Nhema 2: Vakaipa Vachatambura Muhero
Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?
“Pamagodobori ose ezivo echiGiriki, Plato ndiye akanyanya kudzidzisa zvedzidziso yeHero.”—Histoire des enfers (The History of Hell), naGeorges Minois, peji 50.
“Kubvira pakati pezana remakore rechipiri AD vaKristu vakanga vadzidziswa ruzivo rwechiGiriki vakatanga kuona kuti vaifanira kuratidza kutenda kwavo . . . Uzivi hwavaifarira vose ndohuya hwaidzidziswa naPlato.”—The New Encyclopædia Britannica (1988), Volume 25, peji 890.
“Dzidziso yeChechi inopupurira kuvapo kwehero uye kuti ndeyekusingaperi. Nenguva isipi pashure porufu mweya yevaya vanofa vachiita zvivi inoenda kuhero, kwainondotambura zvirango zvomuhero, ‘moto usingaperi.’ Chirango chikuru muhero ndechokuparadzaniswa naMwari nokusingaperi.”—Catechism of the Catholic Church, 1994 edition, peji 270.
Bhaibheri rinotii?
“Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . Nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Shoko rechiHebheru rokuti Sheori, rinoreva “kunogara vakafa,” rinoshandurwa kuti “hero” mune mamwe maBhaibheri. Ndima iyi inoratidzei nezvevakafa? Vanotambura here muSheori nechinangwa chokuyananisirwa zvivi? Kwete, nokuti “havana chavanoziva.” Ndosaka tateguru Jobho, paaitambura kwazvo pamusana pourwere hwakakomba, akakumbira Mwari kuti: “Ndidzivirirei muhero [chiHebheru, Sheori].” (Jobho 14:13; Douay-Rheims Version) Mashoko ake okukumbira aizorevei kudai Sheori yaiva nzvimbo inotambudzwa vanhu nokusingaperi? MuBhaibheri, hero zvinongoreva guva kunoenda vanhu vose, hakuna chinoitwako.
Izvi hazviratidzi here kuti tsanangudzo iyi ine musoro uye inowirirana neMagwaro? Zvisinei, Mwari werudo angazotambudzirei munhu nokusingaperi zvakadaro? (1 Johani 4:8) Asi kana dzidziso yokuti kune moto unonzi hero iri yenhema, zvakadii nezvedenga?
Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Pisarema 146:3, 4; Mabasa 2:25-27; VaRoma 6:7, 23
CHOKWADI:
Mwari haarangi vanhu muhero