RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 January pp. 28-30
  • Ndinofanira Kumhan’arira Shamwari Yangu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kumhan’arira Shamwari Yangu Here?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndotaura Here Kana Kuti Ndorega?
  • “Nguva Yokutaura”
  • Zvinoreva Kuti Wava Mutengesi Here?
  • Ndinofanira Kuitei Kana Shamwari Ikapinda Muchinetso?
    Mukai!—1996
  • Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?
    Mukai!—2000
  • Zvaungaita Kuti Ubatsire Shamwari Iri Kurwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 January pp. 28-30

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndinofanira Kumhan’arira Shamwari Yangu Here?

“Zvakanga zvakaoma chaizvo. Aiva shamwari yangu yepamwoyo.”​—James.a

“Pakutanga zvinhu zvakanga zvashata. Shamwari dzangu dzakanga dzisisandidi nokuti ndakanga ndadzimhan’arira.”​—Ann.

BHAIBHERI rinoti: “Kune shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” (Zvirevo 18:24) Une shamwari yakadaro here? Kana zvakadaro, une chimwe chinhu chinokosha.

Zvakadini kana shamwari yako yaunonamata nayo yakaita zvakaipa? Somuenzaniso, ko kana yakaita unzenza, yakasvuta fodya, yakanwa doro pazera risingabvumirwi, yakashandisa madhiragi zvisina kukodzera, kana kuti yakaita chimwe chivi chakakomba? (1 VaKorinde 6:9, 10; 1 Timoti 1:9, 10) Unofanira kuitei? Kumuudza here kuti unozviziva? Kuudza vabereki vako here? Kuudza vabereki vake here? Kuudza mukuru womuungano yenyu here?b Ko ukazvitaura chii chinozoitika kuushamwari hwenyu? Zvingava zvakanaka kubata muromo wako here?

Ndotaura Here Kana Kuti Ndorega?

Munhu wose anokanganisa. Zvechokwadi, Bhaibheri rinoti: “Vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Zvisinei, vamwe vanoita zvivi zvakakomba. Vamwe ‘vanodarika’ zvokuti vakaregwa vakadaro vangapinda mune mamwe matambudziko. (VaGaratiya 6:1) Funga nezvenyaya yakanyatsoitika inotevera.

◼ Mumwe muKristu wechiduku anonzi Susan akaziva kuti shamwari yake yaivawo muKristu, yaiva nemapikicha airatidza zvounzenza paIndaneti uye mimhanzi ine mashoko anonyadzisira.

Chimbofunga nezveizvi: Kudai uriwe Susan waizoitei? Pane zvawaizoita here? Kana kuti waizongoti zvinoitwa neshamwari yako paIndaneti ndezvake oga hazvinei nomumwe munhu? Kudai Susan aizouya kuzokubvunza mazano, waizomuudza kutii?

․․․․․

Zvakaitwa naSusan: Pashure pokufungisisa nyaya yacho, Susan akafunga kuudza vabereki veshamwari yake. Anoti, “Ndaitya kuvaudza, nokuti ndinowirirana navo chaizvo. Zvainge zvakaoma chaizvo zvokuti ndakatanga kuchema.”

Unofungei? Susan akagona here? Kana kuti zvaiva nani kudai akaramba akanyarara?

Kukubatsira kunyatsofungisisa nezvenyaya yacho, hezvino zvimwe zvaungada kufunga nezvazvo:

Shamwari chaiyo ingaitei? Zvirevo 17:17 inoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” Kana mumwe munhu akaita zvinopesana nemitemo yeBhaibheri, munhu iyeye anenge ari ‘mudambudziko,’ achiziva kana kuti asingazivi. Kunyange zvazvo kuri kukanganisa ‘kunyanya kuva akarurama’ nokungoti nangananga netwunhu tuduku, shamwari chaiyo hainyarari panenge paitwa zvakaipa. (Muparidzi 7:16) Hazviiti kuita sepasina chakaitika.—Revhitiko 5:1.

Zvakadini dai waiva mubereki? Zvibvunze kuti: ‘Kudai ndaiva mubereki ane mwanakomana kana mwanasikana ane mapikicha anoratidza zvounzenza paIndaneti, ndaizoda kuziva nezvazvo here? Ndaizonzwa sei kudai mwana wangu aiva neshamwari yaiziva zviri kuitika asi yorega kunditaurira?’

Zvakadini nemitemo yaMwari? Kana zvichinzi pane zvinofanira kuitwa, hakungambovi kunyarara. Pane kunyarara, unofanira kuomerera patsika dzinodiwa naMwari dziri muBhaibheri. Kutaura zvazviri, ukatsigira zvakarurama unoita kuti mwoyo woMusiki wako ufare. (Zvirevo 27:11) Uyezve, unonzwa kuti wakaita zvakanaka nokuti unenge uchiziva kuti wakaita zvakanakira shamwari yako.—Ezekieri 33:8.

“Nguva Yokutaura”

Bhaibheri rinoti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Vana vaduku kazhinji havawanzozivi zvokuita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Kana shamwari yaita zvakaipa, vanofunga kuti: ‘Handidi kuti shamwari yangu ipinde mutsekwende’ kana kuti ‘Handidi kuzotosvorana neshamwari yangu.’ Kudai zviri izvo chete zvokufunga nezvazvo, zvaizova nyore kugumisa kuti, iyi yaizova “nguva yokunyarara.”

Zvisinei, sezvaunokura unotanga kuona zvinhu izvi somunhu mukuru. Unoziva kuti shamwari yako yatova mudambudziko uye inoda kubatsirwa, zvimwe ndiwe ungamubatsira. Asi ungaitei kana ukaziva kuti shamwari yako yatyora mitemo yeBhaibheri?

Chokutanga, iva nechokwadi chokuti zvawakanzwa ndezvechokwadi. Ringangova guhwa zvaro. (Zvirevo 14:15) Imwe mhandara inonzi Katie inoyeuka kuti: “Shamwari yangu yakatanga kundiitira makuhwa, uye vanhu vandaiva pedyo navo vakafunga kuti zvaaitaura chaiva chokwadi. Ndakatya chaizvo kuti hapana aizombobvuma zvandaitaura!” Bhaibheri rakafanotaura kuti Jesu aisazo“tsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake,” kana kuti sezviri muContemporary English Version, “haazoteereri makuhwa.” (Isaya 11:3) Unodzidzei? Usakurumidze kufungira kuti zvose zvaunenge wanzwa ichokwadi. Edza kutsvaka umboo. Chimbofunga nezvezvakanyatsoitika zviri pasi apa.

◼ James ambotaurwa nezvake patangira nyaya ino, akanzwa kuti shamwari yake, tsika nditsikewo, yainge yashandisa madhiragi kupati.

Chimbofunga nezveizvi: Kudai uriwe James waizoitei? Ungaziva sei kana zvawakanzwa zviri zvechokwadi?

․․․․․

Zvakaitwa naJames. Pakutanga James akaita sepasina zvaakanga anzwa uye zvaaiziva. Anoti, “Hana yangu yakatanga kundinetsa. Ndaiziva kuti ndaifanira kutaura neshamwari yangu nezvenyaya yacho.”

Unofungei? Zvakanakirei kutanga wataura nemunhu anenge achifungidzirwa kuti akaita zvakaipa?

․․․․․

Kana zvakakuomera kutaura nemunhu wacho nezvenyaya yacho, ndezvipi zvimwe zvaungaita?

․․․․․

Shamwari yaJames yakabvuma kuti yakanga yashandisa madhiragi payaiva kupati. Asi yakateterera James kuti asaudza chero ani zvake nezvenyaya yacho. James aida kuita zvakanaka. Asi aidawo kuti shamwari yake iitewo zvakanaka. Saka akamuudza kuti aizomupa vhiki imwe kuti anoudza vakuru vomuungano yake. Kana aisazonovaudza, James aizonovaudza.

Unofunga kuti James akagona here? Nei uchifunga kuti akagona kana kuti kwete?

․․․․․

Shamwari yaJames haina kuenda kuvakuru, saka James akanotaura nyaya yacho. Nokufamba kwenguva shamwari yake yakapengenuka. Akabatsirwa nevakuru kuti anzwisise kukosha kwokupfidza uye kuvazve noukama hwakanaka naJehovha.

Zvinoreva Kuti Wava Mutengesi Here?

Kunyange zvakadaro ungabvunza kuti: ‘Kana ndikamhan’arira shamwari yangu handizovi mutengesi here? Hazvingavi nyore here kuita sepasina chandinoziva?’ Zvikange zvadaro ungaitei?

Kutanga, ziva kuti, kakawanda kuita zviri nyore hakurevi kuti une rudo uye kuratidza kuti une rudo hakusi nyore. Zvinoda kushinga kuti utaure zvakaipa zvinenge zvaitwa neshamwari yako. Wadii kunyengetera kuna Mwari nezvenyaya yacho? Mukumbire kuti uve nouchenjeri noushingi uye achakubatsira.—VaFiripi 4:6.

Chechipiri, funga kuti kutaura zvinenge zvaitwa neshamwari yako kuchaibatsira sei. Ngatitii iwe neshamwari yako muri kufamba pamawere, shamwari yako yobva yatsvedza, yokoromokera zasi zasi. Zviri pachena kuti shamwari yako inoda kubatsirwa. Nemhaka yokunyara, zvakadini kana akakuudza kuti angasva hake akwira oga mawere iwayo. Ungamusiye achiita izvozvo here achiisa upenyu hwake pangozi?

Zvakafanana nezvinoitika kana shamwari yako ikatsauka kubva pamararamiro echiKristu. Munhu akadaro angafunga kuti anogona kuvazve noukama hwakanaka naMwari asina kubatsirwa. Asi ihwohwo upenzi. Chokwadi, shamwari yako inganyara nezvinenge zvaitika. Asi kukumbira kuti mumwe munhu abatsire shamwari yako kungaponesa upenyu hwayo!—Jakobho 5:15.

Naizvozvo, usatya kutaura kana shamwari yako yakaita zvakaipa. Nokuita kuti ibatsirwe, unenge uchiratidza kuti wakavimbika kuna Jehovha Mwari uye kushamwari yako, iyo nerimwe zuva ingazokutenda kuti wakaibatsira chaizvo.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

b Musangano reZvapupu zvaJehovha mune vakuru vanobatsira pane zvokunamata vaya vanenge vaita chivi chakakomba.—Jakobho 5:14-16.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Kutaura zvakaipa zvakaitwa neshamwari yako kungaratidza sei kuti wakavimbika kwairi?

◼ Ndevapi vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaungafunga nezvavo vakasangana nomuedzo wokuvimbika kushamwari? Ungadzidzei kwavari?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kana shamwari yako ikatsauka pakunamata, somunhu awa, unofanira kuva nechokwadi chokuti yabatsirwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe