RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 6/1 pp. 8-10
  • Chokwadi Nezvechivi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chokwadi Nezvechivi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vose Vakakundikana
  • Chibayiro chaJesu Uye Chaiita Kuti Chidiwe
  • Rudo rwaKristu “Runotigombedzera”
  • Vadiwa Vedu Vakafa Vari Kupi Zvino?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Jesu Anoponesa—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nei Vanhu Vachifa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Maonerwo Aiitwa Chivi Achinja Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 6/1 pp. 8-10

Chokwadi Nezvechivi

ZVINE musoro here kuti murwere apwanye chokutoresa nacho tembiricha kuti aratidze kuti haasi kurwara? Hazviiti. Kurambawo kuri kuita vanhu vakawanda maonero anoita Mwari chivi, hakurevi kuti hakutomborina chivi. Shoko rake, Bhaibheri rine zvakawanda zvarinotaura nezvenyaya iyi. Chii charinonyatsodzidzisa nezvechivi?

Vose Vakakundikana

Makore anenge 2000 apfuura, muapostora Pauro akanetseka nokuti ‘zvakanaka zvaaida kuita aisazviita, asi zvakaipa zvaakanga asingadi ndizvo zvaaiita.’ (VaRoma 7:19) Kana takatendeseka tinofanira kubvuma kuti ndiwo manzwiro atinoitawo. Zvimwe tine chido chokuti tirarame tichitevedzera Mitemo Gumi kana kuti dzimwe tsika, asi tisingadi tichida, tose tinokundikana. Hakusi kuti tinokanganisa nemaune, asi pane zvatisingangokwanisi kuita. Sei zvakadaro? Pauro akati: “Zvino, kana zvandisingadi zviri izvo zvandinoita, ari kuzviita haasisirizve ini, asi chivi chinogara mandiri.”—VaRoma 7:20.

Kufanana naPauro, vanhu vose vane zvimwe zvavasingakwanisi kuita, kuratidza kuti vakaberekwa vane chivi uye vasina kukwana. “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari,” akadaro muapostora Pauro. Zvakakonzerwa nei? Pauro anoenderera mberi achiti: ‘Chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.’—VaRoma 3:23; 5:12.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti kutadza kwakaita vabereki vedu vokutanga kwakatiparadzanisa naMwari kukaita kuti tipedzisire tisisina kukwana, kunyange zvazvo pfungwa iyoyo ichirambwa nevakawanda. Jesu akaratidza kuti nyaya yaAdhamu naEvha ndeyechokwadi nokuti akataura mashoko ari muzvitsauko zvokutanga zvaGenesisi.—Genesisi 1:27; 2:24; 5:2; Mateu 19:1-5.

Chimwe chezvinhu zvinokosha pane zvinodzidziswa neBhaibheri ndechokuti Jesu akauya pasi pano kuzonunura vaya vanotenda maari pachivi norufu. (Johani 3:16) Tarisiro yedu yeramangwana inobva pakuti tinobvuma here urongwa hwaMwari hwokununura vanhu mumatambudziko avasingakwanisi kugadzirisa. Asi tikasanyatsonzwisisa chinonzi chivi semaonerwo achinoitwa naMwari, hatingazokoshesi urongwa hwaakaita kuti atinunure pachivi.

Chibayiro chaJesu Uye Chaiita Kuti Chidiwe

Jehovha akapa munhu wokutanga tariro yokuti ararame nokusingaperi. Adhamu aizorasikirwa netariro iyoyo yakanaka kana aizopandukira Mwari. Adhamu akapanduka akava mutadzi. (Genesisi 2:15-17; 3:6) Adhamu akaita zvaipesana nezvaidiwa naMwari, akatadza, uye akakanganisa ukama hwake naMwari. Kuputsa mutemo waMwari kwakaita kuti ave nechivi, zvikaita kuti apedzisire afa. Zvinosuwisa kuti vose vakabva kuna Adhamu, kusanganisira isu, takaberekwa tiine chivi, uye chichaita kuti tipedzisire tafa. Nei zvakadaro?

Mhinduro yacho iri nyore. Vabereki vanotadza havagoni kubereka vana vasingatadzi. Vose vakabva kuna Adhamu vakaberekwa vari vatadzi, uye sezvakataurwa nemuapostora Pauro, “mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Kunyange zvakadaro ndima yacho inopedzisa nokutipa tariro yokuti: “Asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.” Izvi zvinoreva kuti pachishandiswa rufu rwechibayiro chaJesu, vanhu vanoteerera uye vanoonga vanogona kununurwa pamatambudziko anokonzerwa nechivi chakaitwa naAdhamu.a (Mateu 20:28; 1 Petro 1:18, 19) Izvi zvinofanira kuita kuti unzwe sei?

Rudo rwaKristu “Runotigombedzera”

Muapostora akafuridzirwa Pauro anoratidza mhinduro yaMwari kumubvunzo uri pamusoro apa. Akanyora kuti: “Rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose; . . . zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Kana munhu achikoshesa kuti chibayiro chaJesu chinogona kuita kuti anunurwe pamatambudziko anokonzerwa nechivi, uye aine chido chokuratidza kuonga urongwa ihwohwo, anofanira kushanda nesimba kuti ararame sezvinodiwa naMwari. Izvi zvinosanganisira kunzwisisa zvinodiwa naMwari, kudzidzisa hana yake sezvinodiwa neBhaibheri, orarama maererano nazvo.—Johani 17:3, 17.

Kuita zvakaipa kunokanganisa ukama hwedu naJehovha Mwari. Mambo Dhavhidhi paakaziva kuti aita chivi chakakura choupombwe naBhati-sheba uye chokuurayisa murume wake, zviri pachena kuti akashaiwa kuti onyura pai nenyadzi. Asi akanyanya kunetseka nokuti zvivi zvake zvakanga zvagumbura Mwari uye zvakanga zvakakodzera kuti anetseke. Akaratidza kupfidza paakabvuma kuna Jehovha kuti: “Ndakatadzira imi, iyemi moga, ndakaita zvakaipa pamberi penyu.” (Pisarema 51:4) Ndizvowo zvakaitika kuna Josefa paakaedzwa kuti aite upombwe, hana yake yakaita kuti abvunze kuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?”—Genesisi 39:9.

Saka chivi haisi nyaya yokungonyara nokuti ungadaro wabatwa uchiita zvakaipa. Haisi nyaya yokuti tinofunga kuti zvino voruzhinji kana kuti vomunharaunda vanoti chii nazvo nokuti tingadaro tatadza kuita zvinotarisirwa. Kutyora mitemo yaMwari panyaya yezvepabonde, kutendeseka, kuremekedza, kunamata, nezvimwewo, kunokanganisa ukama hwedu naye. Tikaita chivi nemaune, tinenge tichitozviita vavengi vaMwari. Ichi ichokwadi chinoda kuti tinyatsofungisisa.—1 Johani 3:4, 8.

Saka chii chaizvo chakaitika kuchivi? Chokwadi ndechokuti chivi hachina kumbochinja. Vanhu vakangotanga kuchipa mamwe mazita kuti zviite sokuti inyaya duku. Vamwe havana kuteerera hana dzavo kana kuti vakadzirega dzichitindivara. Vose vanoda kufarirwa naMwari havafaniri kuita izvi. Sezvataona, mubayiro wechivi hausi kungobviswa chimiro kana kuti kunyadziswa, asi rufu. Nyaya yechivi ine chokuita noupenyu norufu.

Mashoko anonyaradza ndeokuti, kuti tikanganwirwe pachishandiswa kukosha kwechibayiro chaJesu tinofanira kupfidza zvivi zvedu nomwoyo wose, torega kuzvidzokorora. Pauro akanyora kuti: “Vanofara vaya vane mabasa okusateerera mutemo akaregererwa uye vane zvivi zvakafukidzwa. Anofara munhu ane chivi chisingazomboyeukwi naJehovha.”—VaRoma 4:7, 8.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti unyatsonzwisisa kuti rufu rwaJesu rwechibayiro rwunokwanisa sei kuita kuti vanhu vanoteerera vanunurwe, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mapeji 47 kusvika ku54, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

Zvinhu Zvachinja Zvachose Muchechi

Vakawanda vechechi yeRoma havatombonzwisisi dzidziso yeLimbo.b Mumakumi emakore apfuura dzidziso yacho yanga yava kunyangarika zvishoma nezvishoma, zvokuti iye zvino haichawaniki mukatekesimo. Muna 2007, chechi yeRoma yakazivisa kuti dzidziso yeLimbo yaguma mune rimwe gwaro raitaura nezve“zvikonzero zvechitendero uye minamato zvinoita kuti vati vacheche vanofa vasina kubhabhatidzwa vane tariro yokuti vanogona kuponeswa uye kugara vachifara nokusingaperi.”—International Theological Commission.

Nei chechi yachinja kudaro? Sematauriro anoita munyori wemapepanhau wokuFrance Henri Tincq, nyaya iripo ndeyokuti chechi yakada kuzvisunungura kuti isanzi “ine mhosva patsika inorema yavakangowanawo iripo, yaitsigirwa neChechi yaidzvinyirira, yainyanya kuishandisa kuti ityisidzire vabereki nezveLimbo ichiita kuti vakurumidze kubhabhatidzisa vana vavo kubvira panguva yeMiddle Ages kusvikira pazana remakore rechi20.” Asi kusiyiwa kwedzidziso yeLimbo kuri kuita kuti pave nemimwe mibvunzo.

Idzidziso yeMagwaro Here Kana Kuti Yakatangwa Nevanhu? Maererano nenhau dzakaitika, dzidziso yeLimbo yakatanga muzana remakore rechi12 vemachechi pavaikurukura nyaya dzine chokuita nepurigatori. Chechi yeRoma inodzidzisa kuti kana munhu afa, mweya unoramba uchirarama, saka yaifanira kutsanangura zvaizoitika kumweya yevana vaisazokwanisa kuenda kudenga nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa asiwo vasina kukodzera kunopiswa nomoto. Ndipo pakatanga dzidziso yeLimbo.

Zvisinei, Bhaibheri haridzidzisi kuti kana munhu afa, mweya unoramba uchirarama. Asi rinotaura pachena kuti mweya yevanhu inogona ‘kuparadzwa’ uye ‘ichafa,’ kwete kuti icharamba ichirarama. (Mabasa 3:23; Ezekieri 18:4). Sezvo mweya ichifa, hakuna nzvimbo inonzi Limbo. Uyezve, Bhaibheri rinotaura kuti munhu akafa haana chaanoziva, kungofanana nemunhu akarara.—Muparidzi 9:5, 10; Johani 11:11-14.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoona vana vaduku vane vabereki vechiKristu vari vatsvene. (1 VaKorinde 7:14) Mashoko aya haashandi kana vacheche vachifanira kubhabhatidzwa kuti vaponeswe.

Dzidziso yeLimbo inozvidza Mwari, ichimutsanangura semutongi ane utsinye anoranga vasina mhosva, pane kuva Baba vakarurama vane rudo sezvaari. (Dheuteronomio 32:4; Mateu 5:45; 1 Johani 4:8) Ndosaka dzidziso iyi isiri yomumagwaro isina zvainoreva kuvaKristu vechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

b “Maererano nedzidziso yechechi yeRoma, Limbo inzvimbo inoenda vanhu vakuru nevacheche vanofa vasati vabhabhatidzwa.”

[Mifananidzo iri papeji 9]

Kurarama zvinoenderana nezviri muShoko raMwari kunoita kuti tive neukama hwakanaka naMwari nevanhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe