RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 6/1 pp. 4-7
  • Maonerwo Aiitwa Chivi Achinja Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maonerwo Aiitwa Chivi Achinja Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chivi Chevabereki Vedu Vokutanga Chakatikanganisa Here?
  • Tingati Kutadza Here Uku?
  • Kusiya Tsika Dzataiva Nadzo
  • Dzidziso Yokuti Munhu Ngaafare
  • Chokwadi Nezvechivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Chivi Chekutanga Chaiva Chii?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Tichiri Kuziva Here Chinonzi Chivi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Nyika Isina Chivi—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 6/1 pp. 4-7

Maonerwo Aiitwa Chivi Achinja Here?

“MAZUVA ano vakawanda havafariri pfungwa yokuti tose tinonzi tine chivi nemhaka yezvakakanganiswa nevabereki vedu vokutanga. Kuzoti icho chivi chacho, havatombodi kunzwa nezvacho. . . . Vanhu vakaita savanaAdolf Hitler naJosef Stalin vangadaro vakatadza, asi isu tose tava kungofira yevamwe.”—The Wall Street Journal.

Mashoko ataurwa pamusoro apa anoratidza kuti maonerwo epfungwa yokuti munhu ane chivi achinja chaizvo mazuva ano. Achinjiswa nei? Pfungwa iyi yava kuonekwa sei? Chii chaicho chisingafarirwi nevanhu mazuva ano panyaya yokuti vane chivi?

Chivi chiri mumapoka maviri, pane chatakagara nhaka uye chinoitwa nomunhu. Pfungwa yokutanga inoratidza kuti chivi chinhu chatinacho, tichida tisingadi, asi yechipiri inoratidza kuti chivi chinhu chatinoita. Ngatinyatsoongororai pfungwa imwe neimwe.

Chivi Chevabereki Vedu Vokutanga Chakatikanganisa Here?

Bhaibheri rinoti vanhu vose vakagara nhaka zvakakanganiswa nevabereki vedu vokutanga, kureva chivi chavakaita. Saka tose zvedu takaberekwa tisina kukwana. Bhaibheri rinoti: “Kusarurama kwose chivi.”—1 Johani 5:17.

Zvisinei, vakawanda vanoenda kuchechi vanoomerwa nokugamuchira pfungwa yokuti vanhu vose vanonzi vakatadza nemhaka yechivi chekare-kare chavasina kuita uye chavasina kukonzera, zvokuti pfungwa yacho havatomboinzwisisi uye inovaomera kugamuchira. Purofesa wechitendero anonzi Edward Oakes anoti, dzidziso yacho “vamwe havatombotauri nezvayo, vamwe vanoiramba zviri pachena, vamwe vanongoti vanoidavira asi mararamiro avo haaenderani nezvavanotaura.”

Matsanangurirwo anoitwa chivi mumachechi ndiwo ari kuita kuti zviomere vanhu kubvuma kuti tine chivi chakakonzerwa nevabereki vedu vokutanga. Somuenzaniso, pamusangano weCouncil of Trent wakaitwa nechechi yeRoma muna 1545 kusvika muna 1563, chechi yaishora chaizvo munhu airamba pfungwa yokuti vacheche vaifanira kubhabhatidzwa kuti varegererwe zvivi. Vafundisi vacho vaiti kana mucheche akafa asina kubhabhatidzwa, zvivi zvake zvakanga zvisina kucheneswa zvaizoita kuti asazombofa akanomira pamberi paMwari kudenga. Calvin akatodzidzisa kuti vacheche ‘pavanobuda mudumbu maamai vanenge vachitova nezvitadzo.’ Akatizve, kuberekwa kwavo vachitova nechivi ‘chinhu chisingafadzi Mwari.’

Vanhu vakawanda vane pfungwa yokuti vacheche havana zvavanenge vakanganisa, saka hazvina musoro kuti tifunge kuti vacheche vakadai vanozotambudzwa pamusana pechivi chavakaberekwa vanacho. Zviri nyore kuona kuti nemhaka yei dzidziso dzemachechi dzakaita kuti vanhu vasagamuchira dzidziso yechivi chakakonzerwa nevabereki vedu vokutanga. Vamwe vatungamiriri vemachechi vanotadza kunyatsotsanangura zvavanotaura zvokuti mucheche asina kubhabhatidzwa achanotsva mumoto. Havatombonzwisisi zvinozopedzisira zvaitika kuvacheche. Kunyange hazvo iyi isiri dzidziso chaiyo yomuchechi, kwemazana emakore chechi yeRoma yanga ichidzidzisa kuti mweya yevacheche vasina kubhabhatidzwa haiendi kudenga kana kunotsva mumoto asi ichanogara munzvimbo inonzi Limbo.a

Chimwe chakaita kuti dzidziso yokuti chivi chakakonzerwa nevabereki vedu vokutanga irambwe ndechekuti vazivi, masayendisiti nevafundisi vomuzana remakore rechi19 vakatanga kusava nechokwadi kuti nyaya dziri muBhaibheri dzakanyatsoitika here. Dzidziso yaDarwin yokuti vanhu vakatanga vari mhuka yakaita kuti vakawanda vaone nyaya yaAdhamu naEvha sengano zvayo. Zvose izvi zvakaita kuti vakawanda vaone sokuti zvakanyorwa muBhaibheri hadzisi pfungwa dzaMwari asi kuti ipfungwa dzevanhu uye tsika dzevanyori.

Izvi zvinoita kuti vanhu vafungei nezvechivi chevabereki vedu vokutanga? Zviri pachena kuti kana vanhu vanoenda kuchechi vachiti hakuna kumbobvira kwava nevanhu vakaita saAdhamu naEvha, vanobva vatiwo hakuna kumbobvira kwaitika chivi. Kunyange kune vaya vanobvuma kuti vanhu vose vane chivi, dzidziso yechivi chakatangwa nevabereki vedu vokutanga inobva yaonekwa senyaya duku inongoratidza kuti vanhu vanotadza.

Izvi ndizvo zvinotaurwa nevanhu nezvechivi chakatangwa nevabereki vedu vokutanga. Asi zvakadini nepfungwa yokuti zvivi zvatinoita isu, zvisiri zvokugara nhaka, zvinogumburawo Mwari?

Tingati Kutadza Here Uku?

Vakawanda pavanobvunzwa nezvezvivi zvinoitwa nevanhu, chinokurumidza kuuya mumusoro Mitemo Gumi, inorambidza kuponda, kuita gumbo mumba gumbo panze, kurara nomunhu wausati waroorana naye, kuba, nezvimwewo. Zvagara zvichidzidziswa nemachechi ndezvokuti munhu wose anofa asina kupfidza zvivi izvi anozopiswa mumoto nokusingaperi.b

Chechi yeRoma inoti kuti munhu asanopiswa mumoto, anofanira kureurura zvivi zvake kumupristi, uyo anonzi ndiye ane simba rokuregerera. Asi vakawanda vechechi yeRoma vanoti kureurura, kukanganwirwa, uye kupfidza zvava zvechinyakare. Somuenzaniso, imwe ongororo ichangobva kuitwa inoratidza kuti vanhu vanopfuura 60 muzana vanopinda chechi yeRoma kuItaly, havachamboendi kunoreurura.

Zviri pachena kuti matsanangurirwo anoitwa chivi nemachechi uye matambudziko anozovapo zvatadza kubatsira vanhu kuti varege kuita chivi. Vakawanda vanoenda kuchechi havachaoni zvinhu izvi sezvakaipa. Somuenzaniso, vamwe vanofunga kuti kana vanhu vakuru vaviri vakabvumirana kuita zvepabonde uye pasina wazvinozogumbura, hapana chakaipa.

Chimwe chinoita kuti vanhu vafunge izvi ndechekuti mumwoyo mavo havana chokwadi nezvezvavakadzidziswa pamusoro pechivi. Zvechokwadi, vakawanda vanoomerwa nokudavira kuti Mwari ane rudo achazopisa vanhu mumoto nokusingaperi. Uye zvichida kusava nechokwadi ikoko ndiko kwava kuita kuti “chivi” chiite sokuti inyaya duku. Asi pane zvimwewo zvakaita kuti maonerwo anoitwa chivi achinje.

Kusiya Tsika Dzataiva Nadzo

Zvanga zvichiitika mumazana emakore apfuura zvachinja chaizvo mararamiro evanhu uye mafungiro avo. Hondo yenyika I nehondo yenyika II, nedzimwewo hondo duku dzisingaverengeki uye kuurayana kwemadzinza zvakapedzisira zvaita kuti vanhu vakawanda vaone sokuti tsika hadzichakoshi. Vanobvunza kuti, ‘Zvine musoro here mukore uno kuti munhu ashandise mitemo yakaiswa kare kare isingachaenderani zvachose nezviripo mazuva ano?’ Vakawanda vanoti munhu anofanira kunyatsoshandisa pfungwa dzake nevaya vanoongorora nyaya dzetsika vanoti hazvina musoro. Vanoti vanhu vanofanira kusiyana nedzimwe tsika idzi uye kurega kutenda mashura, vovavarira chaizvo kudzidza kuitira kuti vaite zvavanogona.

Mafungiro aya ari kuita kuti vanhu vasava pedyo naMwari. Munyika dzakawanda dzokuEurope, vazhinji havachaendi kuchechi. Vakawanda havachina chavanonyatsotenda, uye vamwe vanonyatsoshora zviri pachena mitemo yechechi yavanofunga kuti haishandi. Vanoti, kana kuri kuti vanhu vakangoerekana vava panyika uye vachikwanisa kuzviraramira, tingazvinetserei nokuda kuziva chinonzi tsika dzakanaka?

Kusakoshesa kwakanga kwava kuitwa tsika munyika dziri kumadokero muzana remakore rechi20 kwakaita kuti vanhu vachinje maonero avo panyaya dzezvepabonde. Kuratidzira kunoita vadzidzi vachitsutsumwa, masangano anoda kuita zvakasiyana nevamwe, uye zvinonzi navanachiremba zvishandiswe pakudzivirira pamuviri zvakaitawo kuti vanhu vasiye tsika dzavo. Pasina nguva vakanga vasingachaiti zvinotaurwa neBhaibheri. Chizvarwa ichi chakava netsika itsva uye chakanga chachinja maonerwo aiitwa chivi. Mumwe munyori anoti kubvira ipapo zvichienda mberi “mutemo wavakanga vava kungotevedzera ndewekuti chero muchidanana,” uyo wakazoita kuti zvinzi hapana chakaipa nokurara nemunhu wausina kuroorana naye.

Dzidziso Yokuti Munhu Ngaafare

Ichitaura nezvezviri kuitika muUnited States, magazini yeNewsweek yakataura pachena kuti: “Pamusana pekuwanda kuri kuita machechi, vafundisi vakawanda vava kutaura zvinofadza vanhu kuitira kuti chechi isasara isina vanhu.” Vanotya kuti vakawanza mitemo ine chokuita netsika, vanhu vanobuda muchechi. Vanhu havadi kuudzwa kuti vanofanira kuzvininipisa, kuzvidzora, kuita zvakanaka kana kuti vanofanira kuteerera kurova kunoita hana dzavo uye kupfidza zvivi zvavo. Saka chechi dzakawanda dzava kuparidza zvakanzi nepepanhau reChicago Sun-Times, “mashoko echiKristu anokurudzira kungozvifunga, anonyevenutsa, pfungwa yokuita zvinhu zvakanakira vanhu vakawanda uye kuzvida, vachisiya shoko chairo rinofanira kuparidzwa.”

Izvi zvinoita kuti machechi atsanangure Mwari neimwe nzira, asanyanya kufunga nezvaMwari uye zvaanoda kuti tiite, asi anyanye kufunga nezvevanhu uye kuti vangaitei kuti vazvide. Chinangwa chawo ndechokungoita zvinodiwa nevari muchechi. Izvi zvinoguma zvaita kuti pave nezvitendero zvisina dzidziso chaidzo. Imwe magazini inonzi The Wall Street Journal yakabvunza kuti, “Chii chichatsiva mitemo yetsika dzechiKristu yaimbovapo? Zvava kungonzi kana uchinzwira vamwe tsitsi, ‘uri munhu akanaka,’ mimwe mitemo yose haina basa.”

Zviri kuitwa izvi zvinoita kuti vanhu vagume vati chechi inoita kuti munhu afare ndiyo yakanaka. Magazini yacho yeThe Wall Street Journal inoti munhu ane maonero akadaro “anogona kupinda chero chechi ipi zvayo, inenge isina mitemo yakawanda inotevedzerwa, inonyaradza pane kutonga munhu.” Uye machechi achowo anoda chaizvo kugamuchira vanhu vakadaro “sezvavari chaizvo,” uye haana mitemo yetsika yaanoti vatevedzere.

Zvataurwa izvi zvingayeuchidza vanoverenga Bhaibheri nezveuprofita hwakanyorwa nemuapostora Pauro muzana remakore rokutanga C.E. Akati: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.”—2 Timoti 4:3, 4.

Vatungamiriri vemachechi pavanopembedza chivi, vanoramba kuti chiriko uye ‘vanofadza’ nzeve dzevari muchechi yavo nokuvaudza zvavanoda kunzwa pane zvinotaurwa neBhaibheri, vari kuvakuvadza chaizvo. Idzodzo inhema uye dzinogona kukuvadza. Pfungwa iyoyo inoita kuti vanhu vasanzwisisa imwe dzidziso inokosha zvikuru yechiKristu. Chivi uye kukanganwira ndiwo waiva musimboti wemashoko akanaka akadzidziswa naJesu nevadzidzi vake. Kuti uone kuti ndizvo zvavaiita unokumbirwa kuti uverenge nyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvinoratidza sokuti kutadza kunzwisisa dzidziso iyi isiri yomumagwaro yokuti mweya yevacheche vanenge vafa inonogara mune imwe nzvimbo inonzi Limbo ndiko kwakaita kuti ibviswe mukatekisimo yeRoma. Ona bhokisi rakanzi “Zvinhu Zvachinja Zvachose Muchechi,” riri papeji 10.

b Dzidziso yokuti vanhu vachapiswa mumoto nokusingaperi haitsigirwi neBhaibheri. Kuti unyatsonzwisisa nyaya yacho, ona chitsauko 6 chinoti, “Vakafa Vari Kupi?,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Dzidziso yokuti munhu ngaafare haisi kubereka zvibereko zvakanaka

[Bhokisi riri papeji 6]

Chivi? “Haisisiri Nyaya Hombe Kwatiri”

▪ “Nyaya iyi ndicho chimwe chezvipingamupinyi zviri kuvhiringidza vanhu kunamata mazuva ano. Hatichazvioni ‘sevatadzi’ vanoda kukanganwirwa. Zvimwe chivi chaimboonekwa sedambudziko, asi iye zvino haisisiri nyaya hombe. Kunyange hazvo vemachechi vachifunga kuti vangagadzirisa dambudziko iri rechivi, vakawanda vokuAmerica vanotoona sokuti hapana dambudziko riripo, kana kuri kuti riripo, iduku chaizvo,” akadaro mumwe munyori wezvechitendero anonzi John A. Studebaker, Jr.

▪ “Vanhu vanoti: ‘Ndinoedza kuva netsika dzakanaka uye ndinotarisirawo kuti vamwe vave nadzo, asi ndinoziva kuti tose tiri vanhu saka ndinongoita zvandinenge ndakwanisa.’ Tinozvinyengera nokufunga nezvetsika, tichizviti tiri kuita zvakanaka. Tinogarisana nevavakidzani vedu zvakanaka. Asi tinokanganwa nyaya dzinokosha dzakadai sechivi,” akadaro mumwe purezidhendi weSouthern Baptist Theological Seminary anonzi Albert Mohler.

▪ “Vanhu vava kudada nezvinhu zvaimbonyadzisa [zvakadai sezvivi zviya zvinomwe zvakaipisisa]: vabereki vava kukurudzira vana vavo kuti vadade zvichinzi zvinobatsira kuzvikoshesa; boka renyanzvi dzokubika rokuFrance rakateterera Vatican richiti kuruta hachisi chivi. Godo ndiro rinoita kuti vanhu vade kugara vachitevedzera vanhu vakakurumbira. Vanoita zvokushambadzira zvinhu vanoita kuti vanhu vaone sokunge kuti vasaririra, zvoita kuti vanhu vatenge; uye kugumbuka kunonzi hakuna kuipa kana pane akutsamwisa. Dzimwe nguva ndinenge ndichida hangu kugara ndisina zvandiri kuita,” anodaro Nancy Gibbs, mumagazini inonzi Time.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mazuva ano vakawanda vava kuona nyaya yaAdhamu naEvha sengano zvayo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe