VaKristu Vanofanira Kupemberera Gore Idzva Sezvinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva Here?
GORE roga roga muna January naFebruary, Asia inoshanyirwa nevanhu vakawanda kwazvo kupfuura mamwe makondinendi. Vanhu vakawanda kwazvo vokuAsia vanodzokera kumusha kune mhuri dzavo kuti vanopemberera Gore Idzva Sezvinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva.a
Zororo reGore Idzva Rinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva rinokosheswa chaizvo pakarenda yokuAsia. Mumwe munyori wokuAmerica akati, “Zvinoita sokunge Zuva Rokutanga Regore Idzva, Zororo Rinopembererwa Nomusi Wechina muna July, Zororo Rokuonga Mwari, uye Kirisimasi zviri kungoitwa panguva imwe chete.” Zororo racho rinotanga panotanga kugara mwedzi maererano nekarenda yokuChina, kana kuti pamisi iri pakati paJanuary 21 naFebruary 20 pamakarenda enyika dzokuMadokero. Rinopembererwa kwemazuva akawanda angasvika kuvhiki mbiri.
Chikonzero chikuru chokupemberera Gore Idzva Kunyika Dzokumabvazuva ndechekutangisazve patsva zvinhu, kusiyana nezvinhu zvekare kwava kutanga zvitsva. Kuti vagadzirire zororo racho, vanhu vanochenesa nokushongedza misha yavo, vanotenga hembe itsva, vanobika zvokudya nechinangwa chokuti pave “nerombo rakanaka” kana “kubudirira,” uye vanobhadharana zvikwereti zvavo nokukanganwirana. PaZuva Rokupemberera Gore Idzva Kunyika Dzokumabvazuva, vangapanana zvipo uye vangashuvirana zvakanaka, kakawanda kacho pfuma nokubudirira, vanopanana mapakiti matsvuku anenge aine mari yokunyepera yerombo rakanaka, vanodya machikichori, vanoita kuti pave nemoto unoita ungai-ngai, vanoona vanhu vanotamba semadhiragoni kana seshumba, kana kungonakidzwa nokuzorora nemhuri neshamwari dzavo.
Tsika dzacho dzine zvadzinoreva. Bhuku rinonzi, Mooncakes and Hungry Ghosts: Festivals of China rinoti: “Chinangwa chikuru chemhuri, shamwari nevoukama chinenge chiri chokushuvirana rombo rakanaka, kuremekedza vanamwari nemidzimu, uye kushuvirana rombo rakanaka pane zvinozoitika mugore rinenge richitevera.” Sezvo pachiitwa tsika dzakawanda uye kusanganisira dzechitendero, vaKristu vanofanira kuona sei mhemberero idzi? Vanofanira kungotevedzera tsika dzinenge dzichiitwawo nevamwe here? Zvinofanira kuitwa nevaKristu here?
“Yeuka Kwayakabva”
Chimwe chirevo chakakurumbira chokuChina chinoti: “Paunonwa mvura, yeuka kwayakabva.” Izvi zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vokuAsia vanoremekedza chaizvo vabereki vavo nemadzitateguru. Zvavakawana upenyu kuvabereki vavo, zvinongotarisirwawo kuti vana vavaremekedze, kunyanya pazororo reGore Idzva Rinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva.
Hapana mubvunzo kuti mhuri dzakawanda dzokuAsia dzinonyanya kufarira Nguva Yepakati Pousiku Hunotangira Zuva Regore Idzva. Usiku ihwohwo, mhuri dzakawanda dzinoungana kuti dzidye machikichori emhemberero. Iyi inguva yakanaka nokuti mhuri dzinovazve pamwe chete zvekutoti vanhu veko vanoita zvose kuti vavepo. Patafura yemadyo aya panoiswawo zvigaro kwete zvevanhu vapenyu chete, kunyange nezvevakafa kare vavanotenda kuti vanenge varipo mumudzimu. Pamadyo aya imwe enisaikoropidhiya inoti, “nhengo dzemhuri dzinenge dzichitokurukura nemadzitateguru adzo.” Rimwewo bhuku rinoti, “ukama hwevapenyu nevashakabvu pahunenge hwavapo zvakare, madzitateguru anopedza gore rose achichengetedza mhuri.” VaKristu vanofanira kuona sei tsika iyi?
Zvinokosha kuti vaKristu vade uye varemekedze vabereki vavo. Vanoteerera zano reBhaibheri rinoti: “Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe, uye usazvidza amai vako nokuti vakwegura.” (Zvirevo 23:22) Uyewo vanoremekedza murayiro weBhaibheri unoti: “‘Kudza baba vako naamai vako’; uyo uri murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’” (VaEfeso 6:2, 3) Chokwadi, vaKristu vechokwadi vanofanira kuremekedza uye kuda vabereki vavo.
Bhaibheri rinotaurawo nezvedzimwe mhuri dzaiungana dzichitandara zvakanaka chaizvo. (Jobho 1:4; Ruka 15:22-24) Asi Jehovha anorayira kuti: ‘Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anobvunza [midzimu] svikiro, kana anobvunza vakafa.’ (Dheuteronomio 18:10, 11, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Nei zvichirambidzwa? Nokuti Bhaibheri rinotaura chokwadi chakajeka nezvevakafa. Rinoti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” Sezvo vakafa vasina chavanoziva, hapana chavanokwanisa kuita pazvinhu zvinoitwa nevapenyu; havakwanisi kutibatsira kana kutikuvadza. (Muparidzi 9:5, 6, 10) Mwanakomana waMwari Jesu Kristu, akafananidza rufu nokurara hope huru, uye vakafa vachamuka kubva mukurara kukuru uku panguva yokumutswa kwevakafa iri kuuya.—Johani 5:28, 29; 11:11, 14.
Bhaibheri rinoratidzazve kuti “midzimu” yevakafa zvisikwa zvemudzimu zvakaipa zvinonyepera kuva vashakabvu. Nechinangwa chei? Zvinoda kutsausa vanhu nekuvadzora nesimba razvo rakaipa! (2 VaTesaronika 2:9, 10) Chokwadi mirayiro yaMwari inotidzivirira pazvinhu zvinokuvadza kwazvo. Pamusana pokuda Jehovha uye kuda kuchengeteka, vaKristu vanodzivisa nokuchenjera tsika dzipi nedzipi dzinosanganisira kunamata “midzimu” yemhuri kana dzokuda kuchengetedzwa nemidzimu iyi.—Isaya 8:19, 20; 1 VaKorinde 10:20-22.
Ukuwo, vaKristu vanodawo kukudza “Baba, avo mhuri dzose dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kubva kwavari.” (VaEfeso 3:14, 15) Baba ava ndiani? Ndivo Musiki wedu uye Akatipa Upenyu, Jehovha Mwari. (Mabasa 17:26) Saka, patinenge tichifunga nezvetsika dzinoitwa nevanopemberera Gore Idzva Kunyika Dzokumabvazuva, zvakanaka kuzvibvunza kuti: Jehovha anoona sei tsika dzacho? Anodzifarira here?—1 Johani 5:3.
Kukudza Vanamwari Vemhuri
Kupemberera Gore Idzva Kunoitwa Nenyika Dzokumabvazuva kunosanganisira tsika dzakawanda dzinozivikanwa dzinoremekedza kana kuti kukudza vanamwari vakawanda vemhuri nevamwewo, vakadai samwari womusuo, mwari wepasi kana mudzimu unochengetedza, mwari wepfuma kana kuti werombo rakanaka, uye mwari womukicheni kana kuti wechitofu. Chimbofunga nezvetsika yakakurumbira yokukudza mwari womukicheni.b Vanodavira kuti mazuva mashomanana Gore Idzva risati rasvika, mwari uyu anoenda kudenga kunotaura nezvemhuri yacho kuna Mambo Jade, mwari mukuru zvikuru kupfuura vanamwari vose vevaChina. Vachitarisira kuti mwari womukicheni achataura zvakanaka, mhuri yacho inomutumira machikichori, inomupa masuwiti nezvinhu zvakabikwa nefurawa. Kuti akurumidze kusvika, mhuri yacho inoturunura mufananidzo wake, dzimwe nguva inoisa masuwiti pamiromo yake, yopisa mufananidzo wacho panze. PaNguva Yepakati Pousiku Hunotangira Zuva Regore Idzva, vanoisa mufananidzo mutsva wamwari wacho pamusoro pechitofu, vachimukumbira kuti adzoke zvakare mumusha gore rinouya.
Kunyange zvazvo dzimwe tsika dzingaita sedzakanaka, vaKristu vanoda kutevedzera zvinotaurwa neShoko raMwari panyaya yokunamata. Nezvazvo Jesu Kristu akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti timunamate iye chete. Nei? Chimbofunga izvi: Jehovha ndiye Baba vedu vokudenga. Baba vanganzwa sei kana vana vavo vakarega kuvateerera pane kudaro voteerera vamwe baba? Havangarwadziwi zvikuru here?
Jesu aiona Baba vake sa“Mwari wechokwadi chete,” uye Jehovha pachake akaudza pachena vanamati vake kuti havafaniri ‘kuva nevamwe vanamwari’ kunze kwake. (Johani 17:3; Eksodho 20:3) Saka vaKristu vechokwadi vanoda kufadza Jehovha, kwete kumurwadzisa nokushumira vamwe vanamwari.—1 VaKorinde 8:4-6.
Kutenda Zvemashiripiti Uye Zvemidzimu
Kupemberera Gore Idzva Sezvinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva kune chokuita nokutenda zveruzivo rwenyeredzi. Gore negore karenda yegore idzva inopiwa zita remhuka pa12 dzinoshandiswa nevazivi venyeredzi vokuChina—dhiragoni, tiger, tsoko, tsuro, zvichingodaro. Zvinonzi unhu hwevana vanoberekwa mugore iroro kana zvimwe zvinhu zvakakodzera kuitwa mugore iroro zvinoendererana nemhuka inenge yasarudzwa. Tsika dzakawanda dzinoitwa pakupemberera Gore Idzva Nenyika Dzokumabvazuva, kusanganisira dzokukudza mwari wepfuma kana werombo rakanaka, dzinonyanya kuitirwa “rombo rakanaka.” VaKristu vanofanira kuona sei tsika idzi?
MuShoko rake Bhaibheri, Jehovha akayambira vaya “vanonamata matenga, vanotarira nyeredzi, vaya vari kupa zivo pakugara kwomwedzi pamusoro pezvinhu [zvichavawira].” Akarambidzawo kunamatwa kwa“mwari weMhanza Yakanaka” uye “mwari Anofanosarudza Zvichaitika.” (Isaya 47:13; 65:11, 12) Pane kuvimba nemamwe masimba asinganzwisisiki kana kuti asingaoneki anonzi anobva kunyikadzimu kana kuti enyeredzi, vanamati vechokwadi vakaudzwa kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvirevo 3:5, 6) Chokwadi, zvemashiripiti zvinoita kuti vanhu varambe vari muusungwa, asi chokwadi cheBhaibheri chinosunungura.—Johani 8:32.
Ngazvioneke Kuti Unoda Mwari
Kuziva tsika nedzidziso dzinobatanidzwa panyaya yokupemberera Gore Idzva Sezvinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva ndeimwewo nyaya; asi kusarudza kusazviita ndeimwewo. Kana uchigara munzvimbo ine vanhu kana nemhuri inopemberera Gore Idzva Sezvinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva, une basa guru rokusarudza.
Zvechokwadi, zvinoda ushingi kusatsuduguka kana vanhu vachikumanikidza kupemberera izvi. Mumwe mudzimai wechiKristu anogara kuAsia anoti, “Ndaitya zvikuru nokuti vanhu vose vandaive navo vaipemberera zororo racho reGore Idzva, asi ini ndakanga ndisingapembereri.” Chii chakamubatsira? “Ndakakwanisa kuramba ndakamira zvakasimba pamusana pokuda kwangu Mwari.”—Mateu 10:32-38.
Unoda Jehovha zvakasimba kudaro here? Une zvikonzero zvakawanda zvokuti umude. Upenyu hwako, haubvi kune mumwe mwari asinganzwisisiki, asi kuna Jehovha Mwari, anonzi neBhaibheri: “Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; nechiedza chinobva kwamuri tinogona kuona chiedza.” (Pisarema 36:9) Jehovha ndiye anokuchengeta uye anoita kuti ufare muupenyu kwete mwari werombo rakanaka kana mwari wekicheni. (Mabasa 14:17; 17:28) Uchamuda here? Iva nechokwadi chokuti kana ukadaro, Jehovha achakukomborera zvikuru.—Mako 10:29, 30.
[Mashoko Omuzasi]
a Rinonziwo Gore Idzva reChina, Mutambo Wemasutso, Chun Jie (China), Tet (Vietnam), Solnal (Korea), kana kuti Losar (Tibet).
b Tsika dziri kutaurwa munyaya ino dzinosiyana-siyana muAsia asi dziri kubva papfungwa dzakakurumbira dzinoitwa. Kana uchida mamwe mashoko, ona Awake! yaDecember 22, 1986, mapeji 20-21, uye Awake! yaJanuary 8, 1970, mapeji 9-11.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]
Kukurudzira Hama Neshamwari
Zvinonzwisisika kuti mumwe munhu womumhuri paanorega kupemberera Gore Idzva Sezvinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva, zvingashamisa hama dzake neshamwari. Vangagumburwa, kurwadziwa nazvo kunyange kutonzwa sevanyadziswa. Zvisinei, pane zvakawanda zvingaitwa kuti mhuri yose irambe ichifara. Chimboona mashoko aya akataurwa nevaKristu vanogara munyika dzakasiyana-siyana dzokuAsia:
Jiang: “Gore Idzva risati rasvika, ndaishanyira hama dzangu ndodzitsanangurira nounyanzvi kuti nei ndisingachaiti dzimwe tsika dzakawanda dzinoitwa nevamwe. Nokungwarira ndinoedza kusarerutsa zvavanotenda uye ndinopindura noruremekedzo mibvunzo yavo ndichishandisa Bhaibheri. Izvi zvakaita kuti pave nokukurukurirana kwakanaka.”
Li: “Gore Idzva Rinoitwa Nenyika Dzokumabvazuva pakaranga risati rasvika, ndakaudza murume wangu nounyanzvi noruremekedzo kuti ndinofanira kuteerera hana yangu kuti ndinyatsofara. Ndakamuvimbisawo kuti handaizomunyadzisa pataizoshanyira mhuri yake panguva inochengetwa zororo iri. Zvakatondishamisa ndezvokuti, musi wainamata mhuri yake madzitateguru avo, akandiendesa kunzvimbo yakasiyana kuti ndinopinda misangano yeungano.”
Xie: “Ndakavimbisa mhuri yangu kuti ndinoida uye ndakavaudza kuti zvandinotenda zvinoita kuti ndive munhu kwaye. Ndakabva ndashanda nesimba kuti ndiratidze unhu hwechiKristu hwakadai seunyoro, kungwarira, uye rudo. Vakazopedzisira vava kuremekedza chitendero changu. Nokufamba kwenguva murume wangu akazodzidza Bhaibheri uye akavawo muKristu wechokwadi.”
Min: “Ndakataura nevabereki vangu nounyoro, uye ndichivaremekedza. Pane kuvashuvira ‘rombo rakanaka,’ ndakavaudza kuti ndinogara ndichivanyengeterera kuna Jehovha, Musiki wedu, ndichimukumbira kuti avakomborere uye avape rugare nomufaro.”
Fuong: “Ndakaudza vabereki vangu kuti handimiriri Gore Idzva kuti ndivashanyire. Ndinovashanyira kakawanda. Izvi zvakaita kuti vabereki vangu vafare chaizvo, uye havana kuzondishora. Munun’una wangu akafarirawo kudzidza chokwadi chiri muBhaibheri.”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]
Panorama Stock/age Fotostock