RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 8/1 p. 15
  • Ndiani Akasika Mwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Akasika Mwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Ane Paakatangira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Musiki Anogona Kuwedzera Zvinoreva Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Musiki Wedu Mukuru Ane Hanya Nesu!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Tinogona Kurarama Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 8/1 p. 15
Chikamu chidiki chenyeredzi nezvimwe zvakasikwa zviri muchadenga

VAVERENGI VANOBVUNZA KUTI . . .

Ndiani Akasika Mwari?

Funga nezvababa vari kutaura nemwanakomana wavo ane makore 7. Vanoti: “Kare-kare, Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi, uye akasika zuva, mwedzi, nenyeredzi.” Mukomana wacho anofunga nezvazvo kwekanguva, obvunza kuti, “Baba, ndiani akasika Mwari?”

Baba vacho vanoti, “Hapana akasika Mwari. Akangogara aripo.” Mhinduro iyoyo iri nyore inogutsa mwana wacho. Asi paanenge achikura, mubvunzo wacho unoramba uchimunetsa. Anotadza kunzwisisa kuti pane asina paakatangira here. Inga zvinhu zvose zvine pazvakatangira. Anonetseka kuti, ‘Mwari akabva kupi?’

Bhaibheri rinotii? Rinotaura zvinoenderana nezvataurwa nababa vemumuenzaniso wedu. Mosesi akanyora kuti: “Haiwa Jehovha, . . . makomo asati aberekwa, kana kuti musati mabereka pasi nenyika inobereka zvibereko, . . . muri Mwari kubvira narini kusvikira narini.” (Pisarema 90:1, 2) Muprofita Isaya akanyorawo kuti: “Hausati waziva here kana kuti hauna kunzwa here? Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, ndiMwari nokusingagumi”! (Isaya 40:28) Saizvozvowo, rugwaro rwaJudha runoratidza kuti Mwari agara aripo nokusingaperi.—Judha 25.

Magwaro aya anotiratidza kuti Mwari ndi“Mambo asingagumi,” sezvakarondedzerwa nemuapostora Pauro. (1 Timoti 1:17) Izvi zvinoratidza kuti Mwari akangogara aripo, haana paakatangira patingafungidzira. Uye achangoramba aripo. (Zvakazarurwa 1:8) Izvozvo ndizvo zvakaita Mwari Wemasimbaose.

Nei izvi zvichitiomera kunzwisisa? Upenyu hwedu hupfupi saka maonero atinoita nguva akasiyana zvachose neaJehovha. Makore 1 000 akaita sezuva rimwe chete kuna Mwari nekuti iye haana mavambo kana magumo. (2 Petro 3:8) Kuenzanisira: Hwiza, iyo inorarama kwemazuva anenge 50 chete, inganzwisisa here kureba kwakaita upenyu hwedu, hwemakore 70 kana 80? Haingambokwanisi! Bhaibheri rinotsanangura kuti takaita sehwiza kana tichienzaniswa neMusiki wedu Mukuru. Uye mafungiro edu ari pasi chaizvo pane ake. (Isaya 40:22; 55:8, 9) Saka hazvishamisi kuti pane zvimwe zvatisinganyatsonzwisisi nezvaJehovha.

Kunyange zvazvo pfungwa yekuti Mwari haana mavambo nemagumo ichioma kunzwisisa, tinogona kuona kuti ine musoro. Kudai paiva neakasika Mwari, ndiye aizova Musiki. Asi Bhaibheri rinotsanangura kuti Jehovha ndiye “akasika zvinhu zvose.” (Zvakazarurwa 4:11) Uye tinoziva kuti zvinhu zvose zvakambenge zvisipo. (Genesisi 1:1, 2) Zvakabva kupi? Musiki wazvo aifanira kunge aripo zvisati zvasikwa. Akanga aripo pasati pava nezvisikwa zvakangwara zvakadai seMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga uye ngirozi. (Jobho 38:4, 7; VaKorose 1:15) Zviri pachena kuti akanga ari ega pasati pava nechimwe chinhu. Haanganzi akasikwa nokuti hapana chakanga chiripo chaizomusika.

Kuvapo kwedu uye kwezvinhu zvose, kunoratidza kuti kuna Mwari asingagumi. Musiki wezvinhu zvose, uyo akaisa mitemo inoita kuti zvishande zvakanaka, anofanira kunge akagara ariko. Hapana mumwe kunze kwake aigona kupa zvinhu zvose upenyu.—Jobho 33:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe