RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 11/1 p. 15
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata Bhaari—Kurwira Mwoyo Yavaisraeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mwari Anogamuchira Rudzi Rwuri Rwose Rwokunamata Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Akatsigira Kunamata Kwakachena
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Akatsigira Kunamata Kwakachena
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 11/1 p. 15

Waizviziva Here?

Nei Bhaibheri richibatanidza kunamata mwari wenhema Bhaari nemitambo younzenza husingadzoreki?

Mwari weKenani anonzi Bhaari ainyanya kuona nezvokubereka kwezvinhu. Vanamati vake vaitenda kuti Bhaari ndiye aiita kuti minda yavo ive negoho rakanaka uye zvipfuwo zvavo zviwande. Saka, maererano nerimwe bhuku rinonzi Manners and Customs in the Bible, “kuita zvepabonde panzvimbo dzokunamatira kwaiitirwa kuti nyika ibereke uye kukurudzire mwari wedutu anonzi Bhaari nemukadzi wake Ashera kuti vaite zvepabonde, vachiita kuti pave negoho guru nezvipfuwo zvizhinji.”

VaKenani vaitenda kuti Bhaari aidzika pasi pasi penyika mumwaka wechirimo paaikundwa naMot mwari wokuoma kwenyika norufu. Asi kutanga kwokunaya kwemvura kwainzi kwairatidza kuvazve nesimba kwaBhaari kuchiita kuti pavezve nezvinomera zvakawanda noupenyu. VaKenani vaipemberera mwaka uyu vachiita mitambo younzenza husingadzorwi. Izvi zvinoratidza nei kubatana kwevaIsraeri naBhaari wePeori kwakaita kuti vaite “unzenza nevanasikana veMoabhi.”—Numeri 25:1-3.

Jesu airevei paakati vanyori nevaFarisi vakanga vakafanana “nemakuva akadzururwa nevhu jena”?

Jesu akatuka vanyori nevaFarisi achiti vaiva vanyengeri uye akavaudza kuti: “Makafanana nemakuva akadzururwa nevhu jena, ayo nechokunze chokwadi anooneka akanaka kwazvo asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa uye nokusachena kwemarudzi ose.” (Mateu 23:27) VaJudha vaiva netsika yokuita kuti matombo epamakuva aoneke zviri nyore nokuazora ivhu jena, kana kuti raimu. Izvi zvaiitwa paipera mwaka wemvura, pazuva rechi15 raAdhari, kuchine mwedzi Paseka isati yasvika. Mvura yainaya yaiwanzobvisa ivhu racho jena.

Maererano neThe Jewish Encyclopedia, kupenda makuva kwaiitirwa kuti kubatsire kusan’oresa “vanhu vakawanda vaifamba mumigwagwa pamutambo wePaseka.” Mutemo wakanyorwa pana Numeri 19:16 waiti munhu wose aibata chitunha, pfupa romunhu, kana kuti guva aizova asina kuchena kwemazuva manomwe. Kusachena kwaiita kuti vaIsraeri vasabatane nevamwe pakunamata zvakachena, kana kuti vaigona kurangwa nokuurayiwa. (Revhitiko 15:31) Jesu akataura muenzaniso uyu kwangosara mazuva mashomanana kuti Paseka iitwe; saka vakanga vakamuteerera vainge vachiri kuyeuka kudzururwa kwaiitwa makuva nevhu jena kwaiitwa gore negore. Pfungwa yaitaurwa naJesu yaiva yokuti nechokunze vanhu vechitendero vaimushora vaioneka sevakanaka asi zvisiri izvo uye kuti kushamwaridzana navo kwaisvibisa pakunamata.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Dombo reraimu rakavezwa raBhaari wemheni, muzana remakore rechi14 kusvika kune rechi13 B.C.E.

[Kwazvakatorwa]

Musée du Louvre, Paris

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe