36.

‘Ivai Nerudo Pakati Penyu’

Kunamatwa kwechokwadi kunooneka nokusatsigira zvematongerwo enyika munguva yehondo. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Mamiriyoni ave achifara kuona boka rinoratidza rudo, kunyange zvazvo vachisekwa, kusungwa, kana kuti kuurayiwa pamusana pokuramba kushandisa zvombo.

VeNazi vaiva kuEurope, vakasunga Zvapupu zvaJehovha zvinenge 10 000 nokuti zvakanga zvaramba kutsigira zvematongerwo enyika, kusanganisira 3 000 vakaendeswa kumisasa yevasungwa. Panguva iyiwo, Zvapupu zvaipfuura 4 300 zvokuUnited States zvakasungwa nokuti zvakanga zvaramba kupinda muchiuto. Zvapupu zvokuGermany kana zvokuAmerica zvakaramba kurwisa hama dzazvo dzechiKristu nevamwewo vanhu. Vaizodaro sei uye voramba vachiti vanodanana uye vanoda muvakidzani wavo?

Vanhu vakawanda vanofunga kuti hondo inodiwa kuti tizvidzivirire. Asi chimbofunga izvi: Kunyange zvazvo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakatambudzwa noutsinye uye vakaramba kudzorera, vakapona. Umambo hweRoma hwaiva nesimba hauna kukwanisa kutsakatisa vaKristu. VaKristu vechokwadi varipo kunyange nhasi, uye vari kuramba vasingatsigiri zvematongerwo enyika. Pane kurwa, nechivimbo vanotarira kuna Mwari kuti avabatsire. Shoko rake, Bhaibheri rinoti: “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”—VaRoma 12:19.

[Bhokisi riri papeji 30]

HONDO DZAKAKOMBORERWA NAMWARI

VaIsraeri vekare, rudzi rwakanga rwasarudzwa naMwari mazana emakore chiKristu chisati chavapo, pane dzimwe nguva vaibvumirwa kuunganidza varwi uye kurwa hondo. Vasati vapinda muKenani, nyika yakanga yavimbiswa Abrahamu naMwari, vaIsraeri vakaudzwa kuti: “Jehovha Mwari wako achavaisa kwauri [marudzi manomwe], uye uchavakunda. Unotofanira kuvaparadza chose. Usaita sungano navo kana kumbovanzwira nyasha.” (Dheuteronomio 7:1, 2) Saka, Mukuru Wemauto evaIsraeri, Joshua, akakunda marudzi iwayo aivavenga “sezvakanga zvarayirwa naJehovha Mwari waIsraeri.”—Joshua 10:40.

Uku kwaiva kukunda kwoutsinye here kwaiitwa nevaIsraeri kwemakaro apo vaitora nyika dzevamwe? Kwete. Marudzi iwayo ainamata zvifananidzo, aiteura ropa, uye aiita unzenza hwakaipisisa hwepabonde. Kunyange vana vaiurayiwa sezvibayiro pamoto. (Numeri 33:52; Jeremiya 7:31) Utsvene hwaMwari, kururamisira nokuda kwake vanhu vake ndizvo zvakaita kuti abvise kusachena kwose kwaiva panyika yacho. Kunyange zvakadaro, Jehovha aiongorora mwoyo yevanhu vose—chinhu chisingakwanisi kuitwa nomukuru upi zvake wemauto nhasi—uye akaponesa vaya vaida kusiya mararamiro avo akaipa uye vaida kumushumira.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Jesu aitarisira kuti vateveri vake varwe nechinangwa chokumudzivirira here kana kuti kudzivira vamwe vavo vechiKristu?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Boka reZvapupu zvaJehovha pashure pokunge rasunungurwa kubva mumusasa weBuchenwald muna 1945

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe