Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Mwari Ane Paakatangira Here?
▪ Bhaibheri rinopindura kuti Mwari haana paakatangira. Mwari agara ariko. Kunyange hazvo pfungwa yokuti Mwari haana paanogumira yakaoma kunzwisisa, hazvirevi kuti haisi yechokwadi.
Zvine musoro here kuti titarisire kunzwisisa zvose zvinoitwa naMwari? Muapostora Pauro akati: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!” (VaRoma 11:33) Kungofanana nezvinoita kacheche kasingagoni kunzwisisa zvose zvinoitwa nevabereki vako, pfungwa dzedu hadzikwanisi kunzwisisa kudzama kwakaita uchenjeri uye zivo yaMwari. Mashoko aya akafuridzirwa aPauro, kunyange hazvo achinyanya kutaura nezvekukwirira kwakaita uchenjeri uye mutsa waMwari, anoratidza kuti pane zvimwe zvinhu nezvaJehovha Mwari uye zvaanoita zvakaomera pfungwa dzedu kuti dzinzwisise. Zviri pachena kuti nyaya yokuti Mwari haana paakatangira ndeimwe yacho. Asi tinogona kuvimba nomwoyo wose nezvinodzidziswa neBhaibheri nezvaMwari. Jesu Kristu paaitaura nezvezvinyorwa zvitsvene akati: “Shoko renyu ichokwadi.”—Johani 17:17.
Mosesi paainyengetera kuna Jehovha akati: “Muri Mwari asina mavambo, asinawo magumo.” (Pisarema 90:2, Bhaibheri Rinoera) Pano Mosesi anorondedzera zvakaita Mwari nenzira mbiri. Yokutanga ndeyokuti acharamba aripo. Jehovha ndiye “anorarama nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 4:10) Saka Mwari acharamba aripo kusvikira nokusingaperi. Nzira yechipiri ndeyokuti haana kwaakatangira. Izvi zvinoreva kuti Mwari haana kusikwa uye haana paakatangira. Saka Mwari haana mavambo.
Vakawanda vedu tinoomerwa nokunzwisisa zvinhu zvisina kujeka. Asi dzimwe nguva pane zvimwe zvinhu zvakaoma zvatinoita, zvakadai sokuverenga nhamba tichienda mberi kana kumashure. Kuverenga nhamba hakugumi, tinongoenda nakuenda, kungava kuverenga tichienda mberi kana shure. Hazvingaiti here kuti tienzanise izvi nemakore oMusiki?
Ndokusaka zvakakodzera kuti Mwari chete ave nezita rokuti “Mambo asingagumi.” (1 Timoti 1:17) Chimbofunga izvi: Jesu Kristu, zviuru nezviuru zvengirozi dziri kudenga, uye vanhu vari panyika vose vane pavakatangira nokuti vakasikwa. (VaKorose 1:15, 16) Handizvo zvakaita Mwari. Kusimbirira pakuti Mwari anofanira kunge akasikwa kuchapedzisira kwaita kuti tibvunze mubvunzo usina basa uchangoita kuti titenderere musoro wokuti iye wacho akasika Musiki ndiani. Jehovha chete ndiye akagara aripo “kubvira narini kusvikira narini.” (Pisarema 90:2) Tinogona kuti, Jehovha akagara ariko “mukusingagumi kwose kwakapfuura.”—Judha 25.
Kunyange zvakadaro, yeuka kuti nyaya yokuti Mwari hapana paakatangira uye hapana paachagumira inyaya inotobata-bata vanhu. Kunyatsoongorora munyengetero waMosesi kunoratidza kuti kusaguma kunoita Mwari kunoita kuti tive nechokwadi nezvechipikirwa chake chokuti achatipa upenyu husingaperi. Kusiyana neupenyu hupfupi hwatinorarama, Mwari anorondedzerwa se“nzvimbo yedu yokugara chaiyo kwezvizvarwa nezvizvarwa.” SaBaba vane rudo, Jehovha agara achitarisira vanhu vake, achiri kungodaro uye acharamba achidaro. Dai ukanyaradzwa nemashoko iwayo echokwadi anoshamisa!—Pisarema 90:1.