Zvaungaita Kuti Ubatsire Shamwari Iri Kurwara
WAKAMBOSHAYA zvokutaura here pawaitaura neshamwari yako yairwara zvokuda kufa? Iva nechokwadi chokuti unogona kukunda dambudziko racho. Ungarikunda sei? Hapana hapo zvinonzi izvi ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwa. Zvimwe zvacho zvingasiyana zvichienderana netsika dzedu. Unhu hwevanhu hungasiyanawo zvikuru. Saka, zvinhu zvingaita kuti mumwe munhu ari kurwara anzwe zviri nani kune mumwe zvingatomuwedzera. Uye zvinhu zvinogona kuchinja zvokuti nhasi anogona kunge achinzwa achifarira chimwe chinhu asi mangwana masamba anenge asiyana.
Saka chinokosha ndechokuti iwe uedze kufungidzira kuti dai uriwe murwere wacho waizoda kuitirwei. Ungazviita sei? Pane mazano mashomanana anotevera anotorwa pane zvinotaurwa neBhaibheri.
Nyatsoteerera
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura.”—JAKOBHO 1:19.
Pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.”—MUPARIDZI 3:1, 7.
◼ Paunenge uchishanyira shamwari inorwara, nyatsoteerera uchimunzwira tsitsi. Usangomhanyira kumupa mazano kana kufunga kuti unofanira kugadzirisa dambudziko racho. Kana ukakurumidza kutaura, ungaerekana wataura zvinhu zvinozomurwadzisa usingafungiri. Shamwari yako iri kurwara inenge isiri hayo kuda kuudzwa kuti ingagadzirisa sei dambudziko racho asi inenge ichida munhu anoteerera nomwoyo wose asina zvimwe zvaari kufunga.
Rega shamwari yako itaure zviri kutsi kwomwoyo wayo. Usamudimbudzira panzira achiri kutaura, nemashoko angaita sokuti urwere hwake hahuna hahwo kunyanya kukura. “Ndakarwara nemeningitis ndikaguma ndisingachaoni,” anodaro Emílio.a “Dzimwe nguva ndinenge ndakaora mwoyo chaizvo, uye shamwari dzangu dzinoedza kundinyaradza dzichiti: ‘Hausiwe woga une matambudziko. Zvako zvitori nani pane zvevamwe.’ Zvisinei, vanenge vasingambozivi havo kuti pavanorerutsa dambudziko rangu, vari kutondikuvadza, zvokuti ndinotozoguma ndaora mwoyo.”
Rega shamwari yako idurure mwoyo wake asingatyi kuti uchamutsoropodza. Kana akakuudza kuti ari kutya, bvuma kuti zvinhu zvakadaro zvinoitika, pane kungomuudza kuti asatya. “Pandinenge ndichitya nezvechirwere changu uye ndoguma ndachema, hazvirevi kuti ndinenge ndisingachavimbi naMwari,” anodaro Eliana, ari kurwara nekenza. Edza kuona shamwari yako sezvairi, kwete sezvaungada kuti ive. Yeuka kuti iye zvino angave ava kukurumidza kugumbuka uye zvaari kuita handizvo zvaagara achiita. Iva nomwoyo murefu. Teerera, kunyange kana ari kuramba achidzokorora zvaakambokuudza. (1 Madzimambo 19:9, 10, 13, 14) Iye angave achinzwa sokuti zviri nani kuti akuudzewo manzwiro aari kuita.
Munzwire tsitsi wofunga zvakamunakira
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Farai nevanhu vanofara; chemai nevanhu vanochema.”—VAROMA 12:15.
“Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—MATEU 7:12.
◼ Imbozvifungidzira uriwe murwere. Kana ari kugadzirira kunovhiyiwa, kana kuti aine marapirwo aari kuitwa, kana kuti akamirira kunzwa zvichabuda pakuongororwa kwaakaitwa, angava asina kusununguka uye achikurumidza kugumbuka. Edza kucherechedza izvi wobva waita zvinoenderana nokuchinja-chinja kwaanenge achiita. Iyi ingasava nguva yakanaka yokubvunza zvakawandisa, kunyanya zvingaita kuti ataure zvakavanzika.
“Rega murwere ataure nezvechirwere chake paanenge achida uye usaita zvokumumanikidza,” anodaro Ana Katalifós, chiremba anoongorora pfungwa. “Paanenge achida kutaura, taura naye nezvenyaya chero ipi zvayo yaanenge achida. Asi kana twakakwidza musi wacho, kungogara naye wakanyarara, uye kungomubata kungatoita kuti anzwe zviri nani. Kana kuti ungatozoona kuti anga achingoda munhu wokudururira matambudziko ake chete.”
Remekedza pfungwa yokuti shamwari yako ingasada kukuudza zvose zvose. Mumwe munyori anonzi Rosanne Kalick, akamborwara nekenza kaviri, anoti: “Paunenge uchibatsira murwere, ingozvitora kuti zvaari kukuudza hazvisi zvokuti iwe wonoudzawo vamwe. Usataura zvaanenge akuudza kunze kwokunge wakumbirwa nemhuri yake. Bvunza murwere wacho kuti ndezvipi zvaangada kuti zvizivikanwe.” Edson, akamborwara nekenza, anoti: “Shamwari yangu yakafambisa shoko rokuti ndaiva nekenza uye kuti ndakanga ndangosarirwa nemazuva mashomanana ndiri mupenyu. Apa ndakanga ndichangobva kuvhiyiwa. Ndaizviziva kuti ndaiva nekenza, asi ndakanga ndichakamirira zvaizobuda pakuongororwa kwandakanga ndaitwa. Kenza yacho yakanga isina hayo kupararira. Asi zvaakanga atotaura zvakandirwadza. Mudzimai wangu akarwadziwa chaizvo nekubvotomoka kwaiitwa nevamwe uye mibvunzo yavaibvunza.”
Kana shamwari yako ichiri kumbofunga kuti yosarudza marapirwo api, usakurumidza kutaura kuti dai uriwe waizoita sei. Mumwe munyori anonzi Lori Hope, akamborwara nekenza anoti: “Usati watanga kutumira mashoko kana kuti nyaya chero dzipi zvadzo kumurwere wekenza kana kuti kune akamborwara nayo, zvakanaka kutanga wabvunza kuti angada here kutumirwa mashoko akadaro. Ukasadaro, kunyange hazvo uine vavariro yakanaka, ungarwadzisa shamwari yako, uye ungasatombozviziva kuti wakamurwadzisa.” Vamwe vanhu havadi havo kupiwa mashoko akawandisa nezvemarapirwo akasiyana-siyana avangaitwa.
Kunyange ungava shamwari yepedyo, usagarisa. Zvinokosha kuti uvepo, asiwo zvingaitika kuti mumwe musi shamwari yako ingava isingadi zvokutaura newe. Angadaro akaneta, asina simba rokutaura kunyange rokuteerera kwenguva yakareba. Asiwo, usamupa pfungwa yokuti uri kumhanya-mhanya. Shamwari yako inofanira kuzviona kuti une hanya nayo.
Kufungawo shamwari yako kunosanganisira kuita zvisarudzo zvakanaka. Somuenzaniso, usati wabikira shamwari yako iri kurwara zvokudya, kana kumuunzira maruva, ungada kutanga wabvunza kuti zvii zvaasingawirirani nazvo. Kana iwe uchirwara, zvichida uine dzihwa, zvingava zvakanaka kumirira kuti utange wapora wozoshanyira shamwari yako.
Iva munhu anovaka
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Rurimi rwevakachenjera runoporesa.”—ZVIREVO 12:18.
“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.”—VAKOROSE 4:6.
◼ Zvauchataura nezvauchaita zvicharatidza kana uine maonero akanaka nezveshamwari yako iri kurwara. Paunofunga nezveshamwari yako, muone somunhu uya ane unhu hwawakafarira uye kuti hapana chachinja paari. Funga nezvake, kwete nezvechirwere chake. Kana ukataura neshamwari yako sezvawaizoita uchitaura nomunhu asina zvaanokwanisa kuita, angatangawo kuzviona saizvozvo. Roberta, uyo ane chirwere chemapfupa chisina kujairika, anoti: “Ndibatei sezvamunongoita munhu wose. Ichokwadi kuti ndakaremara, asi ndine pfungwa uye ndinewo zvandinoda. Musanditarira muchindinzwira tsitsi. Musataura neni somuri kutaura nomunhu asina zvaanoziva.”
Yeuka kuti chinokosha hazvisi zvaunotaura, asi matauriro aunozviita. Kunyange inzwi rako chairo rine zvarinoratidza. Ernesto, uyo akanga achangobva kuudzwa kuti ane kenza, akafonerwa neshamwari yake yaiva kune imwe nyika ichiti: “Handina kumbofungira kuti iwe ungaita kenza!” Ernesto anoti: “Matauriro akaita shamwari yangu shoko rokuti ‘iwe’ nerokuti ‘kenza’ akandivhundutsa uye akandityisa.”
Munyori ambotaurwa nezvake anonzi Lori Hope anopa mumwe muenzaniso achiti: “Kubvunza kuti ‘Wakadini?’ kungareva zvakasiyana-siyana kumurwere. Zvichienderana nematauriro anenge aita ari kubvunza wacho, zvaari kuita muviri wake, kuti ndiani womurwere, vanowirirana zvakadini, uye kuti azvibvunza nguvai, kunganyaradza murwere, kungamurwadzisa, kana kuti kungaita kuti atange kutya.”
Shamwari inenge ichirwara inoda kuona kuti une hanya nayo, unoinzwisisa, uye unoiremekedza. Saka vimbisa munhu wacho kuti anokosha chaizvo kwauri uye kuti unoda kumubatsira chero nguva. Rosemary, mumwe akaita bundu muuropi, anoti: “Kunzwa shamwari dzangu dzichiti dzaindida uye kuti dzaida kundibatsira chero zvodini kwaindikurudzira zvikuru.”—Zvirevo 15:23; 25:11.
Batsira
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Ngatiregei kudanana neshoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.”—1 JOHANI 3:18.
◼ Kubva panoongororwa shamwari yako chirwere chayo kusvikira painozotanga kurapwa zvinhu zvaanenge achida zvinochinja-chinja. Saka panguva yose iyi, anenge achida kubatsirwa. Pane kungotaura kuti “undiudze kana paine chauri kuda,” edza kutaura zvinhu zvacho zvaunoda kuita. Kumutaurira kuti unoda kumubatsira pamabasa anoitwa zuva nezuva akadai sokubika zvokudya, kuchenesa, kuwacha, kuchisa mbatya, kunobhadhara mari dzinoda kubhadharwa, kunotenga, uye kuenda naye kukiriniki kana kuti kuchipatara ndezvimwe zvinhu zvishomanana zvingaratidza kuti une hanya naye. Iva munhu akavimbika uye svika nenguva. Ita zvaunenge wataura, uye zvaunenge wamuvimbisa.—Mateu 5:37.
Munyori ambotaurwa nezvake anonzi Rosanne Kalick anoti, “Zvose zvatinoita, zvingava zviduku kana zvikuru, pakubatsira murwere kuti anaye zvichamuyamura.” Sílvia, mumwe mukadzi akarwara nekenza kaviri, anobvumirana nazvo. “Ndainyaradzwa chaizvo uye kunzwa ndakasununguka shamwari dzangu padzaichinjana kuenda neni kune rimwe taundi kunorapwa zuva nezuva! Tiri munzira, taitaura nyaya dzakasiyana-siyana, uye tava kudzoka, taigara tichimira pane kamwe kashopu kaitengesa kofi. Izvi zvaiita kuti ndione kuti ndakangofananawo nevamwe vanhu vose.”
Asi usaita zvokufungidzira kuti unoziva chaizvo zvinodiwa neshamwari yako. “Mubvunze,” anodaro Kalick. Anowedzera kuti: “Paunenge uchida kubatsira, usabva wamusarudzira. Izvozvo zvingatoita kuti murwere asanzwa zvakanaka. Kana ukandiitira zvose zvose, ungaita souri kuti hapana chandichiri kugona kuita. Ndinoda kuziva kuti ndichine zvandinokwanisawo kuita. Handifaniri kuona sokuti handichabatsiri. Ndibatsire kuita zvandinogona.”
Kazhinji shamwari yako inenge ichida kuziva kuti ine zvainogona kuita. Adilson, uyo ane AIDS, anoti: “Kana uchirwara, haudi kunzwa sokuti waraswa, sezvinonzi hapachina chauchabatsira kana chauchatombokwanisa kuita. Unenge uchida kubatsirawo, kunyange kungoitawo mabasa maduku. Zvinonakidza kuziva kuti uchine zvaunokwanisa kuita! Zvinokukurudzira kuti urambe uchirarama. Ndinofarira kuti vanhu vandirege ndichisarudza zvandinoda, voremekedza zvandinenge ndasarudza. Kurwara hakurevi kuti handichakwanisi kuita zvandinofanira kuita sababa, amai, kana kuti zvimwewo.”
Ramba uine ushamwari hwepedyo
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—ZVIREVO 17:17.
◼ Kana usingakwanisi kushanyira shamwari yako nokuti unogara kure kana kuti kana paine zvimwewo zvinokutadzisa, unogona kumufonera kuti mungotaura seshamwari, kumunyorera katsamba, kana kuti kutumira tsamba dzepakombiyuta. Unganyora nezvei? Alan D. Wolfelt, chipangamazano wevanhu vanenge vachishungurudzika, anoti: “Funga nezvokunakidzwa kwamaimboitwa. Muvimbise kuti uchakurumidza kumunyorerazve wobva waita zvaunenge wataura.”
Usarega kukurudzira shamwari yako inenge ichirwara, uchityira kuti ungataura zvinhu zvisizvo kana kukanganisa chimwe chinhu. Kakawanda kuvapo kwako ndiko kunonyatsokosha. Lori Hope akanyora mubhuku rake kuti: “Tose zvedu pane patinomboerekana tataura zvinhu zvingatadza kunzwisiswa kana kuti zvingarwadzisa mumwe munhu tisingafungiri. Hapasi ipo pane dambudziko. Dambudziko rinouya kana ukanyanya kutya kukanganisa zvokubva wagarira kure nomunhu anenge achikuda pedyo.”
Shamwari inenge ichirwara zvokuda kufa ingada kugara ichikuona kupfuura zvayaimboita. Ratidza kuti uri “shamwari yechokwadi.” Kumubatsira kwaunoedza kuita kungasaita kuti marwadzo ake apere, asi unokwanisa kuita kuti munhu waunoda atsungirire dambudziko rakaoma.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.